Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shongai Nhumbi Dzose Dzokuzvidzivirira Nadzo Dzinobva Kuna Mwari”

“Shongai Nhumbi Dzose Dzokuzvidzivirira Nadzo Dzinobva Kuna Mwari”

“Shongai Nhumbi Dzose Dzokuzvidzivirira Nadzo Dzinobva Kuna Mwari”

“Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.”—VAEFESO 6:11.

1, 2. Nemashoko ako, rondedzera nhumbi dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu dzinofanira kupfekwa nevaKristu.

ROMA yakanga iine simba guru kwazvo muumambo hwayo muzana remakore rokutanga C.E. Simba remauto echiRoma rakaita kuti guta racho rikwanise kutonga nyika dzakawanda dzaizivikanwa mazuva iwayo. Mumwe munyori wenhau dzakaitika akarondedzera uto iri se“uto rakarongwa raibudirira kwazvo munhau.” Uto rine unyanzvi reRoma raiva nemasoja ainyatsoteerera ayo airovedzwa zvakakwana, asi kuti abudirire kuva uto rine unyanzvi pakurwa zvaienderanawo nenhumbi dzavo dzokuzvidzivirira nadzo. Muapostora Pauro akashandisa nhumbi dzokuzvidzivirira nadzo dzomusoja wechiRoma kuenzanisira nhumbi dzomudzimu dzinodiwa nevaKristu kuitira kuti vabudirire pakurwisana naDhiyabhorosi.

2 Tinowana rondedzero yenhumbi idzi dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu pana VaEfeso 6:14-17. Pauro akanyora kuti: “Mirai makasimba, zviuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, uye makapfeka chinovhariridza chokururama chepachipfuva, uye tsoka dzenyu dzakapfeka kugadzirirwa kwemashoko akanaka orugare. Kupfuura zvinhu zvose, torai nhoo huru yokutenda, yamuchakwanisa kudzima nayo zvombo zvinokandwa zvinopisa zvowakaipa. Uyewo, gamuchirai ngowani yoruponeso, nebakatwa romudzimu, iro, shoko raMwari.” Tichitarisa zvazvainge zvakaita chaizvo, nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzakarondedzerwa naPauro dzaidzivirira musoja wechiRoma kusvika pamwero wakati. Aishandisawo bakatwa, chombo chake chikuru somurwi.

3. Nei tichifanira kuteerera mirayiridzo yaJesu Kristu uye kutevera muenzaniso wake?

3 Tisingatauri nezvenhumbi uye kurovedzwa, kubudirira kweuto rechiRoma kwaienderana nokuteerera kwaiita masoja mutungamiriri wawo. Saizvozvowo, vaKristu vanofanira kuteerera Jesu Kristu, anorondedzerwa neBhaibheri ‘somutungamiriri wamarudzi.’ (Isaya 55:4) Ndiyewo “musoro weungano.” (VaEfeso 5:23) Jesu anotipa mirayiridzo yehondo yedu yomudzimu uye anotiratidza muenzaniso wakakwana wemapfekero atinofanira kuita nhumbi dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu. (1 Petro 2:21) Sezvo unhu hunenge hwaKristu hwakafanana chaizvo nenhumbi dzedu dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu, Magwaro anotipa zano rokuti ‘tizvishongedze’ nemafungiro aKristu. (1 Petro 4:1) Sezvatinoongorora imwe neimwe yenhumbi dzedu dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu, tichabva tashandisa muenzaniso waJesu kuratidza kuti dzinokosha uye dzinoshanda zvakadini.

