Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Akaudza Vaanodzidza Navo Zvaanotenda

Akaudza Vaanodzidza Navo Zvaanotenda

Akaudza Vaanodzidza Navo Zvaanotenda

UNGADA kubatsira vaunodzidza navo here kuti vanzwisise zviri nani zvaunotenda zviri muBhaibheri? Magdalena, mumwe mudzidzi ane makore 18 ari kusekondari wokuPoland, anowanzotaurira vaanodzidza navo zvaanotenda somumwe weZvapupu zvaJehovha. Nemhaka yeizvi, anogara achibvunzwa mibvunzo yakaita seyokuti, ‘Zvinorevei kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha?’ uye ‘Haudaviri muna Jesu Kristu here?’ Aigona sei kubatsira vaanodzidza navo? Magdalena akanyengetera kuna Jehovha kuti amutungamirire uye akaita zvaienderana nezvaakanyengeterera.—Jakobho 1:5.

Rimwe zuva, Magdalena akakumbira mudzidzisi airemekedza zvaanotenda kana angaratidza vaanodzidza navo vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. * Mudzidzisi wacho akabvuma. Magdalena akabva audza vaanodzidza navo kuti: “Ndiri kuronga kuti shamwari yangu ikuratidzei purogiramu yemaminitsi 90. Pacharatidzwa vhidhiyo uye tichakurukura nezveZvapupu zvaJehovha. Mungada kuuya here?” Vose vakabvuma. Magdalena naWojciech, mushumiri wenguva yakazara ane ruzivo, vakatanga kugadzirira purogiramu yacho.

Vakanga vakaronga kutanga nehurukuro yemaminitsi 20 inobva mubhurocha rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Ndivanaani? Zvinodavirei? * pozova nemibvunzo nemhinduro. Zvadaro vhidhiyo yaizoratidzwa muraibhurari yechikoro. Mudzidzi mumwe nomumwe ari mukirasi yacho aizopiwa chipo—hamvuropu hombe ine mabhurocha mashomanana, bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, * uye maturakiti nemagazini.

Musi wacho, vateereri vaiva vaanodzidza navo 14, mudzidzisi wake, nevamwewo vadzidzi 4 vaingovawo muraibhurari yacho. Wojciech akatanga atsanangura kuti vamwe vadetembi nevanyori vechiPolish vakashandisa zita raMwari, rokuti Jehovha, mumabhuku avo. Akataurawo nezvekatekisimo dzekare dzeKaturike dzaiva nezita raMwari. Achitsanangura basa remazuva ano reZvapupu zvaJehovha, akaratidza mabhurocha ehofisi dzemapazi akasiyana-siyana uye mifananidzo yeDzimba Dzemagungano dzakati wandei.

Vakatanga kukurukurirana zvine upenyu. Magdalena naWojciech vakashandisa Bhaibheri kupindura mibvunzo yacho. Izvi zvakabaya mwoyo yevateereri uye zvakaita kuti vatende kuti Zvapupu zvaJehovha hazviparidzi pfungwa dzazvo. Ndeipi yaiva mimwe mibvunzo yacho, uye yakapindurwa sei?

Mubvunzo: Bhaibheri rakazara nomutauro uye mienzaniso zvisina kujeka, zvinogona kududzirwa nenzira dzakawanda. Zvinobvira sei kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri?

Mhinduro: Vamwe vanoti Bhaibheri rakaita segitare rinonzi violin ramunogona kushandisa kuridza mutinhimira wose wamunoda. Asi chimbofungai: Kana muchida kuziva kuti munyori ari kurevei nemashoko ake, hazvisi nani kungomubvunza here? Kusiyana nevanyori vemabhuku vakafa, Munyori weBhaibheri, Jehovha Mwari, mupenyu. (VaRoma 1:20; 1 VaKorinde 8:5, 6) Mashoko ezviri kutaurwa anogona kuratidza kududzira kwakarurama. Uyezve, Bhaibheri rinowanzoratidza nyaya imwe chete munzvimbo dzinoverengeka, naizvozvo kudzienzanisa kungabatsira. Saka tinogona kuita kuti Mwari atungamirire pfungwa dzedu, sokunge kuti ari kutitsanangurira rugwaro rwacho. Kana tikaita izvozvo, hatigoni here kuziva uye kurarama maererano nezvaanoda zvinotaurwa muBhaibheri?

