Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rambai Muchiwana Simba munaShe”

“Rambai Muchiwana Simba munaShe”

“Rambai Muchiwana Simba munaShe”

“Rambai muchiwana simba munaShe nomuukuru hwesimba rake.”—VAEFESO 6:10.

1. (a) Kurwa kupi kusina kujairika kwakaitika makore anenge 3 000 akapfuura? (b) Nei Dhavhidhi akakunda?

ANENGE makore 3 000 akapfuura, varwi vaviri vakamisidzana vari pakati pemauto maviri aida kurwisana munhandare yehondo. Muduku wacho akanga ari mufudzi wechikomana ainzi Dhavhidhi. Pamberi pake pakanga pakamira Goriyati, murume akanga aine simba rinoshamisa uye akanga akareba kwazvo. Nguo dzake dzesimbi dzairema makirogiramu 57, uye akanga akatakura pfumo hombe kwazvo rairema uye bakatwa guru. Dhavhidhi akanga asina kupfeka chero nguo dzipi nedzipi dzokuzvidzivirira nadzo, chombo bedzi chaaiva nacho chaiva chipfuramabwe. Hofori yechiFiristia Goriyati yakanzwa seyakanga yazvidzwa kuti muIsraeri akanga achida kurwisana nayo aingovawo kakomana zvako. (1 Samueri 17:42-44) Kune vaiona kumativi acho ose, zvinofanira kuva zvaiva pachena kuti aizokunda ndiani. Asi ane simba haasiye anokunda nguva dzose. (Muparidzi 9:11) Dhavhidhi akakunda nokuti akarwa achishandisa simba raJehovha. Iye akati, “Kurwa ndokwaJehovha.” Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Dhavhidhi akakunda muFiristia nechipfuramabwe nebwe.”—1 Samueri 17:47, 50.

2. VaKristu vanorwa hondo yorudzii?

2 VaKristu havarwi panyama. Kunyange zvazvo vaine rugare nevanhu vose, vanorwa hondo yomudzimu nevavengi vane simba zvikuru. (VaRoma 12:18) Muchitsauko chokupedzisira chetsamba yake kuvaEfeso, Pauro akarondedzera kurwa kunobatanidza muKristu wose. Akanyora, kuti: “Tinorwa, kwete neropa nenyama, asi nehurumende, nevane simba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.”—VaEfeso 6:12.

3. Maererano naVaEfeso 6:10, chii chatinoda kuti tive nechokwadi chokuti tichakunda?

3 “Masimba emidzimu yakaipa” iyoyo ndiSatani nemadhimoni ake, avo vanoda kuparadza ukama hwedu naJehovha Mwari. Sezvo vaine simba zvikuru kudarika isu, tiri mumamiriro ezvinhu akafanana neaDhavhidhi, uye hatigoni kukunda kutoti tikavimba nesimba raMwari. Zvechokwadi, Pauro anotikurudzira ‘kuramba tichiwana simba munaShe nomuukuru hwesimba rake.’ (VaEfeso 6:10) Apa zano iroro, muapostora wacho anozorondedzera zvinhu zvinobatsira pakunamata uye unhu hwechiKristu hunoita kuti tikunde.—VaEfeso 6:11-17.

4. Ipfungwa huru dzipi mbiri dzatichakurukura munyaya ino?

4 Iye zvino ngatimboongororai zvinotaura Magwaro nezvesimba uye nzira dzinoshandiswa nomuvengi wedu. Zvadaro tichazokurukurawo nzira yokuzvidzivirira nayo yatinofanira kushandisa. Kana tikatevera mirayiridzo yaJehovha, tinogona kuva nechivimbo chokuti vavengi vedu havazotikundi.

Kurwisana Nemasimba Emidzimu Yakaipa

5. Kushandiswa kweshoko rokuti mutsimba mumutauro wepakutanga pana VaEfeso 6:12 kunotibatsira sei kunzwisisa nzira inoshandiswa naSatani kutirwisa?

