Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngwarira “Inzwi Revaeni”

Ngwarira “Inzwi Revaeni”

Ngwarira “Inzwi Revaeni”

“Haangamboteveri mueni asi achamutiza, nokuti haazivi inzwi revaeni.”—Johani 10:5.

1, 2. (a) Mariya anoita sei Jesu paanomushevedza nezita, uye mashoko api akanga ambotaurwa naJesu anoratidzwa nechiitiko ichi? (b) Chii chinoita kuti tigone kuramba tiri pedyo naJesu?

JESU amutswa anoona mukadzi akamira pedyo neguva rake risina chinhu. Anonyatsomuziva. NdiMariya Magadharini. Anenge makore maviri akapfuura, akanga amubvisa madhimoni. Kubvira ipapo mukadzi wacho aifamba naye nevaapostora vake, achitarisira zvavaida zuva nezuva. (Ruka 8:1-3) Zvisinei, nhasi Mariya ari kuchema, akurirwa nokurwadziwa nokuti akaona Jesu achifa uye zvino muviri wake watonyangarikawo! Saka Jesu anomubvunza kuti: “Mukadzi, uri kuchemei? Uri kutsvaka ani?” Achifunga kuti mutarisiri webindu, anopindura kuti: “Changamire, kana mamubvisa, ndiudzei kwamamuviga, uye ndichamutora.” Zvadaro Jesu anoti: “Mariya!” Anobva aziva nzira yakajairika yaanotaura nayo kwaari. Nomufaro anoti: “Mudzidzisi!” Uye anomumbundira.—Johani 20:11-18.

2 Nhoroondo iyi inoratidza nenzira inobaya mwoyo zvakanga zvambotaurwa naJesu. Achizvienzanisa nomufudzi uye vateveri vake nemakwai, anotaura kuti mufudzi anodana makwai ake nezita uye iwo anoziva inzwi rake. (Johani 10:3, 4, 14, 27, 28) Zvechokwadi, sezvo gwai richiziva mufudzi waro, saka Mariya akaziva Mufudzi wake, Kristu. Izvi ndozvazvakaitawo kuvateveri vaJesu nhasi. (Johani 10:16) Sezvo nzeve inonyatsonzwa yegwai ichiita kuti rigone kuramba riri pedyo nomufudzi waro, saizvozvowo kunzwisisa kwedu zvinhu zvine chokuita nokunamata kunoita kuti tigone kunyatsotevera tsoka dzoMufudzi wedu Akanaka, Jesu Kristu.—Johani 13:15; 1 Johani 2:6; 5:20.

3. Mufananidzo waJesu wedanga remakwai unotifungisa mibvunzo ipi?

3 Zvisinei, maererano nomufananidzo iwoyo, kukwanisa kwegwai kuziva inzwi romunhu kunoita kuti rigone kuziva kwete bedzi shamwari yaro asiwo muvengi waro. Izvozvo zvinokosha nokuti tine vashori vanonyengera. Ndivanaani? Vanoita sei? Tingazvidzivirira sei? Kuti tiwane mhinduro, ngationei zvimwe zvakataurwa naJesu mumufananidzo wake wedanga remakwai.

‘Iye Asingapindi Nepamusuo’

4. Maererano nomufananidzo womufudzi, makwai anotevera ani, uye haateveri ani?

4 Jesu anoti: “Anopinda nepamusuo ndiye mufudzi wemakwai. Muchengeti womusuo anomuzarurira, uye makwai anoteerera inzwi rake, uye anodana makwai ake nemazita oatungamirira kunze. Paanenge abudisa ake ose, anoenda mberi kwao, uye makwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake. Haangamboteveri mueni asi achamutiza, nokuti haazivi inzwi revaeni.” (Johani 10:2-5) Ona kuti Jesu anoshandisa shoko rokuti “inzwi” katatu. Kaviri anotaura nezveinzwi romufudzi, asi kechitatu, anotaura nezve“inzwi revaeni.” Jesu ari kutaura nezvomueni worudzii?

