Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raNumeri

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raNumeri

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raNumeri

VACHANGOBUDA muIjipiti, vaIsraeri vakarongwa kuva rudzi. Nguva pfupi gare gare, vangadai vakapinda muNyika Yakapikirwa, asi havana. Pane kudaro, vaifanira kudzungaira kwemakore makumi mana vari “murenje guru rinotyisa.” (Dheuteronomio 8:15) Nei? Nhoroondo iri mubhuku reBhaibheri raNumeri inotiudza zvakaitika. Inofanira kuita kuti tione kukosha kwokuteerera Jehovha Mwari uye kuremekedza vamiririri vake.

Bhuku raNumeri rakanyorwa naMosesi murenje uye paMapani eMoabhi, rinotaura nezvenguva yemakore 38 nemwedzi 9—kubva muna 1512 B.C.E. kusvika muna 1473 B.C.E. (Numeri 1:1; Dheuteronomio 1:3) Zita raro rinobva pakuverengwa kuviri kwevaIsraeri, kwakaparadzana nemakore 38. (Zvitsauko 1-4, 26) Nhoroondo yacho yakakamurwa kuva zvikamu zvitatu. Chikamu chokutanga chinorondedzera zviitiko zvakaitika paGomo reSinai. Chechipiri chinotaura zvakaitika panguva yaidzungaira Israeri murenje. Uye chikamu chokupedzisira chinotaura zviitiko zvepaMapani eMoabhi. Sezvaunoverenga nhoroondo iyi, ungada kuzvibvunza kuti: ‘Zviitiko izvi zvinondidzidzisei? Mubhuku rino mune zvingandibatsira here nhasi?’

PAGOMO RESINAI

(Numeri 1:1–10:10)

Kuverenga vanhu kwokutanga pakuviri kwacho kunoitika vaIsraeri pavanenge vachiri mujinga meGomo reSinai. Vanhurume vane makore 20 zvichikwira, kusiya kwevaRevhi, vanosvika 603 550. Zviri pachena kuti kuverenga vanhu kwacho kuri kuitirwa zvinangwa zvehondo. Musasa wose, kusanganisira vakadzi, vana, uye vaRevhi, vangasvika vanhu vanopfuura mamiriyoni matatu.

Kuverenga kwacho kwapera, vaIsraeri vanopiwa mirayiridzo ine chokuita nokufamba kune nhevedzano, mashoko ane chokuita nemabasa evaRevhi uye basa repatebhenekeri, mirayiro yokuti munhu ambogara kwake oga kana aine chirwere chinotapukira, uye mitemo ine chokuita negodo uye mhiko dzaiitwa nevaNaziri. Chitsauko 7 chine mashoko pamusoro pezvinopiwa zvaipiwa nemachinda edzinza maererano nokutsaurirwa kweatari, uye chitsauko 9 chinotaura nezvokuchengetwa kwePaseka. Ungano yacho inopiwawo mirayiridzo yokumisa musasa neyokuuputsa.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:1, 2—Chii chaiva “zviratidzo” zvaifanira kukombwa nemadzinza matatu paaidzika musasa murenje? Bhaibheri haritsananguri kuti zviratidzo zvacho zvaiva chii. Zvisinei, zvakanga zvisingaonekwi sezviratidzo zvitsvene kana kuti kupiwa ukoshi hwezvechitendero. Zviratidzo zvacho zvaishandisirwa chinangwa chinobatsira—kuyamura munhu kuti awane nzvimbo yake yakakodzera mumusasa.

5:27—Chii chinorehwa ‘nokutetepa kwechidya’ chomudzimai ane mhosva youpombwe? Shoko rokuti ‘chidya’ rinoshandiswa pano kuratidza nhengo dzokubereka nadzo. (Genesi 46:26) ‘Kutetepa’ kwacho kunoratidza kupera basa kwenhengo idzi, zvokuti kubata pamuviri kwaisazobvira.