Kudzivirira Zviuno, Chipfuva, Netsoka

4. Bhandi raibatsirei panhumbi dzokuzvidzivirira nadzo dzomusoja, uye rinofananidzirei?

4 Zviuno zvakasungwa nechokwadi. Munguva inotaurwa muBhaibheri, masoja aisunga bhandi guru reganda, rakanga riine upamhi hwemasendimita aibvira pamashanu kusvikira ku15. Vamwe vashanduri vanoti ndima yacho inofanira kuti, “nechokwadi chakaita sebhandi rakasungwa zvakasimba muchiuno chenyu.” Bhandi romusoja raibatsira kuti adzivirire chiuno chake, uye raiita kuti akwanise kukochekera zvakanaka bakatwa rake. Musoja paaisunga chiuno chake, ainge ava kugadzirira kunorwa. Pauro akashandisa bhandi romusoja kuenzanisira kuti chokwadi cheMagwaro chinofanira kuchinja upenyu hwedu kusvika papi. Rinofanira kusungwa zvakasimba patiri, mupfungwa yokufananidzira, kuitira kuti tirarame maererano nechokwadi uye tigone kuchidzivirira chero nguva ipi neipi. (Pisarema 43:3; 1 Petro 3:15) Tiine chinangwa ichocho, tinofanira kushingaira kudzidza Bhaibheri uye kufungisisa zviri mariri. Jesu akanga aine mutemo waMwari ‘mumwoyo make.’ (Pisarema 40:8) Saka paaibvunzwa nevashori, aigona kupindura achitaura mashoko aaiyeuka omuMagwaro.—Mateu 19:3-6; 22:23-32.

5. Tsanangura kuti zano reMagwaro ringatibatsira sei munguva yomuedzo.

5 Patinobvumira chokwadi cheBhaibheri kutitungamirira, chinogona kutidzivirira papfungwa dzisina kururama uye chinoita kuti tisarudze nokuchenjera. Munguva yomuedzo, mirayiro yeBhaibheri ichaita kuti kutsunga kwedu kwokuita zvakarurama kurambe kwakasimba. Zvinoita sokuti tichaona Murayiridzi wedu Mukuru, Jehovha, uye tichanzwa shoko shure kwedu richiti: “Heyi nzira, fambai nayo.”—Isaya 30:20, 21.

6. Nei mwoyo wedu wokufananidzira uchida kudzivirirwa, uye kururama kunganyatsoudzivirira sei?

6 Chinovhariridza chokururama chepachipfuva. Chinovhariridza pachipfuva chomusoja chaidzivirira nhengo yomuviri inokosha, mwoyo. Mwoyo wedu wokufananidzira—zvatiri mukati—unoda kunyatsodzivirirwa nokuti unongoda kuita zvakaipa. (Genesi 8:21) Saka tinofanira kusvika pakuziva uye pakuda zvinodiwa naJehovha zvakarurama. (Pisarema 119:97, 105) Kuda kwedu zvakarurama kunoita kuti tirambe mafungiro enyika ayo asina basa nemirayiro yaJehovha yakajeka kana kuti anoishayisa simba. Uyezve, patinoda chakarurama ndokuvenga chakaipa, tinorega nzira ingaparadza upenyu hwedu. (Pisarema 119:99-101; Amosi 5:15) Jesu muenzaniso wakanaka panyaya iyoyi, nokuti nezvake, Magwaro anoti: “Wakada kururama, ukavenga kusateerera mutemo.”—VaHebheru 1:9. *

7. Nei musoja wechiRoma aida shangu dzakanaka, uye dzinofananidzirei?

7 Tsoka dzakapfeka kugadzirirwa kwemashoko akanaka orugare. Masoja echiRoma aida shangu kana hwashu dzakasimba, sezvo pakurwa aiwanzofora makiromita 30 zuva roga roga akapfeka kana kuti akatakura nhumbi dzokuzvidzivirira nadzo uye zvombo zvairema makirogiramu 27. Pauro akataura nenzira yakakodzera nezveshangu kuti dzinomiririra kugadzirira kwedu kuparidza mashoko oUmambo kuvanhu vose vachateerera. Izvi zvinokosha nokuti vanhu vachaziva sei Jehovha kana tisina kugadzirira uye tisingadi kuparidza?—VaRoma 10:13-15.

8. Tingatevedzera sei muenzaniso waJesu somuparidzi wemashoko akanaka?

8 Ibasa ripi rainyanya kukosha muupenyu hwaJesu? Akaudza Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato kuti: ‘Ndakauya munyika kuzopupura chokwadi.’ Jesu aiparidza pose paaiwana vanhu vaida kuteerera, uye aifarira ushumiri hwake kwazvo zvokuti aihuisa pokutanga kudarika zvinhu zvaaida zvokunyama. (Johani 4:5-34; 18:37) Isu kufanana naJesu, kana tichida kwazvo kuzivisa mashoko akanaka, tichawana mikana yakawanda yokuaudza vamwe. Uyezve, kuita kwedu zvakawanda muushumiri hwedu kuchatibatsira kuti tirambe takasimba pakunamata.—Mabasa 18:5.

