Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munyengetero waShe—Zvaunoreva Kwauri

Munyengetero waShe—Zvaunoreva Kwauri

Munyengetero waShe—Zvaunoreva Kwauri

MUNYENGETERO waShe, wakapiwa naJesu Kristu muMharidzo yepaGomo, unowanikwa muBhaibheri pana Mateu chitsauko 6, ndima 9 kusvika ku13. Nguva pfupi asati apa munyengetero uyu, Jesu akati: “Pakunyengetera, usadzokorore zvinhu zvakafanana, sezvinoita vanhu vemamwe marudzi, nokuti vanofungidzira kuti vachanzwiwa nokuda kwokushandisa kwavo mashoko akawanda.”—Mateu 6:7.

Saka zviri pachena kuti Jesu akanga asingadi kuti Munyengetero waShe udzokororwe shoko neshoko. Chokwadi, iye akazodzokorora munyengetero iwoyu kuti vamwewo vanhu vakanga vakateerera vabatsirwe nawo. (Ruka 11:2-4) Asi mashoko omunyengetero wacho anenge anotisiyanei munhoroondo dzeEvhangeri yaMateu neyaRuka. Uyezve, mimwe minyengetero yakazopiwa naJesu nevadzidzi vake haina kuomerera kumashoko chaiwo omunyengetero wake wokuenzanisira.

Nei Munyengetero waShe wakanyorwa muBhaibheri? Achishandisa munyengetero uyu wokuenzanisira, Jesu anotidzidzisa kuti minyengetero yedu ingagamuchirwa sei naMwari. Mumunyengetero uyu, tinowanawo mhinduro dzemimwe mibvunzo inokosha muupenyu. Saka ngatimbokurukurai chikamu chimwe nechimwe choMunyengetero waShe.

Mwari Anonzi Ani?

“Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Mashoko aya okutanga omunyengetero wokuenzanisira anotibatsira kuswedera pedyo naMwari patinomuti “Baba vedu.” Somwana, uyo anongonzwa achiva pedyo nomubereki ane rudo neanonzwisisa, tinogona kutaura naBaba vedu vokudenga tiine chivimbo chokuti vanoda kutiteerera. Mambo Dhavhidhi akaimba kuti: “Imi vokunzwa munyengetero, vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.”—Pisarema 65:2.

Jesu anotirayira kunyengeterera zita raMwari kuti ritsveneswe, kana kuti riitwe dzvene. Asi Mwari anonzi ani? Bhaibheri rinopindura nemashoko aya: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.” (Pisarema 83:18) Wati wamboverenga zita rokuti Jehovha muBhaibheri here?

Chaizvoizvo, zita raMwari, rokuti Jehovha, rinowanika kanoda kusvika 7 000 mumanyoro ekare eBhaibheri. Zvisinei, vamwe vashanduri vakatobvisa zita iri mushanduro dzavo dzeBhaibheri. Saka, zvakakodzera kuti tinyengeterere kuti Musiki wedu atsvenese zita rake, kana kuti ariite dzvene. (Ezekieri 36:23) Imwe nzira yokuita zvinoenderana nomunyengetero iwoyo ndeyokushandisa zita rokuti Jehovha patinonyengetera kuna Mwari.

Mumwe mukadzi anonzi Patricia akakurira muchechi yeKaturike uye ainyatsoziva Munyengetero waShe. Akaita sei paakaratidzwa zita raMwari muBhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha? Iye akati, “Handina kuzvitenda! Saka ndakatora shanduro yangu yeBhaibheri, uye raivawo imomo. Chapupu chacho chakabva chandiratidza Mateu 6:9, 10 chikatsanangura kuti zita raMwari rinotaurwa zvisina kunanga muMunyengetero waShe. Ndakafara zvikuru uye ndakachikumbira kuti chizodzidza neni Bhaibheri.”