5. Nei tisingagamuchiri mueni anotaurwa muchitsauko 10 chaJohani?

5 Jesu haasi kutaura nezvomueni watingada kugamuchira—shoko rinoreva “kugamuchira vaeni zvakanaka” mumutauro weBhaibheri wepakutanga. (VaHebheru 13:2) Mumufananidzo waJesu, mueni haasi munhu akakokwa. Ha“apindi mudanga remakwai nepamusuo asi anokwira nepane imwe nzvimbo.” “Imbavha nomupambi.” (Johani 10:1) Ndiani munhu wokutanga anotaurwa muShoko raMwari akazova mbavha nomupambi? Satani Dhiyabhorosi. Tinowana uchapupu hwacho mubhuku raGenesi.

Pakatanga Kunzwiwa Inzwi Romueni

6, 7. Nei zvakakodzera kuti Satani anzi mueni uye mbavha?

6 Genesi 3:1-5 inorondedzera kuti inzwi romueni rakanzwiwa sei pasi pano kokutanga. Nhoroondo yacho inoti Satani akasvika kumukadzi wokutanga, Evha, achishandisa nyoka ndokutaura naye nenzira inotsausa. Chokwadi, munhoroondo iyi Satani chaizvoizvo haanzi “mueni.” Kunyange zvakadaro, zviito zvake zvinoratidza kuti munzira dzakawanda akanga akaita somueni anorondedzerwa mumufananidzo waJesu wakanyorwa muchitsauko 10 chaJohani. Chimbofunga zvimwe zvakafanana.

7 Jesu anotaura kuti mueni haaendi kumakwai ari mudanga nepasuo. Saizvozvowo, Satani haana kuenda kuna Evha zvakananga, asi akashandisa nyoka. Uku kusvika kwaSatani kwemanomano kwakabudisa pachena zvaari chaizvo—mbavha inonyengera chaiyo. Uyezve, mueni uyu ari mudanga remakwai anoda kubira muridzi makwai ake. Kutaura zvazviri, akatoipa kupfuura mbavha, nokuti chinangwa chakewo ndecho“kuponda nokuparadza.” (Johani 10:10) Saizvozvowo, Satani aiva mbavha. Achinyengera Evha, akamubira kuvimbika kwake kuna Mwari. Uyezve, Satani akaunzirawo vanhu rufu. Saka, imhondi.

8. Satani akavhiringidza sei mashoko nezvinangwa zvaJehovha?

8 Kusatendeseka kwaSatani kwakaoneka munzira yaakavhiringidza nayo mashoko nezvinangwa zvaJehovha. Akabvunza Evha kuti: “Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?” Satani akanyepedzera kushamisika, sezvinonzi aiti: ‘Nei Mwari asinganzwisisi zvakadaro?’ Akatizve: “Nokuti Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa.” Ona mashoko ake okuti: “Mwari unoziva.” Zvinoita sokuti Satani akati: ‘Ndinoziva zvinoziva Mwari. Ndinoziva zvinangwa zvake, uye zvakaipa.’ (Genesi 2:16, 17; 3:1, 5) Zvinosuruvarisa kuti Evha naAdhamu havana kufuratira inzwi romueni uyu. Asi, vakariteerera ndokuzviunzira nhamo ivo nevana vavo.—VaRoma 5:12, 14.

9. Nei tichifanira kutarisira kuti inzwi revaeni rinzwiwe nhasi?

9 Satani anoshandisa nzira dzakafanana kuti atsause vanhu vaMwari nhasi. (Zvakazarurwa 12:9) Ndiye “baba venhema,” uye vaya vanoedza kutsausa vashumiri vaMwari sezvaanoita, vana vake. (Johani 8:44) Ngationei kuti inzwi revaeni ava riri kunzwiwa mune dzimwe nzira dzipi nhasi.

Kunzwiwa Kunoita Inzwi Revaeni Nhasi

10. Inzwi revaeni riri kunzwiwa neimwe nzira ipi?

10 Kufunga Kunonyengera. Muapostora Pauro anoti: “Musatsauswa nedzidziso dzakasiyana-siyana uye itsva.” (VaHebheru 13:9) Idzidziso dzorudzii? Sezvo dzingagona ‘kutitsausa,’ zviri pachena kuti Pauro ari kutaura nezvedzidziso dzinotinetesa pakunamata. Ndivanaani vari kutaura dzidziso itsva dzakadaro? Pauro akaudza boka revakuru vechiKristu kuti: “Pakati penyu imi pachamuka varume vachataura zvinhu zvakamonyana kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mabasa 20:30) Zvechokwadi, nhasi sezvakanga zvakaita muzuva raPauro, vamwe vanhu vaimbova nhengo dzeungano yechiKristu zvino vanoedza kutsausa makwai vachitaura “zvinhu zvakamonyana”—chokwadi chisina kunyatsokwana uye nhema chaidzo. Sokutaura kunoita muapostora Petro, vanoshandisa “mashoko enhema”—mashoko anoita seechokwadi asi chaizvoizvo asina basa.—2 Petro 2:3.

