Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvengwa Pasina Chikonzero

Kuvengwa Pasina Chikonzero

Kuvengwa Pasina Chikonzero

“Vakandivenga pasina chikonzero.”—JOHANI 15:25.

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinoedza kurarama zvichiteerera mirayiro iri muShoko raMwari. Saka, zvine mukurumbira wakanaka munyika dzakawanda. Zvisinei, pane dzimwe nguva, zvinonyeperwa. Somuenzaniso, mumwe mukuru mukuru wehurumende muguta reSt. Petersburg, kuRussia, akati: “Taiudzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiva kamwe kapoka kechitendero kepachivande kanonamatira murima uye zvaiuraya vana zvichizviurayawo.” Asi pashure pokushanda neZvapupu zvaJehovha maererano nourongwa hwekokorodzano yemarudzi akawanda, mukuru mukuru iyeye akati: “Iye zvino ndava kuona vanhu vakangofanana nevamwe vanhu vosewo zvavo, vanonyemwerera . . . Vane rugare uye vakadzikama, uye vanodanana zvikuru.” Akawedzera kuti: “Handitombozivi kuti nei vanhu vachitaura nhema nezvavo.”—1 Petro 3:16.

2 Vashumiri vaMwari havafari zita ravo parinosvibiswa vachinzi vaiti vezvakaipa, asi hazvivashamisi apo vanhu vanotaura zvakaipa nezvavo. Jesu akafanonyevera vateveri vake kuti: “Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai. . . . Zvakadai kuti shoko rakanyorwa muMutemo wavo rizadzike, rokuti ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’’’ * (Johani 15:18-20, 25; Pisarema 35:19; 69:4) Akanga amboudza vadzidzi vake kuti: “Kana vanhu vakadana muridzi wemba kuti Bherizebhubhu, vachadana kudaro zvikuru sei avo veimba yake?” (Mateu 10:25) VaKristu vanonzwisisa kuti kutsungirira kuzvidzwa kwakadaro ‘idandawo rokutambudzikira’ ravakagamuchira pavakava vateveri vaKristu.—Mateu 16:24.

3 Kutambudzwa kwevanamati vechokwadi kwakabvira kare kare, zvichitodzokera shure kuna “Abheri akarurama.” (Mateu 23:34, 35) Hakuna kungoitika muzviitiko zvishomanana bedzi. Jesu akataura kuti vateveri vake vaizo“vengwa nevanhu vose” nokuda kwezita rake. (Mateu 10:22) Uyezve, muapostora Pauro akanyora kuti vashumiri vose vaMwari—kusanganisira mumwe nomumwe wedu—vanofanira kutarisira kutambudzwa. (2 Timoti 3:12) Nei?

Anokonzera Kuvengwa Pasina Chikonzero

4 Shoko raMwari rinoratidza kuti kubvira pakutanga, mumwe munhu asingaoneki ndiye ave achikonzera kuvengwa. Chimbofunga nezvokuurayiwa kwoutsinye kwakaitwa murume wokutenda wokutanga, Abheri. Bhaibheri rinotaura kuti mukoma wake aiva mhondi, Kaini, “akabva kune wakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. (1 Johani 3:12) Kaini akava nemafungiro aSatani, uye Dhiyabhorosi akamushandisa kuita zvinangwa zvake zvakaipa. Bhaibheri rinojekesawo basa raSatani mukurwisa kunotyisa kwaakaita Jobho naJesu Kristu. (Jobho 1:12; 2:6, 7; Johani 8:37, 44; 13:27) Bhuku raZvakazarurwa rinonyatsojekesa anokonzera kutambudzwa kwevateveri vaJesu richiti: “Dhiyabhorosi acharamba achikanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe kwazvo.” (Zvakazarurwa 2:10) Chokwadi, Satani ndiye anokonzera kuvengwa pasina chikonzero kwevanhu vaMwari.

