Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Hunogutsa uye Hunofadza Hwebasa Rokuzvibayira Nokuzvidira

Upenyu Hunogutsa uye Hunofadza Hwebasa Rokuzvibayira Nokuzvidira

Nyaya Youpenyu

Upenyu Hunogutsa uye Hunofadza Hwebasa Rokuzvibayira Nokuzvidira

YAKATAURWA NAMARIAN NAROSA SZUMIGA

“Ndichakubayirai nechipiriso chokungopa nokuzvidira,” rinodaro Pisarema 54:6. Mashoko aya ave ari dingindira roupenyu hwaMarian Szumiga nomudzimai wake, Rosa, vanogara kuFrance. Munguva pfupi yapfuura vakagara pasi kuti varondedzere dzimwe pfungwa huru dzoupenyu hwavo urefu, hunogutsa mubasa raJehovha.

MARIAN: Vabereki vangu vaiva vaRoma Katurike vakatama vachibva kuPoland. Baba vaiva murume anozvininipisa. Havana kumboenda kuchikoro. Zvisinei, muhondo yenyika yokutanga, vakadzidza kuverenga nokunyora pavaiva mumigero inovanda varwi. Baba vaiva murume aitya Mwari, asi chechi yaiwanzovaodza mwoyo.

Pane chimwe chiitiko chavasina kumbokanganwa. Rimwe zuva muhondo, mufundisi akashanyira kamba yemasoja kwaishandira Baba. Pane bhomba rakaputikira pedyo nepavaiva, mufundisi wacho achibva avhunduka ndokutiza, achirova bhiza rake nomuchinjikwa kuti rimhanye. Baba vakakatyamadzwa kuti “mumiririri” waMwari akashandisa chinhu “chitsvene” kuti akurumidze kutiza. Pasinei nezvakaitika zvakadaro nezvinotyisa zvehondo zvavakaona, kutenda kwaBaba muna Mwari hakuna kuderera. Vaiwanzokudza Mwari kuti vakadzoka kuhondo vari vapenyu.

“Little Poland”

Muna 1911, baba vangu vakaroora mumwe musikana womumusha wavaiva vakavakidzana nawo. Ainzi Anna Cisowski. Muna 1919, hondo ichangopera, Baba naAmai vakatama vachibva kuPoland vachienda kuFrance uko Baba vakawana basa mumugodhi wemarasha. Ndakaberekwa muna March 1926 muCagnac-les-Mines, kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweFrance. Pashure pacho, vabereki vangu vakagara munzanga yevanhu vokuPoland kuLoos-en-Gohelle, pedyo neLens kuchamhembe kweFrance. Mubiki wechingwa, mutengesi wenyama, uye mupristi vose vaiva vokuPoland. Saka hazvishamisi kuti nzvimbo iyi yainzi Little Poland. Vabereki vangu vaibatanidzwawo mumabasa enzanga. Baba vaiwanzoronga mashoo, aiwanzobatanidza kutamba, mimhanzi, nokuimba. Uyewo vaigara vachikurukurirana nomupristi, asi vakanga vasingagutsikani mupristi wacho paaiwanzopindura kuti, “Pane zvakavanzika zvakawanda.”

Rimwe zuva muna 1930, pane vakadzi vaviri vakagogodza pamusuo wedu. Vaiva Vadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Baba vangu vakawana Bhaibheri kwavari, bhuku ravakanga vagara vachida kuverenga kwemakore. Ivo naAmai vakaverengawo nomwoyo wose mabhuku eBhaibheri akasiyiwa nevakadzi vacho. Vabereki vangu vakabayiwa mwoyo zvikuru nezvavaiverenga mumabhuku aya. Pasinei noupenyu hwavo hwakabatikana, vabereki vangu vakatanga kupinda misangano yairongwa neVadzidzi veBhaibheri. Pavaikurukurirana nomupristi vakanga vava kungokakavadzana kusvikira rimwe zuva raakatyisidzira kuti kana vabereki vangu vakaramba vachiwadzana neVadzidzi veBhaibheri, hanzvadzi yangu Stéphanie aizodzingwa kukatekisimo. “Usazvinetsa zvako,” Baba vakapindura kudaro. “Kubva iye zvino, mwanasikana wangu nevamwe vana vachaenda nesu kumisangano yeVadzidzi veBhaibheri.” Baba vakabva varega kuenda kuchechi yacho, uye pakutanga kwa1932, vabereki vangu vakabhabhatidzwa. Panguva yacho, muFrance maingova nevaparidzi voUmambo vanenge 800.