Zvatinodzidza:

6:1-7. VaNaziri vaifanira kurega kunwa zvibereko zvemazambiringa uye zvinwiwa zvose zvinodhaka, zvichida kuzviramba. Vaifanira kurega bvudzi ravo richireba—chiratidzo chokuzviisa pasi paJehovha, sokungozviisa pasi kunoita vakadzi kuvarume vavo kana kuti vanababa vavo. VaNaziri vaifanira kuramba vakachena nokusaswedera pedyo nechitunha chero chipi, kunyange chehama yepedyo. Nhasi vashumiri venguva yakazara vanoratidza pfungwa yokuzvipira kana tichitaura nezvokuzviramba uye kuzviisa pasi paJehovha nourongwa hwake. Mamwe mabasa angasanganisira kuenda kunyika iri kure, zvingatoita kuti zviome kana kuti zvisabvira kudzokera kumusha kumariro omumwe womumhuri.

8:25, 26. Kuti vaite basa revaRevhi zvakanaka, uye vachifunga nezvezera ravo, varume vakuru vairayirwa kuti verege kuita basa rokumanikidzwa. Zvisinei, vaigona kuzvipira kubatsira vamwe vaRevhi. Kunyange zvazvo nhasi zvisingazombonzi munhu ngaachirega hake kuva muparidzi woUmambo nechikonzero chezera, zvinorehwa nomutemo uyu chidzidzo chinokosha. Kana muKristu asingagoni kuita mamwe mabasa nemhaka yokukwegura, angaita basa raanokwanisa.

KUTAMA-TAMA MURENJE

(Numeri 10:11–21:35)

Gore riri pamusoro petebhenekeri parinosimuka pakupedzisira, vaIsraeri vanotanga kufamba kuchavasvitsa kumapani eMoabhi pashure pemakore 38 nomwedzi mumwe kana kuti miviri. Ungaona zvichibatsira kutevera nzira yavo pamepu iri papeji 9 yebhurocha rinonzi “Ona Nyika Yakanaka,” rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Panzira yokuenda Kadheshi, muRenje reParani, vanonyunyuta kanenge katatu. Kwokutanga kunoguma Jehovha paanotumira moto kuti uparadze vamwe vavanhu vacho. Zvadaro vaIsraeri vanochemera nyama, uye Jehovha anovapa zvihuta. Kunyunyutira Mosesi kwaMiriami naAroni kunoguma kwaita kuti Miriami ave nemaperembudzi kwekanguva.

Vakadzika musasa paKadheshi, Mosesi anotumira varume 12 kunosora Nyika Yakapikirwa. Vanodzoka kwapera mazuva 40. Vachitenda mushumo wakaipa wevasori gumi, vanhu vanoda kutaka nematombo Mosesi, Aroni, uye vasori vakatendeka, Joshua naKarebhi. Jehovha anotaura nezvokurova vanhu nedenda, asi Mosesi anovareverera, uye Mwari anozivisa kuti vachadzungaira murenje kwemakore 40—kusvikira vaya vakaverengwa vafa.

Jehovha anopa mimwe mirayiro. Kora nevamwe vanopandukira Mosesi naAroni, asi vapanduki vacho vanoparadzwa nemoto kana kuti vanomedzwa nepasi. Mangwana acho ungano yose inogunun’unira Mosesi naAroni. Izvi zvinoguma nokufa kwevanhu 14 700 nedenda rinobva kuna Jehovha. Kuti kusarudza kwake mupristi mukuru kuzivikanwe, Mwari anoita kuti tsvimbo yaAroni itungire. Zvadaro Jehovha anopa mimwe mitemo ine chokuita nezvinosungirwa vaRevhi uye kucheneswa kwevanhu. Kushandiswa kwemadota emhou tsvuku kunofanofananidzira kucheneswa kuburikidza nechibayiro chaJesu.—VaHebheru 9:13, 14.

