Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Mufaro

Kutsvaka Mufaro

Kutsvaka Mufaro

MAKORE mashomanana apfuura, vanhu vokuFrance, Germany, Great Britain, neUnited States vakabvunzwa kuti, “Zvinodei kuti munhu afare?” Pane vaya vakabvunzurudzwa, 89 muzana vakati zvinoda kuva noutano hwakanaka; 79 muzana vakataura nezvomuchato unogutsa kana kuti munhu wokushamwaridzana naye; 62 muzana vakataura nezvemibayiro yokuva mubereki; uye 51 muzana vakafunga kuti basa rinobudirira raidiwa kuti vafare. Uye kunyange zvazvo vanhu vachiwanzoudzwa kuti mari haiiti kuti munhu afare, 47 muzana yevaya vakabvunzwa vaiti inoita kuti munhu afare. Chokwadi chinoratidza chii?

Kutanga, chimbotarira pane hunganzi ukama huri pakati pemari nomufaro. Kuongororwa kwakaitwa vanhu zana vakapfuma kudarika vamwe vose muUnited States kwakaratidza kuti vakanga vasingafari kudarika vanhu vose. Uyezve, maererano nenyanzvi dzoutano hwepfungwa, kunyange zvazvo vakawanda muUnited States vakawedzera pfuma yavo kakapetwa nekanenge kaviri mumakore makumi matatu apfuura, havana kuwedzera kufara kupfuura zvavaimboita. Kutaura zvazviri, mumwe mushumo unoti: “Munguva iyoyo, kuora mwoyo kwakawedzera Kuzviuraya kwevechiduku kwakawedzera zvakapetwa katatu. Kurambana kwakawedzera zvakapetwa kaviri.” Munyika dzinenge 50 dzakasiyana-siyana, vatsvakurudzi vakaongorora ukama huri pakati pemari nomufaro vakagumisa kuti mari haigoni kutenga mufaro.

Uyezve, zvinhu zvakadai soutano hwakanaka, muchato unogutsa, nebasa rinobudirira, zvinokosha sei kuti pave nomufaro? Chaizvoizvo, kudai zvinhu izvi zvainyatsodiwa kuti tifare, taizoti kudini nemamiriyoni evanhu vasina utano hwakanaka uye vose vaya vasina muchato unogutsa? Taizoti kudini nezvevakaroorana vasina vana uye varume nevakadzi vose vasina basa rinobudirira? Vanhu vose vakadaro vakatongerwa upenyu hwokusafara here? Uye unonzi mufaro wevaya vanotova noutano hwakanaka iye zvino uye vane muchato unogutsa waizonyangarika here kana mamiriro avo ezvinhu akachinja?

Tiri kutsvaka Munzvimbo Dzakakodzera Here?

Munhu wose anoda kufara. Izvi hazvishamisi nokuti Musiki womunhu anorondedzerwa sa“Mwari anofara,” uye munhu akaitwa mumufananidzo waMwari. (1 Timoti 1:11; Genesi 1:26, 27) Saka, zvingori muropa kuti vanhu vatsvake mufaro. Zvisinei, vakawanda vanoona kuti kubatisisa mufaro kwakafanana nokubata jecha—zvose zvinorasika nyore nyore.

Zvisinei, kungava kuti vamwe vari kuedza zvakanyanyisa kuwana mufaro here? Eric Hoffer muzivi anoona nezvemagariro evanhu aifunga izvozvo. Akati: “Kutsvaka mufaro ndiko chikonzero chikuru chokusafara.” Izvozvo ndezvechokwadi kana tichitsvaka mufaro munzvimbo dzisiri idzo. Kana tikadaro, zvechokwadi tichaora mwoyo uye zvichatigumbura. Kuedza kupfuma; kuvavarira kuva nomukurumbira kana kuti kuva vepamusoro; kuita zvematongerwe enyika, zvenzanga kana kuti zvinangwa zvemari; kana kuti kungoraramira kuzvigutsa uye kugutsikana kwepakarepo zvose hazviunzi mufaro. Ndosaka vamwe vava nemaonero anoshamisa akataurwa nomumwe munyori, uyo akati: “Kudai bedzi taizorega kuedza kuva vanofara taizova nenguva yakanaka kwazvo”!

Zvinokosha kuti kuongorora kwataurwa patangira nyaya ino kwakaratidzawo kuti vanhu 4 muvanhu 10 vaifunga kuti mufaro unobva pakuita zvakanaka uye pakubatsira vamwe. Uye munhu mumwe pavanhu vana akati kutenda uye kuva nechokwadi nechitendero kunokosha zvikuru pakuva anofara. Zviri pachena kuti tinofanira kunyatsoongorora zvazvinoda kuti tifare zvechokwadi. Nyaya inotevera ichatibatsira kuita kudaro.

[Mifananidzo iri papeji 3]

Vakawanda vanofunga kuti mari, upenyu hwemhuri hunogutsa, kana kuti basa rinobudirira zvinokosha kuti munhu afare. Unobvumirana nazvo here?