Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei varume vechiIsraeri vaibvumirwa kuroora vakadzi vemamwe marudzi vavainge vatapa kunyange zvazvo Mutemo waMosesi wairayira kuti vasaroorerane nevamwe vanhu vemamwe marudzi?—Dheuteronomio 7:1-3; 21:10, 11.

Izvi zvaibvumirwa nokuti paiva nezvimwe zvinhu chaizvo zvaibatanidzwa. Jehovha akanga arayira vaIsraeri kuti vaparadze maguta emarudzi manomwe munyika yeKenani, uye kuti vauraye vose vaigara imomo. (Dheuteronomio 20:15-18) Pane mamwe marudzi, zvichida vanhu vakuru chete vaipona vaingova mhandara dzainge dzatapwa. (Numeri 31:17, 18; Dheuteronomio 20:14) Murume wechiIsraeri aigona kuroora mukadzi akadaro, kutoti mukadzi wacho aitora mamwe matanho.

Nezvematanho aifanira kutorwa nomukadzi akadaro, Bhaibheri rinoti: “Zvino iye unofanira kuveura musoro wake, nokugura nzara dzake, nokurasa nguo dzake dzokutapwa, ndokugara mumba mako achichema baba vake namai vake mwedzi wose; pashure paizvozvo iwe ungapinda kwaari, iwe uve murume wake, iye ave mukadzi wako.”—Dheuteronomio 21:12, 13.

Mhandara yainge yatapwa iyo muIsraeri aida kuroora yaifanira kuveura musoro wayo. Kuveura bvudzi kwaiva chiratidzo chokuchema kana kuti chokurwadziwa. (Isaya 3:24) Somuenzaniso, tateguru Jobho paakafirwa nevana vake vose uye zvinhu zvake zvose pazvakaparara, akaveura bvudzi rake sechiratidzo chokuchema. (Jobho 1:20) Mukadzi wacho worumwe rudzi aifanirawo kucheka nzara dzake, zvichida ‘achidzicheka zvokusara dzava pfupi’ kuitira kuti kunyange dzakanga dzakapendwa, maoko ake haaizokwezva. (Dheuteronomio 21:12, Knox) Chii chaiva “nguo dzake dzokutapwa” dzaifanira kuraswa nomukadzi ainge atapwa? Yaiva tsika yevakadzi vaiva mumaguta evahedheni ainge ava kukundwa kupfeka zvipfeko zvavo zvakanakisisa. Vaiita izvi vachitarisira kuti vakwezve vaivatapa. Mukadzi ainge atapwa akanga asingafaniri kupfeka zvipfeko zvakadaro pakuchema.

Mukadzi ainge atapwa uyo aizova mudzimai womurume wechiIsraeri aifanira kuchema kwomwedzi wose vadiwa vake vanenge vafa. Maguta akakundwa aifanira kunyatsoparadzwa zvokuti mukadzi wacho aisara asina kana hama uye shamwari. Sezvo masoja echiIsraeri ainge aparadza zvifananidzo zvavanamwari vake, zvinhu zvaainamata zvainge zvisisipowo. Kuchema mwedzi wose kwaivawo nguva yokuzvichenesa apo mukadzi ainge atapwa aisiya zvinhu zvose zvaiva nechokuita nokunamata muchitendero chake chekare.

Zvisinei, zvinhu zvakanga zvisina kudaro kuvakadziwo zvavo vemamwe marudzi. Maererano neizvi, Jehovha akarayira kuti: “Usawanana navo, usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, kana kutorera mwanakomana wako mwanasikana wake.” (Dheuteronomio 7:3) Nei vairambidzwa kuita izvi? Dheuteronomio 7:4 inoti: “Nokuti uchatsausa mwanakomana wako arege kunditevera, kuti ashumire vamwe vamwari.” Saka kurambidza uku kwaiva nechinangwa chokudzivirira vaIsraeri kuti vasashatiswe pakunamata kwavo. Zvisinei, mukadzi worumwe rudzi arondedzerwa muna Dheuteronomio 21:10-13 akanga asingakonzeri njodzi yakadaro. Hama dzake dzose dzainge dzafa, uye zvifananidzo zvaimiririra vanamwari vake zvainge zvaparadzwa. Ainge asingachawadzani nevanamati venhema. MuIsraeri aibvumirwa kuroora munhu worumwe rudzi akadaro.