Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinonyatsodiwa Kuti Munhu Afare

Zvinonyatsodiwa Kuti Munhu Afare

Zvinonyatsodiwa Kuti Munhu Afare

JEHOVHA, “Mwari anofara,” uye Jesu Kristu, “anofara, Mutongi bedzi Ane Simba,” vanoziva kupfuura vanhu vose zvinodiwa kuti munhu afare. (1 Timoti 1:11; 6:15) Saka, hazvishamisi kuti zvinodiwa kuti tifare zviri muShoko raMwari, Bhaibheri.—Zvakazarurwa 1:3; 22:7.

MuMharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu anorondedzera zvinodiwa kuti munhu afare. Anoti: “Vanofara avo” (1) vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, (2) vanochema, (3) vanyoro, (4) vane nzara nenyota yokururama, (5) vane ngoni, (6) vakachena mumwoyo, (7) vanoita rugare, (8) vanotambudzwa nokuda kwokururama, uye (9) vanozvidzwa uye vanotambudzwa nokuda kwake.—Mateu 5:3-11. *

Mashoko aJesu Akarurama Here?

Kuti mamwe emashoko aJesu ndeechokwadi hakumbodi kutsanangura. Ndiani angamboramba kuti munhu munyoro, ane ngoni, uye anoda rugare anokurudzirwa nemwoyo wakachena achafara kudarika uya anotsamwa, anokakavara, asina ngoni?

Zvisinei, tingashamisika kuti vanhu vane nzara nenyota yokururama kana kuti vanochema vangagona sei kunzi vanofara. Vanhu vakadaro vanoona mamiriro ezvinhu enyika sezvaari chaizvo. Vano‘chema nokugomera pamusoro pezvinhu zvose zvinosemesa zviri kuitwa’ muzuva redu. (Ezekieri 9:4) Izvozvo pachazvo hazviiti kuti vafare. Zvisinei, pavanoziva chinangwa chaMwari chokuunza mamiriro ezvinhu akarurama pasi pano uye kururamisira kune vaya vakaora mwoyo, mufaro wavo unopfachukira.—Isaya 11:4.

Kuda kururama kunoitawo kuti vanhu vacheme pavanoramba vachikundikana kuita zvakarurama. Saka vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu. Vanhu vakadaro vanoda kutsvaka kutungamirirwa naMwari nokuti vanoziva kuti iye oga anogona kubatsira vanhu kukurira kusava nesimba kwavo.—Zvirevo 16:3, 9; 20:24.

Vanhu vanochema, vane nzara nenyota yokururama, uye vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu vanoziva kukosha kwokuva noukama hwakanaka noMusiki. Ukama hwakanaka nevanhu hunounza mufaro, asi ukama hwakanaka naMwari hunotopfuura izvozvo. Chokwadi, vanhu vanonyanya kukoshesa zvinhu zvakarurama, vaya vanobvuma kutungamirirwa naMwari, vanogona kunzi vanofara zvechokwadi.

Zvisinei, ungaona zvakaoma kutenda kuti mumwe munhu anotambudzwa uye anozvidzwa anogona kufara. Asi, zvinofanira kuva chokwadi, sezvo Jesu pachake akataura kudaro. Saka, mashoko ake anofanira kunzwisiswa sei?

Vanotambudzwa asi Vanofara—Izvozvo Zvingaitika Sei?

Ona kuti Jesu haana kuti kuzvidzwa nokutambudzwa kunoita kuti munhu afare. Akati: “Vanofara avo vakatambudzwa nokuda kwokururama, . . . apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai . . . nokuda kwangu.” (Mateu 5:10, 11) Saka mufaro unongowanikwa bedzi kana munhu achizvidzwa pamusana pokuti muteveri waKristu uye nokuti anorarama maererano nemitemo yakarurama yakadzidziswa naJesu.

