Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Dananai Zvikuru Kwazvo”

“Dananai Zvikuru Kwazvo”

“Dananai Zvikuru Kwazvo”

“Pakudanana sehama dananai zvikuru kwazvo.”—VAROMA 12:10.

1, 2. Mumwe mumishinari wemazuva ano nomuapostora Pauro vaiva noukama hwakadini nehama dzavo?

MUMAKORE ake ose 43 ebasa roumishinari kuFar East, Don aizivikanwa noushamwari hwaaiva nahwo nevaya vaaishumira. Sezvaakanga ava kutsungirira chirwere chakazomuuraya, vamwe vevaakadzidzisa Bhaibheri vakafamba zviuru zvemakiromita kuzomuona kuti vangoti: “Kamsahamnida, kamsahamnida!”—nechiKorea, zvinoreva kuti, “Tinokutendai, tinokutendai!” Rudo rukuru kwazvo rwaDon rwakanga rwabaya mwoyo yavo.

2 Muenzaniso uyu waDon hausiwo woga. Muzana remakore rokutanga, muapostora Pauro akaratidza rudo rukuru kune vaya vaaishumira. Pauro akazvipira. Kunyange zvazvo aiva murume aiva nokutenda kwakasimba, aivawo munyoro, aine hanya, “sezvinoita amai vanoyamwisa kana vachitarisira vana vavo.” Akanyorera ungano yaiva kuTesaronika kuti: “Zvataiva norudo rukuru kwazvo nemi, takafara zvikuru kukupai, kwete mashoko akanaka aMwari bedzi, asi mweya yeduwo, nokuti makadiwa nesu.” (1 VaTesaronika 2:7, 8) Gare gare, Pauro paakaudza hama dzake dzokuEfeso kuti vaisazomuonazve, “vakachema zvikuru vose, vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda zvinyoronyoro.” (Mabasa 20:25, 37) Zviri pachena kuti ukama hwaPauro nehama dzake hwakanga hwakadzama zvikuru kungopfuura kuti vaitenda zvakafanana. Vaidanana zvikuru kwazvo.

Chidakadaka uye Rudo

3. Mashoko eBhaibheri okuti chidakadaka uye rudo anopindirana sei?

3 MuMagwaro, chidakadaka, kunzwirana ngoni, uye tsitsi zvose zvakanyatsobatana nounhu hwechiKristu hunokosha zvikuru—rudo. (1 VaTesaronika 2:8; 2 Petro 1:7) Kufanana nemativi edhaimani rakaisvonaka, unhu hwose uhwu hwaMwari hunofambirana uye hunoenderana. Hahungoswededzi vaKristu pedyo napedyo chete asiwo pedyo naBaba vavo vokudenga. Saka, muapostora Pauro akakurudzira vaainamata navo achiti: “Rudo rwenyu ngaruve rusina unyengeri. . . . Pakudanana sehama dananai zvikuru kwazvo.”—VaRoma 12:9, 10.

4. Chii chinorehwa nemashoko okuti “rudo rukuru kwazvo”?

4 Shoko rechiGiriki rakashandiswa naPauro rinoreva kuti “rudo rukuru kwazvo” rinoumbwa nemashoko maviri, rimwe rinoreva ushamwari uye rimwe racho, chidakadaka. Sokutsanangura kunoita imwe nyanzvi yeBhaibheri, izvi zvinoreva kuti vaKristu “vanofanira kuzivikanwa nokuzvipira kunoratidzwa nemhuri dzinodanana, dzakanyatsobatana, uye dzinotsigirana.” Ndiwo manzwiro aunoita here nezvehama nehanzvadzi dzako dzechiKristu? Kuva noushamwari—kunzwa tiine ukama—zvinofanira kutekeshera muungano yechiKristu. (VaGaratiya 6:10) Saka, The New Testament in Modern English, raJ. B. Phillips, rinoshandura VaRoma 12:10 richiti: “Ngatiratidzanei rudo rwoushamwari chairwoirwo sehama.” Uye The Jerusalem Bible rinoti: “Dananai zvikuru sezvinofanira kuita hama.” Saka, vaKristu havangodanani bedzi nokuti ndizvo zvakanaka uye nokuti ndizvo zvavanofanira kuita. ‘Nokudanana kwedu kwazvo sehama kusina unyengeri,’ tinofanira ‘kudanana zvikuru zvichibva pamwoyo.’—1 Petro 1:22.

