Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zano Rakanaka Rinodiwa Here?

Zano Rakanaka Rinodiwa Here?

Zano Rakanaka Rinodiwa Here?

NHASI vakawanda vanodavira kuti vanogona kusiyanisa chakanaka nechakaipa uye kuti vane kodzero yokuita chero chavanoda. Vamwe vanoti chinenge chinhu chose chakakodzera chero bedzi chichiita kuti munhu afare. Kuroorana uye upenyu hwemhuri, zvave zvichionekwa kubvira kare sourongwa hunokosha hwenzanga yevanhu, zviri kuvhiringidzwa zvikuru.—Genesi 3:5.

Chimbofunga nezvaVerónica, * anogara muMexico. Anoti: “Nguva pfupi tisati tasvitsa makore 15 takaroorana, murume wangu akandiudza kuti akanga achidanana nomumwe mukadzi. Akati sezvo mukadzi uyu akanga ari muduku akanga achimuita kuti afare, akanga asiri kuzomusiya. Ndakashamisika kuti murume wangu wandaiti ndiye shamwari yangu yepamwoyo akanga asingazogari neni zvakare. Ndaimbofunga kuti kufa kwevadiwa vedu ndiko kwainyanya kurwadza. Asi kwandiri, upombwe ndihwo hwakanyanya kundirwadza nokuti handina kungorasikirwa nomunhu wandaida kwazvo asi akaramba achiita zvinhu zvaindirwadza.”

Uyewo kune mumwe murume ane makore 22 uyo akatorambana nomukadzi wake uye ane mwanakomana asi haadi kumuchengeta. Anotarisira kuti amai vake vamuchengete iye nomwanakomana wake. Kana vakasabvumirana nezvose zvaanenge achida, anotsamwa ovatuka, sezvinongoita mwana asina unhu. Amai vake vanopererwa nezvokuita pavanotarisana nounhu hwakadaro husina kunaka.

Izvi hazvishamisi. Kuparadzana kwepamutemo nokurambana kuri kuwedzera kwose kwose. Vana vakawanda vanoona mumwe wevabereki vavo achibva pamba onotanga upenyu hutsva. Vamwe vaduku havacharemekedzi vamwe zvachose, kusanganisira vabereki vavo, uye vanobatanidzwa muzviito zvakanga zvisingambofungidziriki kare. Kuedza kuona chinoitika kana vanhu vakarara vose, kushandisa zvisina kufanira zvinodhaka, kurwisa kwevechiduku, uye kupondwa kwevadzidzisi kana kwevabereki zvichiitwa nevana zvakurumbira munyika dzakawanda. Uye ungave wakaona kuti kurerwa kwevana uye mhuri handizvo zvoga zviri kutarisana nematambudziko munyika yanhasi.

Sezvatinoona zvinhu izvi zvichiitika, tingashamisika kuti chii chiri kuitika kunzanga. Kana vanhu vachinyatsoziva kusiyanisa chakanaka nechakaipa, nei kune zvinetso zvakawanda zvinongogara zvisingagadziriswi? Zano rakanaka rinodiwa here? Zano rinobatsira rakadaro, rakavimbika rine kwarinowanika here? Kunyange zvazvo vakawanda vachiti vanodavira muna Mwari neShoko rake rakanyorwa, kutaura uku kunenge kusina zvakunoita pane zvavanosarudza. Asi tinowanei kana tikatsvaka towana zano rinobva kuna Mwari? Ngationei izvozvo munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Zita rakachinjwa.