Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takaneta asi Hatisi Kupera Simba

Takaneta asi Hatisi Kupera Simba

Takaneta asi Hatisi Kupera Simba

“Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, . . . Vanoziya unovapa simba; unoshayiwa simba unomuwedzera simba rake.”—ISAYA 40:28, 29.

1, 2. (a) Chikumbiroi chinofadza chiri kuitwa kune vose vanoda kunamata kwakachena?(b) Chii chingaisa kunamata kwedu pangozi?

SEVADZIDZI vaJesu, takajairana chaizvo nemashoko echikumbiro chake anofadza anoti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. . . . Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mateu 11:28-30) VaKristu vanopiwawo “mwaka yokusimbaradzwa . . . [kubva] kuna iye Jehovha.” (Mabasa 3:19) Chokwadi ungave wakazvionera kuzorodza kunoita kudzidza chokwadi cheBhaibheri, kuva netariro yakajeka yenguva yemberi, uye kushandisa mirayiro yaJehovha muupenyu hwako.

2 Asi, vamwe vevanamati vaJehovha vanomboneta mupfungwa. Dzimwe nguva kuora mwoyo uku kupfupi. Dzimwe nguvawo manzwiro okuneta aya angagara kwenguva refu. Nokufamba kwenguva, vamwe vanganzwa kuti mabasa avo echiKristu ava mitoro inorema panzvimbo pokuzorodza sezvakavimbiswa naJesu. Manzwiro akadaro angava nengozi zvikuru kuukama hwomuKristu naJehovha.

3. Nei Jesu akapa zano rinowanika pana Johani 14:1?

3 Nguva pfupi asati asungwa nokuurayiwa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Musarega mwoyo yenyu ichinetseka. Tendai muna Mwari, tendaiwo mandiri.” (Johani 14:1) Jesu akataura mashoko aya sezvo vaapostora vakanga vava kuda kutarisana nezviitiko zvinotyisa. Izvi zvaizoteverwa nechitambudzo. Jesu aiziva kuti vaapostora vake vaigona kugumburwa pamusana pokuora mwoyo kukuru. (Johani 16:1) Kana aisazodzorwa, manzwiro okusuruvara aigona kuita kuti vashaye simba pakunamata uye kuti vasavimbe naJehovha. Izvi zvinogona kuitikawo kuvaKristu nhasi. Kuora mwoyo kwenguva refu kunokonzera kushushikana kukuru, uye mwoyo yedu ingaremerwa. (Jeremia 8:18) Munhu womukati angapera simba. Tadzvinyirirwa seizvi, tingashayiwa simba mupfungwa uye mune zvokunamata, kunyange kurasikirwa nechido chedu chokunamata Jehovha.

4. Chii chingatibatsira kuti mwoyo yedu yokufananidzira isapera simba?

4 Zvechokwadi zano iri reBhaibheri rakakodzera rinoti: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” (Zvirevo 4:23) Bhaibheri rinopa zano rinoshandisika rinotibatsira kuchengetedza mwoyo wedu wokufananidzira pakuora mwoyo nokuneta mune zvokunamata. Zvisinei, kutanga, tinoda kuziva chinoita kuti tinete.

ChiKristu Hachidzvinyiriri

5. Kupesana kupi kunoita sokuripo kune chokuita nokuva mudzidzi wechiKristu?

5 Ichokwadi kuti kuva muKristu zvinoda kushanda nesimba. (Ruka 13:24) Jesu akatotiwo: “Munhu wose asiri kutakura danda rake rokutambudzikira achinditevera haagoni kuva mudzidzi wangu.” (Ruka 14:27) Kana asina kufungisiswa mashoko aya angaita seanopesana nemashoko aJesu anotaura nezvokuti mutoro wake wakareruka uye unozorodza, asi chaizvoizvo hapana kupesana.

6, 7. Nei zvinganzi kunamata kwedu hakunetesi?

