Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raDheuteronomio

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raDheuteronomio

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raDheuteronomio

IGORE ra1473 B.C.E. Padarika makore makumi mana Jehovha anunura vanakomana vaIsraeri muusungwa muIjipiti. Pashure pokupedza makore aya vari murenje, vaIsraeri vachiri rudzi rusina nyika. Zvisinei, pakupedzisira vanomira pamuganhu weNyika Yakapikirwa. Chii chiri mberi kwavo sezvavanotora nyika yacho? Zvinetso zvipi zvavachasangana nazvo, uye vanofanira kuzvigadzirisa sei?

Israeri asati ayambuka Rwizi rwaJodhani achipinda munyika yeKenani, Mosesi anogadzirira ungano yacho basa guru raiva mberi. Sei? Nokukurukura hurukuro dzinotevedzana dzinokurudzira nokurayiridza, dzinopa zano uye dzinonyevera. Anoyeuchidza vaIsraeri kuti Jehovha Mwari akakodzerwa nokuzvipira kwakazara uye kuti havafaniri kutevera nzira dzemarudzi akanga akavapoteredza. Hurukuro idzi ndidzo dzinoumba chikamu chikuru chebhuku reBhaibheri raDheuteronomio. Uye zano riri muhurukuro idzi ndiro chairo ratinoda nhasi, nokuti isuwo tiri kurarama munyika umo zvakaoma kuti tizvipire zvakazara kuna Jehovha.—VaHebheru 4:12.

Sezvo rakanyorwa naMosesi kusara kwechitsauko chokupedzisira, bhuku raDheuteronomio rinotaura zvakaitika munguva inongoti pfuurei mwedzi miviri. * (Dheuteronomio 1:3; Joshua 4:19) Ngationei kuti zvakataurwa mariri zvinogona sei kutibatsira kuti tide Jehovha Mwari nomwoyo wedu wose uye kuti timushumire takatendeka.

‘REGAI KUKANGANWA ZVINHU ZVAMAKAONA NEMESO ENYU’

(Dheuteronomio 1:1–4:49)

Muhurukuro yokutanga, Mosesi anorondedzera zvimwe zvakaitika murenje—kunyanya zviya zvichabatsira vaIsraeri sezvavanogadzirira kutora Nyika Yakapikirwa. Nhoroondo yokugadzwa kwevatongi inofanira kunge yakavayeuchidza kuti Jehovha anoronga vanhu vake nenzira inoita kuti ave nechokwadi chokuti vari kutarisirwa norudo. Mosesi anorondedzerawo kuti mushumo usina kunaka wakataurwa nevasori wakaita kuti chizvarwa chairarama panguva yakanga yapfuura chisapinde munyika yakapikirwa. Funga nezvezvingave zvakaita muenzaniso wenyevero uyu kune vakanga vakateerera Mosesi sezvo vakanga vava kutoona nyika yacho.

Kuyeuka hondo dzakanga dzakundiswa vanakomana vaIsraeri naJehovha vasati vayambuka Jodhani kunofanira kunge kwakaita kuti vave noushingi sezvavakanga vatogadzirira kuti vatange kukunda mhiri kworwizi. Nyika yavakanga vava kuda kugara yaiva izere nokunamata zvidhori. Chokwadi zvakanga zvakakodzera kuti Mosesi anyevere zvakasimba nezvokunamata zvidhori!

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:4-6, 9, 19, 24, 31-35; 3:1-6—Nei vaIsraeri vakaparadza vamwe vanhu vaigara kumabvazuva kweJodhani asi vachisiya vamwe? Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vasarwe nevanakomana vaIsau. Nei? Nokuti vaiva vazukuru vomukoma waJakobho. VaIsraeri vaisafanira kunetsa kana kurwa nevaMoabhi nevaAmoni, nokuti vaiva vazukuru vomwana womunun’una waAbrahamu, Roti. Zvisinei, Madzimambo evaAmori, Sihoni naOgi akanga asina kodzero youridzi panyika yaaitonga. Saka, Sihoni paakaramba kuti vaIsraeri vapfuure nomunyika yake uye Ogi paakaenda kunovarwisa, Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vaparadze maguta avo, vasingasiyi chero ani zvake ari mupenyu.

