Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takararama Nesimba raJehovha

Takararama Nesimba raJehovha

Nyaya Youpenyu

Takararama Nesimba raJehovha

YAKATAURWA NAERZSÉBET HAFFNER

“Handivatenderi kuti vakudzinge munyika ino,” akadaro Tibor Haffner paakanzwa kuti ndakanga ndanzi ndibude muCzechoslovakia. Akabva awedzera kuti: “Kana uchibvumirana neni, ndinokuroora, uye wogara neni zvachose.”

MUSI waJanuary 29, 1938, vhiki shomanana ndabva kupfimbwa zvandakanga ndisingambotarisiri, ndakachata naTibor, hama yechiKristu yakatanga kuparidzira kumhuri yedu. Zvakanga zvisiri nyore kuti ndisarudze izvozvo. Ndakanga ndichangosvitsa makore 18, uye somushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha, ndakanga ndichida kutsaurira makore angu oupwere kushingaira mubasa raMwari. Ndakachema. Ndakanyengetera. Pandakanga ndadzikama ndipo bedzi pandakazoona kuti kundipfimba kwakaita Tibor kwaitova kuratidza mutsa kwakanyanya, uye ndakanzwa kuti ndaida kugara nomurume uyu akanga aratidza kuti aindida nomwoyo wose.

Asi chikonzero nei ndakanga ndiri mungozi yokudzingwa munyika iyi? Ingawani ndakanga ndiri kugara munyika yaidada nokuti yaiva yegutsaruzhinji uye yaiva norusununguko rwokunamata. Ndinofunga kuti iye zvino ndinofanira kukuudzai zvakawanda nezvenhoroondo yangu.

Ndakaberekwa musi waDecember 26, 1919, nevabereki vaiva vaKaturike vechiGiriki mumusha weSajószentpéter, muHungary, anenge makiromita 160 kumabvazuva kweBudapest. Zvinosuruvarisa kuti baba vangu vakafa ndisina kumbovaziva. Nokukurumidza amai vangu vakaroorwa nomumwewo murume akanga afirwa nomudzimai wake aiva nevana vana, uye takatamira kuLučenec, guta riri kwaro roga mune yaimbonzi Czechoslovakia. Mumakore iwayo, kugara mumhuri ine mubereki wokurera kwakanga kusiri nyore. Sezvo ndaiva muduku pavana vashanu, ndainzwa kuti ndakanga ndisingadiwi mumhuri yacho. Mari yakanga ichinetsa kuwana, uye ndakanga ndisingangonyimwi zvinhu zvokunyama chete asiwo ndakanga ndisingatarisirwi nokudiwa zvinofanira kuitwa mwana.

Pane Anoziva Mhinduro Here?

Pandakanga ndava nemakore 16, ndakatanga kunetseka nemibvunzo yakawanda. Ndakaverenga nhoroondo yeHondo Yenyika I nechido chikuru, uye ndakashamiswa nokuurayiwa kwakaitwa vanhu pakati penyika dzakabudirira dzaizviti ndedzechiKristu. Uyezve, ndaigona kuona kukura kwechiuto munzvimbo dzakapoteredza. Hapana kana chimwe chazvo chaipindirana nezvandakanga ndadzidza kuchechi zvokuda muvakidzani.

Saka ndakaenda kumupristi weRoma Katurike ndikamubvunza, kuti: “Murayiro upi unofanira kusunga isu sevaKristu—kuenda kuhondo ndokunouraya vavakidzani vedu kana kuti kuvada?” Ashatiriswa nomubvunzo wangu, akapindura kuti aidzidzisa zvaainge audzwa nevari pamusoro pake. Zvakafanana zvakaitika pandakashanyira mutungamiriri wechechi yaCalvin uyewo rabhi wechiJudha. Handina kuwana kana mhinduro, vaingoshamisika bedzi nomubvunzo wangu wavakanga vasingatarisiri. Pakupedzisira, ndakaenda kunoona mutungamiriri wechechi yeLutheran. Akagumbuka, asi ndisati ndaenda, akati: “Kana uchida kunyatsoziva nezvazvo, bvunza Zvapupu zvaJehovha.”