5 Pauro anotsanangura kuti “tinorwa . . . nemasimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.” Zvechokwadi, mudzimu mukuru wakaipa ndiSatani Dhiyabhorosi, “mutongi wemadhimoni.” (Mateu 12:24-26) Mumutauro wepakutanga Bhaibheri rinofananidza kurwa kwedu nokuita mutsimba, kana kuti kukikiritsana. Mumitambo yomutsimba yaiitwa muGirisi yekare, mutambi mumwe nomumwe aiedza kuita kuti waairwisana naye asatsiga kuti amukandire pasi. Saizvozvowo, Dhiyabhorosi anoda kuti tisatsiga pakunamata. Angaita sei kuti tidaro?

6. Ratidza kubva muMagwaro kuti Dhiyabhorosi anogona sei kushandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti kutenda kwedu kushayiwe simba.

6 Dhiyabhorosi angaita senyoka, shumba inodzvova, kana kutoita sengirozi yechiedza. (2 VaKorinde 11:3, 14; 1 Petro 5:8) Anogona kushandisa vanhu kutitambudza kana kutiodza mwoyo. (Zvakazarurwa 2:10) Sezvo nyika yose iri musimba raSatani, anogona kushandisa zvido zvayo uye kukwezva kwayo kuitira kuti atibate mumusungo. (2 Timoti 2:26; 1 Johani 2:16; 5:19) Anogona kushandisa mafungiro enyika kana kuti evakaramba kutenda kutitsausa, sokunyengera kwaakaita Evha.—1 Timoti 2:14.

7. Zvii zvisingakwanisi kuitwa nemadhimoni, uye ndezvipi zvinhu zvatiinazvo zvinotibatsira?

7 Kunyange zvazvo zvombo nesimba zvaSatani uye madhimoni ake zvingaita sezvakakura, zvine zvazvisingakwanisi kuita. Midzimu iyi yakaipa haigoni kutimanikidza kuita zvinhu zvakaipa zvisingafadzi Baba vedu vokudenga. Tiri vanhu vanogona kuzvisarudzira, uye tinogona kudzora kufunga kwedu nezviito zvedu. Uyezve, hatirwi toga. Sezvazvakanga zvakaita munguva yaErisha ndizvo zvazvakangoitawo nhasi: “Vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” (2 Madzimambo 6:16) Bhaibheri rinotivimbisa kuti kana tikazviisa pasi paMwari todzivisa Dhiyabhorosi, iye achatitiza.—Jakobho 4:7.

Tinoziva Mazano aSatani

8, 9. Miedzo ipi yakaunzwa naSatani pana Jobho kuti akanganise kutendeka kwake, uye ingozi dzipi dzezvokunamata dzatinotarisana nadzo nhasi?

8 Mazano aSatani tinoaziva nokuti Magwaro anoratidza nzira dzaanonyanya kushandisa. (2 VaKorinde 2:11) Paakarwisa murume akanga akarurama Jobho, Dhiyabhorosi akashandisa zvinetso zvakakomba zvoupfumi, kufa kwevadiwa, kushorwa nevomumhuri, kutambura, uye kushorwa neshamwari dzenhema pasina chikonzero. Jobho akaora mwoyo uye akafunga kuti Mwari akanga amusiya. (Jobho 10:1, 2) Kunyange zvazvo nhasi Satani angasakonzera zvinetso izvi nenzira yakananga, vaKristu vakawanda vari kusangana nezvinetso zvakadaro, uye Dhiyabhorosi angashandisa zvinetso izvi kuti zvimunakire.

9 Zvinhu zvine ngozi pakunamata zvawanda munguva ino yomugumo. Tiri kurarama munyika umo kunyanya kutsvaka zvinhu zvokunyama kuri kudarika zvinangwa zvokunamata. Zvinobudisa nhau zvinogara zvichiratidza unzenza sechinhu chinonakidza panzvimbo pokushushikana. Uye vanhu vakawanda vava ku“da zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:1-5) Mafungiro aya anogona kukanganisa kutsiga kwedu pakunamata kutoti ‘tikarwira kwazvo kutenda.’—Judha 3.

