Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Inhaka Yei Yaunofanira Kupa Vana Vako?

Inhaka Yei Yaunofanira Kupa Vana Vako?

Inhaka Yei Yaunofanira Kupa Vana Vako?

PAVLOS, samhuri wokumaodzanyemba kweEurope, haawanzova pamba kuti ave nenguva nomudzimai wake nevana—vanasikana vaviri, vane makore 13 ne11, uye mwanakomana ane makore 7. Mazuva ose manomwe evhiki Pavlos anoshanda maawa akawanda, achiedza kuwana mari inokwana kuita zvaanoda. Anoda kutengera vanasikana vake dzimba, uye anoda kutangira mwanakomana wake kabhizimisi. Sofia, mudzimai wake anoshanda zvakaoma kuti aunganidze machira, midziyo yomukicheni, midziyo yevhu neyesirivha zvokuzoisa mudzimba idzi dzichatengwa. Pavakabvunzwa kuti nei vachishanda zvakaoma kudaro, vakapindura pamwe chete kuti, “Tiri kuitira vana vedu!”

Kufanana naPavlos naSofia, vabereki vakawanda munyika yose vanoita zvose zvavanogona kuitira kuti vana vavo vave nepokutangira pakanaka muupenyu. Vamwe vanochengeta mari yokuti vana vavo vazoshandisa mangwana. Vamwe vanova nechokwadi chokuti vana vavo vanowana dzidzo yakakwana uye vanodzidza unyanzvi huchazovabatsira muupenyu. Kunyange zvazvo vabereki vakawanda vachiona zvipo zvakadaro senhaka yorudo, kugadzirira kwakadaro kunowanzoomera vabereki kuti vaite zvinenge zvichitarisirwa nehama, shamwari, uye nzanga yavanorarama mairi. Naizvozvo, zvakakodzera kuti vabereki vane hanya vabvunze kuti, ‘Tinofanira kupa vana vedu zvakawanda sei?’

Kufanorongera Remangwana

Hazvisi muropa bedzi asi zvirimowo mumaMagwaro kuti vabereki vechiKristu vafanorongera vana vavo. Muapostora Pauro akaudza vaKristu vomuzuva rake, kuti: “Vabereki vanofanira kufanorongera vana vavo, kwete kuti vana varongere vabereki vavo.” (2 VaKorinde 12:14, The New English Bible) Pauro akataurazve kuti kutarisira kunoitwa nevabereki ibasa rinokosha zvikuru. Akanyora kuti: “Zvechokwadi kana munhu asingagoveri avo vari vokwake, zvikurukuru avo vari mitezo yeimba yake, aramba kutenda uye akaipa zvikuru kupfuura munhu asina kutenda.” (1 Timoti 5:8) Nhoroondo dzakawanda dzomuBhaibheri dzinoratidza kuti nhau dzenhaka dzaikosha pavashumiri vaMwari vomunguva inotaurwa muBhaibheri.—Rute 2:19, 20; 3:9-13; 4:1-22; Jobho 42:15.

Zvisinei, dzimwe nguva vabereki vanopedza nguva yakawanda vachigadzirira vana vavo nhaka yakakura. Nei? Manolis, vamwe baba vakatamira kuUnited States vachibva kumaodzanyemba kweEurope, vanotaura nezvechimwe chikonzero vachiti: “Vabereki vakatambura nokuparadza kwakaita Hondo Yenyika II, nzara nourombo, vakatsunga kuvandudza mararamiro evana vavo.” Anowedzera kuti: “Nemhaka yokuti vanonyanyisa kufunga nezvomutoro wavo uye chido chokupa vana vavo pokutangira pakanaka muupenyu, dzimwe nguva vabereki vanozvikuvadza.” Zvechokwadi, vamwe vabereki vanozvinyima zvinodiwa muupenyu kana kuti vanozvishayisa zvimwe zvinhu kuti vachengetere vana vavo pfuma. Asi kuchenjera here kuti vabereki vadaro?

“Hazvina Maturo, Chinhu Chakaipa Kwazvo”

Mambo Soromoni weIsraeri yekare akanga aine shoko renyevero maererano nenhaka. Akanyora kuti: “Ndakavenga kubata kwangu kwose kwandakatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiyira munhu unonditevera. Zvino ndiani ungaziva kana iye achava wakachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro uchava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo. . . . Nokuti munhu uriko wakabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro unofanira kuzvisiyira mumwe, uye mugove wake, usina kutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo.”—Muparidzi 2:18-21.

Sokutsanangura kunoita Soromoni, vaya vanowana nhaka vangasaona kukosha kwayo kukuru nokuti ivo havana kuibudira dikita. Naizvozvo, vagari venhaka vangapambadza zvakabudirwa dikita nevabereki vachivaunganidzira. Vangatopambadza pfuma yakawanikwa zvakaoma kudaro. (Ruka 15:11-16) Izvozvo zvingava ‘zvisina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo’!