Ndakaedza kutsvaka Zvapupu asi handina kuzviwana. Kwapera mazuva mashomanana pandaibva kubasa, ndakaona musuo wakavhurika zvishoma. Mumwe murume wechiduku airatidzika zvakanaka akanga achiverengera amai vangu kubva muBhaibheri. Ndakabva ndangofunga kuti, ‘Ndizvozvo chete, anofanira kunge ari mumwe weZvapupu zvaJehovha!’ Takakumbira murume uyu, Tibor Haffner, kuti apinde mumba uye ndakabvunzazve mibvunzo yangu. Pane kundipindura nemashoko ake oga, akandiratidza zvinotaura Bhaibheri nezvechiratidzo chevaKristu vechokwadi, uyewo nezvenguva yatakanga tichirarama mairi.—Johani 13:34, 35; 2 Timoti 3:1-5.

Ndakabhabhatidzwa mwedzi mishomanana ndisati ndasvitsa makore 17. Ndainzwa kuti munhu wose aifanira kunzwa chokwadi ichi chinokosha chandakanga ndawana nokutamburira. Ndakatanga kuparidza nguva dzose, chinova chinhu chakanga chakaoma chaizvo muCzechoslovakia mukunopera kwema1930. Kunyange zvazvo basa redu rakanga rakanyoreswa zviri pamutemo, taishorwa zvakasimba zvichikonzerwa nevafundisi.

Kutanga Kutambudzwa

Rimwe zuva 1937 ava kuda kunopera, ndakanga ndichiparidzira neimwe hanzvadzi yechiKristu mumusha uri pedyo neLučenec. Pasati pambopera nguva, takasungwa tikaendeswa kujeri. “Muchafira muno,” akadaro murindiri achivhara zvokurovera suo rechitokisi chedu.

Pakazosvika manheru, takanga tatounzirwa vamwe vanhu vana muchitokisi imomo. Takatanga kuvanyaradza nokuvapupurira. Vakadzikama, uye takabatikana usiku hwose kukurukurirana navo chokwadi chomuBhaibheri.

Nenguva dza6 mangwanani, murindiri wejeri akandidaidza. Ndakati kune mumwe wangu: “Tichazosangana zvakare muUmambo hwaMwari.” Ndakamutaurira kuti azoudza mhuri yangu zvakanga zvaitika kana iye aizorarama. Ndakanyengetera nechomumwoyo ndokubva ndaenda nomurindiri. Akaenda neni kukamuri rake raiva munharaunda yejeri. Akati “Ndine zvandinoda kukubvunza chisikana.” “Madeko wakati zita raMwari ndiJehovha. Ungandiratidzawo izvozvo muBhaibheri here?” Ndakashamisika uye ndakatura befu! Akauya neBhaibheri rake, uye ndakamuratidza iye nomudzimai wake zita rokuti Jehovha. Akanga aine mimwe mibvunzo yakawanda yaiva nechokuita nezvezvatakanga takurukura usiku nevakadzi vaya vana. Agutsikana nemhinduro dzacho, akakumbira mudzimai wake kuti abike zvokudya zvemangwanani zvangu nomumwe wangu.

Kwapera mazuva mashomanana, takasunungurwa, asi mutongi akasarudza kuti sezvo ini ndakanga ndichibva kuHungary, ndaitofanira kubva muCzechoslovakia. Izvi ndizvo zvakazoita kuti Tibor Haffner andikumbire kuva mudzimai wake. Takaroorana, ndikabva ndanogara kumba kwevabereki vake.

Kutambudzwa Kunowedzera

Takaramba tichiita basa rokuparidza pamwe chete kunyange zvazvo Tibor aivawo nebasa rakawanda resangano. Muna November, mwanakomana wedu Tibor, Jr., akaberekwa mazuva mashomanana masoja eHungary asati apinda muguta redu, muna November 1938. MuEurope, Hondo Yenyika II yakanga yoda kutanga. Chikamu chikuru cheCzechoslovakia chakatorwa neHungary, zvichiita kuti vaya vaiva Zvapupu zvaJehovha vaigara munharaunda idzodzo vawedzere kutambudzwa.