Vanakomana vaIsraeri vanodzokera kuKadheshi, kunofira Miriami. Ungano yacho inonyunyutirazve Mosesi naAroni. Nokuda kwei? Hapana mvura. Nemhaka yokuti Mosesi naAroni vanotadza kutsvenesa zita raJehovha paanogovera mvura nenzira inoshamisa, vanorasikirwa nomukana wokupinda muNyika Yakapikirwa. Israeri anotama muKadheshi, uye Aroni anofira paGomo reHori. Pavanopoterera Edhomu, vaIsraeri vanoneta vobva vapopotera Mwari naMosesi. Jehovha anotumira nyoka dzine uturu kuti avarange. Mosesi anovarevererazve, uye Mwari anomurayira kuti agadzire nyoka yemhangura oiturika padanda kuitira kuti vaya varumwa vaporeswe nokuitarira. Nyoka yacho inofananidzira kurovererwa kwaJesu Kristu kuti isu tibatsirwe nokusingaperi. (Johani 3:14, 15) Israeri inokunda Madzimambo evaAmori, Sihoni naOgi ndokutora nyika yavo.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

12:1—Nei Miriami naAroni vakanyunyutira Mosesi? Zviri pachena kuti chikonzero chaicho chokunyunyuta kwavo chaiva chokuti Miriami aida simba guru. Zipora, mudzimai waMosesi paakauya kuzogara naye murenje, Miriami angadaro akatya kuti aisazoramba achionekwa somukadzi aitungamirira mumusasa.—Eksodho 18:1-5.

12:9-11—Nei Miriami ari iye oga akarohwa nemaperembudzi? Zvichida ndiye akatanga kunyunyuta kwacho ndokunyengetedza Aroni kuti abatane naye. Aroni akaratidza mafungiro akanaka nokureurura chakaipa chake.

21:14, 15—Chii chaiva bhuku rinotaurwa pano? Magwaro anotaura nezvemabhuku akasiyana-siyana aishandiswa nevanyori veBhaibheri kutora mashoko. (Joshua 10:12, 13; 1 Madzimambo 11:41; 14:19, 29) “Bhuku yeHondo dzaJehovha” raiva bhuku rakadaro. Raiva nenhoroondo yehondo dzevanhu vaJehovha.

Zvatinodzidza:

11:27-29. Mosesi anopa muenzaniso wakanakisisa pamusoro pezvatingaita vamwe pavanowana ropafadzo mubasa raJehovha. Pane kuzvitsvakira kukudzwa nenzira yegodo, Mosesi akafara Eridhadhi naMedhadhi pavakatanga kuita sevaprofita.

12:2, 9, 10; 16:1-3, 12-14, 31-35, 41, 46-50. Jehovha anotarisira vanamati vake kuti varemekedze chiremera chakapiwa naMwari.

14:24. Chinhu chinokosha pakudzivisa kudzvinyirira kwenyika kwokuti uite zvakaipa, kuva “nomumwe mweya” kana kuti mafungiro. Anofanira kuva aya akasiyana neenyika.

15:37-41. Mupendero wakasiyana nemimwe wenguo dzevaIsraeri waiitirwa kuvayeuchidza kuti vaiva vanhu vakatsaurwa kuti vanamate Mwari uye kuti vateerere mirayiro yake. Hatifaniriwo here kurarama maererano nezvinodiwa naMwari tova vakasiyana nenyika?

PAMAPANI EMOABHI

(Numeri 22:1–36:13)

Vanakomana vaIsraeri pavanodzika misasa pamapani eMoabhi, vaMoabhi vanovatya kwazvo. Naizvozvo, Mambo Bharaki weMoabhi anobhadhara Bharami mari kuti atuke vaIsraeri. Asi Jehovha anomanikidza Bharami kuvakomborera. Vakadzi vechiMoabhi neMidhiani vanobva vashandiswa kukwezvera varume vaIsraeri muunzenza uye kunamata zvidhori. Somugumisiro, Jehovha anoparadza vaiti vezvakaipa 24 000. Pakupedzisira denda racho rinoguma apo Finiyasi anoratidza kuti haashiviriri kukwikwidzana naJehovha.

