Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ipai Mbiri Kuna Mwari “Nomuromo Mumwe”

Ipai Mbiri Kuna Mwari “Nomuromo Mumwe”

Ipai Mbiri Kuna Mwari “Nomuromo Mumwe”

‘Ipai mbiri kuna Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu nomuromo mumwe.’—VAROMA 15:6.

1. Pauro akapa vaaitenda navo chidzidzoi pamusoro pokugadzirisa maonero akasiyana?

HAVASI vaKristu vose vanosarudza zvinhu zvakafanana kana kuti vanoda zvinhu zvakafanana. Asi, vaKristu vose vanofanira kufamba vakabatana panzira inoenda kuupenyu. Izvozvo zvinobvira here? Hungu, kana tisingaiti kuti kusanzwisisana kuduku kuve chinhu chikuru. Ndicho chidzidzo chakapa muapostora Pauro kune vaaitenda navo muzana remakore rokutanga. Akatsanangura sei pfungwa iyi inokosha? Uye nhasi tingashandisa sei zano rake rakafuridzirwa?

Kukosha Kwokubatana kwechiKristu

2. Pauro akasimbisa sei kudiwa kwokubatana?

2 Pauro aiziva kuti kubatana kwechiKristu kunokosha, uye akapa zano rakanaka kuti abatsire vaKristu kuti vashivirirane murudo. (VaEfeso 4:1-3; VaKorose 3:12-14) Kunyange zvakadaro, pashure pokunge atanga ungano dzakawanda uye ashanyira dzimwe dzacho kwenguva inodarika makore 20, aiziva kuti kubatana kwaigona kuva chinetso. (1 VaKorinde 1:11-13; VaGaratiya 2:11-14) Saka, akakurudzira vaaitenda navo vaigara muRoma kuti: “Mwari anogovera kutsungirira nenyaradzo ngaakubvumirei . . . kuti mupe mbiri kuna Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu nemwoyo mumwe nomuromo mumwe.” (VaRoma 15:5, 6) Nhasi, isuwo tinofanira kupa mbiri kuna Jehovha Mwari “nomuromo mumwe” seboka rakabatana revanhu vake. Tiri kuita sei mune izvi?

3, 4. (a) Mamiriro ezvinhu api akasiyana-siyana aiva nevaKristu vaiva muRoma? (b) Pasinei nokusiyana kwavo, vaKristu vaiva muRoma vaizokwanisa kushumira Jehovha “nomuromo mumwe” sei?

3 VaKristu vakawanda vomuRoma vaiva shamwari dzaPauro. (VaRoma 16:3-16) Kunyange zvazvo mamiriro avo ezvinhu akanga akasiyana, Pauro akagamuchira hama dzake dzose se“vanodiwa vaMwari.” Akanyora kuti: “Ndinoonga Mwari wangu nokuna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kuri kutaurwa nezvakwo munyika yose.” Zviri pachena kuti vaRoma vaiva muenzaniso wakanaka munzira dzakawanda. (VaRoma 1:7, 8; 15:14) Uyewo, dzimwe nhengo dzeungano dzaiva nemaonero akasiyana pane dzimwe nyaya. Sezvo vaKristu nhasi vachibva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye tsika, kudzidza zano raPauro rakafuridzirwa pamusoro pokuti vangapedza sei zvinetso ringagona kuvabatsira kutaura “nomuromo mumwe.”

4 MuRoma maiva nevatendi vechiJudha neveMamwe Marudzi. (VaRoma 4:1; 11:13) Kunenge kuti vamwe vaKristu vechiJudha havana kurega dzimwe tsika dzaichengetwa muMutemo waMosesi, kunyange zvazvo vaifanira kunge vakaziva kuti tsika dzakadaro dzakanga dzisingakoshi kuti munhu aponeswe. Kune rimwe divi, vaKristu vechiJudha vakati kuti vaibvuma kuti chibayiro chaKristu chakavasunungura pamirayiro yavakanga vachengeta vasati vava vaKristu. Saka, vakachinja mamwe emararamiro avo uye tsika. (VaGaratiya 4:8-11) Kunyange zvakadaro, sezvakataurwa naPauro, vose vaiva “vanodiwa vaMwari.” Vose vaigona kurumbidza Mwari “nomuromo mumwe” kana vaizoramba vachionana zvakanaka. Isu nhasi tingavawo nemaonero akasiyana-siyana pamusoro pezvimwe zvinhu, saka zvakanaka kuti tinyatsofunga matsananguriro anoita Pauro mashoko iwayo anokosha.—VaRoma 15:4.