Pana October 10, 1942, Tibor akaenda kuDebrecen kunosangana nedzimwe hama. Zvisinei, rwendo rwuno haana kudzoka. Pave paya, akazondiudza zvakaitika. Panzvimbo pokusangana nehama dziya, mapurisa akanga asina kupfeka yunifomu akanga ari pabhiriji paifanira kuitirwa musangano. Akanga akamirira murume wangu naPál Nagypál, avo vakapedzisira kusvika. Mapurisa akavaendesa kukamba yemapurisa akavarova netsvimbo pasi petsoka dzavo kusvikira vafenda nokurwadziwa.

Vakabva vanzi vapfeke shangu dzavo uye vasimuke. Pasinei zvapo nokurwadziwa, vakamanikidzwa kuenda kuchiteshi chechitima. Mapurisa akaunza mumwe murume akanga ane musoro wakanga wakasungwa mabhandeji zvokuti akanga asinganyatsooni. Vakanga vari Hama András Pilling, avo vakanga vauyawo kumusangano wacho. Murume wangu akaendeswa nechitima kuAlag, pedyo neBudapest kwaakanotongerwa kugara mujeri. Mumwe wevarindiri akaona tsoka dzaTibor dzakanga dziine maronda, achitsvinya akati: “Vamwe vanhu vanogona kuva noutsinye chaizvo! Usanetseka zvako, tichakurapa.” Vamwewo varindiri vaviri vakabva vatanga kurova Tibor patsoka dzake, ropa richitsatikira kwose kwose. Pashure pemaminitsi mashomanana, akabva afenda.

Mwedzi wakatevera, Tibor nedzimwe hama nehanzvadzi dzinopfuura 60 vakatongwa. Hama András Bartha, Dénes Faluvégi, naJános Konrád vakatongerwa kufa vachiita zvokusungirirwa. Hama András Pilling vakanzi vaizogara mujeri kwoupenyu hwavo hwose, murume wangu akanzi aizogara makore 12. Mhosva yavo yaiva yei? Muchuchisi wacho akavapomera kuda kupidigura hurumende, kuramba kuenda kuhondo, kuva vasori uye kumhura chechi tsvene. Kutongerwa rufu kwakazochinjwa kuti vapedzere upenyu hwavo hwose mujeri.

Kutevera Murume Wangu

Pashure pemazuva maviri Tibor aenda kumusangano kuDebrecen, ndakamuka 6 dzemangwanani dzisati dzachaya kuti ndichise mbatya dzedu. Kamwe kamwe pasuo pakagogodzwa zvaiva noruzha. Ndakafunga kuti ‘vasvika.’ Mapurisa matanhatu akapinda mumba akandiudza kuti akanga apiwa mvumo yokusecha imba. Vose vakanga vari mumba vakasungwa vakaendeswa kukamba yemapurisa, kusanganisira mwanakomana wedu aiva nemakore matatu. Zuva iroro takatamisirwa kujeri raiva muPétervására, kuHungary.

Tasvika, ndakarwara nefivha uye ndakagariswa kwakasiyana nevamwe. Pandakapora, masoja maviri akanga ari muchitokisi changu achiitirana nharo pamusoro pangu. “Tinofanira kumupfura! Ini ndichamupfura!” akadaro mumwe. Asi mumwe akanga achida kuona kuti ndakanga ndava kunzwa sei vasati vandipfura. Ndakavateterera kuti vandisiye ndiri mupenyu. Pakupedzisira vakabuda muchitokisi changu, uye ndakatenda Jehovha nokundibatsira kwaakaita.

Varindiri vaiva nenzira yavowo voga yavaibvunzurudza nayo. Vakati ndirare pauriri ndakatarisa pasi, vakaisa masokisi mumuromo wangu, vakasunga maoko angu nemakumbo, vakandirova kusvikira ndava kubuda ropa. Vakatozomira bedzi mumwe wavo ataura kuti ainge aneta. Vakandibvunza kuti murume wangu aifanira kusangana naani musi waakasungwa. Handina kuvataurira, saka vakaramba vachingondirova kwemazuva matatu. Nezuva rechina, ndakabvumirwa kuendesa mwanakomana wangu kuna amai vangu. Kunze kuchitonhora chaizvo, ndakabereka mwana wangu muduku kumusana wakazara nemaronda ndikafamba kwemakiromita 13 kuenda kuchiteshi chechitima. Kubva ipapo, ndakazoenda kumba nechitima, asi ndaifanira kudzoka kukamba yemapurisa zuva rimwe chete iroro.