10-12. (a) Ndeipi imwe nyevero yakapiwa naJesu mumufananidzo wake womudyari? (b) Enzanisira kuti zvinhu zvokunamata zvingavhungwa sei.

10 Imwe nzira iri kushandiswa naSatani inobudirira zvakanyanya ndeyokuita kuti tinyure zvizere munyika ino uye mukutsvaka kwayo zvinhu zvokunyama. Mumufananidzo wake womudyari, Jesu akanyevera kuti mune zvimwe zviitiko “kufunganya kwegadziriro ino yezvinhu nesimba rinonyengera repfuma zvinovhunga shoko [roUmambo].” (Mateu 13:18, 22) Shoko rechiGiriki rakashandiswa pano rokuti “vhunga” rinoreva “kunyatsodzipa.”

11 Munhu angaona muonde unomonerera mimwe miti mumasango anogara achinaya. Unokura zvishoma nezvishoma uchitenderedza hunde yomumwe muti. Zvishoma nezvishoma, muonde wacho unomonerera muti wacho nemidzi inoramba ichisimba. Midzi yakawanda yomuonde wacho inozotora zvokudya zvakawanda zvinobva muvhu rinenge riri pasi pomuti wacho, ukuwo mashizha awo achiita kuti muti wacho urege kuwana chiedza. Pakupedzisira, muti wacho unofa.

12 Saizvozvowo, kufunganya kunokonzerwa negadziriro ino yezvinhu uye kutsvaka pfuma noupenyu hwomutambarakede zvinogona kupedza nguva yedu yakawanda uye simba redu zvishoma nezvishoma. Pfungwa dzedu dzatsauswa nezvinhu zvenyika ino, tingaregeredza nyore nyore kudzidza Bhaibheri tiri toga uye kuita tsika yokusapinda misangano yechiKristu, zvokuti tinobva tarega kuwana zvokudya zvomudzimu. Vavariro dzokuwana zvinhu zvokunyama dzinobva dzatsiva vavariro dzokunamata, uye pakupedzisira tinobatwa nyore nyore nomusungo waSatani.

Tinofanira Kumira Takasimba

13, 14. Kana tikarwiswa naSatani tinofanira kuitei?

13 Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti ‘vamire vakasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.’ (VaEfeso 6:11) Zvechokwadi, hatigoni kuparadza Dhiyabhorosi nemadhimoni ake. Mwari akapa Jesu Kristu basa iroro. (Zvakazarurwa 20:1, 2) Zvisinei, kutozosvikira Satani abviswa, tinofanira ‘kumira takasimba’ kuti kutirwisa kwake kurege kutikunda.

14 Muapostora Petro akasimbisawo kudiwa kwokuti timire takasimba pakurwisana naSatani. “Svinurirai, rindai,” akanyora kudaro Petro. “Muvengi wenyu Dhiyabhorosi, anofamba-famba seshumba inodzvova, iri kutsvaka kudya mumwe munhu. Asi mudzivisei, makasimba pakutenda, muchiziva kuti zvinhu izvozvo zvamuri kutambura zvizhinji zviri kuitika musangano rose rehama dzenyu munyika yose.” (1 Petro 5:8, 9) Chaizvoizvo, kutsigira kwehama dzedu nehanzvadzi dzatinonamata nadzo kunokosha pakumira kwedu takasimba Dhiyabhorosi paanorwisa seshumba inodzvova.

15, 16. Ipa muenzaniso womuMagwaro unoratidza kuti kutsigira kwevamwe vanamati kunogona kutibatsira kumira takasimba.