6 Kushanda nesimba uye zvakaoma, kunyange zvazvo kuchipedza simba, kunogona kugutsa uye kuzorodza kana kukaitwa nechikonzero chakanaka. (Muparidzi 3:13, 22) Uye ndechipi chingava chikonzero chakanaka kudarika kuudza vavakidzani vedu chokwadi chakaisvonaka cheBhaibheri? Uyewo, kutamburira kwedu kurarama maererano nezvinodiwa naMwari zvakakwirira kunova kusingakoshi pakunoenzaniswa nokubatsirika kwatinoita. (Zvirevo 2:10-20) Kunyange patinotambudzwa, tinozviona sorukudzo kutamburira Umambo hwaMwari.—1 Petro 4:14.

7 Zvechokwadi mutoro waJesu unozorodza, zvikurukuru kana uchienzaniswa nerima mune zvokunamata rine vaya vanoramba vari pajoko rechitendero chenhema. Mwari anotida noushamwari uye haatirayiri zvisina musoro. “Mirayiro yake [Jehovha] hairemi.” (1 Johani 5:3) ChiKristu chechokwadi, sokutaurwa kwachinoitwa muMagwaro, hachidzvinyiriri. Zviri pachena kuti kunamata kwedu hakunetesi uye hakuodzi mwoyo.

‘Bvisa Zvinhu Zvose Zvinorema’

8. Chii chinowanzokonzera kuneta mune zvokunamata?

8 Kuneta kwose kwatinonzwa mune zvokunamata kunowanzokonzerwa nezvinhu zvinorema zvokuwedzera zvinoiswa patiri nenyika ino yakaipa. Nokuti “nyika yose iri musimba rewakaipa,” takapoteredzwa nemasimba akaipa anogona kutinetesa uye kuti tisave vaKristu vakadzikama. (1 Johani 5:19) Zvinhu zvisingakoshi zvinogona kuita kuti purogiramu yedu yechiKristu iome uye ivhiringidzike. Mitoro iyi yokuwedzera ingatinetesa uye kunyange kutidzvinyirira mune zvokunamata. Saka zvakakodzera kuti Bhaibheri rinotikurudzira ku‘bvisa zvinorema zvose.’—VaHebheru 12:1-3.

9. Kutsvakisisa zvinhu zvokunyama kungatiremedza sei?

9 Somuenzaniso, kunyanya kubatikana kwenyika nezvinhu zvakadai somukurumbira, mari, varaidzo, kuvhakacha kwokungonakidzwa, nezvimwewo zvinhu zvokunyama kunogona kukanganisa mafungiro edu. (1 Johani 2:15-17) Vamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaitsvaka pfuma vakaomesa upenyu hwavo zvikuru. Muapostora Pauro anotsanangura kuti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa, uye vachitsvaka kuda ikoku vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.”—1 Timoti 6:9, 10.

10. Chii chatingadzidza nezvepfuma mumufananidzo waJesu womudyari?

10 Patinonzwa kuneta uye taora mwoyo mubasa redu kuna Mwari, kutsvakisisa zvinhu zvokunyama kungava kuri iko kuri kutivhunga mune zvokunamata here? Izvi zvingava zvechokwadi kwazvo, sezvakaratidzwa nomufananidzo waJesu womudyari. Jesu akaenzanisa “kufunganya kwegadziriro ino yezvinhu nesimba rinonyengera repfuma noruchiva rwezvimwe zvinhu zvose” neminzwa “zvinopinda zvovhunga shoko” rembeu yeshoko raMwari mumwoyo yedu. (Mako 4:18, 19) Saka, Bhaibheri rinotipa zano rokuti: “Mararamire enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Nokuti akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’”—VaHebheru 13:5.