Kuda kwaMwari Kuitike Pasi Pano

“Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:10) Chikamu ichi chomunyengetero wokuenzanisira waJesu chichazadzika sei? Vanhu vakawanda vanofungidzira kuti kudenga inzvimbo ine rugare uye ine runyararo. Magwaro anotaura nezvedenga so‘ugaro hwaJehovha hutsvene hunobwinya.’ (Isaya 63:15) Ndosaka tichinyengetera kuti kuda kwaMwari kuitike pasi pano “sokudenga”! Asi izvozvi zvichazomboitika here?

Muprofita waJehovha Dhanieri akafanotaura kuti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [hwepasi], ihwo huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Umambo uhwu hwokudenga, kana kuti hurumende, huchakurumidza kuita chimwe chinhu kuti huunze rugare munyika yose huchitonga zvakarurama.—2 Petro 3:13.

Kunyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuti kuda kwake kuitike pasi pano kuratidza kutenda kusingazoodzi mwoyo. Muapostora wechiKristu Johani akanyora kuti: “Ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’” Johani akabva awedzera kuti: “Uye Uyo akanga agere pachigaro choumambo akati: . . . ‘Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.’”—Zvakazarurwa 21:3-5.

Kunyengeterera Zvatinoda Zvokunyama

Pane zvaakataura mumunyengetero wokuenzanisira, Jesu akaratidza kuti patinonyengetera, chikonzero chedu chikuru chinofanira kuva chiine chokuita nezita raMwari uye kuda kwake. Asi, munyengetero wokuenzanisira unoenderera mberi uchitaura nezvezvinhu zvinokumbirwa nomunhu kuna Jehovha nenzira yakakodzera.

Chokutanga chazvo ndeichi: “Tipei nhasi chingwa chedu chanhasi.” (Mateu 6:11) Uku hakusi kukumbira pfuma yokunyama. Jesu akatikurudzira kunyengeterera “chingwa chedu chezuva maererano nechinodikanwa chezuva racho.” (Ruka 11:3) Maererano noMunyengetero waShe, tinogona kunyengetera tichitenda kuti Mwari achatipa zvatinoda zuva nezuva kana tichimuda uye tichimuteerera.

Kuzvidya mwoyo zvisina kufanira nezvinetso zvemari kungaita kuti tirege kuita zvinhu zvinodiwa zvine chokuita nokunamata, totadza kuita izvo Mwari anotarisira kuti tiite. Asi kana tikaisa kunamata Mwari panzvimbo yokutanga muupenyu, tinogona kuva nechokwadi chokuti zvatinokumbira pane zvatinoda zvokunyama, zvakadai sezvokudya nezvokupfeka, zvichanzwika zvakanaka. Jesu akati: “Rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama [kwaMwari], uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:26-33) Kutsvaka kururama kwaMwari hakusi nyore, sezvo tose tichitadza uye tichida kukanganwirwa. (VaRoma 5:12) Munyengetero waShe unotaurawo nezvazvo.

Kunyengeterera Kukanganwirwa

“Tikanganwirei mhosva dzedu, sezvatakanganwirawo vane mhosva nesu.” (Mateu 6:12) Munhoroondo yaRuka yoMunyengetero waShe, “mhosva” idzi dzinotaurwa se“zvivi.” (Ruka 11:4) Zvechokwadi Jehovha Mwari achatikanganwira zvivi zvedu here?

Kunyange zvazvo Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare akaita zvivi zvakakomba, akapfidza uye akanyengetera nechivimbo kuti: “Imi, Ishe, makanaka, munofarira kukanganwira, mune ngoni zhinji kuna vose vanodana kwamuri.” (Pisarema 86:5) Izvozvo zvinonyaradza zvikuru! Baba vedu vokudenga va“nofarira kukanganwira” zvivi zvevaya vanopfidza vachidana kwavari. Chokwadi sokudzimwa zvachose kunongoitwa chikwereti, saizvozvowo Jehovha Mwari anogona kukanganwira zvivi zvedu zvachose.

Zvisinei, Jesu akataura zvinofanira kuitwa zvokuti: Kuti tikanganwirwe naMwari, tinofanira kukanganwirawo vamwe. (Mateu 6:14, 15) Kunyange zvazvo munhu akarurama Jobho akabatwa zvisina kururama neshamwari dzake nhatu, akadzikanganwira uye akatodzinyengeterera. (Jobho 42:10) Kana tikakanganwira vaya vanotitadzira, tichafadza Mwari uye tichabatsirwa nengoni dzake.