Nhaka uye Makaro

Pane chimwe chinhu chinofanira kufungwa nevabereki. Mutsika dzinonyanya kuva nehanya nepfuma yenhaka uye zvipo zvomuchato, vana vangava nemakaro, vachirayira kuti vapiwe pfuma, kana kuti roora rinobva kumhuri yomukadzi, zvinodarika zvinhu zvingagona kupiwa nevabereki. Loukas, vamwe baba vokuGreece vanoti: “Vane nhamo baba vane vanasikana vaviri kana kuti vatatu.” Anoti: “Vanasikana vangaenzanisa zvinogona kupiwa nababa vavo neizvo vamwe vabereki vanounganidzira vana vavo. Vangataura kuti tarisiro yavo yokuroorwa ichaderera kana vasingagoni kuwana roora rinogutsa.”

Manolis, ambotaurwa, anoti: “Jaya ringarebesa nguva yokudanana kusvikira baba vomwenga anotarisirwa varivimbisa chimwe chinhu chavachapa mwanasikana wavo, kazhinji pfuma kana kuti chitsama chakati kuti chemari. Zvingaita sokuti ari kuvati vaite chimwe chinhu kana vachida kuti aroore mwana wavo.”

Bhaibheri rinonyevera pamusoro pemakaro emarudzi ose. Soromoni akanyora kuti: “Nhaka, yakawanikwa nokukurumidza pakutanga, haingaropafadzwi pakupedzisira.” (Zvirevo 20:21) Muapostora Pauro akasimbisa kuti: “Kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa.”—1 Timoti 6:10; VaEfeso 5:5.

“Uchenjeri Hwakaenzana Nenhaka”

Chokwadi, nhaka inokosha zvayo, asi uchenjeri hunokosha kupfuura pfuma. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Uchenjeri hwakaenzana nenhaka; zvirokwazvo, hwa[ka]isvonaka . . . Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo; asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.” (Muparidzi 7:11, 12; Zvirevo 2:7; 3:21) Kunyange zvazvo mari ichichengetedza, ichiita kuti muridzi wayo awane zvaanoda, inogona kungorasika. Ukuwo, uchenjeri—mano okushandisa zivo kupedza zvinetso kana kuti kukwanisa kuita zvaunoda—hunogona kudzivirira munhu pakuita zvinhu zvinomuisa mungozi. Kana hwakavakirwa pakutya Mwari kwakakodzera, hungamubatsira kuwana upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari iri kuuya nokukurumidza—nhaka inokosha zvechokwadi!—2 Petro 3:13.

Vabereki vechiKristu vanoratidza uchenjeri hwakadaro nokuzvirongera ivo nevana vavo zvinhu zvinofanira kuuya pokutanga. (VaFiripi 1:10) Zvinhu zvinounganidzirwa vana kuti vazoshandisa hazvifaniri kutora nzvimbo yokutanga kudarika zvinhu zvokunamata. Jesu akakurudzira vateveri vake kuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake [Mwari], uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:33) Vabereki vanorongera mhuri yavo yechiKristu zvinangwa zvokunamata vangatarisira kukomborerwa zvikuru. Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Baba vowakarurama vachafara kwazvo; uye wakabereka mwana wakachenjera, uchafadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare, mai vakakubereka ngavafare kwazvo.”—Zvirevo 23:24, 25.

Nhaka Isingaperi

KuvaIsraeri vekare, nyaya dzenhaka dzaikosha kwazvo. (1 Madzimambo 21:2-6) Zvisinei, Jehovha akavarayira kuti: “Zvino mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Vabereki vechiKristu vanoudzwawo kuti: “Rambai muchivarera [vana venyu] mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4.

Vabereki vanoona zvinhu nenzira yokunamata vanoziva kuti kugovera mhuri yavo kunosanganisira kupa mirayiridzo inobva muBhaibheri. Andreas, baba vevana vatatu, anoti: “Kana vana vakadzidza kushandisa mitemo yaMwari muupenyu hwavo, vachava vakagadzirira zviri nani upenyu hweramangwana.” Nhaka yakadaro inovabatsira kunyatsoonawo kutanga uye kukudziridza kwavangaita ukama noMusiki wavo.—1 Timoti 6:19.

Wakambofunga here nezvokugadzirira mwana wako remangwana rine chokuita nokunamata? Somuenzaniso, vabereki vangaitei kana mwana wavo ari kuita ushumiri hwenguva yakazara? Kunyange zvazvo mushumiri wenguva yakazara asingafaniri kuita zvokurayira kuti apiwe mari kana kuti kutarisira kutsigirwa nemari, vabereki vane rudo vangasarudza ‘kugoverana naye maererano nezvaanoda’ kuti arambe ari mubasa renguva yakazara. (VaRoma 12:13; 1 Samueri 2:18, 19; VaFiripi 4:14-18) Kutsigira kwakadaro zvechokwadi kungafadza Jehovha.

Saka, vabereki vanofanira kupa vana vavo chii? Kunze kwokuvagovera zvavanoda zvokunyama, vabereki vechiKristu vachava nechokwadi chokuti vana vavo vanowana nhaka yomudzimu yakapfuma ichavabatsira nokusingaperi. Nenzira iyoyo, mashoko anowanikwa pana Pisarema 37:18 achava echokwadi anoti: “Jehovha unoziva mazuva avane mwoyo yakarurama; nhaka yavo ndeyokusingaperi.”

[Mifananidzo iri papeji 26, 27]

Unofunga kurongera vana vako remangwana rakadini?