“Gamuchiranai”

5, 6. Nei paiva nemaonero akasiyana muungano yeRoma?

5 Mutsamba yake yaakanyorera vaRoma, Pauro anotaura nezvemamiriro ezvinhu aiita kuti vanhu vave nepfungwa dzakasiyana-siyana. Anonyora kuti: “Mumwe munhu ane kutenda kwokuti anodya zvinhu zvose, asi munhu asina kusimba anodya miriwo.” Nei zvakanga zvakadaro? Zvaivapo ndezvokuti muMutemo waMosesi, nyama yenguruve yakanga isingadyiwi. (VaRoma 14:2; Revhitiko 11:7) Zvisinei, Jesu afa, Mutemo iwoyo wakanga usisiri kushanda. (VaEfeso 2:15) Zvadaro, makore matatu nehafu Jesu afa, ngirozi yakaudza muapostora Petro kuti mumaonero aMwari hapana zvokudya zvinofanira kuonekwa sezvisina kuchena. (Mabasa 11:7-12) Vachifunga izvi, vamwe vaKristu vechiJudha vangave vakafunga kuti vaigona kudya nyama yenguruve—kana kuti kudya zvimwe zvokudya zvaimborambidzwa noMutemo.

6 Zvisinei, pfungwa chaiyo yokudya zvokudya izvozvo zvaimbova zvisina kuchena ingangove yaitosemesa kune vamwe vaKristu vechiJudha. Vaive vakadaro vangave vakagumburwa nokuona hama dzavo dzechiJudha muna Kristu dzichidya zvokudya zvakadaro. Uyezve, vamwe vaKristu veMamwe Marudzi, vaimbova muzvitendero zvakanga zvisingavarambidzi zvimwe zvokudya, vangave vakatoshamisika kuti mumwe munhu aizomutsa nyaya pamusoro pezvokudya. Chokwadi, zvakanga zvisina kuipa kuti mumwe munhu arege zvimwe zvokudya, chero bedzi aisazoti kurega ikoko kwaidiwa kuti munhu aponeswe. Zvisinei, maonero iwayo akasiyana angave akakuchidzira nyore nyore gakava muungano. VaKristu vomuRoma vaifanira kungwarira kuti maonero akasiyana akadaro arege kuvatadzisa kupa Mwari mbiri “nomuromo mumwe.”

7. Mafungiroi akasiyana-siyana akavapo munhau yokuchengeta zuva chairo vhiki imwe neimwe?

7 Pauro anopa muenzaniso wechipiri achiti: “Mumwe munhu anorangarira zuva rimwe serinopfuura rimwe; mumwe munhu anorangarira zuva rimwe semamwe ose.” (VaRoma 14:5a) MuMutemo waMosesi, hapana basa raifanira kuitwa paSabata. Kunyange pazuva iroro vanhu vaisafamba kuenda kure. (Eksodho 20:8-10; Mateu 24:20; Mabasa 1:12) Zvisinei, Mutemo wacho pawakabviswa, zviya zvairambidzwa zvakanga zvisisina basa. Kunyange zvakadaro, vamwe vaKristu vechiJudha vangave vakanzwa vachinetseka kuita chero basa ripi zvaro kana kuti kufamba rwendo rurefu pazuva ravaimboti idzvene. Kunyange pashure pokuva vaKristu, vangave vakatsaura zuva rechinomwe kuti ringova rokunamata chete, kunyange zvazvo mumaonero aMwari, Sabata rakanga risingachashandi. Vaikanganisa here nokuita izvozvo? Aiwa, chero bedzi vakanga vasingaomereri pakuti kuchengeta Sabata kwaidiwa naMwari. Saka, achifunga nezvehana dzehama dzake dzechiKristu, Pauro akanyora kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaave nechokwadi kwazvo mupfungwa dzake.”—VaRoma 14:5b.