11. Tingabvisa sei zvinhu zvingatiremedza?

11 Dzimwe nguva zvinoomesa upenyu hwedu, hakusi kutsvaka zvinhu zvakawanda, asi zvatinoita nezvinhu zvatagara tinazvo. Vamwe vanganeta mupfungwa zvichikonzerwa nezvinetso zvoutano, kufirwa nevadiwa kana zvimwe zvinetso zvinoshungurudza. Vakawana kuti ivo ndivo vanofanira kuchinja nguva nenguva. Vamwe vakaroorana vakasarudza kurega zvimwe zvinhu zvinovavaraidza uye zvimwe zvirongwa zvisingakoshi. Chaizvoizvo vakaongorora zvinhu zvavo uye ndokurongedza zvinhu zvose zvaiva nechokuita nemabasa iwayo ndokuzviisa kure. Nguva nenguva, tinogona kubatsirika nokuongorora zviito zvedu uye zvinhu zvedu, kubvisa zvinhu zvisina basa zvinotiremedza kuitira kuti tisaneta uye kuti tisapera simba pamweya yedu.

Kunzwisisa uye Kuzvininipisa Zvinokosha

12. Chii chatinofanira kuziva nezvezvikanganiso zvedu?

12 Zvikanganiso zvedu, kunyange muzvinhu zviduku, zvishoma nezvishoma zvinogona kuomesa upenyu hwedu. Mashoko aDhavhidhi ndeechokwadi anoti: “Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; uye zvinondiremera somutoro unorema.” (Pisarema 38:4) Kazhinji, kugadzirisa zvinhu zvishomanana kuchaita kuti mitoro yedu inorema ireruke.

13. Kunzwisisa kungatibatsira sei kuva nemaonero akanaka paushumiri hwedu?

13 Bhaibheri rinotikurudzira kuva no“uchenjeri chaihwo nokungwara.” (Zvirevo 3:21, 22) “Uchenjeri hunobva kumusoro . . . hunonzwisisa,” rinodaro Bhaibheri. (Jakobho 3:17) Vamwe vakafunga kuti vanofanira kuramba vachiita zvakafanana nezvinoitwa nevamwe muushumiri hwechiKristu. Zvisinei, Bhaibheri rinotipa zano rokuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye ipapo achava nechisakiso chokufara zvikuru pamusoro pake oga, asingazvienzanisi nomumwe munhu. Nokuti mumwe nomumwe achatakura mutoro wake oga.” (VaGaratiya 6:4, 5) Ichokwadi kuti, muenzaniso wakanaka wevaKristu vatinonamata navo, ungatikurudzira kushumira Jehovha nomwoyo wose, asi uchenjeri hunoshandisika uye kunzwisisa zvichatibatsira kuva nevavariro dzinokwanisika maererano nemamiriro edu ezvinhu.

14, 15. Tingaratidza sei uchenjeri hunoshandisika mukutarisira zvatinoda mumuviri nomupfungwa?

14 Kunzwisisa kwedu kunyange muzvinhu zvinoita sezvisinganyanyokoshi kungatibatsira kusava nemanzwiro okuneta. Somuenzaniso, tinotanga kuva nezviito zvakadzikama zvinoita kuti muviri uve noutano hwakanaka here? Chimbofunga nezvemuenzaniso wevamwe vakaroorana vanoshanda pane imwe hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha. Vakaona kukosha kwouchenjeri hunoshandisika kuti vasaneta. Mudzimai wacho anoti: “Pasinei zvapo nokuwanda kwebasa ratinaro, tinoedza kuenda kunorara panguva yakafanana usiku hwoga hwoga. Uyewo tinorovedza muviri nguva dzose. Izvi zvakatibatsira chaizvo. Takadzidza zvatisingakwanisi uye tinoita zvinhu maererano neizvozvo. Hatiedzi kuzvienzanisa nevaya vanoratidzika sevane simba risingaperi.” Tinodya zvokudya zvinovaka uye kuzorora zvakakwana nguva dzose here? Kutarisira utano hwedu zvakanaka kungaderedza manzwiro okuneta mupfungwa nomune zvokunamata.