4:15-20, 23, 24—Kurambidza kugadzira zvifananidzo zvakavezwa kunoreva here kuti zvakaipa kugadzira zvimwe zvinhu nezvinangwa zvokushongedza? Kwete. Kurambidza kwacho kwaiva kwokuti vasagadzira zvifananidzo zvinonamatwa—‘kupfugamira zvidhori uye kuzvishumira.’ Magwaro haarambidzi kushandisa zvivezwa kana kudhirowa mifananidzo nokuda kwezvinangwa zvokushongedza.—1 Madzimambo 7:18, 25.

Zvatinodzidza:

1:2, 19. Vanakomana vaIsraeri vakadzungaira murenje kwemakore anenge 38, kunyange zvazvo “kubva paHorebhi [nharaunda ine makomo yakapoteredza Gomo reSinai pakapiwa Mirayiro Gumi], nenzira yokugomo reSeiri, munhu unofamba mazuva ane gumi nerimwe” chete kuti asvike kuKadheshi-bharnea. Zvechokwadi waiva mugumisiro unorwadza kwazvo wokusateerera Jehovha Mwari!—Numeri 14:26-34.

1:16, 17. Mitemo yaMwari yokutonga haina kuchinja nanhasi. Vaya vanopiwa basa rokuva mudare rokutonga havafaniri kubvumira kusarura kana kutya vanhu kuchikanganisa matongero avo.

4:9. ‘Kusakanganwa zvinhu zvavakanga vaona nemeso avo’ ndiko kwaikosha kuti vaIsraeri vabudirire. Nyika itsva zvayava pedyo, zvinokosha kuti isuwo tirambe tichifunga nezvemabasa aJehovha anoshamisa nokuva vadzidzi vanoshingaira veShoko rake.

IDA JEHOVHA, UYE TEERERA MIRAYIRO YAKE

(Dheuteronomio 5:1–26:19)

Muhurukuro yake yechipiri Mosesi anorondedzera kupiwa kwakaitwa Mutemo paGomo reSinai uye anodzokorora Mirayiro Gumi. Marudzi manomwe anotaurwa zviri pachena kuti aparadzwe zvachose. Vana vaIsraeri vanoyeuchidzwa nezvechidzidzo chinokosha chavakadzidza murenje: “Munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.” Mumamiriro avo matsva ezvinhu, vanofanira “kuchengeta murayiro wose.”—Dheuteronomio 8:3; 11:8.

Sezvavachagara munyika yakapikirwa, vaIsraeri vachada mitemo kwete yokunamata bedzi asiwo ine chokuita nokutonga, hurumende, hondo uye mararamiro avo ezuva nezuva nevamwe uye upenyu hwavo somunhu oga. Mosesi anodzokorora mitemo iyi uye anosimbisa kukosha kwokuda Jehovha nokuteerera mirayiro yake.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

8:3, 4—Nguo dzevaIsraeri hadzina kusakara netsoka dzavo hadzina kuzvimba pavaifamba murenje munzirai? Izvi zvakaitwa naMwari nenzira inoshamisa, sezvaakaita paaivapa mana nguva dzose. VaIsraeri vakashandisa zvipfeko neshangu zvavakanga vagara vanazvo, zvichida vachitozvisiyirawo vamwe vana zvavaikura uye vakuru vachifa. Sezvo kuverenga vanhu kwakaitwa kaviri, pakutanga uye pakuguma kwerwendo rwomurenje, kwakaratidza kuti nhamba yevaIsraeri haina kuwedzera, zvinhu zvavakanga vagara vainazvo zvaizovakwanira.—Numeri 2:32; 26:51.