8. Kunyange zvazvo vaigona kuratidza kuti vane hanya nehana dzevamwe, vaKristu vomuRoma vaisafanira kuitei?

8 Zvisinei, kunyange zvazvo aikurudzira hama dzake kuti dzishivirire vaya vainetseka nenhau dzehana, Pauro akashora zvakasimba vaya vaiedza kumanikidza vavainamata navo vachiti zvaitodiwa kuti vazviise pasi poMutemo waMosesi kana vaida kuti vaponeswe. Somuenzaniso, muna 61 C.E., Pauro akanyora bhuku raVaHebheru, tsamba ine simba kuvaKristu vechiJudha achitsanangura zvakajeka zvikuru kuti kuzviisa pasi poMutemo waMosesi kwakanga kusingakoshi nokuti vaKristu vakanga vaine tariro huru yaibva pachibayiro chorudzikinuro chaJesu.—VaGaratiya 5:1-12; Tito 1:10, 11; VaHebheru 10:1-17.

9, 10. VaKristu havafaniri kuitei? Tsanangura.

9 Sezvataona, Pauro ari kuti kusiyana pakusarudza hakufaniri kukanganisa kubatana chero bedzi pasina kukanganiswa chaiko kwemirayiro yechiKristu. Saka, Pauro anobvunza vaKristu vane hana dzisina kusimba kuti: “Unotongerei hama yako?” Uye anobvunza vakasimba (zvichida vaya vane hana dzinovabvumira kudya zvimwe zvokudya zvaimborambidzwa noMutemo kana kuti kushanda paSabata), achiti: “Unozvidzireiwo hama yako?” (VaRoma 14:10) Maererano naPauro, vaKristu vane hana dzisina kusimba havafaniri kushora hama dzavo dzine hana dzisingavanetsi. Asiwo vaKristu vakasimba havafaniri kuzvidza vaya vane hana dzisati dzasimba mune zvimwe zvinhu. Vose vanofanira kuremekedza zvikonzero zvevamwe zvakakodzera uye kuti va“sazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga.”—VaRoma 12:3, 18.

10 Pauro akatsanangura maonero ari pakati nepakati seizvi: “Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi, uye asingadyi ngaarege kutonga anodya, nokuti Mwari akagamuchira iyeye.” Uyezve, anoti: ‘Kristu akatigamuchirawo, kuti Mwari akudzwe.’ Sezvo vakasimba nevasina simba vachigamuchirika kuna Mwari naKristu, tinofanira kuva nemaonero akafanana okuva nomwoyo murefu uye oku“gamuchirana.” (VaRoma 14:3; 15:7) Chaizvoizvo ndiani angasabvumirana naizvozvo?

Rudo Rwehama Runokonzera Kubatana Nhasi

11. Mamiriroi ezvinhu akanga akasiyana nemamwe aivapo muzuva raPauro?

11 Mutsamba yake kuvaRoma, Pauro akanga achitaura nezvemamiriro ezvinhu akasiyana nemamwe. Jehovha akanga achangobva kuparadza imwe sungano uye atanga itsva. Vamwe vakanga vachiomerwa nokuchinja. Zvinhu zvakadaro chaizvo hazvipo nhasi, asi nhau dzakafanana dzingamuka pane dzimwe nguva.

12, 13. Nhasi vaKristu vangaratidza kuti vane hanya nehana dzehama dzavo mumamiriro ezvinhu api?

12 Somuenzaniso, mukadzi wechiKristu angave aimbova muchitendero maipfekwa zvipfeko zvisina mavara uye maisakosheswa zvinhu zvokuzvishongedza nazvo. Paanogamuchira chokwadi, zvingamuomera kuti achinjire kupfungwa yokuti, panguva dzakakodzera hazvirambidzwi kupfeka mbatya dzine mwero, dzine mavara mavara kana kuti kuzvipoda-poda zvine mwero. Sezvo pasina murayiro weBhaibheri unobatanidzwa, zvaizova zvisina kukodzera kuti ani naani aedze kunyengetedza mukadzi iyeye wechiKristu kuti akanganise hana yake. Asiwo, iye anoziva kuti haafaniri kutsoropodza vakadzi vechiKristu vane hana dzinovabvumira kushandisa zvinhu zvakadaro.