Rosa: Vabereki vangu vaibva kuHungary uye, sezvakanga zvamboitawo mhuri yaMarian, vakanga vambogara kuchamhambe kweFrance vachishanda mumigodhi yemarasha. Ndakaberekwa muna 1925. Muna 1937, mumwe weZvapupu zvaJehovha, Auguste Beugin, kana kuti Papa Auguste semadaniro ataimuita, akatanga kuunzira vabereki vangu Nharireyomurindi mumutauro wokuHungary. Magazini acho aivanakidza, asi hapana kana mumwe wavo akava mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Kunyange zvazvo ndaiva muduku, mwoyo wangu wakabayiwa nezvandaiverenga muNharireyomurindi, uye muroora waPapa Auguste, Suzanne Beugin, akatanga kundifarira. Vabereki vangu vakamubvumira kuenda neni kumisangano. Gare gare, pandakatanga kushanda, kupinda kwangu misangano yemisi yeSvondo kwakanga kwava kugumbura baba vangu. Kunyange zvazvo vaiva munhu akanaka, vainyunyuta vachiti, “Vhiki yose unenge usipo, uye nemisi yeSvondo unoenda kumisangano yako!” Zvisinei, ndakaramba ndichienda. Saka rimwe zuva baba vangu vakati, “Rongedza bhegi rako uende!” Kwakanga kwasviba. Ndaingova nemakore 17, uye ndakanga ndisingazivi kuti ndoendepi. Ndakazoguma ndava kumba kwaSuzanne, ndichichema zvikuru. Ndakagara naSuzanne kweinenge vhiki Baba ndokuzotuma mukoma wangu kuti ndidzoke kumba. Ndaiva munhu anonyara, asi pfungwa inotaurwa pana 1 Johani 4:18 yakandibatsira kuramba ndakasimba. Rugwaro irworwo runoti “rudo rwakakwana runodzingira kutya kunze.” Ndakabhabhatidzwa muna 1942.

Nhaka Inokosha Yezvokunamata

Marian: Ndakabhabhatidzwa muna 1942, pamwe chete nehanzvadzi dzangu Stéphanie naMélanie uye mukoma wangu Stéphane. Kumba, upenyu hwemhuri hwakanga hwakavakirwa paShoko raMwari. Taiwanzogara takakomberedza tafura, Baba vachitiverengera Bhaibheri muchiPolish. Kazhinji manheru taiteerera vabereki vedu sezvavairondedzera zvavaisangana nazvo mubasa rokuparidza Umambo. Nguva idzi dzinokurudzira mune zvokunamata dzakatidzidzisa kuda Jehovha uye kuvimba naye zvakanyanya. Utano husina kunaka hwakaita kuti baba vangu varege kushanda, asi vakaramba vachititarisira mune zvokunamata uye mune zvokunyama.

Sezvo iye zvino Baba vakanga vava nenguva, vaiitisa chidzidzo cheBhaibheri kamwe pavhiki muchiPolish nepwere dzomuungano. Ikoko ndakadzidza kuverenga chiPolish. Baba vaikurudzirawo pwere dzacho mune dzimwe nzira. Hama Gustave Zopfer, vaitarisira basa reZvapupu zvaJehovha muFrance panguva iyoyo, pavakamboshanyira ungano yedu, Baba vakaronga kwaya nomutambo womuBhaibheri wevanhu vakanga vakapfeka zvipfeko zvomunguva yacho waitaura nezvemabiko aMambo Bhershazari uye nezvoruoko rwakanyora pamadziro. (Dhanieri 5:1-31) Louis Piéchota ndiye akatamba panzvimbo yaDhanieri, uye akazova akasimba pakutambudzwa nevaNazi. * Aya ndiwo marererwe atakaitwa isu vana. Taiona kuti vabereki vedu vaigara vakabatikana nezvinhu zvokunamata. Iye zvino, ndava kuziva kuti iyi nhaka inokosha yatakasiyirwa nevabereki vedu.