14:21—Nei vaIsraeri vaigona kupa mutorwa kana kutengesera mumwe munhu wokune imwe nyika mhuka yakafa isina kubudiswa ropa yavaisazodya? MuBhaibheri, shoko rokuti “mutorwa” ringareva munhu akanga asiri muIsraeri uyo ainge atendeuka kana kuti mumwe munhu wokune imwe nyika aigarawo munyika yavo airarama maererano nemitemo inokosha yenyika yavo asi asina kuva munamati waJehovha. Munhu wokune imwe nyika nomutorwa vainge vasina kutendeuka vakanga vasiri pasi poMutemo uye vaigona kushandisa mhuka dzakafa dzisina kubudiswa ropa munzira dzakasiyana-siyana. VaIsraeri vaibvumirwa kuvapa kana kuvatengesera mhuka dzakadaro. Ukuwo, munhu aitendeuka aiva pasi pesungano yoMutemo. Sezvinoratidzwa pana Revhitiko 17:10, munhu akadaro airambidzwa kudya ropa remhuka.

24:6—Nei kutora “guyo kana huyo, kuti ruve rubatso” kwakafananidzwa nokutora “upenyu”? Guyo nehuyo yaro zvaimiririra “upenyu” hwomunhu, kana kuti zvinhu zvinokosha zvinomuraramisa. Kutora chero chipi chezvinhu izvi kwaizoita kuti mhuri yose itadze kuwana zvokudya zvayo zvezuva nezuva.

25:9—Chii chinorehwa nokubvisa shangu uye kupfira mate kumeso murume airamba kuroora mukadzi womukoma wake? Maererano ne“tsika yakanga iripo kare pakati pavaIsraeri kana vachidzikinura . . . , munhu waibvisa shangu yake, ndokuipa hama yake.” (Rute 4:7) Naizvozvo kubvisa shangu murume airamba kuroora mukadzi womukoma wake kwairatidza kuti ainge aramba nzvimbo yake uye kodzero yokuberekera mukoma wake akafa mugari wenhaka. Izvi zvainyadzisa. (Dheuteronomio 25:10) Kumupfira mate kumeso kwaiitirwa kumunyadzisa.—Numeri 12:14.

Zvatinodzidza:

6:6-9. VaIsraeri zvavakarayirwa kuziva Mutemo, isuwo tinofanira kuziva mirayiro yaMwari nemwoyo, tichigara tichiiyeuka, uye kuiroverera muvana vedu. Tinofanira ‘kuisungira paruoko rwedu, sechiratidzo’ pakuti zvatinoita—izvo zvinomiririrwa nemaoko edu—zvinofanira kuratidza kuti tinoteerera Jehovha. Uye so“rundanyara pakati pameso,” kuteerera kwatinoita kunofanira kuoneka nevanhu vose.

6:16. Ngatisamboedza Jehovha sezvakaitwa nevaIsraeri vakanga vasina kutendeka paMasa, pavakanyunyuta pamusoro pokushayiwa mvura.—Eksodho 17:1-7.

8:11-18. Kunyanya kuda zvinhu zvokunyama kunogona kuita kuti tikanganwe Jehovha.

9:4-6. Tinofanira kungwarira kuzviona setakarurama.

13:6. Hatifaniri kubvumira chero ani zvake kutitsausa pakunamata Jehovha.

14:1. Kuzvicheka-cheka muviri kunoratidza kusaremekedza muviri, zvichida kungatove kwakabatana nechitendero chenhema, uye hakufaniri kuitwa. (1 Madzimambo 18:25-28) Tariro yedu yorumuko inoita kuti tisacheme vakafa nenzira yokunyanyisa kudaro.

20:5-7; 24:5. Vaya vanenge vaine mamiriro ezvinhu chaiwo vanofanira kuratidzwa hanya, kunyange zvazvo basa rinenge richiitwa richikosha.

22:23-27. Imwe nzira inoshanda zvikuru yokuzvidzivirira nayo apo mukadzi anenge ava kuda kubatwa chibharo ndeyokuzhamba.

“TSAURA UPENYU”

(Dheuteronomio 27:1–34:12)

Muhurukuro yake yechitatu, Mosesi anotaura kuti pashure pokunge vayambuka Jodhani, vaIsraeri vanofanira kunyora Mutemo wacho pamatombo makuru uyewo kutaura mashoko okutuka kune vasingateereri uye ezvikomborero kune vanoteerera. Hurukuro yechina inotanga nokudzokororazve sungano yaJehovha nevaIsraeri. Mosesi anovanyeverazve nezvokusateerera uye anokurudzira vanhu ku“tsaura upenyu.”—Dheuteronomio 30:19.