13 Chimbofungazve nezvomumwe muenzaniso. Murume wechiKristu angave akakurira mumhuri makanga musinganwiwi doro. Awana chokwadi, anodzidza zvinotaura Bhaibheri zvokuti waini chipo chinobva kuna Mwari uye inganwiwa zvine mwero. (Pisarema 104:15) Anozvibvuma. Zvisinei, pamusana pekwaakakurira, anosarudza kurega zvachose kunwa zvinwiwa zvinodhaka, asi haatsoropodzi vaya vanozvinwa zvine mwero. Saka, anoshandisa mashoko aPauro anoti: “Ngatiteverei zvinhu zvinoparira rugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.”—VaRoma 14:19.

14. VaKristu vangashandisa zvinorehwa nezano raPauro kuvaRoma mumamiriro api ezvinhu?

14 Mamwe mamiriro ezvinhu angavapo anoda kushandiswa kwezvinorehwa nezano raPauro kuvaRoma. Ungano yechiKristu yakaumbwa nevanhu vakawanda, uye vanofarira zvinhu zvakasiyana-siyana. Saka, vangasarudza zvakasiyana-siyana—somuenzaniso, munhau yokupfeka uye yokushambidzika. Chokwadi, Bhaibheri rinoratidza mirayiro yakajeka inochengetwa nevaKristu vose vechokwadi. Hapana kana mumwe wedu anofanira kupfeka zvipfeko kana kuva nezvitayera zvebvudzi zvoupengo kana zvisina mwero kana kuti zvinoratidza kuti tinoshamwaridzana nevanhu venyika vasingadiwi. (1 Johani 2:15-17) VaKristu vanoyeuka kuti nguva dzose, kunyange pavanenge vakazorora, vashumiri vanomiririra Changamire Wezvinhu zvose zvakasikwa. (Isaya 43:10; Johani 17:16; 1 Timoti 2:9, 10) Zvisinei, muzvinhu zvakawanda pane zvakawanda zvinogamuchirika izvo muKristu angasarudza. *

Usagumbura Vamwe

15. MuKristu angarega kushandisa kodzero dzake papi achiitira hama dzake?

15 Pane kumwe kurayira kwokupedzisira kunokosha kwatinoziviswa naPauro muzano rake kuvaKristu vokuRoma. Dzimwe nguva, muKristu ane hana yakanyatsorovedzwa angasarudza kurega kuita chinhu chaanoziva kuti hachina kuipa zvacho. Nei? Nokuti anoziva kuti kuchiita kungakuvadza vamwe. Pazvinhu zvakadaro, tinofanira kuitei? Pauro anoti: “Zvakanaka kurega kudya nyama kana kunwa waini kana kuti kuita chimwe chinhu chinogumbura hama yako.” (VaRoma 14:14, 20, 21) Saka, “isu takasimba tinofanira kutakura kusava nesimba kwevasina kusimba, tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvakanaka kuti avakwe.” (VaRoma 15:1, 2) Kana hana yomuKristu watinonamata naye ichizogumburwa nezvatinoita, kuda hama dzedu kuchaita kuti tive nehanya torega kudzigumbura. Muenzaniso weizvi ungava wokunwa doro. MuKristu anobvumirwa kunwa waini zvine mwero. Asi kana kuita kudaro kungagumbura shamwari yake, haazoomereri pakodzero dzake.

16. Tingaratidza sei kuva nehanya nevaya vari mundima yedu?

16 Izvi zvingashandiswawo mune zvatinoita kunze kweungano yechiKristu. Somuenzaniso, tingava tichigara munharaunda umo chitendero chakakurumbira chinodzidzisa vateveri vacho kuona rimwe zuva revhiki sezuva rokuzorora. Nokuda kwechikonzero ichocho, kuti tisagumbure vavakidzani vedu ndokukonzera zvipingamupinyi kubasa rokuparidza, tichadzivisa nepatinogona napo kuita chinhu chipi nechipi chingagumbura vavakidzani vedu musi iwoyo. Mune mamwe mamiriro ezvinhu, muKristu akapfuma angatamira kunoshumira kunodiwa vaparidzi zvikuru kune vanhu vanenge vari varombo. Angasarudza kuva nehanya nevavakidzani vake vatsva nokusapfeka zvinoshamisira kana kuti nokurarama zvine mwero zvikuru kupfuura zvinoenderana nemari yake.