15 Shumba iri pedyo painodzvova mumasango eAfrica, dzimwe mhuka dzingaita bararamhanya kusvikira dzabva pane ngozi. Zvisinei, nzou dzinoratidza muenzaniso wokutsigirana. Bhuku rinonzi Elephants—Gentle Giants of Africa and Asia rinotsanangura kuti: “Nzira yokuzvidzivirira nayo inowanzoshandiswa neboka renzou ndeyokumira dzakaita denderedzwa, huru dzacho dzakatarisa kunze kune ngozi uye mhuru dzakadzivirirwa mukati medenderedzwa.” Dzaona kuratidzwa kwesimba uye kutsigirana kwakadai, shumba hadziwanzorwisi kunyange mhuru dzenzou.

16 Patinotyisidzirwa naSatani nemadhimoni ake, saizvozvowo tinoda kuramba tiri pamwe chete, tichitsigirana nehama dzedu dzakasimba mukutenda. Pauro akabvuma kuti vamwe vaKristu vakava “yamuro inosimbisa” kwaari paakanga akasungwa muRoma. (VaKorose 4:10, 11) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “yamuro inosimbisa” rinooneka kamwe chete muMagwaro echiKristu echiGiriki. Maererano neExpository Dictionary of New Testament Words yaVine, “shoko racho rinoreva mushonga unoderedza marwadzo.” Kufanana nemafuta anonyevenutsa, kutsigira kwevanamati vaJehovha vakura kunogona kuderedza marwadzo anokonzerwa nokutambura mupfungwa kana kuti mumuviri.

17. Chii chingatibatsira kuramba takatendeka kuna Mwari?

17 Kukurudzira kunobva kune vamwe vaKristu nhasi kunogona kusimbisa kutsunga kwedu kushumira Mwari takatendeka. Vakuru vechiKristu ndivo vanofanira kunyanya kuda kubatsira pane zvokunamata. (Jakobho 5:13-15) Zvimwe zvinobatsira kuti munhu arambe akatendeka zvinosanganisira kudzidza Bhaibheri nguva dzose uye kupinda misangano, magungano, uye kokorodzano. Ukama hwedu hwapedyo naMwari hunotibatsira kuramba takatendeka kwaari. Zvechokwadi, tingava tichidya, tichinwa, kana kuti tichiita chero chinhu chipi nechipi, tinofanira kuita zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe. (1 VaKorinde 10:31) Kuvimba naJehovha pamwe chete nokunyengetera zvinokosha kuti tirambe tiri munzira inomufadza.—Pisarema 37:5.

18. Nei tisingafaniri kurega kunyange kana tikapedzwa simba nemamiriro ezvinhu anotambudza?

18 Dzimwe nguva tinorwiswa naSatani patinenge tichinzwa tisina kusimba pakunamata. Shumba inorwisa mhuka isina simba. Zvinetso zvemhuri, zvinetso zvemari, kana urwere zvinogona kupedza simba redu pakunamata. Asi ngatisaneta kuita zvinofadza Mwari, nokuti Pauro akati: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandine simba.” (2 VaKorinde 12:10; VaGaratiya 6:9; 2 VaTesaronika 3:13) Airevei? Aireva kuti simba raMwari rinogona kutsiva kuneta kwedu sevanhu, chero bedzi tikakumbira Jehovha kuti atipe simba racho. Kukunda Goriyati kwakaita Dhavhidhi kunoratidza kuti Mwari anogona uye anosimbisa vanhu vake. Zvapupu zvaJehovha zvemazuva ano zvinogona kupupurira kuti munguva dzakaoma zvikuru, zvakasimbiswa noruoko rwaMwari.—Dhanieri 10:19.

19. Ipa muenzaniso unoratidza masimbisire anogona kuita Jehovha vashumiri vake.

19 Nezvokutsigirwa kwavakanga vaitwa naMwari, vamwe vakaroorana vakanyora kuti: “Kwemakore akawanda, takashumira Jehovha somurume nomudzimai uye takava nezvikomborero zvakawanda uye takasvika pakuziva vanhu vakawanda vakaisvonaka. Tave tichidzidziswawo uye tichisimbiswa naJehovha kuti tibudirire kutsungirira zvinetso. Kufanana naJobho, hatina kunzwisisa nguva dzose kuti nei zvinhu zvaiitika saizvozvo, asi taiziva kuti Jehovha aivapo nguva dzose kuti atibatsire.”