Kuda kunoita Mwari kunzwa zvikumbiro zvedu kunofanira kuita kuti tiite zvinoita kuti atifarire. Uye tinogona kuzviita kunyange zvazvo tisina kukwana. (Mateu 26:41) Pane izviwo, Jehovha anogona kutibatsira, sezvakaratidzwa naJesu paakapedzisa munyengetero wokuenzanisira nechikumbiro chinokosha.

Kunyengeterera Kuti Tibatsirwe Kutevera Nzira Yakarurama

“Musatipinze mumuedzo, asi tinunurei pane wakaipa.” (Mateu 6:13) Jehovha haangotiregi tichiedzwa kana kuita kuti tiite chivi. Shoko rake rinoti: “Mwari haangaedzwi nezvinhu zvakaipa kana iye pachake haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Mwari anobvumira kuti tiedzwe, asi anogona kutinunura paMuedzi Mukuru—“wakaipa” anozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi.

Muapostora Petro akakurudzira vamwe vaKristu kuti: “Svinurirai, rindai. Muvengi wenyu Dhiyabhorosi, anofamba-famba seshumba inodzvova, iri kutsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Petro 5:8) Chokwadi, Satani akatoedza munhu akanga akakwana Jesu Kristu! Chii chaiva chinangwa chaDhiyabhorosi? Aida kutsausa Jesu pakunamata Jehovha Mwari zvakachena. (Mateu 4:1-11) Kana uchiedza kushumira Mwari, chinangwa chaSatani ndechokukutsausawo!

Achishandisa nyika iri musimba rake, Dhiyabhorosi anogona kutiedza kuti tiite zvinhu zvisingafadzi Mwari. (1 Johani 5:19) Saka zvinokosha kuti titsvake kubatsirwa naMwari nguva dzose, kunyanya patinotarisana nomuedzo unoramba uripo kwenguva refu. Uye kana tichinamata Jehovha maererano neShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri, iye achatinunura nokutibatsira kurwisana naDhiyabhorosi. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona.”—1 VaKorinde 10:13.

Kutenda Muna Mwari Kunokosha

Zvinonyevenutsa mwoyo kwazvo kuziva kuti Baba vedu vokudenga vanofarira mumwe nomumwe wedu! Vakatoita kuti Mwanakomana wavo, Jesu Kristu, atidzidzise kunyengetera. Zvechokwadi, izvi zvinoita kuti tide kufadza Jehovha Mwari. Tingazviita sei?

Bhaibheri rinoti: “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza [Mwari], nokuti iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Kutenda kwakadaro kungawanikwa sei? “Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa,” rinodaro Bhaibheri. (VaRoma 10:17) Zvapupu zvaJehovha zvinofara kutaura nyaya dzeMagwaro nevose vanoda kushumira Mwari nokutenda kwechokwadi.

Zvinotarisirwa kuti kukurukurwa kwaitwa nyaya ino yoMunyengetero waShe kwawedzera kunzwisisa kwako zvaunoreva. Nokuramba uchiwana zivo yaJehovha nemibayiro yaanopa kune “vanomutsvaka nomwoyo wose,” unogona kusimbisa kutenda kwako muna Mwari. Dzidza zvakawanda nezvake uye zvinangwa zvake kuti uve noukama hwepedyo naBaba vako vokudenga nokusingaperi.—Johani 17:3.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

“Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga. Tipei nhasi chingwa chedu chanhasi; uye tikanganwirei mhosva dzedu, sezvatakanganwirawo vane mhosva nesu. Uye musatipinze mumuedzo, asi tinunurei pane wakaipa.”—Mateu 6:9-13

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jehovha anogovera zvinodiwa nevaya vanomuda

[Mufananidzo uri papeji 7]

Mwari anotibatsirawo kurwisana naDhiyabhorosi

[Mufananidzo uri papeji 7]

Isu, saJobho, kana tikakanganwira vaya vanotitadzira, tinogona kubatsirwa nengoni dzaMwari