Kuverenga vanhu kwechipiri kunoratidza kuti varume vose vakaverengwa pakutanga havasisiri vapenyu, kunze kwaJoshua naKarebhi. Joshua anonzi atsive Mosesi. VaIsraeri vanopiwa mirayiridzo yezvinopiwa zvakasiyana-siyana neyokuita mhiko. Vanhu veIsraeri vanotsiva vaMidhiani. Rubheni, Gadhi, uye hafu yedzinza raManase vanogara kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani. Israeri anopiwa mirayiridzo yokuyambuka Jodhani ndokutora nyika yacho. Miganhu yenyika yacho inonyatsorondedzerwa. Nhaka inosarudzwa nemijenya. VaRevhi vanopiwa maguta 48, uye 6 awo anofanira kuva maguta outiziro.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

22:20-22—Nei Jehovha akatsamwira Bharami kwazvo? Jehovha akanga audza muprofita Bharami kuti aisafanira kutuka vaIsraeri. (Numeri 22:12) Zvisinei, muprofita wacho akaenda nevarume vaBharaki aine chinangwa chokutuka Israeri. Bharami aida kufadza mambo weMoabhi uye kupiwa mubayiro naye. (2 Petro 2:15, 16; Judha 11) Kunyange Bharami paakamanikidzwa kukomborera pane kutuka Israeri, akatsvaka kufarirwa namambo nokutaura kuti vakadzi vainamata Bhaari vashandiswe kunyengedza varume veIsraeri. (Numeri 31:15, 16) Saka, chikonzero chaMwari chokutsamwira Bharami chaiva chemakaro asingadzorwi omuprofita wacho.

30:6-8—Murume wechiKristu angachinja mhiko dzomudzimai wake here? Nezvemhiko, iye zvino Jehovha anotarisa munamati mumwe nomumwe sezvaari. Somuenzaniso, kuzvitsaurira kuna Jehovha imhiko yomunhu ari oga. (VaGaratiya 6:5) Murume haana simba rokuchinja kana kuti kushayisa basa mhiko yakadaro. Zvisinei, mudzimai haafaniri kuita mhiko dzisingapindirani neShoko raMwari kana kuti mabasa ake echiKristu aanoitira murume wake.

Zvatinodzidza:

25:11. Finiyasi akatiratidza muenzaniso wakanaka kwazvo wokushingairira kunamatwa kwaJehovha! Chido chokuchengeta ungano yakachena hachitikurudziri kushuma kuvakuru vechiKristu unzenza hwose hwakakomba hwatinoziva here?

35:9-29. Chokwadi chokuti munhu ainge asina kuuraya nemaune aifanira kusiya musha wake, otizira kuguta routiziro kwenguva yakati, chinotidzidzisa kuti upenyu hutsvene uye kuti tinofanira kuhuremekedza.

35:33. Pasi raisvibiswa neropa rakateurwa revanhu vasina mhosva raigona kuyananisirwa bedzi neropa revaya vakariteura. Zvakakodzera chaizvo kuti Jehovha achaparadza vakaipa pasi risati rashandurwa kuva paradhiso!—Zvirevo 2:21, 22; Dhanieri 2:44.

Shoko raMwari Rine Simba

Tinofanira kuremekedza Jehovha uye vaya vakapiwa nzvimbo dzebasa pakati pevanhu vake. Bhuku raNumeri rinoita kuti chokwadi ichi chitova chakajeka. Chidzidzo chinokosha zvikuru chokuita kuti muungano muve norugare nokubatana nhasi!

Zviitiko zvinorondedzerwa muna Numeri zvinoratidza kuti vaya vanoregeredza kunamata kwavo vangawira sei mune chakaipa nyore nyore, zvakadai sokunyunyuta, unzenza, uye kunamata zvidhori. Mimwe yemienzaniso nezvidzidzo zviri mubhuku reBhaibheri iri inogona kushanda sepokutora hurukuro dzezvinodiwa muungano paMusangano Webasa muungano dzeZvapupu zvaJehovha. Kutaura zvazviri, “shoko raMwari ibenyu uye rine simba” muupenyu hwedu.—VaHebheru 4:12.

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Achishandisa gore rinoshamisa pamusoro petebhenekeri, Jehovha akatungamirira kumiswa nokuputswa kwomusasa wevaIsraeri

[Mifananidzo iri papeji 26]

Jehovha akakodzera kuteererwa nesu uye anotitarisira kuti tiremekedze vamiririri vake