Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwana Zano Rinobatsira Zvikuru

Kuwana Zano Rinobatsira Zvikuru

Kuwana Zano Rinobatsira Zvikuru

ZVECHOKWADI upenyu hunobudirira hunodiwa. Zano rakanaka uye chido chokuita maererano naro ndizvo zvinhu zvikuru zvinoita kuti tiwane upenyu hwakadaro munyika ino yakaoma. Zvisinei, vanhu vagara vasingadi kuteerera zano rinobatsira. Vakawanda vanoti munhu anofanira kurarama upenyu hwake sezvaanoda. Kutaura zvazviri, nhoroondo yeBhaibheri inoratidza kuti Satani, muvengi wokutanga wouchangamire hwaMwari, akaita kuti vanhu vokutanga vazvimiririre. Genesi 3:5 ine mashoko aakataura kuna Evha okuti: “Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo [muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa], meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”

Adhamu naEvha vakazokwanisa kurarama nokubudirira, pasina migumisiro yakaipa, vachitungamirirwa zvizere nepfungwa dzavo here? Kana. Kuda kuziva zvakanaka nezvakaipa kwakavaodza mwoyo nokukurumidza. Mwari haana kuvafarira, uye izvi zvakanga zvakarurama, saka vakatanga upenyu hwakaoma sevanhu vasina kukwana, zvichiguma norufu. (Genesi 3:16-19, 23) Tose tinofa. Bhaibheri rinoti: “Sokupinda kwakaita chivi munyika nemhaka yomunhu mumwe [Adhamu] norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.”—VaRoma 5:12.

Kunyange zvazvo paine migumisiro yakaipa yezvakasarudzwa naAdhamu naEvha, vakawanda havasati vabvuma uchenjeri hwokushandisa zano rinobva kuMusiki. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura kuti ‘rakafuridzirwa naMwari uye rinobatsira,’ uye rinogona kutibatsira ‘kuva vanokwanisa kwazvo, vakashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.’ (2 Timoti 3:16, 17) Zvechokwadi tichafara kana tikatevedzera zano riri muBhaibheri. Mumhuri ndimo mazvinonyanyoshanda.

Kuvimbika Kwevakaroorana

Maererano neBhaibheri, Mwari aida kuti kuroorana kuve kwechigarire. (Genesi 2:22-24; Mateu 19:6) Uyezve, Magwaro anoti “mubhedha weroorano ngaurege kusvibiswa,” zvichireva kuti mubatanidzwa uyu haufaniri kusvibiswa nounzenza. (VaHebheru 13:4) Zvisinei, pamwe unotoziva kuti nhasi vanhu vakawanda vakaroorana havakwanisi kuita izvi. Vamwe vanhu vane tsika yokutamba norudo kubasa nevanhu vavasina kuroorana navo. Vamwe vanonyepera mhuri dzavo kuitira kuti vapedze nguva vaine mumwe munhu wavanodanana naye asi vasina kuroorana naye. Vamwe vanotosiya wavakaroorana naye kuti vanogara nomumwe wechiduku vachitaura kuti nokuita izvi vanonzwa vava vaduku uye vachifara, sezvakaitika kuna Veronica ataurwa munyaya yapfuura.

Kunyange zvakadaro, kutsunga kuda kuzvifadza pasinei nemigumisiro inovapo hakuunzi mufaro unogara. Ronald anogona kupupurira izvozvo. Aine chokwadi chokuti aizonatsiridza upenyu hwake, akasiya mudzimai wake kuti anotanga mhuri itsva nomudzimai waakanga achidanana naye muchivande kwemakore matanhatu uye waakanga atoita naye vana vaviri. Zvisinei, kwapera nguva arambana nomudzimai wake, uya waaidanana naye akamusiyawo! Pakupedzisira Ronald akanogara nevabereki vake. Akarondedzera mamiriro ake ezvinhu se“anonyadzisa.” Uyu unongova muenzaniso mumwe chete. Zviito zvakadaro zvinokonzerwa nezvido zvoudyire, zvinoita kuti vanhu vangogara vachirambana uye mhuri dziparadzane, zvichiita kuti vanhu vasingaverengeki vatambure—vakuru nevana.

Ukuwo, kuteerera zano reBhaibheri kunoguma nomufaro wechokwadi. Ndizvo zvakaitika kuna Roberto, uyo anoti: “Nokubatsira kwezano reBhaibheri, handina kuzorasikirwa nomudzimai wangu. Hatiwani mufaro wechokwadi nokukundwa nomuedzo wokudanana nomunhu asiri watakaroorana naye, kunyange zvazvo munhu wacho angaratidzika seanokwezva. Dzidzo yeBhaibheri yakandibatsira kukoshesa mudzimai wangu, uyo wandave ndinaye kwemakore akawanda kwazvo.” Zano reBhaibheri rokuti “kurege kuva nomumwe unonyengera mukadzi woujaya hwake” rakabatsira Roberto zvikuru muupenyu hwake. (Maraki 2:15) Muzvimwe zvinhu zvipi matinogona kubatsirwa nezano raMwari?