Izvi zvinoratidzwa nezvakaitika kuvaKristu vekare. Nhengo dzeSanihedrini, dare repamusoro rechiJudha, “vakadana vaapostora, vakavarova, vakavarayira kurega kutaura pamusoro pezita raJesu, vakavarega vachienda.” Vaapostora vakaita sei? “Naizvozvo, ava vakabva zvavo pamberi peSanihedrini, vachifara nokuti vakanga varangarirwa sevakafanirwa nokuzvidzwa nokuda kwezita rake. Uye mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.”—Mabasa 5:40-42; 13:50-52.

Muapostora Petro akajekesazve kubatana kuri pakati pokuzvidzwa nomufaro. Akanyora kuti: “Kana muri kuzvidzwa nokuda kwezita raKristu, munofara, nokuti mudzimu wembiri, iwo mudzimu waMwari, uri pamuri.” (1 Petro 4:14) Chokwadi, kutambura somuKristu nokuda kwokuita zvakarurama, kunyange zvazvo kutambura kwakadaro kusingafadzi, kunounza mufaro unobva pakuziva kuti munhu wacho anogamuchira mudzimu mutsvene waMwari. Mudzimu waMwari wakabatana sei nomufaro?

Mabasa Enyama Kana Kuti Zvibereko Zvomudzimu?

Mudzimu mutsvene waMwari uri pane vaya bedzi vanoteerera Mwari somutongi. (Mabasa 5:32) Jehovha haapi vaya vanoita “mabasa enyama” mudzimu wake. Mabasa iwayo anoti “ufeve, kusachena, unzenza, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kukakavadzana, godo, kufufutirwa nokutsamwa, kukakavara, kupesana, mapoka, shanje, nguva dzokunwira kudhakwa, mitambo yokuzvifadza, nezvinhu zvakaita seizvi.” (VaGaratiya 5:19-21) Chokwadi, munyika yanhasi “mabasa enyama” akazara. Asi, vaya vanoaita havana mufaro wechokwadi uye wechigarire. Pane kudaro, kuita zvinhu izvozvo kunokanganisa ukama hwomunhu hwakanaka nehama dzake, shamwari, uye vaanozivana navo. Uyezve, Shoko raMwari rinoti vaya “vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.”

Asi, Mwari anopa mudzimu wake vaya vanokudziridza “zvibereko zvomudzimu.” Unhu hunoumba zvibereko izvi ndouhwu “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaGaratiya 5:22, 23) Patinoratidza unhu uhwu, tinotanga mamiriro ezvinhu okuva noukama hune rugare nevamwe uye naMwari, zvinoguma nomufaro wechokwadi. (Ona bhokisi.) Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti, nokuratidza rudo, mutsa, runako, noumwe unhu hwaMwari, tinofadza Jehovha uye tinova netariro inofadza youpenyu husingaperi munyika itsva yaMwari yokururama.

Mufaro Chinhu Chatinosarudza

Wolfgang nomudzimai wake Brigitte vanogara kuGermany, pavakatanga kudzidza Bhaibheri nomwoyo wose, vaiva nezvinhu zvokunyama zvakawanda zvinofungwa nevanhu kuti ndizvo zvinodiwa kuti munhu afare. Vaiva vechiduku uye vaine utano hwakanaka. Vaipfeka mbatya dzinodhura, vaigara mumusha wakashongedzwa zvinoyevedza, uye vaiva nebhizimisi raibudirira. Nguva yavo zhinji yaiperera pakutoedza kuwedzera pfuma yavo, asi izvozvo hazvina kuita kuti vafare zvechokwadi. Zvisinei, nokufamba kwenguva, Wolfgang naBrigitte vakaita chisarudzo chinokosha. Vakatanga kushandisa nguva yavo yakawanda nesimba ravo kuti vatsvake zvinhu zvine chokuita nokunamata uye kutsvaka nzira dzokuswedera nadzo pedyo naJehovha. Munguva pfupi, zvavakasarudza zvakaita kuti vachinje mafungiro avo, vachibva varerutsa upenyu hwavo ndokuva mapiyona, kana kuti vaevhangeri voUmambo venguva yakazara. Nhasi, vanoshumira sevazvipiri pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuGermany. Uyezve, vari kudzidza mutauro wokuAsia kuti vabatsire vanhu vokune dzimwe nyika kudzidza chokwadi chinowanikwa muShoko raMwari, Bhaibheri.