11. Mashoko anowanikwa pana 2 Petro 2:1, 3 anofumura sei nzira nechinangwa zvevakaramba kutenda?

11 Petro anofumurazve nzira dzevakaramba kutenda nokutaura kuti “vachapinza chinyararire mapoka anoparadza.” (2 Petro 2:1, 3) Sezvo mbavha yomumufananidzo waJesu wedanga remakwai isingapindi ‘nepamusuo asi ichikwira nepane imwe nzvimbo,’ naizvozvo vakaramba kutenda vanouya kwatiri vachiita zvokuverevedza. (VaGaratiya 2:4; Judha 4) Chinangwa chavo ndechei? Petro anowedzera kuti: “Vachakunyengerai.” Chokwadi, pasinei nezvingataurwa nevakaramba kutenda, chinangwa chaicho chembavha ndecho“kuzoba nokuponda nokuparadza.” (Johani 10:10) Ngwarira vaeni vakadaro!

12. (a) Shamwari dzedu dzingaita sei kuti titeerere inzwi revaeni? (b) Nhasi manomano aSatani neevaeni akafanana papi?

12 Shamwari dzakaipa. Tinganzwa inzwi revaeni kune vaya vatinoshamwaridzana navo. Shamwari dzakaipa dzinonyanya kuisa pwere mungozi. (1 VaKorinde 15:33) Yeuka kuti Satani akananga Evha—aiva muduku uye akanga asina ruzivo pavaviri vokutanga. Akamunyengetedza kubvuma kuti Jehovha akanga amunyima rusununguko pasina chikonzero, nepo zvakanga zvisiri izvo chaizvoizvo. Jehovha aida vanhu vake vaakanga asika uye aitarisira kugara kwavo zvakanaka. (Isaya 48:17) Saizvozvowo nhasi, vaeni vanoedza kukunyengetedzai imi pwere kuti vabereki venyu vechiKristu vanodzora rusununguko rwenyu pasina chikonzero. Vaeni vakadaro vangakukuvadzai sei? Mumwe musikana wechiKristu anobvuma kuti: “Kwenguva yakati kutenda kwangu kwakamboti neteswei nevandinodzidza navo. Vairamba vachiti chitendero changu chinoramba zvinhu zvakawanda uye chinoita zvisina musoro.” Asi, chokwadi ndechokuti vabereki venyu vanokudai. Saka vamunodzidza navo pavanoedza kukunyengetedzai kusavimba nevabereki venyu, musatsauswa sezvakaitwa Evha.

13. Dhavhidhi akatevera nzira ipi yokuchenjera, uye ndeipi imwe nzira yatingamutevedzera nayo?

13 Nezveshamwari dzakaipa, Dhavhidhi, munyori wepisarema anoti: “Handina kugara navanhu venhema, handingafambidzani navanyengeri.” (Pisarema 26:4) Zvekare, unoona here unhu hunoratidzwa nevaeni? Havadi kubuda pachena kuti ndivanaani—sezvakangoita Satani asina kubuda pachena paakashandisa nyoka. Nhasi, vanhu vanoita zvounzenza vanoshandisa Indaneti kuti vasazivikanwa kuti ndivanaani uye kuti vari kudei chaizvoizvo. Panzvimbo dzokukurukurirana dzeIndaneti, vanhu vakura vanoita zvounzenza vangatonyepedzera kuva pwere kuti vakukwezverei mumusungo. Vechiduku, tapota nyatsongwarirai nokuti mungakuvadzwa mune zvokunamata.—Pisarema 119:101; Zvirevo 22:3.