Nhoo, Ngowani, uye Bakatwa

9. Nhoo huru yaidzivirira musoja wechiRoma pachii?

9 Nhoo huru yokutenda. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “nhoo huru” rinoreva nhoo yakanga yakakura zvakakwana kuvhara muviri wose. Yaizodzivirira pa“zvombo zvinokandwa zvinopisa” zvinotaurwa pana VaEfeso 6:16. Munguva inotaurwa muBhaibheri, masoja aishandisa miseve yaigadzirwa netsanga dzine buri, kumucheto kwadzo kuine simbi duku dzaigona kuzadzwa nemafuta aibvira moto. Imwe nyanzvi inorondedzera miseve iyi se“chimwe chezvombo zvaiva nengozi zvikuru muhondo yekare.” Kana musoja aiva asina nhoo huru yokuzvidzivirira pazvombo zvaikandwa zvakadaro, aikuvadzwa zvakakomba kana kutourayiwa.

10, 11. (a) “Zvombo zvinokandwa zvinopisa” zvaSatani zvinogona kushayisa simba kutenda kwedu ndezvipi? (b) Muenzaniso waJesu unoratidza sei kukosha kwokutenda munguva dzokuedzwa?

10 “Zvombo zvinokandwa zvinopisa” zvinoshandiswa naSatani kuparadza kutenda kwedu ndezvipi? Angaita kuti titambudzwe kana kuti tishorwe mumhuri, kubasa, kana kuti kuchikoro. Chido chokungoramba uchida kuva nezvinhu zvokunyama uye kunyengera kwounzenza zvakaparadzawo vamwe pakunamata. Kuti tizvidzivirire pazvinotyisidzira zvakadaro, “kupfuura zvinhu zvose, [tinofanira kutora] nhoo huru yokutenda.” Kutenda kunobva pakudzidza nezvaJehovha, kugara tichitaura naye mumunyengetero, uye kunzwisisa kudzivirira kwaanotiita nokutikomborera.—Joshua 23:14; Ruka 17:5; VaRoma 10:17.

11 Jesu paaiva pasi pano, akaratidza kukosha kwokuva nokutenda kwakasimba munguva dzakaoma. Aivimba zvizere nezvaisarudzwa naBaba vake uye aifarira kuita kuda kwaMwari. (Mateu 26:42, 53, 54; Johani 6:38) Kunyange paairwadziwa zvikuru mubindu reGetsemani, Jesu akati kuna Baba vake: “Kwete sokuda kwangu, asi sokuda kwenyu.” (Mateu 26:39) Jesu haana kumbokanganwa kukosha kwokuramba akavimbika uye kufadza Baba vake. (Zvirevo 27:11) Kana tichivimba naJehovha saizvozvo, hatizoregi kutsoropodzwa kana kushorwa zvichishayisa simba kutenda kwedu. Asi, kutenda kwedu kuchasimbiswa kana tikavimba naMwari, tikaratidza kuti tinomuda, uye tikachengeta mirayiro yake. (Pisarema 19:7-11; 1 Johani 5:3) Hakuna mubayiro wezvinhu zvokunyama kana kufadza nyama kwenguva pfupi zvingaenzana nezvikomborero zvakachengetwa naJehovha nokuda kwevaya vanomuda.—Zvirevo 10:22.

12. Inhengo ipi inokosha yatinayo inodzivirirwa nengowani yedu yokufananidzira, uye nei kudzivirira ikoko kuchikosha?

12 Ngowani yoruponeso. Ngowani yaidzivirira musoro womusoja nouropi hwake—tsime chairo rezivo. Tariro yedu yechiKristu inofananidzwa nengowani nokuti inodzivirira pfungwa dzedu. (1 VaTesaronika 5:8) Kunyange zvazvo takachinja pfungwa dzedu tichishandisa zivo yakarurama yeShoko raMwari, tichiri vanhu vasina simba, vasina kukwana. Pfungwa dzedu dzinogona kushatiswa nyore nyore. Zvinovavarirwa negadziriro ino yezvinhu zvinogona kutitsausa kana kutotsiva tariro yedu yatakapiwa naMwari. (VaRoma 7:18; 12:2) Dhiyabhorosi akaedza asingabudiriri kuti atsause Jesu nokumupa “umambo hwose hwenyika nembiri yahwo.” (Mateu 4:8) Asi Jesu akaramba zvakasimba zvaakapiwa, uye Pauro akati nezvake: “Nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake [Jesu], akatsungirira danda rokutambudzikira, achizvidza nyadzi, akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.”—VaHebheru 12:2.

