Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha, ‘Nhare Yedu Panguva Yokutambudzika’

Jehovha, ‘Nhare Yedu Panguva Yokutambudzika’

Jehovha, ‘Nhare Yedu Panguva Yokutambudzika’

“Kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.”—PISAREMA 37:39.

1, 2. (a) Jesu akanyengeterera chii nezvevadzidzi vake? (b) Chii chiri kuda kwaMwari nezvevanhu vake?

JEHOVHA ndiye wamasimba ose. Ane simba rokudzivirira vanamati vake vakatendeka chero munzira ipi yaanoda. Anotogona kuparadzanisa vanhu vake nenyika yose zvayo ndokuvaisa panzvimbo yakachengeteka ine rugare. Zvisinei, achitaura nezvevadzidzi vake, Jesu akanyengetera kuna Baba vake vokudenga kuti: “Ndinokukumbirai, kwete kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nemhaka yowakaipa.”—Johani 17:15.

2 Jehovha akasarudza ‘kusatibvisa munyika.’ Pane kudaro, kuda kwake kuti tigarewo nevamwe vanhu vari munyika kuitira kuti tizivise shoko rake retariro uye kuti tinyaradze vamwe. (VaRoma 10:13-15) Asi, sezvakataurwa naJesu mumunyengetero wake, patinogara munyika ino tinenge tiri mune “wakaipa.” Vanhu vasingateereri uye midzimu yakaipa vanokonzera marwadzo nokushushikana, uye vaKristu vanototarisanawo nematambudziko iwayo.—1 Petro 5:9.

3. Kunyange vanamati vaJehovha vechokwadi vanofanira kutarisana nechokwadi chipi, asi inyaradzo ipi yatinowana muShoko raMwari?

3 Pakutarisana nemiedzo yakadaro, pane dzimwe nguva zviri nyore kuora mwoyo. (Zvirevo 24:10) Nhoroondo yeBhaibheri ine nhau dzakasiyana-siyana dzevakatendeka vakambotambudzikawo. “Wakarurama une madambudziko mazhinji,” anodaro munyori wepisarema, “asi Jehovha unomurwira abude paari ose.” (Pisarema 34:19) Chokwadi, zvinhu zvakaipa zvinoitika kunyange kune “wakarurama.” Kufanana nomunyori wepisarema Dhavhidhi, pane dzimwe nguva ‘tingarukutika uye kuvhunika kwazvo.’ (Pisarema 38:8) Asi zvinonyaradza kuziva kuti “Jehovha uri pedyo nevane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.”—Pisarema 34:18; 94:19.

4, 5. (a) Maererano naZvirevo 18:10, chii chatinofanira kuita kuti tidzivirirwe naJehovha? (b) Matanho api chaiwo atinofanira kutora kuti tibatsirwe naMwari?

4 Maererano nomunyengetero waJesu, chaizvoizvo Jehovha ari kutitarisira. Ndiye ‘nhare yedu panguva yokutambudzika.’ (Pisarema 37:39) Bhuku raZvirevo rinoshandisa mashoko akafanana parinoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba; wakarurama unovangiramo ndokuchengetwa.” (Zvirevo 18:10) Rugwaro urwu runojekesa chokwadi chinokosha nezvokuratidza kunoita Jehovha rudo rune hanya zvisikwa zvake. Mwari anodzivirira zvikurukuru vaya vakarurama avo vanomutsvaka, sezvinonzi tiri kumhanyira kunhare yakasimba kuti tinohwanda.

5 Patinotarisana nezvinetso zvinotambudza, tingamhanyira sei kuna Jehovha kuti atidzivirire? Ngatimboongororai matanho matatu atinogona kutora kuitira kuti tibatsirwe naJehovha. Kutanga, tinofanira kunyengetera kuna Baba vedu vokudenga. Chechipiri, tinofanira kuita zvinodiwa nomudzimu wake mutsvene. Uye chechitatu, tinofanira kubvuma urongwa hwaJehovha nokushamwaridzana nevaKristu vatinonamata navo avo vanogona kutinyaradza patinenge tichitambudzika.

Simba Romunyengetero

6. VaKristu vechokwadi vanoona sei munyengetero?

6 Dzimwe nyanzvi dzoutano dzinokurudzira kunyengetera pakurapa kuora mwoyo uye kufunganya. Kunyange zvazvo chingava chokwadi kuti kumbova nenguva yakanyarara yokuita souri kunyengetera kungaderedza kufunganya, izvozvowo zvinogona kuitwa nemitinhimira yezvakasikwa kana kuti kunyange kukwizwa kumusana. VaKristu vechokwadi havarerutsi munyengetero vachiuona sechinhu chinongokuita kuti unzwe zvakanaka. Tinoona munyengetero senzira yokukurukura noMusiki zvine ruremekedzo. Munyengetero unosanganisira kuzvipira kwedu uye kuvimba naMwari. Chokwadi, munyengetero manamatirowo edu.