14. Dzimwe nguva, zvinobudisa nhau zvinoparadzira sei inzwi revaeni?

14 Kupomerwa Zvenhema. Kunyange zvazvo zvimwe zvinotaurwa nenhau pamusoro peZvapupu zvaJehovha zvakanaka, dzimwe nguva zvinobudisa nhau zvinoshandiswa kuparadzira maonero asiri iwo enzwi revaeni. Somuenzaniso, mune imwe nyika nhau dzakataura zvenhema kuti Zvapupu zvaitsigira hurumende yaHitler muHondo Yenyika II. Mune imwewo, mushumo wakapomera Zvapupu nezvokuparadza zvivako zvemachechi. Munyika dzinoverengeka zvinobudisa nhau zvakapomera Zvapupu kuti zvairamba kurapisa vana vazvo uyewo kuti zvinoregerera noune zvivi zvakakomba zvinoitwa nevazvinonamata nazvo. (Mateu 10:22) Kunyange zvakadaro, vanhu vanoda zvinhu zvechokwadi vanotiziva vanoziva kuti kupomera kwakadaro ndokwenhema.

15. Nei kusiri kuchenjera kutenda zvose zvinotaurwa nezvinobudisa nhau?

15 Tinofanira kuitei kana zvinoparadzira inzwi revaeni vakadaro zvatipomera? Tinofanira kuteerera zano riri pana Zvirevo 14:15 rinoti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” Hakusi kuchenjera kutenda kuti zvose zvinotaurwa nezvinobudisa nhau ndezvechokwadi. Kunyange zvazvo kusiri kuti hativimbi nemashoko ose enyika, tinoziva kuti “nyika yose iri musimba rewakaipa.”—1 Johani 5:19.

“Edzai Kutaura Kwakafuridzirwa”

16. (a) Zvinoitwa nemakwai chaiwo zvinoratidza sei chokwadi chemashoko aJesu anowanikwa pana Johani 10:4? (b) Bhaibheri rinotikurudzira kuitei?

16 Zvisinei, tingava sei nechokwadi chokuti tiri kutaura neshamwari kana kuti nomuvengi? Jesu anoti makwai anotevera mufudzi “nokuti anoziva inzwi rake.” (Johani 10:4) Inzwi romufudzi ndiro rinoita kuti makwai amutevere; kwete chitarisiko chake. Rimwe bhuku rinotaura nezvenyika dzomuBhaibheri rinorondedzera kuti mumwe mushanyi akambotaura kuti makwai anoziva mufudzi wawo nezvipfeko zvake, kwete inzwi rake. Mufudzi wacho akapindura kuti inzwi ndiro raaiziva. Kuti aratidze izvi, akachinjana zvipfeko nomueni wacho. Apfeka zvipfeko zvomufudzi wacho, mueni wacho akadana makwai, asi iwo haana zvaakaita. Haana kuziva inzwi rake. Asi, mufudzi paakaadana, kunyange zvazvo akanga akapfeka zvipfeko zvisiri zvomufudzi, makwai akabva angouya. Saka, mumwe munhu angaratidzika somufudzi, asi kumakwai, izvozvo hazviratidzi kuti iye mufudzi chaiye. Chaizvoizvo, makwai anonyatsoteerera inzwi reanodana, achirienzanisa neinzwi romufudzi. Shoko raMwari rinotiudza kuti tiite izvozvo—“edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari.” (1 Johani 4:1; 2 Timoti 1:13) Chii chichatibatsira kuita saizvozvo?

17. (a) Tinosvika sei pakuziva inzwi raJehovha? (b) Kuziva Jehovha kunoita kuti tigone kuitei?

17 Zvinonzwisisika kuti kana tikaziva inzwi raJehovha zviri nani, kana kuti mashoko ake, zvichatibatsira kuziva inzwi romueni. Bhaibheri rinoratidza kuti tingava sei nezivo yakadaro. Rinoti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo!” (Isaya 30:21) “Shoko” iroro riri shure kwedu rinobva muShoko raMwari. Pose patinoverenga Shoko raMwari, tinoita setinonzwa inzwi roMufudzi wedu Mukuru, Jehovha. (Pisarema 23:1) Saka, tikadzidza Bhaibheri zvikuru, tinosvikawo pakuziva zvikuru inzwi raMwari. Kunyatsoziva ikoko kunotibatsirawo kuziva pakarepo inzwi revaeni.—VaGaratiya 1:8.

18. (a) Kuziva inzwi raJehovha kunosanganisirei? (b) Maererano naMateu 17:5, nei tichifanira kuteerera inzwi raJesu?

