Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Zvapupu zvaJehovha zvichitora nhamba ye144 000 inodudzwa mubhuku raZvakazarurwa sezvairi zvisingaitori seyokufananidzira?

Muapostora Johani akanyora kuti: “Ndakanzwa uwandu hweavo vakaiswa chisimbiso, vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina.” (Zvakazarurwa 7:4) MuBhaibheri, mashoko okuti “vakaiswa chisimbiso” anoreva boka revanhu vakasarudzwa pakati pevanhu kuti vatonge naKristu vari kudenga muParadhiso yepasi pano iri kuuya. (2 VaKorinde 1:21, 22; Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:6) Nhamba yavo ye144 000, inotorwa sezvairi nokuda kwezvikonzero zvakawanda. Chimwe chacho chinowanika mundima dziri pedyo naZvakazarurwa 7:4.

Pashure pokunge muapostora Johani audzwa nezveboka iri revane 144 000 achiita zvokuratidzwa, akazoratidzwa rimwe boka. Johani anotsanangura boka rechipiri iri se“boka guru revanhu, vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” Iri boka guru revanhu ndivo vaya vachapona “kutambudzika kukuru” kuri kuuya, kuchaparadza nyika yakaipa iripo zvino.—Zvakazarurwa 7:9, 14.

Zvisinei, cherechedza kusiyanisa kunoita Johani ndima 4 ne9 dzaZvakazarurwa chitsauko 7. Anoti boka rokutanga, “vakaiswa chisimbiso,” vane nhamba chaiyo inozivikanwa. Zvisinei boka rechipiri, “boka guru revanhu,” harina nhamba chaiyo. Tichifunga izvozvo, zvine musoro kutora 144 000 sezvairi. Kudai 144 000 yaiva nhamba yokufananidzira uye ichishandisirwa kuboka iro chaizvoizvo risina nhamba chaiyo, paisazova nechakasiyana pandima idzi. Saka, mashoko ari mune dzimwe ndima anoratidza zvakasimba kuti nhamba ye144 000 inofanira kutorwa sezvairi.

Nyanzvi dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri, dzekare nedzemazuva ano, dzakapa mhedziso yakafanana yokuti nhamba yacho inotorwa sezvairi. Somuenzaniso, achitaura pamusoro paZvakazarurwa 7:4, 9, munyori weduramashoko wokuBritain Dr. Ethelbert W. Bullinger akataura makore 100 akapfuura kuti: “Ndicho chokwadi chiri nyore: nhamba chaiyo ichisiyaniswa nenhamba isinganyatsozivikanwi muchitsauko ichi.” (The Apocalypse or “The Day of the Lord,” peji 282) Munguva pfupi yapfuura, Robert L. Thomas, Jr., Purofesa weTestamende Itsva paThe Master’s Seminary kuUnited States, akanyora kuti: “Nyaya yokuti nhamba iyi yomumagwaro ndeyokufananidzira haigutsi.” Akawedzera kuti: “Inhamba chaiyo [pa7:4] yakasiyana nenhamba isingazivikanwi iri pa7:9. Kana ikatorwa seyokufananidzira, hapana nhamba iri mubhuku racho inogona kutorwa sezvairi.”—Revelation: An Exegetical Commentary, Volume 1, peji 474.

Vamwe vanotaura kuti sezvo bhuku raZvakazarurwa riine mutauro wokufananidzira chaizvo, nhamba dzose dziri mubhuku iri, kusanganisira nhamba ye144 000, dzinofanira kuva dzokufananidzira. (Zvakazarurwa 1:1, 4; 2:10) Zvisinei, zviri pachena kuti kugumisa kwakadaro hakuna kururama. Chokwadi, bhuku raZvakazarurwa rine nhamba dzokufananidzira dzakawanda asi rinewo nhamba dzakanyorwa sezvadziri. Somuenzaniso, Johani anotaura nezve“mazita ane gumi nemaviri evaapostora veGwayana vane gumi nevaviri.” (Zvakazarurwa 21:14) Zviri pachena kuti nhamba 12 inotaurwa mundima iyi iri sezvairi, kwete yokufananidzira. Uyezve muapostora Johani anonyora nezve“makore ane chiuru” okutonga kwaKristu. Nhamba iyoyo inofanirawo kutorwa sezvairi sokunyatsoratidza kunoita Bhaibheri. * (Zvakazarurwa 20:3, 5-7) Saka, kunyange nhamba iri mubhuku raZvakazarurwa ichifanira kutorwa sezvairi kana kuti yokufananidzira, zvinoenderana nemashoko edzimwe ndima dzinotaurawo zviri kutaurwa nezvazvo.

Pfungwa yokuti 144 000 inhamba chaiyoiyo uye inoreva nhamba duku yevanhu, boka duku kana richienzaniswa ne“boka guru revanhu,” inopindiranawo nedzimwe ndima dzeBhaibheri. Somuenzaniso, gare gare pane zvakaratidzwa muapostora Johani, vane 144 000 vanorondedzerwa sevaya “vakatengwa pakati pevanhu sezvibereko zvokutanga.” (Zvakazarurwa 14:1, 4) Kutaura kwokuti “zvibereko zvokutanga” kunoreva vamiririri vashoma vakasarudzwa. Uyewo, Jesu paaiva pasi pano, akataura nezvevaya vachatonga naye muUmambo hwake hwokudenga ndokuvati “boka duku.” (Ruka 12:32; 22:29) Zvechokwadi, vaya vanobva pakati pevanhu avo vachatonga kudenga vashoma kana vachienzaniswa nevanhu vachagara muParadhiso yepasi iri kuuya.

Saka, mashoko ari mundima dziri pedyo naZvakazarurwa 7:4 uye mamwe mashoko anoenderana nawo anowanikwa kumwewo muBhaibheri anosimbisa kuti 144 000 inhamba inofanira kutorwa sezvairi. Nhamba iyi inoreva vaya vachatonga paradhiso yepasi vari kudenga naKristu, uye iyi paradhiso ichazadzwa nenhamba huru isingaverengeki yevanhu vanofara vanonamata Jehovha Mwari.—Pisarema 37:29.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Kuti uwane mashoko akawanda nezvoKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu, ona bhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo une Mbiri Wava Pedyo! mapeji 289-90, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 31]

Vagari venhaka yokudenga vanongova 144 000

[Mufananidzo uri papeji 31]

“Boka guru revanhu” hariverengeki

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]

Nyeredzi: Courtesy of Anglo-Australian Observatory, mufananidzo naDavid Malin