Hondo Yenyika II payakarwiwa muna 1939, basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa muFrance. Pane imwe nguva, nzanga yedu yakasechwa. Dzimba dzose dzakakombwa nemasoja okuGermany. Baba vakanga vagadzira uriri hwokubata kumeso pasi pewodhiropu yakavakirirwa kumadziro, uye takaviga mabhuku eBhaibheri akasiyana-siyana pasi pouriri ihwohwo. Zvisinei, makopi anoverengeka ekabhuku kanonzi Fascism or Freedom aiva mudhirowa retafura. Baba vakakurumidza kuaviga muhomwe yebhachi raiva rakaturikwa mukoridho. Masoja maviri nomupurisa womuFrance vakasecha imba yedu. Takabatira ura mumaoko. Mumwe musoja akatanga kusecha mbatya dzaiva dzakaturikwa mukoridho, uye akabva apinda mukicheni mataiva, akabata tubhuku twacho. Akatidzvokora, akaisa tubhuku twacho patafura, ndokuramba achisecha dzimwe nzvimbo. Ndakakurumidza kutora tubhuku twacho ndokutuisa mudhirowa rakanga ratosechwa nemasoja. Musoja wacho haana kuzombobvunza nezvotubhuku utwu—zvakaita sokunge akanga atokanganwa zvachose nezvatwo!

Kutanga Basa Renguva Yakazara

Muna 1948, ndakasarudza kushumira Jehovha nguva yakazara ndichipayona. Kwapera mazuva mashomanana, ndakagamuchira tsamba yaibva kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yomuFrance. Tsamba yacho yaiti ndinoshanda sapiyona muungano yeSedan, pedyo neBelgium. Vabereki vangu vakafara kuona ndichibvuma kushumira Jehovha nenzira iyoyo. Kunyange zvakadaro, baba vakataura kuti kupayona kwakanga kusiri kutamba. Kwaizova basa rakaoma. Zvisinei, vakati ndaizoramba ndichigamuchirwa mumba mavo uye kuti ndaigona kuvimba navo pandaizova nezvinetso. Kunyange zvazvo vabereki vangu vakanga vasina mari yakawanda, vakanditengera bhasikoro idzva. Ndichine risiti yebhasikoro iroro, uye pandinorutarira, misodzi inoti yangarara mumaziso angu. Baba naAmai vakafa muna 1961, asi mashoko ouchenjeri aBaba achiri kungorira munzeve dzangu; akandikurudzira uye akandinyaradza mumakore angu ose ebasa.

Elise Motte, imwe hanzvadzi yechiKristu yaiva nemakore 75 yomuungano yeSedan, ndiye mumwe aindikurudzira. Muzhizha, ndaichovha bhasikoro rangu ndichienda kunoparidza kumisha iri kure, uye Elise aizouyawo nechitima. Zvisinei, rimwe zuva vanamakanika vakaramwa basa, uye Elise aisagona kusvika kumba. Zvandaingogona kuita chete kwaiva kumukera pabhasikoro rangu ndoenda naye kumba—kutakurwa kusinganakidzi. Mangwana acho, ndakauya nekusheni ndokutora Elise kumba kwavo. Akanga asisakwiri chitima, uye akanga ava kukwanisa kutitengera tii panguva yokudya kwemasikati nemari yaaizofanira kunge akwira nayo. Ndiani angadai akambofunga kuti bhasikoro rangu raizotakura vanhu?