17. Nei zviine musoro kufunga vamwe pane zvatinosarudza?

17 Zvine musoro here kutarisira vaya va“kasimba” kuti vachinje seizvi? Funga nezvomuenzaniso uyu: Ngatitii tiri kutyaira mumugwagwa mukuru, toona mberi kwedu vana vachifamba pedyo pedyo nomugwagwa. Tinoramba tichimhanyisa motokari nesipidhi inobvumirwa nemhaka yokungoti tine kodzero yepamutemo yokuita kudaro here? Aiwa, tinoderedza sipidhi kuti tidzivise ngozi ingangovapo. Dzimwe nguva, tingadawo kurega zvimwe zvinhu kana kuti kubvuma zvimwe kuitira vatinonamata navo kana kuti vamwe vanhu. Tingave tiri kuita chimwe chinhu chatiine kodzero yakakwana yokuita. Hapana murayiro weBhaibheri uri kukanganiswa. Asi kana tichizogumbura vamwe kana kukuvadza vaya vane hana dzisina kusimba, rudo rwechiKristu ruchaita kuti tingwarire. (VaRoma 14:13, 15) Kuramba takabatana uye kusimudzira zvinodiwa zvoUmambo zvinokosha zvikuru pane kushandisa kodzero dzedu.

18, 19. (a) Tinotevera sei muenzaniso waJesu patinenge tichiratidza kuva nehanya nevamwe? (b) Tose tinobatana zvakakwana pachii, uye chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

18 Patinoita seizvi, tinenge tichitevera muenzaniso wakanaka zvikuru. Pauro anoti: “Kunyange Kristu haana kuzvifadza; asi sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: ‘Kuzvidza kweavo vakanga vachikuzvidzai kwakawira pandiri.’” Jesu akanga achida kubayira upenyu hwake nokuda kwedu. Zvechokwadi tingada kurega dzimwe kodzero dzedu kana izvozvo zvichizoita kuti vaya “vasina kusimba” vape mbiri kuna Mwari pamwe chete nesu. Chokwadi, kushivirira uye kubvuma zvinodiwa nevaKristu vaya vane hana dzisina kusimba—kana kuti kurega kusarudza zvatinoda uye tisingaomereri pakodzero dzedu—kunoratidza “mafungire akafanana neaiva naKristu Jesu.”—VaRoma 15:1-5.

19 Kunyange zvazvo maonero edu angasiyana pamusoro penhau dzisingabatanidzi mirayiro yomuMagwaro, munhau dzokunamata tinobatana zvakakwana. (1 VaKorinde 1:10) Somuenzaniso, kubatana kwakadaro kunooneka pane zvatinoita kune vaya vanoshora kunamata kwechokwadi. Shoko raMwari rinoti vashori vakadaro vaeni uye rinotinyevera kuti tingwarire “inzwi revaeni.” (Johani 10:5) Tingaziva sei vaeni vakadaro? Tinofanira kuita sei kwavari? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Vana vaduku vanosarudzirwa zvipfeko nevabereki vavo.

Ungapindura Sei?

• Nei kuva nemaonero akasiyana panhau dzokuzvisarudzira kungasakanganisa kubatana?

• Nei isu sevaKristu tichifanira kuratidzana kuva nehanya kwoushamwari?

• Tingashandisa zano raPauro rokubatana munzira dzipi nhasi, uye chii chichatikurudzira kuita kudaro?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Zano raPauro pamusoro pokubatana raikosha kuungano

[Mufananidzo uri papeji 10]

VaKristu vakabatana pasinei nemamiriro ezvinhu ekwavakakurira

[Mufananidzo uri papeji 12]

Mutyairi uyu anofanira kuitei zvino?