5 Satani anovengerei vanamati vechokwadi? Nezano rake rinoratidza kuzvikudza zvikuru, Satani akadenha “Mambo asingagumi,” Jehovha Mwari. (1 Timoti 1:17; 3:6) Anoti Mwari anodzvinyirira zvikuru mukutonga kwake zvisikwa zvake uye hapana anoshumira Jehovha nevavariro yakanaka, kuti vanhu vanodaro bedzi nokuda kwoudyire. Satani anoti kana akabvumirwa kuedza vanhu, anogona kutsausa vose kuti vasashumire Mwari. (Genesi 3:1-6; Jobho 1:6-12; 2:1-7) Achichera Jehovha somunhu anodzvinyirira, murevi wenhema, uye mukundikani, Satani anodawo kuzviita changamire anokwikwidza. Saka, hasha dzake kuvashumiri vaMwari dzinokonzerwa nechido chake chokunamatwa.—Mateu 4:8, 9.

6 Unoona here kuti nyaya iyi inotei paupenyu hwako? Somushumiri waJehovha, zvimwe wakawana kuti kuita kuda kwaMwari kunoda kuti uedze nomwoyo wose, uye zvikomborero zvokuita kudaro zvikuru kwazvo. Zvisinei, zvakadini kana mamiriro ako ezvinhu muupenyu hwako achiita kuti zviome, kunyange kurwadza, kuti urambe uchiteerera mitemo nemirayiro zvaJehovha? Uye zvakadini kana zvichiratidzika sokuti hapana chauri kuwanawo? Ungagumisa kuti hazvibatsiri kuramba uchishumira Jehovha here? Kana kuti kuda Jehovha uye kuremekedza unhu hwake hwakaisvonaka kungakukurudzira kuramba uchifamba munzira dzake here? (Dheuteronomio 10:12, 13) Nokubvumira Satani kuunza zvimwe zvitambudzo patiri, Jehovha akapa mumwe nomumwe mukana wokuti tiratidze mhinduro yedu pakudenha kwaSatani.—Zvirevo 27:11.

“Apo Vanhu Vanokuzvidzai”

7 Iye zvino ngatimbonyatsoongororai imwe yenzira dzemanomano dzinoshandiswa naSatani achiedza kutsigira zvaakataura—kuzvidza kwenhema. Jesu akati Satani ndi“baba venhema.” (Johani 8:44) Zita rinorondedzera rokuti Dhiyabhorosi, rinoreva kuti “Mucheri,” rinomuratidza somucheri mukuru waMwari, weshoko rake rakanaka, uye wezita rake dzvene. Dhiyabhorosi anopomera nhema dzisiri nyore kuona, uye nhema chaidzo kushora uchangamire hwaJehovha, uye anoshandisa nzira idzodzi kusvibisa vashumiri vakavimbika vaMwari. Nokuita kuti Zvapupu izvi zvizvidzwe zvikuru, anogona kuita kuti pave nomuedzo wakakomba kunyange wakatooma kwazvo kuti zvitsungirire.

8 Chimbofunga zvakaitika kuna Jobho, uyo ane zita rinoreva kuti “Anoitirwa Utsinye.” Kuwedzera pane kuita kuti Jobho arasikirwe nezvinhu zvake, vana vake, uye utano hwake, Satani akaita kuti Jobho aite somutadzi uyo akanga ari kurangwa naMwari. Kunyange aimboremekedzwa zvikuru, Jobho akasvika pakuzvidzwa, kunyange nehama neshamwari dzake. (Jobho 19:13-19; 29:1, 2, 7-11) Uyezve, achishandisa vanyaradzi venhema, Satani akaedza ‘kupwanya Jobho nemashoko,’ kutanga nenzira yaisava nyore kuona achiti akanga apara chivi chakakomba ndokuzomupomera kuti aiita zvakaipa. (Jobho 4:6-9; 19:2; 22:5-10) Chokwadi izvozvo zvinofanira kuva zvakaodza mwoyo waJobho!