Kurera Vana Vedu

Makumi amakore akapfuura, pfungwa yokuti vabereki vakanga vasingafaniri kupa mitemo yakawanda pakurovedza vana vavo yakakurumbira. Zvaiita sezvine musoro kubvumira vana kuzvisarudzira uye kuzvifungira zvavaida kuita. Chinangwa chacho chaiva chokusavadzvinyirira pakukura kwavo. Mune dzimwe nzvimbo, makatoitwa zvikoro zvakanga zvisina kunyatsorongeka, uko pakati pezvimwe zvinhu vadzidzi vaigona kusarudza kana vaida kupinda zvidzidzo kana kuti kwete uye vaigona kusarudza uwandu hwevaraidzo kana mirayiridzo yavaida kuwana. Mutemo wechimwe chikoro chorudzi urwu waiva “wokubvumira vana kuti vazvisarudzire vakasununguka vasingatsoropodzwi uye pasina kupindira kwomunhu mukuru.” Nhasi, vamwe vanopa mazano patsika dzevanhu havabvumirani nokuti kushandiswa kwezvimwe zvirango kunobatsira, kunyange apo vabereki vanenge vachifunga kuti zvakakodzera kupa chirango chorudo.

Zvave zvichiguma nei? Pane vanhu vakawanda vanofunga kuti zviito izvi zvokubvumira rusununguko pakurera vana zvakapa vana rusununguko rwakawandisa. Vanofunga kuti izvi zvakakonzera kuwedzera kwemhosva uye kushandiswa kwezvinodhaka. Kumwe kuongorora kwakaitwa muUnited States kwakaratidza kuti inoda kusvika 70 muzana yevakabvunzwa vaifunga kuti vana uye vechiduku havatungamirirwi nevabereki sezvavanofanira kuitwa. Pavanoedza kutsanangura kupfurana kunoitwa muzvikoro nedzimwe mhosva dzakaipa dzinoitwa nevechiduku, vakawanda vanopomera “kuregeredza kwevabereki.” Uye kunyange migumisiro yacho painenge isina kunyanyoipa, vabereki nevana vanowana migumisiro inorwadza yokurera vana nenzira isiri iyo.

Bhaibheri rinotii nezveizvi? Zano romuMagwaro rinoti chiremera chevabereki chinofanira kuitwa norudo uyewo zvakasimba. Bhaibheri rinoti: “Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana; asi shamhu yokurayirira ichahudzingira kure naye.” (Zvirevo 22:15) Zvechokwadi kuranga kwose kunoitwa nevabereki kunofanira kunge kwakakodzerana nezvinenge zvaitika. Unyoro, kuzvidzora, uye kuva nehanya zvinofanira kudzora kuranga kwose kunoitwa. Saka chiratidzo chorudo. Kana vabereki vakaranga norudo, pasina hasha, kana utsinye zvingaita kuti pave nomukana mukuru wokubudirira.

Pane zvakanaka zvinogona kuvapo nokushandisa zano iri. Arturo, mumwe murume ane makore 30 wokuMexico uyo achangobva kuroora, anoti: “Baba vangu vakandijekesera ini nevakoma vangu kuti ivo naamai ndivo vaiva nechiremera mumhuri. Havana kumbozeza kutiranga. Asi nguva dzose vaiva nenguva yokutaura nesu. Iye zvino somunhu mukuru, ndinokoshesa upenyu hwakadzikama hwandinahwo uye ndinoziva kuti zvakabva zvikurukuru pakurayirirwa kwakanaka kwandakawana.”

Shandisa Zano Rinobatsira Zvikuru

Shoko raMwari Bhaibheri rine zano rinobatsira zvikuru rinowanika kuvanhu. Kurayirira kwaro hakungopereri muupenyu hwemhuri chete. Rinobatsira kutishongedza munzira dzakawanda nokuti rinotidzidzisa zvatinofanira kuita munyika ine vanhu vakawanda vasingadi kubvuma kuti mumwe Munhu ane uchenjeri hwakakwirira anofanira kudzora upenyu hwavo kuti zvinhu zvivanakire.

Jehovha Mwari, Musiki wevanhu vose, akavimbisa izvi achishandisa munyori wePisarema Dhavhidhi, kuti: “Ndichakudzidzisa nokukurayira nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.” (Pisarema 32:8) Ungafungidzira here zvazvinoreva kutariswa noMusiki kuitira kuti atichengete panjodzi? Zvisinei, mubvunzo kwatiri tose ndewokuti: ‘Ndichabvuma kurayira kunodzivirira kwaJehovha nokuzvininipisa here?’ Shoko rake rinotiudza norudo kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.

Kusvika pakuziva Jehovha kunoda kushingirira uye kuzvipira, asi vanhu vanogona kuzviita vachishandisa Bhaibheri. Nzira youpenyu yaanoda kuti titevere ine “chipikirwa choupenyu huno nehuchauya.” Chokwadi, inzira inowanisa zvakawanda kana tichifunga nezvokubatsira kwainoita.—1 Timoti 4:8; 6:6.

Kana ukakwezvwa nezvinotaura Bhaibheri uye zvikomborero zvinobva mukurarama maererano naro, kuverenga uye kufungisisa Shoko raMwari ngakuve kwokutanga muupenyu hwako. Kuita kudaro kuchakubatsira kutarisana nezvinetso zvanhasi uye chero zvipi zviri mberi nokubudirira. Uyezve, uchawana tariro yokurarama munyika itsva yaMwari, umo vose vachadzidziswa naJehovha uye rugare rwavo ruchava ruzhinji.—Isaya 54:13.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Zano reBhaibheri rinogona kusimbisa ukama hwevakaroorana

[Mifananidzo iri papeji 6]

Zano reBhaibheri ndiro rinopa mirayiro yakaisvonaka, asi rinobvumira kumbofara

[Mifananidzo iri papeji 7]

Vaya vanoshandisa Zano reBhaibheri vanogona kunakidzwa noupenyu huzere nezvakasiyana-siyana