7. Kunyengetera nechivimbo zvinorevei, uye minyengetero yakadaro inotibatsira sei kukunda kutambudzika?

7 Minyengetero yedu inofanira kuratidza kuti tine chivimbo, kana kuti tinovimba naJehovha. Muapostora Johani akanyora kuti: “Ichi ndicho chivimbo chatinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nokuda kwake, anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Jehovha, Munhu Mukuru, Mwari bedzi wechokwadi uye wamasimba ose, chaizvoizvo anoteerera zvikuru minyengetero yepachokwadi yevanamati vake. Kungoziva kuti Baba vedu vane rudo vanotinzwa patinenge tichivaudza zvinotidya mwoyo uye zvinetso zvedu, kunonyaradza.—VaFiripi 4:6.

8. Nei vaKristu vakatendeka vasingafaniri kumbonyara kana kunzwa vasingakodzeri pavanonyengetera kuna Jehovha?

8 VaKristu vakatendeka havafaniri kumbonzwa vachinyara, vasingakodzeri, kana kuti kunzwa vasina chivimbo pavanonyengetera kuna Jehovha. Ichokwadi kuti patinenge takaora mwoyo, uye takawandirwa nezvinetso, kakawanda tinganzwa tisingadi kunyengetera kuna Jehovha. Panguva dzakadaro, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha “uchanzwira tsitsi vanotambudzika” uye kuti “anonyaradza vakasuruvara.” (Isaya 49:13; 2 VaKorinde 7:6) Munguva dzokushushikana uye dzokutambudzika, ndimo zvikurukuru matinofanira kutaura kuna Baba vedu vokudenga nechivimbo kuti vave nhare yedu.

9. Kutenda kunoita basa rei patinonyengetera kuna Mwari?

9 Kuti tibatsirwe zvizere neropafadzo yomunyengetero, tinofanira kuva nokutenda chaikoiko. Bhaibheri rinoti “iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Kutenda kunodarika kungodavira kuti Mwari “ariko.” Kutenda kwechokwadi kunosanganisira kudavira kwakasimba kwokuti Mwari anogona uye kuti anoda kukomborera upenyu hwedu kana tichimuteerera. “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo.” (1 Petro 3:12) Kugara tichiziva kuti Jehovha ane rudo uye ane hanya nesu kunoita kuti minyengetero yedu ive nezvainoreva.

10. Minyengetero yedu inofanira kunge yakaita sei kana tichizotsigirwa naJehovha mune zvokunamata?

10 Jehovha anoteerera minyengetero yedu kana tikaipa nomwoyo wose. Munyori wepisarema akati: “Ndakadana nomwoyo wangu wose; ndipindurei, Jehovha.” (Pisarema 119:145) Kusiyana neminyengetero yetsika inopiwa muzvitendero zvakawanda, minyengetero yedu haifaniri kungova yokudzokorora zvinhu zvakafanana kana kuti isiri yomwoyo wose. Patinonyengetera kuna Jehovha ‘nomwoyo wedu wose,’ mashoko edu anobva ava nezvaanoreva uye chinangwa. Pashure peminyengetero yomwoyo wose yakadaro, tinotanga kunzwa kuzorodzwa kunobva ‘pakukandira mutoro wedu pana Jehovha.’ Sokupikira kunoita Bhaibheri, ‘iye achatisimbisa.’—Pisarema 55:22; 1 Petro 5:6, 7.

Mudzimu waMwari Ndiwo Unotibatsira

11. Ndeipi imwe nzira iyo Jehovha anotipindura nayo patino‘ramba tichikumbira’ kuti atibatsire?

11 Jehovha haasi Munzwi womunyengetero bedzi asiwo Anopindura. (Pisarema 65:2) Dhavhidhi akanyora kuti: “Pazuva rokutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, nokuti muchandipindura.” (Pisarema 86:7) Saizvozvowo Jesu akakurudzira vadzidzi vake ‘kuramba vachikumbira’ kubatsirwa naJehovha nokuti “Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira.” (Ruka 11:9-13) Chokwadi, simba rinoita basa raMwari rinoshanda somubatsiri, kana kuti munyaradzi, kuvanhu vake.—Johani 14:16.