9 Somutsigiri mukuru wouchangamire hwaJehovha, Mwanakomana waMwari akavengwa zvikuru naSatani. Jesu paakauya pasi pano, Satani akaedza kumusvibisa mune zvokunamata, sezvaakanga aita Jobho, achiita kuti Jesu aratidzike somutadzi. (Isaya 53:2-4; Johani 9:24) Vanhu vaimuti chidhakwa uye munhu anoruta uye vaiti ‘aiva nedhimoni.’ (Mateu 11:18, 19; Johani 7:20; 8:48; 10:20) Vaimupomera zvenhema kuti aimhura Mwari. (Mateu 9:2, 3; 26:63-66; Johani 10:33-36) Izvi zvaiodza Jesu mwoyo, nokuti aiziva kuti zvaizvidzisa Baba vake. (Ruka 22:41-44) Pakupedzisira, Jesu akarovererwa padanda segororo rakatukwa. (Mateu 27:38-44) Achiramba akavimbika zvakakwana, Jesu akatsungirira kwazvo “kutaura kwokukakavara . . . kwevanhu vanoita zvivi.”—VaHebheru 12:2, 3.

10 Mazuva ano, vateveri vaKristu vakazodzwa vasara, vanovengwawo saizvozvo naDhiyabhorosi. Satani anorondedzerwa se“anopomera hama [dzaKristu] . . . , anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu.” (Zvakazarurwa 12:9, 10) Sezvo akadzingwa mudenga uye ava munharaunda yepasi, Satani akawedzera kuita kuti hama dzaKristu dzionekwe sevanhu vanozvidzwa. (1 VaKorinde 4:13) Mune dzimwe nyika, vakatocherwa vachinzi kapoka kechitendero kane ngozi, sezvaingoitwa vaKristu vomuzana ramakore rokutanga. (Mabasa 24:5, 14; 28:22) Sezvambotaurwa pakutanga, vave vachitaurwa zvakaipa nezvavo nemashoko enhema. Asi, “nomumbiri noruzvidzo, nomumashoko akaipa nemashoko akanaka,” hama dzaKristu dzakazodzwa dzichitsigirwa neshamwari dzadzo, ve“mamwe makwai,” nokuzvininipisa dzakaedza ‘kuchengeta mirayiro yaMwari uye kuita basa rokupupurira Jesu.’—2 VaKorinde 6:8; Johani 10:16; Zvakazarurwa 12:17.

11 Zvechokwadi, hakusi kuzvidzwa kwose kunosangana nevashumiri vaMwari kuri nokuda “kwokururama.” (Mateu 5:10) Zvimwe zvinetso zvingavapo nemhosva yokusakwana kwedu. Hapana chinhu chakanaka chatinowana kana ‘tikaita chivi torohwa nembama, uye totsungirira.’ Zvisinei, kana muKristu “nemhaka yehana yake kuna Mwari, achitsungirira zvinhu zvinoshungurudza uye achitambura nenzira isina kufanira, ichi chinhu chinofadza” mukuona kwaJehovha. (1 Petro 2:19, 20) Izvozvi zvingaitika mumamiriro ezvinhu api?

12 Vamwe vakabatwa zvisina kufanira nokuti vakaramba kubatanidzwa mutsika dzemariro dzisiri dzepamagwaro. (Dheuteronomio 14:1) Vechiduku vari Zvapupu vave vachingogara vachitsvinyirwa nokuti vanoomerera kutsika dzinodiwa naJehovha. (1 Petro 4:4) Vamwe vabereki vechiKristu vakapomerwa zvisiri izvo se“vanoregeredza” kana kuti “vanobata [vana vavo] zvisina kufanira” nokuti vakatsvaka dzimwe nzira dzokuti vana vavo varapwe pasina ropa. (Mabasa 15:29) VaKristu vave vachitovengwa nehama dzavo nevavakidzani nokungoti vashumiri vaJehovha chete. (Mateu 10:34-37) Vose ivavo vari kutevera muenzaniso wakasiyiwa nevaprofita naJesu pachake mukutambudzwa zvisina kufanira.—Mateu 5:11, 12; Jakobho 5:10; 1 Petro 2:21.