13. Tingaramba sei tichivimba netariro iri mberi?

13 Chivimbo sechiya chaiva naJesu hachingouyi choga. Kana tikazadza pfungwa dzedu nezvinhu zvokufungidzira uye vavariro dzegadziriro ino yezvinhu pane kuramba tichifunga nezvetariro iri mberi, kutenda kwedu zvipikirwa zvaMwari kuchapera simba. Nokufamba kwenguva, tingatorasikirwa netariro yedu zvachose. Ukuwo, kana tikagara tichifungisisa zvipikirwa zvaMwari, ticharamba tichifara mutariro yakaiswa pamberi pedu.—VaRoma 12:12.

14, 15. (a) Bakatwa redu rokufananidzira chii, uye ringashandiswa sei? (b) Enzanisira kuti bakatwa romudzimu ringatibatsira sei kurwisa muedzo.

14 Bakatwa romudzimu. Shoko raMwari, rakanyorwa muBhaibheri rakangofanana nebakatwa rine simba rinocheka nekwose rinogona kucheka nhema dzechitendero uye kubatsira vanhu vane mwoyo yakarurama kuwana rusununguko pakunamata. (Johani 8:32; VaHebheru 4:12) Bakatwa romudzimu iri rinogonawo kutidzivirira patinotambudzwa nemiedzo kana nevakaramba kutenda vanoedza kuparadza kutenda kwedu. (2 VaKorinde 10:4, 5) Tinoonga kwazvo kuti ‘Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runotishongedzera zvakakwana basa rose rakanaka’!—2 Timoti 3:16, 17.

15 Paakaedzwa naSatani murenje, Jesu akabudirira kushandisa bakatwa romudzimu kuti azvidzivirire pamafungiro enhema uye miedzo yemanomano. Kune zvose zvaiedzwa naSatani, aiti: “Zvakanyorwa kuti.” (Mateu 4:1-11) Saizvozvowo, mumwe weZvapupu zvaJehovha anonzi David wokuSpain, akawana kuti Magwaro akamubatsira kukunda miedzo. Paaiva nemakore 19, mumwe mukadzi wechiduku aikwezva waaishanda naye mukambani yokuchenesa akamukumbira kuti “vafare zvavo vose.” David akaramba kushamwaridzana naye uye akakumbira supavhaiza wake kuti amupe basa kune imwe nzvimbo kuitira kuti izvi zvisaitike zvakare. “Ndakayeuka muenzaniso waJosefa,” akadaro David. “Iye akaramba unzenza uye akakurumidza kutiza. Ndizvo zvandakaita.”—Genesi 39:10-12.

16. Tsanangura kuti nei tichida kuzvirovedza kuitira kuti ‘tibate shoko rechokwadi zvakarurama.’

16 Jesu akashandisawo bakatwa romudzimu kubatsira vamwe kuti vabve musimba raSatani. “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu,” akadaro Jesu, “asi ndezveakandituma.” (Johani 7:16) Kuti titevedzere kudzidzisa kwounyanzvi kwaJesu, tinoda kuzvirovedza. Nezvemasoja echiRoma, munyori wechiJudha wenhau dzakaitika, Josephus, akanyora kuti: “Musoja woga woga airovedza muviri zuva roga roga, uye aizviita nokushingaira chaizvo, sokunge kuti yaiva nguva yehondo, chiri icho chikonzero chaiita kuti masoja acho atsungirire nyore nyore kunetesa kwehondo.” Muhondo yedu yomudzimu, tinoda kushandisa Bhaibheri. Uyezve, tinofanira ‘kuita nepatinogona napo kuti tizvipe kuna Mwari tichitenderwa, kuva vashandi vasina chokunyara nacho, vanobata shoko rechokwadi zvakarurama.’ (2 Timoti 2:15) Zvechokwadi tinogutsikana zvikuru patinoshandisa Magwaro kupindura mubvunzo womwoyo wose womunhu anofarira!