Mamwe Mabasa

Muna 1950, ndakakumbirwa kuti ndishande somutariri wedunhu wokuchamhembe kwose kweFrance. Zvandaingova nemakore 23, pakutanga ndakatya. Ndakafunga kuti hofisi yebazi yakanga yakanganisa! Mibvunzo yakazara mumusoro mangu: ‘Ini nezvandiri ndinorikwanisa here basa iri? Ndichazvikwanisa here kugara mumisha yakasiyana-siyana vhiki yoga yoga?’ Uyezve kubvira ndiine makore matanhatu, ndine chirwere chemaziso akareyana. Chirwere ichi chinoita kuti rimwe ziso rangu ritarire nepadivi. Ndagara ndichiziva kuti ndozvandiri, ndichinetseka kuti vamwe vanondiona sei. Ndinoonga kuti panguva iyoyo ndakabatsirwa zvikuru naStefan Behunick, akanga apedza kudzidza pachikoro chemamishinari cheGiriyedhi. Hama Behunick vakanga vadzingwa kuPoland pamusana pebasa ravo rokuparidza uye vakanga vanzi vanoshanda kuFrance. Kushinga kwavo kwakandikurudzira chaizvo. Vairemekedza zvikuru Jehovha uye chokwadi. Vamwe vaifunga kuti vaindiomesera, asi ndakadzidza zvakawanda kwavari. Kusatya kwavo kwakabatsira kuti ndiwedzere kuva nechivimbo.

Basa redunhu rakaita kuti ndive nezvimwe zvinoitika zvinofadza zvomubasa romumunda. Muna 1953, ndakakumbirwa kuti ndishanyire mumwe munhu ainzi VaPaoli, aigara kumaodzanyemba kweParis uye akanga akanyoresa kugamuchira Nharireyomurindi. Takaonana, uye akandiudza kuti akanga arega basa rechiuto uye kuti Nharireyomurindi yaimunakidza kwazvo. Akandiudza kuti averenga nyaya yeChirangaridzo chorufu rwaKristu mumagazini yakanga ichangobuda, akachengeta Chirangaridzo chacho ari oga uye manheru acho ose akazoverenga Mapisarema. Takakurukura kweanenge masikati ose. Ndisati ndaenda takataurawo zvishomanana nezvokubhabhatidzwa. Ndakazomukoka kuti auye kugungano redu redunhu, raizoitwa kutanga kwa1954. Akauya, uye Hama Paoli vaiva mumwe wevanhu 26 vakabhabhatidzwa pagungano iroro. Zvinoitika zvakadaro zvichiri kundifadza.

Rosa: Muna October 1948, ndakatanga kupayona. Pashure pokushumira muAnor, pedyo neBelgium, ndakanzi ndiende kuParis, pamwe chete nomumwe piyona, Irène Kolanski (zvino ava kunzi Irène Leroy). Taigara pakati peguta rinonzi Saint-Germain-des-Près mukakamuri kadukuduku. Sezvo ndakanga ndiri musikana akakurira kumaruwa, ndaitya vanhu vokuParis. Ndaifunga kuti vose vakadzidza zvikuru uye vakangwara chaizvo. Asi pandaivaparidzira ndakazoona kuti vakanga vasina kumbosiyana nevamwe vanhu. Kazhinji taidzingwa nevatarisiri vedzimba, uye kutanga zvidzidzo zveBhaibheri kwakanga kwakaoma. Kunyange zvakadaro vamwe vanhu vaibvuma zvataitaura.

Pane rimwe gungano redunhu muna 1951, ini naIrène takabvunzurudzwa pamusoro pebasa redu rokupayona. Fungidzira kuti ndiani aibvunzurudza? Aiva mumwe mutariri wedunhu wechiduku ainzi Marian Szumiga. Takanga tamboonana, asi gungano racho rapera, takatanga kunyorerana tsamba. Ini naMarian taiva nezvakawanda zvakafanana, zvinosanganisira kuti takabhabhatidzwa gore rimwe chete uye takava mapiyona gore rimwe chete. Zvisinei, zvinotokosha zvikuru, tose taida kuramba tiri mubasa renguva yakazara. Saka pashure pokufungisisa tichinyengetera, takachata musi waJuly 31, 1956. Tatora danho iroro, ndakatanga kuva nemamwe mararamiro matsva. Ndaifanira kujaira kwete kungova mudzimai asiwo kuenda naMarian mubasa redunhu, zvaireva kugara mumisha yakasiyana vhiki imwe neimwe. Pakutanga, zvakanga zvakaoma chaizvo, asi mufaro mukuru waiva mberi kwedu.