Kutsungirira Kuzvidzwa

13 Patinozvidzwa zvakanyanya pamusana pokutenda kwedu, tingaodzwa mwoyo sezvakaita muprofita Jeremiya, uye tofunga kuti hatigoni kuramba tichishumira Mwari. (Jeremia 20:7-9) Chii chinogona kutibatsira kuramba takadzikama pane zvokunamata? Edza kuona nhau yacho semaonero anoita Jehovha. Anoona vaya vanoramba vakavimbika mumuedzo sevakundi, kwete sevanowirwa netsaona. (VaRoma 8:37) Edza kufungidzira vanhu vaya vakatsigira uchangamire hwaJehovha pasinei nokuzvidzwa kwavakaitwa naDhiyabhorosi—vakadzi nevarume vakadai saAbheri, Jobho, amai vaJesu Mariya, nevamwe vanhu vakatendeka vekare, nevamwe vashumiri vatinonamatawo navo mumazuva ano. (VaHebheru 11:35-37; 12:1) Fungisisa nezvokuvimbika kwavo. Gore rakakura kudaro revakavimbika rinotikoka kumira naro pachikuva chorukundo chakachengeterwa vaya vanokunda nyika nokutenda kwavo.—1 Johani 5:4.

14 Kana ‘ndangariro dzedu dzava zhinji mukati medu,’ tinogona kutaura naJehovha nomunyengetero womwoyo wose, uye achatinyaradza otisimbisa. (Pisarema 50:15; 94:19) Achatipa uchenjeri hwatinoda kuti tikunde miedzo otibatsira kuramba tichiziva nhau inobatanidza kuva changamire kwaJehovha iri iyo inokonzera kuvengwa zvisina kufanira kunoitirwa vashumiri vake. (Jakobho 1:5) Jehovha anogonawo kutipa “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” (VaFiripi 4:6, 7) Rugare urwu rwatinopiwa naMwari runotigonesa kuramba takadzikama uye takatsunga patinodzvinyirirwa zvakakomba tisingatyi kana kusava nechokwadi. Achishandisa mudzimu wake, Jehovha anogona kutichengeta pane chero zvaanobvumira kuti zviitike kwatiri.—1 VaKorinde 10:13.

15 Chii chingatibatsira kuti tisatsamwire vaya vanotivenga pasina chikonzero? Yeuka kuti vavengi vedu vakuru ndiSatani nemadhimoni. (VaEfeso 6:12) Kunyange zvazvo vamwe vanhu vachititambudza vachiziva uye noune, vakawanda vevaya vanoshora vanhu vaMwari vanodaro nokusaziva kana kuti vanoshandiswa nevamwe. (Dhanieri 6:4-16; 1 Timoti 1:12, 13) Jehovha anoda kuti “vanhu vose” vawane mukana ‘wokuponeswa uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.’ (1 Timoti 2:4) Chokwadi, vamwe vaimbova vashori iye zvino vava hama dzedu dzechiKristu nokuti vakaona mufambiro wedu usina chaunopomerwa. (1 Petro 2:12) Uyezve, tinogona kuwana chidzidzo mumuenzaniso womwanakomana waJakobho, Josefa. Kunyange zvazvo Josefa akatambura zvikuru pamusana pezvakaitwa nevakoma vake, haana kugara achivavenga. Nei asina kudaro? Nokuti akanzwisisa kuti Jehovha aibatanidzwa munyaya yacho, achitungamirira zvinhu kuitira kuti azadzike chinangwa Chake. (Genesi 45:4-8) Jehovha anogonawo kuita kuti kutambura zvisina kufanira kwatingave tichiita kuzopedzisira kwaunza rukudzo kuzita rake.—1 Petro 4:16.

16 Hatifaniri hedu kushushikana kana vashori vakamboita sevari kubudirira mukuvhiringidza kufambira mberi kwemashoko akanaka. Iye zvino Jehovha ari kuzunungusa marudzi achishandisa basa rokuparidza riri kuitwa munyika yose, uye zvinhu zvinokosha zviri kuuya. (Hagai 2:7) Kristu Jesu, Mufudzi Akanaka Zvikuru, akati: “Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ndinoaziva, uye anonditevera. Uye ndinoapa upenyu husingaperi, . . . uye hapana achaabvuta muruoko rwangu.” (Johani 10:27-29) Ngirozi tsvene dziri kubatanidzwawo mukukohwa kukuru uku mune zvokunamata. (Mateu 13:39, 41; Zvakazarurwa 14:6, 7) Saka hapana chinogona kutaurwa kana kuitwa nevashori chingatadzisa chinangwa chaMwari.—Isaya 54:17; Mabasa 5:38, 39.

