Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Pfuma Zhinji Yamakungwa”

“Pfuma Zhinji Yamakungwa”

Runako Rwechisiko chaJehovha

“Pfuma Zhinji Yamakungwa”

PANOVIRA zuva kamhepo kanofefetera kanofambisa mvura yegungwa, uye mafungu anorova mhenderekedzo yegungwa zvinyoronyoro. Kutinhira kunozorodza kwemafungu anenge achirovera kunokwezva kwazvo vanhu vakawanda vanodirana kumhenderekedzo yegungwa ine jecha kunozorora uye kunofaranuka. *

Mhenderekedzo dzakadaro dzakareba dzinoita zienda nakuenda kwezviuru zvemakiromita kupota pasi pose. Uyu muganhu unochinja-chinja wejecha nemvura unoratidza panogumira simba regungwa. Iwayo ndiwo marongerwe azvakaitwa noMusiki. Achitaura nezvake, Mwari anozivisa kuti “ndakaisa jecha rive muganhu wegungwa.” Anotizve: “Kunyange mafungu aro achipenga, haangakundi, kunyange akavirima, haangadariki.”—Jeremia 5:22; Jobho 38:8; Pisarema 33:7.

Panyika dzose dzinotenderera zuva, pasi redu ndiro chete rakazara nemvura. Chikamu chinopfuura 70 muzana chepasi chakazara nemvura. Jehovha paaigadzira pasi kuti pagarwe nevanhu, akarayira kuti: “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwe chete, kuti pasi pakaoma paonekwe.” Uye “zvikaita saizvozvo.” Nhoroondo yacho inotizve: “Mwari akatumidza pasi pakaoma, akati Nyika; nemvura yakaungana akaitumidza, akati Makungwa; Mwari akaona kuti zvakanaka.” (Genesi 1:9, 10) Makungwa anoita basa rei?

Munzira dzinoverengeka dzinoshamisa, mvura yomumakungwa yakagadzirwa kuti itsigire upenyu. Somuenzaniso, mvura inogona kuchengetedza kudziya. Saka makungwa anochengeta kudziya kukuru, achidzikamisa mwaka unotonhora zvikuru wechando.

Mvura inotsigira upenyu neimwe nzira. Inogona kunyungudutsa zvimwe zvinhu nyore nyore kudarika dzimwe mvura dzipi nedzipi. Sezvo zvinhu zvine chokuita noupenyu zvichitsigirwa nemakemikari, kuvapo kwemvura kunokosha kuitira kuti inyungudutse zvimwe zvinhu uye kuti ibatanidze mamorekuru azvo. Makemikari akawanda anowanikwa mumasero ezvinhu zvipenyu ane mvura. Bhuku rinonzi The Sea, rinoti: “Zvinhu zvipenyu zvose zvinoda mvura—iyo pakupedzisira inofanira kubva kumakungwa, kunyange mvura inoshandiswa nezvinomera uye mhuka dzinorarama panyika.”

Makungwa ari panyika anoitawo basa rinokosha pakuchenesa mhepo. Tupukanana twomumakungwa tunotora carbon dioxide twobudisa okisijeni. Maererano nomumwe mutsvakurudzi, “gore rimwe nerimwe 70 muzana yeokisijeni inowedzerwa muchadenga inobva kutupukanana turi mugungwa.”

Mumakungwa munobvawo mishonga yokurapa zvirwere inobva muzvinhu zvakasikwa. Kwemazana emakore, zvinhu zvinobva muhove zvave zvichishandiswa somushonga. Mafuta echiropa chehove inonzi Cod ave achishandiswa nevanhu kwenguva refu. Munguva ichangopfuura, makemikari anobva muhove nezvimwe zvisikwa zvomugungwa ave achishandiswa kurapa asima, kurwisa utachiona uye kurapa kenza.

Vanhu vakaedza kufungidzira kuti zvinhu zviri mumakungwa zvine ukoshi hwemari hwakadini. Kunyange pasina mhedziso dzakarurama dzingapiwa, vatsvakurudzi vanofungidzira kuti zvinenge zvikamu zviviri muzvitatu zvoukoshi hune chokuita nemabasa ezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo hunobva mumakungwa. Izvi zvinopupurira chokwadi chokuti makungwa akasikwa nokuda kwechinangwa—kuti abudise zvinodiwa noupenyu uye kuhutsigira. Izvi zvinonyatsoenderana nezvinotaurwa nezvazvo neBhaibheri kuti “pfuma zhinji yamakungwa”!—Dheuteronomio 33:19.

Jehovha anokudzwa soMugadziri Mukuru uye Muiti wepfuma iyi. Nehemia akanzwa achida kumurumbidza nemashoko anotevera: “Ndimi Jehovha, imi moga; imi makaita denga, . . . namakungwa nezvose zviri mukati mawo; imi munochengeta zvose.”—Nehemia 9:6.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2004 September/October.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]

Mvura, Mhepo, uye Mafungu

Mvura nemhepo zvinoita kuti pave nemafungu makuru anorovera pamatombo pachibuda ruzha rukuru, seaya muCalifornia, kuUnited States. Mafungu agara ari chinhu chinoshamisa mugungwa achiratidza simba raro rinotyisa. Anoyeuchidzawo nenzira inoshamisa simba guru roMusiki. Jehovha ndiye “unotsika pamusoro pamafungu egungwa.” ‘Unomutsa gungwa nesimba rake, nenjere dzake unoparadza mudenhi.’ (Jobho 9:8; 26:12) Chokwadi, “unokunda manzwi emvura zhinji, namafungu ane simba egungwa, Jehovha, uri kumusoro, ndiye une simba.”—Pisarema 93:4.

Zviumbwa Zvejecha

Mhenderekedzo inowanzova nezvinoratidzika sezviumbwa zvejecha zvinoshamisa, kufanana nemirwi yejecha inooneka pano pamhenderekedzo yegungwa kuNamibia kumaodzanyemba kweAfrica. Mhepo ndiyo inowanzofambisa jecha racho zvinoita kuti riratidzike zvakasiyana-siyana. Kunyange zvazvo mimwe mirwi yejecha ingaratidzika sezvikomo zviduku, mimwe yakareba mamita 400. Jecha rakawanda zvakadaro rinotibatsira kunzwisisa mashoko eBhaibheri okuti “jecha riri pamhenderekedzo dzegungwa.” Rinoshandiswa kureva zvinhu zvisingaverengeki kana kuti zvakaoma kuyera. (Genesi 22:17) Tinoshamiswa nezvakaitwa noMusiki, uyo akaita jecha iroro nounyanzvi zvokuti rinokwanisa kuva rusvingo runodzivirira kurwisa kwegungwa rine hasha.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Zuva richivira pamhenderekedzo yeBight of Biafra, Cameroon