Kuwedzera kuhurukuro ina dzaakapa, Mosesi anokurukura nezvokuchinja kwoutungamiriri uye anodzidzisa vaIsraeri rwiyo rwakaisvonaka runorumbidza Jehovha uye anonyevera nezvematambudziko anokonzerwa nokusatendeka. Apedza kukomborera madzinza acho, Mosesi anofa ava nemakore 120 uye anovigwa. Kuchema kunotora mazuva 30, mazuva anoda kusvika hafu yenguva yakaitika zvinhu zvose zvinotaurwa muna Dheuteronomio.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

32:13, 14—Sezvo vaIsraeri vairambidzwa kudya chero mafuta api zvawo, chii chinorehwa nokudya kwavo “mafuta amakwayana”? Mashoko ari pano anoshandiswa nenzira yokufananidzira uye anoreva makwai akanakisisa. Kushandiswa uku kwokufananidzira kunoratidzwawo nendima iyoyi inotaura nezve“mafuta etsvo dzekoroni” uye “ropa ramazambiringa.”

33:1-29—Nei Simiyoni asina kutaurwa zvakananga pamashoko okukomborera akaitwa naMosesi kuvanakomana vaIsraeri? Izvi zvakaitwa nokuti Simiyoni uyewo Revhi vakanga vaita zvinhu ‘vakatsamwa zvikuru,’ uye hasha dzavo dzakanga “dzakaipa.” (Genesi 34:13-31; 49:5-7) Nhaka yavo yakanga isina kunyatsoenzana neyemamwe madzinza. Revhi akapiwa maguta 48, uye mugove waSimiyoni waiva mukati menharaunda yaJudha. (Joshua 19:9; 21:41, 42) Nokudaro, Mosesi haana kukomborera Simiyoni zvakananga. Zvisinei, kukomborerwa kwaSimiyoni kwakabatanidzwa mukukomborerwa kwakaitwa vaIsraeri vose.

Zvatinodzidza:

31:12. Vechiduku vanofanira kugara nevakura pamisangano yeungano voedza kuteerera uye kudzidza.

32:4. Mabasa ose aJehovha akakwana pakuti anoratidza ruramisiro, uchenjeri, rudo, uye simba zvakakwana.

Rinokosha Zvikuru Kwatiri

Bhuku raDheuteronomio rinoratidza kuti Jehovha “ndiJehovha mumwe chete.” (Dheuteronomio 6:4) Ibhuku rinotaura nezvevanhu vakanga vaine ukama naMwari hwakasiyana nohumwe hwose. Bhuku raDheuteronomio rinonyeverawo nezvokusanamata zvidhori uye rinosimbisa kudiwa kwokuzvipira zvakazara kuna Mwari wechokwadi.

Chokwadi bhuku raDheuteronomio rinokosha zvikuru kwatiri! Kunyange zvazvo tisiri pasi poMutemo, tinogona kudzidza zvakawanda mariri izvo zvichatibatsira ‘kuda Jehovha Mwari wedu nemwoyo wedu wose, mweya, nesimba.’—Dheuteronomio 6:5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Chitsauko chokupedzisira, chine nhoroondo yorufu rwaMosesi, chingave chakawedzerwa naJoshua kana kuti noMupristi Mukuru Eriezari.

[Mepu iri papeji 24]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

SEIRI

Kadheshi-bharnea

Gomo reSinai (Horebhi)

Gungwa Dzvuku

[Kwazvakatorwa]

Dzinobva pamepu dzakakopwa nePictorial Archive (Near Eastern History) Est. and Survey of Israel

[Mufananidzo uri papeji 24]

Hurukuro dzaMosesi ndidzo dzinoumba chikamu chikuru chaDheuteronomio

[Mufananidzo uri papeji 26]

Urongwa hwaJehovha hwemana hunodzidzisei?

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kutora guyo kana huyo sorubatso kwaifananidzwa nokutora “upenyu”