17 Kakawanda, zvinoedzwa kuitwa nevashori zvinovapandukira. Mune imwe nyika yomuAfrica, nhema dzakaipisisa dzakanga dzaparadzirwa nezveZvapupu zvaJehovha, kusanganisira dzokuti vainamata Dhiyabhorosi. Pamusana peizvi, pose paishanya Zvapupu, Grace aimhanyira seri kwemba yake ohwanda ikoko kusvikira zvaenda. Rimwe zuva mukuru wokuchechi kwavo akasimudza rimwe remabhuku edu uye akaudza vanhu vose vaivapo kuti varege kuriverenga nokuti raizoita kuti vasiye kutenda kwavo. Izvi zvakaita kuti Grace ade kuziva zvakawanda. Zvapupu pazvakazouya, pane kuhwanda, akakurukurirana nazvo uye akapiwa bhuku riya. Akatanga kudzidza Bhaibheri, uye muna 1996 akabhabhatidzwa. Iye zvino Grace anoshandisa nguva yake kutsvaka vamwe vangangove vakanyeperwa nezveZvapupu zvaJehovha.

Simbisa Kutenda Kwako Iye Zvino

18 Sezvo Satani achikwanisa kushora chero nguva ipi zvayo achishandisa ruvengo rusina kufanira, zvinokosha kuti tisimbise kutenda kwedu iye zvino. Tingazviita sei? Mashoko anobva kune imwe nyika uko Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa anoti: “Pane chimwe chinhu chava pachena: Vaya vane tsika dzakanaka dzokunamata uye vanokoshesa zvikuru chokwadi cheBhaibheri havana chinetso chokuramba vakasimba panouya miedzo. Asi vaya vanorovha misangano, vasingabudi mubasa romumunda nguva dzose, uye vanokundikana panyaya dukuduku ‘mumwaka wakafanira’ ndivo vanowanzokundikana panouya muedzo ‘wakaita somoto.’” (2 Timoti 4:2) Kana uchiona kuti une zvaunofanira kugadzirisa, edza kuita izvozvo nokukurumidza.—Pisarema 119:60.

19 Kuvimbika kwevanamati vechokwadi mukutambudza kukuru uye kuvenga kunoita Satani kunonyatsoratidza kufanira, kukodzera, uye kururama kwouchangamire hwaJehovha. Kutendeka kwavo kunoita kuti mwoyo waMwari ufare. Kunyange zvazvo vanhu vangatutira kuzvidzwa pavari, uyo ane chiremera chiri pamusoro pepasi nedenga “haanyari navo, kuti adanwe kunzi Mwari wavo.” Chokwadi, nezvevakavimbika vose vakadaro zvakakodzera kuti: “Nyika yakanga isina kuvafanira.”—VaHebheru 11:16, 38.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 MuMagwaro, shoko rokuti “kuvenga” rinoreva zvakawanda. Mune dzimwe ndima, rinongoreva kuda zvishoma. (Dheuteronomio 21:15, 16) “Kuvenga” kungarevawo kusada zvikuru chimwe chinhu asi pasina pfungwa yokuchikuvadza, pane kudaro munhu angatsvaka kusava pedyo nechinhu chacho nemhosva yokusemburwa nacho. Zvisinei, shoko rokuti “kuvenga” ringarevawo utsinye, kuva nemwoyo wakaipa kwenguva refu zvichiwanzoteverwa noutsinye. Iyi ndiyo pfungwa yeshoko racho iri kukurukurwa munyaya ino.

Unogona Kutsanangura Here?

• Ndiani anokonzera ruvengo rusina kufanira runounzwa pavanamati vechokwadi?

• Satani akazvidza sei Jobho naJesu achiedza kuti vasiye kuvimbika kwavo?