15 Vamwe vedu tine mamiriro ezvinhu akasiyana neevamwe. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi yechiKristu yakashanda muushumiri hwenguva yakazara munzvimbo dzakaoma dzinoverengeka. Yave iine zvinetso zvoutano zvakakomba kusanganisira kenza. Chii chinoibatsira kurarama nemamiriro ezvinhu anokonzera kuzvidya mwoyo? Inoti: “Zvinokosha kuti ndimbowana nguva yokuva ndoga uye ndakanyatsonyarara. Kana ndava kunzwa ndava kuneta uye kuzvidya mwoyo, ndinobva ndaziva kuti ndinoda nguva yakanyarara ndiri ndoga yokuti ndiverenge uye ndizorore.” Uchenjeri hunoshandisika nemano okufunga zvinotibatsira kuziva uye kugutsa zvatinoda somunhu oga todzivisa kuneta mune zvokunamata.

Jehovha Mwari Anotipa Simba

16, 17. (a) Nei kutarisira utano hwedu hwezvokunamata kuchikosha chaizvo? (b) Chii chatinofanira kubatanidza mupurogiramu yedu yezuva nezuva?

16 Zvechokwadi zvinokosha chaizvo kutarisira utano hwedu mune zvokunamata. Kana tine ukama hwapedyo naJehovha Mwari, tinganeta mumuviri, asi hatizomboperi simba pakumunamata. Jehovha ‘anopa vanoziya simba; anoshayiwa simba anomuwedzera simba rake.’ (Isaya 40:28, 29) Muapostora Pauro uyo akaona chokwadi chemashoko aya, akanyora, kuti: “Hatiregi, asi kunyange munhu watiri nechokunze ari kupera, zvechokwadi munhu watiri nechomukati ari kuvandudzwa zuva nezuva.”—2 VaKorinde 4:16.

17 Ona mashoko okuti “zuva nezuva.” Izvi zvinoreva kushandisa zvatinopiwa naJehovha zuva nezuva. Mumwe mumishinari akashumira akatendeka kwemakore 43, aimbonetawo mumuviri uye aimboora mwoyo. Asi haana kupera simba. Anoti: “Ndakava nomuitiro wokumuka mangwanani kuitira kuti ndisati ndatanga basa ripi neripi ndimbopedza nguva ndichinyengetera kuna Jehovha uye kuverenga Shoko rake. Purogiramu iyi yezuva nezuva yakandibatsira kutsungirira kusvikira iye zvino.” Chokwadi tinogona kuvimba nesimba raJehovha rinochengetedza kana tikanyengetera kwaari uye tikafungisisa unhu hwake hwakakwirira uye zvipikirwa zvake nguva dzose “zuva nezuva.”

18. Inyaradzo ipi inopiwa neBhaibheri kune vaya vakatendeka avo vakwegura kana kuti vanorwara?

18 Izvi zvinonyanya kubatsira vaya vanonzwa vakaora mwoyo pamusana pokukwegura uye utano husina kutsarukana. Vakadaro vangaora mwoyo, kwete nokuti vanozvienzanisa nevamwe, asi nokuti vari kuenzanisa nezvavaimboita kare. Zvinonyaradza kwazvo kuziva kuti Jehovha anokudza vakwegura! Bhaibheri rinoti: “Bvudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.” (Zvirevo 16:31) Jehovha anoziva zvatisingakwanisi uye anokoshesa kumunamata kwatinoita nomwoyo wose pasinei noundonda hwedu. Uye mabasa akanaka atakatoita kare haadzimiki mundangariro dzaMwari. Magwaro anotivimbisa kuti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.” (VaHebheru 6:10) Tose tinofara kwazvo kuva nevaya vakaratidza kuti vakavimbika kuna Jehovha kwemakumi akawanda emakore!