12. Mudzimu waMwari ungatibatsira sei zvinetso pazvinoita sezviri kuda kutikurira?

12 Kunyange patinotarisana nemiedzo, mudzimu waMwari unogona kutipa “simba rinopfuura romuzvarirwo.” (2 VaKorinde 4:7) Muapostora Pauro, uyo akatsungirira mamiriro ezvinhu akawanda aikonzera kuzvidya mwoyo, nechivimbo akati: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Saizvozvowo, vaKristu vakawanda nhasi vakanzwa vamutsiridzwa mune zvokunamata uye vava nesimba apo zvikumbiro zvavo zvakapindurwa. Kazhinji, zvinetso zvinotambudza hazviratidziki sezvakakura chaizvo kana tabatsirwa nomudzimu waMwari. Sezvo tichipiwa simba naMwari, tinogona kutaura sezvakaita muapostora Pauro, kuti: “Tinomanikidzwa munzira dzose, asi hatimanikidziki zvokusagona kufamba; tinovhiringidzika, asi kwete zvokushaya pokubuda napo zvachose; tinotambudzwa, asi hatisiyiwi tisina betsero; tinopunzirwa pasi, asi hatiparadzwi.”—2 VaKorinde 4:8, 9.

13, 14. (a) Jehovha akaratidza sei kuva nhare yedu achishandisa Shoko rake rakanyorwa? (b) Kushandisa mirayiro yeBhaibheri kwakakubatsira sei iwe pachako?

13 Mudzimu mutsvene wakafuridzira uye wakachengetedza Shoko raMwari rakanyorwa kuti tibatsirwe. Jehovha akaratidza sei kuva nhare munguva dzokutambudzika achishandisa Shoko rake? Imwe nzira ndeyokutipa uchenjeri hunoshandisika uye mano okufunga. (Zvirevo 3:21-24) Bhaibheri rinorovedza mano edu uye rinonatsiridza simba redu rokufunga. (VaRoma 12:1) Nokuverenga Shoko raMwari nokuridzidza nguva dzose, pamwe chete nokurishandisa, tinogona kuva ne‘simba rokunzwisisa rakarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’ (VaHebheru 5:14) Ungave wakaona kuti mirayiro yeBhaibheri yakakubatsira kuita kusarudza nokuchenjera pawakatarisana nezvinetso. Bhaibheri rinotipa uchenjeri hunogona kutibatsira kugadzirisa zvinetso zvinotambudza.—Zvirevo 1:4.

14 Shoko raMwari rinotipa rimwe simba—tariro yokuponeswa. (VaRoma 15:4) Bhaibheri rinotiudza kuti zvinhu zvakaipa hazvisi kuzoramba zvichiitika nokusingaperi. Chero zvipi nezvipi zvinotitambudza, ndezvenguva pfupi. (2 VaKorinde 4:16-18) Tine “tariro youpenyu husingaperi iyo Mwari, asingamborevi nhema, akapikira kare kare.” (Tito 1:2) Kana tikafarira tariro iyoyo, tichigara tichiziva nezvenguva yemberi yakajeka yakapikirwa naJehovha, tinogona kutsungirira pakutambudzika.—VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 1:3.

Ungano—Kuratidzwa Kworudo rwaMwari

15. VaKristu vangabatsirana sei?

15 Chimwe chinhu chinobva kuna Jehovha chinogona kutibatsira munguva dzokutambudzika ushamwari hwatinowana muungano yechiKristu. Bhaibheri rinoti: “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Shoko raMwari rinokurudzira vose vari muungano kukudzana uye kudanana. (VaRoma 12:10) “Mumwe nomumwe ngaarambe achitsvaka, kwete zvake oga, asi zvomumwe munhu,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (1 VaKorinde 10:24) Kuva nemafungiro akadaro kunogona kutibatsira kutarisa zvinodiwawo nevamwe pane kungotarisa miedzo yedu bedzi. Patinobatsira vamwe, tinenge tisiri kungovabatsira chete asiwo tinowana mufaro nokugutsikana zvinoita kuti mitoro yedu ireruke.—Mabasa 20:35.

16. VaKristu vangakurudzirana sei?

16 Varume nevakadzi vakasimba pakunamata vanogona kuita basa rinokosha kusimbisa vamwe. Kuti vaite izvozvo, vakasununguka uye vari nyore kutaura navo. (2 VaKorinde 6:11-13) Zvechokwadi, ungano inobatsirika vose pavanowana nguva yokurumbidza vaduku, kusimbisa vatsva, uye kukurudzira vaya vakaora mwoyo. (VaRoma 15:7) Kuda hama kuchatibatsirawo kusafungirana. Hatifaniri kukurumidza kugumisa kuti zvinetso zvomunhu chiratidzo chokuti haana kusimba pakunamata. Nenzira yakakodzera Pauro anokurudzira vaKristu ‘kutaura nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza.’ (1 VaTesaronika 5:14) Bhaibheri rinoratidza kuti kunyange vaKristu vakatendeka vanombotambudzikawo.—Mabasa 14:15.

