Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tingazoda Kuti ‘Hungu!’”

“Tingazoda Kuti ‘Hungu!’”

“Tingazoda Kuti ‘Hungu!’”

HOFISI yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuNigeria nguva pfupi yapfuura yakagamuchira tsamba yaitaura muchidimbu zvinotevera izvi:

“Mwanakomana wedu, Anderson, akafa paaiva nemakore 14. Asati afa, akanga achipfuya huku mbiri. Aida kuzodzitengesa otumira mari yacho kuhofisi yebazi somupiro webasa rokuparidza romunyika yose. Asi akafa huku dzacho dzisati dzatengeswa.

“Tichifunga nezvechido chake, isu vabereki vake, takapfuya huku dzacho ndokuzodzitengesa. Tiri kukutumirai mari yacho somupiro waAnderson. Pamusana pechipikirwa chaJehovha, tinovimba kuti nokukurumidza—nokukurumidza zvikuru—tichaonazve Anderson. Tingazoda kuti, ‘Hungu!’ paanozobvunza kana takaita zvaida mwoyo wake. Chokwadi, tinotarisira kuona kwete bedzi Anderson asiwo ‘gore guru rezvapupu’ zvichamutswa.”—VaHebheru 12:1; Johani 5:28, 29.

Sezvinoratidzwa zvakajeka mutsamba iri pamusoro apa, kudavira rumuko itariro inosimbisa vaKristu vechokwadi. Mamiriyoni emhuri achafara sei paachagamuchira vadiwa vakatorwa nomuvengi rufu, sezvakaita mhuri yaAnderson!—1 VaKorinde 15:24-26.

Shoko raMwari rine tariro iyi inonyaradza yorumuko sechimwe chezvinhu zvakawanda zvinoshamisa chichakurumidza kuitika munyika itsva yakarurama muUmambo hwaMwari. (2 Petro 3:13) Richitaura zvichaitirwa vanhu naMwari panguva iyoyo, Bhaibheri rinoti: “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.