Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu airevei paakaudza vadzidzi vake kuti: “Ndatotanga kuona Satani atowa semheni inobva kudenga”?

Jesu akanga achangobva kusarudza vadzidzi 70, ndoku“vatuma vaviri vaviri mumaguta ose nenzvimbo kwaaizouya iye.” Vadzidzi vacho 70 pavakadzoka, vakanga vachifarira kubudirira kwebasa ravo. “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu nokushandisa zita renyu,” vakadaro. Pane izvozvo, Jesu akati: “Ndatotanga kuona Satani atowa semheni inobva kudenga.”—Ruka 10:1, 17, 18.

Pakutanga, zvingaita sokuti Jesu akanga achitaura chinhu chakanga chatoitika. Asi, makore 60 pashure pokunge Jesu ataura mashoko ari pamusoro apa, muapostora Johani akanga akwegura akashandisa mashoko akafanana, paakanyora kuti: “Dhiragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa; akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe naye.”—Zvakazarurwa 12:9.

Johani paakanyora mashoko iwayo, Satani akanga achiri kugara kudenga. Tinoziva sei? Nokuti Zvakazarurwa ibhuku rouprofita, kwete renhau. (Zvakazarurwa 1:1) Saka, muzuva raJohani, Satani akanga asati akandirwa pasi pano. Kutaura zvazviri, uchapupu hunoratidza kuti izvi hazvina kuitika kusvikira nguva pfupi pashure pokunge Jesu agadzwa pachigaro saMambo woUmambo hwaMwari muna 1914. *Zvakazarurwa 12:1-10.

Saka, nei Jesu akataura nezvokudzingwa kwaSatani kudenga sokunge kuti kwakanga kwatoitika? Dzimwe nyanzvi dzinoti Jesu akanga achitsiura vadzidzi vake nokuda kwokudada kusina kururama. Vaidavira kuti, chaizvoizvo, akanga achiti: ‘Makakunda madhimoni, asi musazvikudza. Satani akadada, uye zvakaita kuti atsauke nokukurumidza.’

Hatigoni kutaura kuti ndizvo zvazvaiva chaizvo. Zvisinei, sezvingabvira zvinoita sokuti Jesu akanga achifara nevadzidzi vake uye achitaura nezvokuparadzwa kwaSatani munguva yemberi. Jesu ainyatsoziva nezvoruvengo runotyisa rwaDhiyabhorosi kupfuura vadzidzi vake vose. Chimbofungidzira kufara kwakaita Jesu paakanzwa kuti madhimoni ane simba akanga azviisa pasi pevadzidzi vake vasina kukwana! Uku kukundwa kwemadhimoni kwaingova kufanoratidzwa kwezuva remberi apo Jesu, saMikayeri ngirozi huru, acharwa naSatani kwava kumukandira pasi pano.

Jesu paakati aiona Satani “atowa,” zviri pachena kuti akanga achisimbisa kuwa kwaSatani chaiko. Izvi zvakafanana nohumwe uprofita hweBhaibheri hunotaura nezvezviitiko zvenguva yemberi sezvakatoitika. Somuenzaniso, ona mataurirwo ezvinhu zvakatoitika nezvichaitika omuuprofita hune chokuita naMesiya pana Isaya 52:13–53:12. Zvichida Jesu akanga achiratidza chivimbo chokuti kudzingwa kwaSatani kudenga kwaizoitika maererano nechinangwa chaBaba Vake. Jesu aivawo nechokwadi chokuti munguva yaMwari yakakodzera, Satani nemadhimoni ake vaizokandwa mugomba rakadzika-dzika uye gare gare vozoparadzwa zvachose.—VaRoma 16:20; VaHebheru 2:14; Zvakazarurwa 20:1-3, 7-10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, chitsauko 10, uye Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! chitsauko 27, akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.