Vaviri ava vakawana mufaro wechokwadi here? Wolfgang anoti: “Kubvira patakatanga kutsvaka zvinhu zvine chokuita nokunamata, tave tichifara chaizvo uye tinogutsikana zvikuru. Kushumira Jehovha nomwoyo wose kwakasimbisawo muchato wedu. Kare taiva nomuchato unofadza, asi taiva nezvataifanira kuita uyewo zvinhu zvataifarira zvainge zvakasiyana. Zvino tava kufarira zvinhu zvakafanana takabatana.”

Zvinodei Kuti Munhu Afare?

Nokupfupikisa: Dzivisa “mabasa enyama,” uye kudziridza “zvibereko zvomudzimu” waMwari. Kuti munhu afare, anofanira kuda kuva noukama hwepedyo naMwari. Munhu anoedza kuva neizvi anokodzera rondedzero yaJesu yomunhu anofara.

Naizvozvo, usagumisa zvisiri izvo kuti haukwanisi kuwana mufaro. Chokwadi, panguva ino ungave usina utano hwakanaka kana kuti ungatove nezvinetso newawakaroorana naye. Zvichida hauchakwanisi kuita vana, kana kuti ungave uchitamburira kuti uwane basa rinobudirira. Zvimwe hauchina mari seyawaimbova nayo. Kunyange zvakadaro, shinga; hauna chikonzero chokuora mwoyo! Kutonga kwoUmambo hwaMwari kuchapedza zvinetso izvi nezvimwewo zvakawanda. Chokwadi, nokukurumidza Jehovha Mwari achaita zvaakavimbisa zvakataurwa nomunyori wepisarema kuti: “Ushe hwenyu ndihwo ushe husingaperi . . . Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:13, 16) Sezvinogona kupupurirwa nemamiriyoni evashumiri vaJehovha pasi pose, kuyeuka chipikirwa chaJehovha ichi chinokurudzira kuchaita kuti ufare zvikuru nhasi.—Zvakazarurwa 21:3.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kumwe nokumwe kwokutaura uku kupfumbamwe kwaJesu, kunotanga neshoko rechiGiriki rokuti ma·kaʹri·oi. Pane kushandura izvi neshoko rokuti “vakakomborerwa,” sezvinoita dzimwe shanduro, Shanduro yeNyika Itsva nedzimwe shanduro, dzakadai seThe Jerusalem Bible uye Today’s English Version, dzinoshandisa shoko rakanyatsorurama rokuti “vanofara.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Zvinhu Zvinoita Kuti Munhu Afare

Rudo runoita kuti vamwe vakudewo.

Mufaro unokupa simba rokukurira zvinetso.

Rugare ruchakubatsira kugara usingakakavadzani nevamwe.

Mwoyo murefu unoita kuti ugare uchifara kunyange paunenge uri mumuedzo.

Mutsa unoita kuti vamwe vaswedere pedyo newe.

Runako runoita kuti vamwe vazokubatsira paunoda kubatsirwa.

Kutenda kuchaita kuti uve nechokwadi nokutungamirira kwaMwari kworudo.

Unyoro huchaita kuti uve nomwoyo, pfungwa, uye muviri zvakadzikama.

Kuzvidzora kuchareva kuti zvikanganiso zvako zvichava zvishoma.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kuti uwane mufaro, unofanira kugutsa zvinodiwa zvako zvomudzimu