• Jehovha anotisimbisa sei kuti tirambe takasimba munguva yokuvengwa nokutambudzwa naSatani?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1, 2. (a) Nei vamwe vachishamiswa pavanonzwa vaKristu vachitaurwa zvakaipa nezvavo, asi nei mashoko iwayo asingafaniri kutishamisa? (b) Munyaya ino tichakurukura pfungwa ipi yeshoko rokuti “kuvenga”? (Ona mashoko omuzasi.)

3. Vanamati vechokwadi vave vachitambudzwa zvikuru sei?

4. Bhaibheri rinoratidza sei anokonzera kuvengwa kwose pasina chikonzero?

5. Satani anovengerei vanamati vechokwadi?

6. (a) Tinobatanidzwa sei somunhu mumwe nomumwe munyaya youchangamire hwaJehovha? (b) Kunzwisisa nyaya iyi kunotibatsira sei kuramba takavimbika? (Ona bhokisi, peji 16.)

7. Ndeipi imwe nzira inoshandiswa naDhiyabhorosi kuedza kutitsausa pana Jehovha?

8. Satani akazvidza sei Jobho, uye zvikaguma nei?

9. Jesu akaitwa sei kuti aratidzike somutadzi?

10. Vakazodzwa vasara ndivo vave vachinyanya kuvengwa sei naSatani mazuva ano?

11, 12. (a) Chii chingave chichikonzera kuzvidzwa kunosangana nevaKristu? (b) MuKristu angatambura zvisina kufanira munzira dzipi nokuda kwokutenda kwake?

13. Chii chinogona kutibatsira kuramba takadzikama pane zvokunamata patinozvidzwa zvakakomba?

14. Munyengetero womwoyo wose unogona kutisimbisa sei kuti tirambe takatendeka?

15. Chii chingatibatsira kuti tisatsamwe patinotambura?

16, 17. Nei tisingafaniri kushushikana nezviri kuitwa nevashori kuti vakanganise basa redu rokuparidza?

18. Nei tichifanira kusimbisa kutenda kwedu miedzo yakakomba isati yamuka, uye tingazviita sei?

19. Kuvimbika kwevashumiri vaMwari pavanovengwa zvisina kufanira kunoitei?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 16]

Vakanzwisisa Nyaya Yacho Chaiyo

Mumwe weZvapupu zvaJehovha muUkraine, uko basa rokuparidza rakanga rakarambidzwa kwemakore anopfuura 50, akati: “Mamiriro ezvinhu ayo Zvapupu zvaJehovha zvakazviwana zviri haafaniri kungoonekwa sezviito zvevanhu. . . . Vazhinji vevakuru vakuru vakanga vachingoita basa ravo chete. Hurumende payakachinja, vakuru vakuru vaya vakachinja wavainge vakavimbika kwaari, asi isu hatina kuchinja. Taiziva kuti kwaibva zvinetso zvedu kwakanga kwataurwa muBhaibheri.

“Hatina kungozviona bedzi sevanhu vasina mhosva vaidzvinyirirwa nevanhu. Chakatibatsira kutsungirira kwaiva kunzwisisa kwakajeka nyaya yakamutswa mubindu reEdheni—nyaya yekodzero yaMwari yokutonga. . . . Takatsigira nyaya yaibatanidza kwete bedzi zvinofarirwa nevanhu asi zvinodiwa naChangamire wezvinhu zvose zvakasikwa. Tainzwisisa zvikuru nyaya dzacho chaidzo dzaibatanidzwa. Izvi zvakaita kuti tinzwe takasimba uye tichikwanisa kuramba takavimbika kunyange munguva dzakanyanyisa kuoma.”

[Mufananidzo]

Victor Popovych akasungwa muna 1970

[Mufananidzo uri papeji 13]

Ndiani akakonzera kuzvidzwa kwakaitwa Jesu?

[Mifananidzo iri papeji 15]

Jobho, Mariya, uye vashumiri vaMwari vomuzuva ranhasi, vakadai saStanley Jones, vakatsigira uchangamire hwaJehovha