Tisarega

19. Tinobatsirwa sei nokuramba tichiita zvakanaka?

19 Vakawanda vanodavira kuti kuita basa rinoda simba nguva dzose kunogona kuderedza kuneta. Saizvozvowo, mabasa enguva dzose ezvokunamata anogona kuderedza manzwiro okuneta mupfungwa kana mune zvokunamata. Bhaibheri rinoti: “Tisarega kuita zvakanaka kwazvo, nokuti mumwaka wakafanira tichakohwa kana tisinganeti. Saka, chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratiya 6:9, 10) Ona mashoko okuti “kuita zvakanaka kwazvo” uye okuti “ngatiitirei vose zvakanaka.” Iwaya anoreva kuti tinofanira kuita chimwe chinhu. Kuitira vamwe zvakanaka zvechokwadi kunogona kuita kuti tisaneta mubasa redu kuna Jehovha.

20. Kuti tirwise kuora mwoyo, ndivanaani vatisingafaniri kushamwaridzana navo?

20 Kusiyana neizvi, kushamwaridzana uye kushanda nevanhu vasina basa nemitemo yaMwari kunogona kuva mutoro unonetesa. Bhaibheri rinotinyevera kuti: “Ibwe rinorema, uye jecha rinorema; asi kutsamwa kwebenzi kunokurira zvose nokurema.” (Zvirevo 27:3) Kuti tirwise manzwiro okuneta uye okuora mwoyo, hatifaniri kushamwaridzana nevaya vane mafungiro asina kunaka uye vanongogara vachida kuwanira vamwe mhosva nokuvatsoropodza.

21. Tingakurudzira sei vamwe pamisangano yechiKristu?

21 Misangano yechiKristu urongwa hunobva kuna Jehovha hunogona kutipa simba mune zvokunamata. Ikoko tine mikana yakaisvonaka yokukurudzirana nemirayiridzo inozorodza youshamwari. (VaHebheru 10:25) Vose vari muungano vanofanira kuedza kuva vanokurudzira pavanenge vachipindura pamisangano kana pavanenge vane hurukuro papurogiramu pachikuva. Vaya vanotungamirira sevadzidzisi ndivo vane mutoro zvikuru wokukurudzira vamwe. (Isaya 32:1, 2) Kunyange pazvinenge zvichidiwa kukurudzira kana kutsiura, nzira yokupa nayo zano inofanira kuzorodza. (VaGaratiya 6:1, 2) Kuda kwatinoita vamwe kuchatibatsira zvechokwadi kushumira Jehovha tisingaperi simba.—Pisarema 133:1; Johani 13:35.

22. Pasinei zvapo nokuti tiri vanhu vasina kukwana, tingava sei vakashinga?

22 Kunamata Jehovha munguva ino yokupedzisira ibasa. Uye vaKristu vanotarisanawo nemamiriro ezvinhu anovanetesa mupfungwa, anovashungurudza uye anoita kuti vazvidye mwoyo. Isu vanhu vasina kukwana hatina simba sezvakangoita mudziyo wevhu. Asi, Bhaibheri rinoti: “Tine pfuma iyi mumidziyo yevhu, kuti simba rinopfuura romuzvarirwo rive raMwari kwete rinobva matiri.” (2 VaKorinde 4:7) Chokwadi tichaneta, asi ngatisambopera simba kana kuti kurega. Asi, nga“tive vakashinga zvikuru tichiti: ‘Jehovha ndiye mubetseri wangu.’”—VaHebheru 13:6.

Kudzokorora Muchidimbu

• Ndeipi mimwe mitoro inorema yatingakwanisa kubvisa?

• ‘Tingaitirawo sei vamwe vaKristu zvakanaka’?

• Jehovha anotichengetedza sei patinonzwa kuneta kana kuti kuora mwoyo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jesu aiziva kuti kuora mwoyo kunogara nguva refu kwaigona kuvhiringidza vaapostora

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vamwe vakarega zvinhu zvinovavaraidza nezvimwe zvirongwa zvavo zvisingakoshi

[Mufananidzo uri papeji 26]

Pasinei zvapo nezvatisingakwanisi kuita, Jehovha anokoshesa kwazvo kumunamata kwatinoita nomwoyo wose