17. Mikana ipi yatinayo yokusimbisa chisungo choukama hwechiKristu?

17 Misangano yechiKristu inopa mukana wakaisvonaka wokuti tinyaradzane nokukurudzirana. (VaHebheru 10:24, 25) Hapasi pamisangano yeungano bedzi patinoonana. Asi, vanhu vaMwari vanotsvakawo mikana yokumboungana vachikurudzirana kusiri kumisangano. Mamiriro ezvinhu anotambudza paanomuka, tichava takagadzirira kubatsirana nokuti tinenge taumba zvisungo zvakasimba zvoushamwari. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Parege kuva nokupesana mumuviri, asi . . . mitezo yawo itarisirane . . . Uye kana mutezo mumwe ukatambura, mimwe mitezo yose inotambura nawo; kana kuti kana mutezo ukapiwa mbiri, mimwe mitezo yose inofara nawo.”—1 VaKorinde 12:25, 26.

18. Itsika ipi yatinofanira kudzivisa patinonzwa takaora mwoyo?

18 Pane dzimwe nguva, tinganzwa takaora mwoyo zvikuru zvokutadza kuungana nevamwe vedu vechiKristu. Tinofanira kurwisa manzwiro akadaro kuitira kuti tisazvinyime nyaradzo uye rubatsiro rungapiwa nevatinonamata navo. Bhaibheri rinotinyevera kuti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.” (Zvirevo 18:1) Hama nehanzvadzi dzedu chiratidzo chokuti Mwari ane hanya nesu. Kana tikaziva urongwa ihwohwo hworudo, tichanyaradzwa munguva dzokutambudzika.

Ramba Uine Mafungiro Akanaka

19, 20. Magwaro anotibatsira sei kuramba mafungiro asina kunaka?

19 Kuora mwoyo nokusuruvara zvikavapo, zviri nyore kuva nemafungiro asina kunaka. Somuenzaniso, pavanenge vachitarisana nenhamo, vamwe vangatanga kusava nechokwadi nezvokunamata kwavo pachavo, vachigumisa kuti kutambudzika kwavo chiratidzo chokuti Mwari haavafariri. Zvisinei, yeuka kuti Jehovha haaedzi munhu ne“zvinhu zvakaipa.” (Jakobho 1:13) “Nokuti haatambudzi nomwoyo wake [Mwari], haachemedzi vana vavanhu,” rinodaro Bhaibheri. (Mariro aJeremia 3:33) Asi Jehovha anotosuruvara vashumiri vake pavanotambura.—Isaya 63:8, 9; Zekaria 2:8.

20 Jehovha ndiye “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinde 1:3) Ane hanya nesu, uye achatikudza munguva yakafanira. (1 Petro 5:6, 7) Kugara tichiziva kuti Mwari anotida kuchatibatsira kuramba tiine mafungiro akanaka, kunyange kutofara. Jakobho akanyora kuti: “Zvifungei kuva mufaro, hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana.” (Jakobho 1:2) Nei? Anopindura kuti: “Nokuti pakuva anotenderwa achagamuchira korona youpenyu, yakapikirwa naJehovha vaya vanoramba vachimuda.”—Jakobho 1:12.

21. Pasinei zvapo nezvinetso zvatinotarisana nazvo, ivimbisoi inopiwa naMwari kune vaya vanoratidza kuti vakatendeka kwaari?

21 Sokutinyevera kwakaita Jesu, munyika tinotambudzika. (Johani 16:33) Asi Bhaibheri rinopikira kuti hapana “kutambura kana nhamo kana kutambudzwa kana nzara kana kusava nezvokupfeka kana ngozi” zvichatiparadzanisa norudo rwaJehovha norudo rwoMwanakomana wake. (VaRoma 8:35, 39) Zvinonyaradza kwazvo kuziva kuti chero kutambudzika kwatinosangana nako ndekwenguva pfupi! Panguva ino, takamirira kuti kutambura kwevanhu kugumiswe, Baba vedu vane rudo, Jehovha, vari kutitarisira. Kana tikamhanyira kwavari kuti vatidzivirire, vacharatidza kuva “nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.”—Pisarema 9:9.

Tadzidzei?

• VaKristu vanofanira kutarisirei pavari kurarama munyika ino yakaipa?

• Minyengetero yedu yemwoyo wose ingatisimbisa sei patinotarisana nemiedzo?

• Mudzimu waMwari unotibatsira sei?

• Chii chatingaita kuti tibatsirane?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Tinofanira kutsvaka Jehovha sezvinonzi tiri kumhanyira kunhare yakasimba

[Mifananidzo iri papeji 20]

Vaya vakasimba pakunamata vanoshandisa mikana yose kurumbidza uye kukurudzira vamwe