Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Wadii kuona kuti ungakwanisa kupindura mibvunzo inotevera here?

Complutensian Polyglot chaiva chii uye nei yaikosha?

Yaiva yeshanduro yeBhaibheri raiva nemitauro yakawanda iri muzvikamu zvakafanana, zvinoenderana zvendima dzakanakisisa dzaivapo muchiHebheru, chiGiriki, uye chiLatin, riine dzimwewo ndima dzechiAramaic. Bhaibheri iri rePolygot rakava nhanho huru mukufambira mberi mukubudisa ndima dzakanatsiridzwa dzemitauro yekare.—4/15, mapeji 28-31.

• Vanhu vangaita sei kuti Mwari afare?

Somunhu chaiye mupenyu, Jehovha anogona kufunga, kuita, uye ane zvaanonzwawo. Ndi“Mwari anofara” uye anofarira kuzadzika chinangwa chake. (1 Timoti 1:11; Pisarema 104:31) Kana tikaziva nezvemanzwiro aMwari, tichaziva zvokuita kuti tifadze mwoyo wake.—5/15, mapeji 4-7.

• Nei Dhavhidhi akabvumira mudzimai wake Mikari kuva nechifananidzo cheterafimi?

Mambo Sauro paakaronga kuuraya Dhavhidhi, Mikari akamubatsira kutiza, achiisa panhoo chifananidzo zvichida chairatidzika somunhu. Angangove aiva neterafimi nokuti akanga asingadi Mwari nomwoyo wose. Zvimwe Dhavhidhi akanga asingazivi nezvayo kana kuti akaibvumira nokuti akanga ari mwanasikana waMambo Sauro. (1 Makoronike 16:25, 26)—6/1, peji 29.

• Chii chaiva chikonzero chikuru chemirayiro yaMwari yezveropa?

Nezvakataurwa naMwari pashure peMafashamo, muMutemo waMosesi, uye mumurayiro unowanika pana Mabasa 15:28, 29, aireva nezvechibayiro chaisanganisira ropa raJesu rakadeurwa. Tinogona kukanganwirwa uye kuva norugare naMwari neropa iroro bedzi. (VaKorose 1:20)—6/15, mapeji 14-19.

• Zvishamiso zvingani zvakaitwa naJesu zvinotaurwa muBhaibheri?

Nhoroondo dzeEvhangeri dzinotaura nezvezvishamiso 35 zvakaitwa naJesu. Asi nhamba chaiyo yezvishamiso zvaJesu, kusanganisira zvisina kutaurwa nezvazvo, haina kutaurwa. (Mateu 14:14)—7/15, peji 5.