Ndakatongerwa kugara mujeri kwemakore matanhatu muBudapest. Pandakasvika ikoko, ndakabva ndaziva kuti Tibor akanga ari ikokowo. Takafara zvikuru patakatenderwa kutaurirana, kunyange zvazvo taizviita kwemaminitsi mashomanana nepafenzi! Tose takaona rudo rwaJehovha uye takasimbiswa nenguva idzi dzaikosha. Tisati taonanazve, tose taifanira kutarisana nemiedzo youtsinye, kazhinji tichipotsa tafa nepaburi retsono.

Kuchinja-chinja Majeri

Taiva hanzvadzi dzinenge 80 dzaiva dzakatsvikinyidzana muchitokisi chimwe chete. Taida zvokudya zvomudzimu, asi kuti zviuye muchitokisi zvaiita sezvakanga zvisingabviri. Pane zvataigona kuwana mujeri imomo here? Regai ndikuudzei zvatakaita. Ndakazvipira kugadzirisa masokisi avanamabharani vepajeri. Mune rimwe remasokisi, ndakaisa pepa raiva nechikumbiro chokuudzwa nhamba yeBhaibheri raiva muraibhurari yepajeri. Kuti pasava nokufungira, ndakakumbirawo nhamba dzemamwewo mabhuku maviri.

Zuva rakatevera racho, ndakagamuchira mumwe murwi wemasokisi aibva kuna vanamabharani. Mune rimwe rawo, maiva nemhinduro. Ndakabva ndapa mumwe wevarindiri nhamba dzacho ndikakumbira mabhuku acho. Takafara zvikuru patakawana mabhuku acho, kusanganisira Bhaibheri! Mamwe mabhuku ose taiachinja vhiki yoga yoga, asi Bhaibheri takarichengeta. Murindiri paaibvunza nezvaro, taimuudza kuti: “Ibhuku hombe, uye munhu wose anenge anoda kuriverenga.” Saka taikwanisa kuverenga Bhaibheri.

Rimwe zuva, mumwe mukuru mukuru akandidaidza kuhofisi yake. Kunenge kuti musi uyu aizvibata kupfuura zvaaisiita mazuva ose.

“Mai Haffner, ndine mashoko akanaka okukuudzai,” akadaro. “Munogona kuenda kumba. Zvichida mangwana. Kana kuine chitima, chero nhasi.”

“Ndingafara zvikuru,” ndakapindura kudaro.

“Chokwadi mungafara,” akadaro. “Mune mwana, uye ndinoziva kuti munoda kumurera.” Akabva awedzera kuti, “Chingosainai tsamba iyi.”

“Itsamba yei?” ndakabvunza.

“Musanetseka nezvayo,” akaedza kundimanikidza achidaro. “Chingosainai uye munobva maenda.” Akabva anditaurira kuti: “Kana mangosvika kumba, itai zvose zvamunoda. Asi iye zvino munofanira kusaina kuti hamuchadi kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.”

Ndakabva ndadududza ndokuramba zvakasimba.

“Kana zvakadaro muchafira pano!” akashevedzera nehasha achibva ati ndiende.

Muna May 1943, ndakatamisirwa kune rimwe jeri romuBudapest uye gare gare ndakaendeswa kumusha weMárianosztra, kwataigara mumusha waigara manani anenge 70. Pasinei zvapo nenzara nezvimwe zvakanga zvakaoma, takanga tichida zvikuru kuvaudza nezvetariro yedu. Mumwe wemanani iwayo akaratidza kufarira kwechokwadi shoko redu akati: “Izvi zvinhu zvakanaka. Handisati ndambonzwa zvakadai. Ndapota, ndiudzei zvakawanda.” Takamuudza nezvenyika itsva uye upenyu hwakanaka huchange huri ikoko. Sezvataikurukura, mai vakuru vakasvika. Nani uya aifarira akabva atorwa, akabviswa mbatya, uye akarohwa zvikuru nechamboko. Patakasangana naye zvekare, akati: “Ndapota, nyengeterai kuna Jehovha kuti andibatsire ndibve pano. Ndinoda kuva mumwe wenyu.”