Mubvunzo: VaKristu neZvapupu zvaJehovha vakasiyana papi?

Mhinduro: Tose tiri vaKristu! Asi pane kungozviti vaKristu, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kurarama maererano nezvazvinotenda uye zvazviri kudzidziswa naMwari zvinobatsira. (Isaya 48:17, 18) Sezvo dzidziso dzazvo dzose dzichibva muBhaibheri, zvinoziva kuti zvine chokwadi.—Mateu 7:13, 14, 21-23.

Mubvunzo: Nei muchitaura nevanhu vamusingambozivi uye muchiramba muchingoedza kutaura navo? Hakusi kumanikidza vamwe kuti vatende zvamunotenda here?

Mhinduro: Munofunga kuti zvakaipa here kana munhu ari mumugwagwa akataura nemi noruremekedzo obvunza zvamunofunga pamusoro pechimwe chinhu? (Jeremia 5:1; Zefania 2:2, 3) (Wojciech naMagdalena vakabva vaenzanisira mabvunziro avaiita vanhu vaipfuura kana Mwari aine hanya nevaya vakatambura mumafashamo akanga achangobva kuitika muPoland.) Tanzwa zvinofungwa nomunhu wacho, tinomuratidza zviri muBhaibheri. Kana mumwe munhu asingadi kutaura, tinomuoneka topfuurira hedu. (Mateu 10:11-14) Ikoko kumanikidza vamwe kutaura navo here? Kana kuti vanhu havachafaniri kutaudzana here?

Mubvunzo: Nei musingachengeti mazororo?

Mhinduro: Tinongochengeta bedzi chiitiko chatinorayirwa neBhaibheri kuti tichengete—Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu. (1 VaKorinde 11:23-26) Nezvemazororo, munogona kuona kutanga kwaakaita kana mukatsvakurudza mumaenisaikoropidhiya uye mamwe mabhuku akavimbika. Kana mukadaro, muchaona kuti nei tisingachengeti zviitiko zvipi nezvipi zvakadaro.—2 VaKorinde 6:14-18.

Mimwe mibvunzo yakawanda yakabvunzwa ikapindurwa. Kukurukurirana kwacho kwakatora nguva refu zvikuru zvokuti vhidhiyo yacho yaifanira kutozoratidzwa pane imwe nguva.

Vadzidzi vacho vakati chii nazvo? Regai Magdalena atitaurire: “Ndakashamiswa kuti vamwe vadzidzi vanowanzoita zvoupenzi vachiseka vamwe vakabvunza mibvunzo ine musoro. Kunyange zvazvo vaizviti havatendi kuti Mwari ariko, pakukurukurirana kwacho vakaratidza kutenda muna Mwari!” Vaya vaiva muvateereri vakafara kugamuchira zvipo—mabhuku 35, mabhurocha 63, uye magazini 34 zvose izvi zvakagoverwa kwavari.

Chirongwa ichi chokuchikoro chakaita kuti pave nemigumisiro inoshamisa zvikuru! Hachina kungobatsira vanodzidza naMagdalena kuti vazive uye vanzwisise zviri nani Zvapupu zvaJehovha asiwo chakakurudzira vechiduku vakawanda kuti vafunge nezvechinangwa choupenyu. Wadii kuedza kubatsira vaunodzidza navo kuti vazive zvakawanda pamusoro pezvaunotenda?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 4 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 4 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Magdalena naWojciech vachigadzirira kukurukurirana kwacho