Nyengetera Nguva Dzose

17, 18. (a) Munyengetero unoita basa rei pakurwisana naSatani? (b) Ipa muenzaniso unoratidza kukosha kwomunyengetero.

17 Apedza kurondedzera nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu, Pauro anopa rimwe zano rinokosha. Pakurwisana naSatani, vaKristu vanofanira kutsvaka kubatsirwa “nokunyengetera kworudzi rwose nokuteterera.” Kakawanda sei? “Muchiramba muchinyengetera mumudzimu nguva dzose,” akanyora kudaro Pauro. (VaEfeso 6:18) Patinoedzwa, kana kuodzwa mwoyo, munyengetero unogona kutisimbisa zvikuru. (Mateu 26:41) Jesu “aiteterera uyewo aikumbira Iye aikwanisa kumuponesa parufu, nokuchema zvikuru nemisodzi, uye akanzwiwa nemhaka yokutya kwake Mwari.”—VaHebheru 5:7.

18 Milagros, uyo ave achitarisira murume wake ane chirwere chisingaperi kwemakore 15, anoti: “Pandinonzwa kuora mwoyo, ndinonyengetera kuna Jehovha. Hapana munhu anogona kunyatsondibatsira sezvaanoita. Chokwadi, paripo pandinombonzwa sokuti handichakwanisi. Asi kazhinji pandinonyengetera kuna Jehovha, ndinonzwa simba rangu rawedzerwa uye ndakurudzirwa.”

19, 20. Chii chatinoda kuti tikunde mukurwisana kwedu naSatani?

19 Dhiyabhorosi anoziva kuti nguva yake ipfupi, uye ari kuwedzera kuita zvose zvaanogona kuti atikunde. (Zvakazarurwa 12:12, 17) Tinofanira kurwisana nomuvengi uyu ane simba uye ku“rwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda.” (1 Timoti 6:12) Izvi zvinoda simba rinopfuura romuzvarirwo. (2 VaKorinde 4:7) Tinodawo kubatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari, naizvozvo tinofanira kuunyengeterera. Jesu akati: “Kana imi, kunyange makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira!”—Ruka 11:13.

20 Zviri pachena kuti zvinokosha kuti tipfeke nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzatinopiwa naJehovha. Kupfeka nhumbi idzi dzomudzimu kunoda kuti tive nounhu hunofadza Mwari, hwakadai sokutenda uye kururama. Zvinoda kuti tide chokwadi sokuti takasungwa nacho, kuti tive vakagadzirira kuparadzira mashoko akanaka nguva dzose, uye kuti tirambe tichifunga nezvetariro iri mberi. Tinofanira kudzidza kushandisa bakatwa romudzimu nounyanzvi. Nokupfeka nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari, tinogona kukunda mukurwisana kwatiri kuita nemasimba emidzimu yakaipa uye chokwadi kuita kuti zita dzvene raJehovha rikudzwe.—VaRoma 8:37-39.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Muuprofita hwaIsaya, Jehovha pachake anorondedzerwa seakapfeka “kururama sechidzitiro chechipfuva.” Saka, anoda kuti vatariri veungano varuramisire uye vaite zvakarurama.—Isaya 59:14, 15, 17.

Ungapindura Sei?

• Ndiani anotipa muenzaniso wakaisvonaka wokupfeka nhumbi dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu, uye nei tichifanira kunyatsofunga nezvomuenzaniso wake?

• Tingadzivirira sei pfungwa dzedu nomwoyo wedu wokufananidzira?

• Tingava sei nyanzvi pakushandisa bakatwa romudzimu?

• Nei tichifanira kuramba tichinyengetera nguva dzose?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 17]

Kushingaira kudzidza Bhaibheri kunogona kutikurudzira kuti tizivise mashoko akanaka nguva dzose

[Mifananidzo iri papeji 18]

Tariro yedu yechokwadi inotibatsira kutarisana nemiedzo

[Mifananidzo iri papeji 19]

Unoshandisa “bakatwa romudzimu” muushumiri here?