Kumwezve kwatakaendeswa kwaiva kujeri rekare raiva muKomárom, guta raiva paRwizi runonzi Danube, anenge makiromita 80 kumavirira kweBudapest. Magariro acho akanga akaoma. Sezvakangoita dzimwe hanzvadzi, ndakarwara zvikuru netyphus, ndichirutsa ropa uye ndichishayiwa simba. Takanga tisina mishonga, uye ndakafunga kuti ndakanga ndava kufa. Asi panguva iyoyowo vakuru vakuru vakanga vachitsvaka munhu aigona kushanda muhofisi. Hanzvadzi dzakataura zita rangu. Saka ndakapiwa mushonga, uye ndakapora.

Kusanganiswazve Nemhuri Yangu

Mauto eSoviet zvaaiswedera nechokumabvazuva, taitofanira kuenda kumavirira. Kurondedzera zvinotyisa zvose zvatakatasirana nazvo kungatora nguva. Kazhinji ndakapotsa ndafa, asi ndinoonga Jehovha noruoko rwake runodzivirira, ndiri mupenyu. Hondo payakapera, takanga tiri muCzech, guta reTábor, anenge makiromita 80 kubva kuPrague. Zvakatora dzimwezve vhiki nhatu kuti ini nehanzvadzi yomurume wangu Magdalena tisvike kumba kwedu kuLučenec, musi waMay 30, 1945.

Nechokure, ndakaona vamwene vangu nomwanakomana wangu anodiwa, Tibor, vari pachivanze. Meso angu akazara nemisodzi, uye ndakashevedzera kuti: “Tibike!” Akamhanya akakwakukira mumaoko angu. “Hamusi kuzoenda zvakare, Amai, muchaenda here?” Ndiwo akanga ari mashoko ake okutanga kwandiri, uye handimbofi ndakaakanganwa.

Jehovha akaratidzirawo tsitsi kumurume wangu, Tibor. Kubva kujeri rokuBudapest, akaendeswa kumusasa wechibharo kuBor, nedzimwe hama dzinenge 160. Kazhinji vakapotsa vafa, asi seboka, vakachengetedzwa vari vapenyu. Tibor akadzoka kumba musi waApril 8, 1945, akanditangira nounenge mwedzi mumwe.

Hondo yapera, takanga tichiri kuda simba raJehovha kuti titarisane nemiedzo yakatevera yemakore 40 tiri pasi poutongi hwechiKomonisiti muCzechoslovakia. Tibor akatongerwazve kugara mujeri kwenguva yakareba, uye ndaitofanira kutarisira mwanakomana wedu ndoga. Asunungurwa, Tibor akashanda somutariri wedunhu. Mumakore 40 echiKomonisiti, taishandisa mukana wose wataiwana kuudza vamwe nezvokutenda kwedu. Takakwanisa kubatsira vakawanda kudzidza chokwadi. Nokudaro, vakava vana vedu vokumudzimu.

Takafara zvikuru patakabvumidzwa kunamata takasununguka muna 1989! Gore rakatevera racho, takapinda kokorodzano yokutanga munyika yedu pashure penguva yakareba chaizvo. Patakaona zviuru zvehama nehanzvadzi zvakawanda kudaro izvo kwemakumi emakore zvakanga zvaramba zvakavimbika, takaziva kuti Jehovha ndiye aipa vose simba.

Murume wangu Tibor, akafa akatendeka kuna Mwari musi waOctober 14, 1993, uye iye zvino ndava kugara pedyo nomwanakomana wangu kuŽilina, muSlovakia. Handisisina simba romumuviri rakawanda asi romudzimu ndinaro randinopiwa naJehovha. Ndinodavira nechivimbo kuti nesimba rake ndinogona kutsungirira miedzo yose yenyika ino yekare. Uyezve, ndinotarisira kunguva apo, Jehovha achishandisa mutsa wake usina kufanirwa, ndichakwanisa kurarama nokusingaperi.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Mwanakomana wangu Tibor, Jr., (aine makore mana) uyo wandaifanira kusiya

[Mufananidzo uri papeji 21]

Tibor, Sr., nedzimwe hama muBor

[Mufananidzo uri papeji 22]

Ndiina Tibor naMagdalena, hanzvadzi yomurume wangu, muna 1947, muBrno

[Mifananidzo iri papeji 23]

Kazhinji ndakapotsa ndafa, asi ndinoonga Jehovha noruoko rwake runodzivirira, ndiri mupenyu