Upenyu Hunogutsa

Marian: Kwemakore ose aya, takava neropafadzo yokubatsira kugadzirira kokorodzano dzinoverengeka. Ndichiri kunyanya kuyeuka imwe kokorodzano yakandinakidza yakaitwa muna 1966, muBordeaux. Panguva iyoyo, basa reZvapupu zvaJehovha muPortugal rakanga rarambidzwa. Saka purogiramu yegungano racho yakaitwawo muchiPutukezi kuti Zvapupu zvaigona kuenda kuFrance zvibatsirwe. Mazana ehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzaibva kuPortugal akasvika, asi chinetso chakanga chiri chokuvawanira pokugara. Sezvo Zvapupu zvokuBordeaux zvakanga zvisina nzvimbo yakakwana mudzimba dzazvo, takahaya imba yemitambo yakanga isina chinhu kuti vanhu vagare. Takabvisa zvigaro zvose, uye keteni repachikuva rakashandiswa kukamura imba yacho kuti dzive dzimba mbiri, imwe yehama uye imwe yehanzvadzi. Takaisawo dzimba dzokugezera uye masingi, uswa pauriri hwekongiri, ndokuhufukidza nematende. Munhu wose akagutsikana nezvakaitwa izvi.

Purogiramu dzekokorodzano dzapera, takashanyira hama nehanzvadzi dzedu dzaiva kuimba yemitambo. Zvinhu zvakanga zvakanaka zvikuru. Takakurudzirwa zvikuru nezviitiko zvavakava nazvo pasinei nemakore avakatsungirira kutambudzwa! Pavakazoenda gungano rapera, tose taiva nemisodzi mumaziso edu.

Ndakanga ndawana imwe ropafadzo makore maviri akanga apfuura, muna 1964, pandakakumbirwa kuti ndishande somutariri woruwa. Zvakare ndakanetseka kana ndaizokwanisa kuita basa iri. Asi ndakafunga kuti kana vaya vane mitoro vandikumbira kuti ndiite basa racho, zviri pachena kuti vaifunga kuti ndaikwanisa kuriita. Zvaifadza zvikuru kushanda pamwe chete nevamwe vatariri vanofambira. Ndakadzidza zvakawanda kwavari. Vakawanda vavo mienzaniso chaiyo yokushivirira nokutsungirira, unhu hunokosha mukuona kwaJehovha. Ndava kunzwisisa kuti kana tikashivirira, Jehovha anoziva kwokutiwana.

Muna 1982, hofisi yebazi yakatikumbirawo kuti titarisire boka duku revaparidzi 12 vechiPolish muBoulogne-Billancourt iri nechokunze kweParis. Izvozvo zvakandishamisa. Ndaiziva mashoko echiKristu muchiPolish, asi ndainetseka kuumba mitsetse. Kunyange zvakadaro, mutsa nokushandira pamwe kwokuzvidira kwehama idzodzo kwakandibatsira zvikuru. Nhasi, muungano yacho mune vaparidzi vanenge 170, kusanganisira mapiyona anoda kusvika 60. Gare gare, ini naRosa takashanyira mapoka neungano zvechiPolish muAustria, Denmark, neGermany.

Mamiriro Ezvinhu Anochinja

Upenyu hwedu hwaiva hwokushanyira ungano dzakasiyana-siyana, asi utano hwangu huri kuderera hwakaita kuti tirege ushumiri hwedu hwokufambira muna 2001. Takawana pokugara mutaundi rePithiviers, kunogara hanzvadzi yangu Ruth. Nomutsa hofisi yebazi yakatigadza kuti tive mapiyona chaiwo tichishanda maawa akaderedzwa zvinoenderana nemamiriro edu ezvinhu.