18 Kuziva inzwi raJehovha kunosanganisireizve? Kunze kwokungonzwa, kunosanganisira kuteerera. Onazve Isaya 30:21. Shoko raMwari rinoti: “Heyi nzira.” Chokwadi, nokudzidza Bhaibheri, tinonzwa mirayiro yaJehovha. Uyezve, anorayira kuti: “Fambai nayo!” Jehovha anoda kuti tishandise zvatinonzwa. Saka, kana tikashandisa zvatinodzidza, tinoratidza kuti hatina kungonzwa chete inzwi raJehovha asiwo takariteerera. (Dheuteronomio 28:1) Kuteerera inzwi raJehovha kunorevawo kuteerera inzwi raJesu, nokuti Jehovha pachake akatiudza kuti tidaro. (Mateu 17:5) Jesu, Mufudzi Akanaka, anotiudza kuti tiitei? Anotidzidzisa kuti tiite vadzidzi uye tivimbe no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45; 28:18-20) Kuteerera inzwi rake kunoreva upenyu hwedu husingagumi.—Mabasa 3:23.

“Achamutiza”

19. Tinofanira kuitei patinonzwa inzwi revaeni?

19 Saka, tinofanira kuita sei patinonzwa inzwi revaeni? Sezvinoita makwai. Jesu anoti: “Haangamboteveri mueni asi achamutiza.” (Johani 10:5) Tinoita zvinhu zviviri. Kutanga, ‘hatizomboteveri’ mueni. Chokwadi, tinoramba mueni zvachose. Kutaura zvazviri, muchiGiriki chomuBhaibheri, shoko rokuti “haangambo” rinobudisa matauriro akasimba anoratidza kuramba mumutauro iwoyo. (Mateu 24:35; VaHebheru 13:5) Chechipiri, ti“chamutiza,” kana kuti tichabva kwaari. Ndizvo bedzi zvatingaita kune vaya vane dzidziso dzisingapindirani nenzwi roMufudzi Akanaka.

20. Tichaita sei patinosangana ne(a) vakaramba kutenda vanonyengera, (b) shamwari dzakaipa, (c) nhau dzisiri dzechokwadi?

20 Naizvozvo, patinotarisana nevaya vanotaura pfungwa dzevakaramba kutenda, tinoda kuita zvinotaurwa neShoko raMwari, zvokuti: “Mungwarire vanoparira kupesana nezvinhu zvinogumbura zvakasiyana nedzidziso dzamakadzidza, vadzivisei.” (VaRoma 16:17; Tito 3:10) Saizvozvowo, pwere dzechiKristu dzinotarisana nengozi yeshamwari dzakaipa dzinofanira kushandisa zano raPauro raakapa Timoti muduku, rinoti: “Tiza kuchiva kwouduku.” Uye zvinobudisa nhau pazvinotipomera zvenhema, tichayeuka rimwezve zano raPauro kuna Timoti rinoti: ‘Vaya vanoteerera inzwi revaeni vachatendeukira kungano. Asi iwe, svinurira zvinhu zvose.’ (2 Timoti 2:22; 4:3-5) Pasinei nokuti inzwi revaeni ringaita serinofadza sei, tinotiza zvose zvingavhiringidza kutenda kwedu.—Pisarema 26:5; Zvirevo 7:5, 21; Zvakazarurwa 18:2, 4.

21. Mubayiro upi wakamirira vaya vanoramba inzwi revaeni?

21 Nokuramba inzwi revaeni, vaKristu vakazodzwa nomudzimu vanoteerera mashoko oMufudzi Akanaka anowanikwa pana Ruka 12:32. Ipapo Jesu anoti kwavari: “Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakatendera kukupai umambo.” Saizvozvowo, “mamwe makwai” anotarisira nomwoyo wose kunzwa mashoko aJesu anoti: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka youmambo hwamakagadzirirwa kubvira pakuvamba kwenyika.” (Johani 10:16; Mateu 25:34) Zvechokwadi tine mubayiro unofadza wakatimirira kana tikaramba “inzwi revaeni”!

Unoyeuka Here?

• Satani anokodzera sei kurondedzerwa kwomueni anotaurwa mumufananidzo waJesu wedanga remakwai?

• Inzwi revaeni rinonzwiwa sei nhasi?

• Tingaziva sei inzwi revaeni?

• Tinofanira kuita sei patinonzwa inzwi revaeni?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Mariya akaziva Kristu

[Mufananidzo uri papeji 16]

Mueni haaendi kumakwai zvakananga

[Mufananidzo uri papeji 18]

Tinoita sei patinonzwa inzwi revaeni?