20. Uchapupu hupi hwomuMagwaro hunoratidza kuti Jehovha anotsigira vanhu vake nguva dzose?

20 Ruoko rwaJehovha haruna kupfupika zvokusagona kutsigira uye kusimbisa vanhu vake vakatendeka. (Isaya 59:1) Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Jehovha unotsigira vose vanowa, unosimudza vose vakakotamiswa pasi.” (Pisarema 145:14) Zvechokwadi baba vedu vokudenga ‘vanotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe’ uye vanotipa zvatinoda chaizvoizvo.—Pisarema 68:19.

Tinoda “Nhumbi Dzose Dzokuzvidzivirira Nadzo Dzinobva Kuna Mwari”

21. Pauro akasimbisa sei kudiwa kwenhumbi dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu?

21 Takurukura nezvedzimwe nzira dzinoshandiswa naSatani uye taona kudiwa kwokumira takasimba paanotirwisa. Iye zvino ngatimbokurukura nezvechimwe chinhu chinokosha chinobatsira kuti tibudirire kudzivirira kutenda kwedu. Kaviri mutsamba yake kuvaEfeso, muapostora Pauro akataura nezvechimwe chinhu chinokosha pakumira takasimba tichirwisana nemanomano aDhiyabhorosi uye kuti tibudirire pakuita mutsimba nemasimba emidzimu yakaipa. Pauro akanyora, kuti: “Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi. . .Torai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari, kuti mukwanise kudzivisa pazuva rakaipa uye, kumira makasimba pashure pokunge maita zvinhu zvose kwazvo.”—VaEfeso 6:11, 13.

22, 23. (a) Nhumbi dzedu dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu dzinosanganisirei? (b) Chii chatichakurukura munyaya inotevera?

22 Chokwadi, tinofanira kupfeka “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari.” Pauro paakanyora tsamba yake kuvaEfeso, akanga akarindwa nomusoja wechiRoma, uyo pane dzimwe nguva angave aipfeka nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo. Zvisinei, muapostora Pauro akanga afuridzirwa naMwari kuti ataure nezvenhumbi dzomudzimu dzinodiwa zvikuru nomushumiri mumwe nomumwe waJehovha.

23 Nhumbi idzi dzokuzvidzivirira nadzo dzatinopiwa naMwari dzinosanganisira unhu hunofanira kuva nomuKristu uyewo urongwa hwokunamata hunoitwa naJehovha. Munyaya inotevera, tichaongorora nhumbi imwe neimwe yokuzvidzivirira nayo yomudzimu. Izvi zvichatibatsira kuziva kuti takashongedzwa zvakadini nokuda kwehondo yedu yomudzimu. Panguva imwe chete, tichaona kuti muenzaniso wakaisvonaka waJesu Kristu unotibatsira sei kubudirira kurwisana naSatani Dhiyabhorosi.

Ungapindura Sei?

• VaKristu vose vari kurwa hondo yorudzii?

• Rondedzera dzimwe nzira dzinoshandiswa naSatani.

• Kutsigira kwevamwe vatinonamata navo kungatisimbisa sei?

• Tinofanira kuvimba nesimba raani uye nei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 11]

VaKristu ‘vanorwa nemasimba emidzimu yakaipa’

[Mufananidzo uri papeji 12]

Kufunganya kwegadziriro ino yezvinhu kunogona kuvhunga shoko roUmambo

[Mufananidzo uri papeji 13]

Vamwe vedu vechiKristu vanogona kuva “yamuro inosimbisa”

[Mufananidzo uri papeji 14]

Unonyengetera kuna Mwari kuti akupe simba here?