Rosa: Gore rokutanga pashure pokunge tarega basa redunhu rakanga rakandiomera zvikuru. Kuchinja kwacho kwakanga kwakakura chaizvo zvokuti ndakanzwa ndisingabatsiri. Zvadaro ndakazviyeuchidza kuti, ‘Uchiri kugona kushandisa nguva yako nesimba rauinaro zvakanaka nokushanda sapiyona.’ Nhasi, ndiri kufara kushanda pamwe chete nemamwe mapiyona omuungano yedu.

Jehovha Ave Achititarisira

Marian: Ndinoonga Jehovha zvikuru kuti Rosa ave ari shamwari yangu kwemakore 48. Mumakore ose iwayo tiri mubasa rokufambira, ave achinditsigira zvikuru. Handina kumbomunzwa achiti, ‘Dai tarega hedu tovawo nomusha wedu.’

Rosa: Dzimwe nguva mumwe munhu aiti kwandiri, “Upenyu hwenyu hahuna kufanana nohwevamwe. Nguva dzose munogara nevamwe.” Asi chii chinonzi “upenyu hwakafanana nohwevamwe”? Tinowanzozviunganidzira zvinhu zvakawanda zvingangova zvipingamupinyi pakuita mabasa ane chokuita nokunamata. Zvatinongoda bedzi mubhedha wakanaka, tafura, uye zvinhu zvishomanana zvokushandisa. Semapiyona takanga tisina zvinhu zvakawanda zvokunyama, asi taiva nezvose zvataida kuti tiite kuda kwaJehovha. Dzimwe nguva ndaibvunzwa kuti, “Muchaita sei kana machembera musina musha uye musina mudyandigere.” Ipapo ndaitaura mashoko ari pana Pisarema 34:10 anoti: “Vanotsvaka Jehovha havana chinhu chakanaka chavangashayiwa.” Jehovha ave achititarisira.

Marian: Ndezvechokwadi! Kutaura zvazviri, Jehovha akatipa zvakatowanda kupfuura zvatinoda. Somuenzaniso, muna 1958, ndakasarudzwa kuti ndinomiririra dunhu redu pakokorodzano yemarudzi akawanda muNew York. Zvisinei, takanga tisina mari yokutengera Rosa tikiti. Mamwe manheru imwe hama yakatitambidza hamvuropu yaiva yakanyorwa kuti “New York.” Chipo chaivamo chakaita kuti Rosa akwanise kuenda neni!

Ini naRosa hatitombodembi makore edu atakashumira Jehovha. Hapana chatakarasikirwa nacho asi takawana zvose—upenyu hunogutsa nohunofadza mubasa renguva yakazara. Jehovha ndiMwari anoshamisa kwazvo. Takadzidza kuvimba naye zvizere, uye takawedzera kumuda. Dzimwe dzehama dzedu dzechiKristu dzakafira kutendeka kwadzo. Zvisinei, ndinodavira kuti kwemakore, munhu anogona kupawo upenyu hwake zvishoma nezvishoma mubasa raJehovha. Ini naRosa ndizvo zvatakavavarira kuita kusvikira zvino, uye ndizvo zvatakatsunga kuita mune remangwana.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Nyaya youpenyu yaLouis Piéchota inoti, “Ndakapukunyuka ‘Kufamba Kworufu,’” yakabudiswa muNharireyomurindi yaFebruary 15, 1981.

[Mufananidzo uri papeji 20]

François naAnna Szumiga nevana vavo, Stéphanie, Stéphane, Mélanie, naMarian munenge muna 1930. Marian akamira pachituru

[Mufananidzo uri papeji 22]

Pamusoro: Kugovera mabhuku eBhaibheri pamusika muArmentières, kuchamhembe kweFrance, muna 1950

[Mufananidzo uri papeji 22]

Kuruboshwe: Stefan Behunick naMarian muna 1950

[Mufananidzo uri papeji 23]

Rosa (ari nechokuruboshwe) naIrène waaipayona naye (wechina kubva kuruboshwe), vachizivisa nezvegungano muna 1951

[Mufananidzo uri papeji 23]

Marian naRosa pasara zuva rimwe kuti vachate

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mabhasikoro ndiwo ainyanya kushandiswa pakushanyira ungano