“Munodzidziswa naMwari Kuti Mudanane”

5, 6. (a) Jehovha akashandisa sei kokorodzano dzemarudzi akawanda kuti adzidzise vanhu vake nezvorudo rwechiKristu? (b) Nokufamba kwenguva, chisungo pakati pehama chinova chakasimba sei?

5 Kunyange zvazvo munyika ino “rudo rwevakawanda zvikuru” ruri kutonhora, Jehovha ari kudzidzisa vanhu vake vemazuva ano kuti va“danane.” (Mateu 24:12; 1 VaTesaronika 4:9) Kokorodzano dzemarudzi akawanda dzeZvapupu zvaJehovha dzinopa mikana yakaisvonaka yokudzidzisa uku. Pakokorodzano idzi, Zvapupu zvomunyika yacho zvinosangana nehama dzinobva kunyika dziri kure zvikuru, uye vakawanda vakagamuchira nhume dzokune dzimwe nyika. Pane imwe kokorodzano ichangobva kuitwa, vamwe vakabva kunyika dzine vanhu vasingawanzobudisi pachena manzwiro avo. “Pakatanga kusvika nhume idzi, dzaitya uye dzainyara zvikuru,” anodaro mumwe muKristu akabatsira nepokugara. “Asi kwapera mazuva matanhatu bedzi padzakaoneka, idzo nevakadzigamuchira vakanga vachimbundirana uye vachichema. Vakaratidzirwa rudo rwechiKristu rwavasingazombofi vakakanganwa.” Kuitira mutsa hama dzedu, pasinei nekwadzinobva, kungaita kuti mueni neanogamuchira wacho vanzwe zvakanaka.—VaRoma 12:13.

6 Kunyange zvazvo zviitiko zvekokorodzano zvakadaro zvichifadza, chinotokosha zvikuru, vaKristu vanotanga ukama hwapedyo pavanoshumira Jehovha pamwe chete. Kana tikanyatsoziva hama dzedu, tinogona kuzonyatsonzwisisa unhu hwadzo hwakanaka—kuva kwadzo dzechokwadi, dzakatendeseka, dzakavimbika, dzine mutsa, dzine rupo, dzine hanya, dzinonzwira tsitsi, uye dzisina udyire. (Pisarema 15:3-5; Zvirevo 19:22) Mark, uyo akashanda somumishinari kuEast Africa, akati, “Kushandira pamwe chete nehama dzedu kunoumba chisungo chisingadambuki.”

7. Chii chinodiwa kuti tive norudo rwechiKristu muungano?

7 Nhengo dzeungano dzinofanira kuswedera pedyo nomumwe nomumwe kuti dzirambe dziine chisungo chakadaro. Nokugara tichipinda misangano yechiKristu, kubatana kwatakaita nehama nehanzvadzi dzedu kunosimbiswa. Nokuvapo uye tova nezvatinoitawo misangano isati yatanga, ichitoitwa, uye yapera, tinokurudzirana kuva no“rudo nemabasa akanaka kwazvo.” (VaHebheru 10:24, 25) Mumwe mukuru wokuUnited States anorondedzera kuti, “Ndinofara, pandinoyeuka kuti ndichiri mwana, mhuri yedu yaigara iri imwe yedzaipedzisira kubva paImba yoUmambo, tichikurukura noushamwari zvinhu zvinobatsira pose pataikwanisa.”

Unoda Ku“wedzera” Here?

8. (a) Pauro akarevei paakakurudzira vaKorinde kuti ‘vawedzere’? (b) Tingaitei kuti tisimudzire rudo muungano?

8 Kuti tiratidze rudo rwakadaro zvizere, tingada ku“wedzera” mumwoyo yedu. Muapostora Pauro akanyorera ungano yeKorinde kuti: “Mwoyo wedu wakawedzera. Hamuna kumanikidzika matiri.” Pauro akavakurudzira kuti ‘vawedzere.’ (2 VaKorinde 6:11-13) Iwewo unga“wedzera” rudo rwako here? Haufaniri hako kumirira kuti vamwe vatange. Mutsamba yaakanyorera vaRoma, Pauro akabatanidza kudiwa kwokuva norudo rukuru kwazvo nezano iri, achiti: “Pakukudzana tungamiriranai.” (VaRoma 12:10) Kuti uratidze rukudzo kune vamwe, unogona kutanga kuvakwazisa pamisangano. Ungavakumbirawo kuti ubude navo muushumiri hwomumunda kana kuti mugadzirire mumwe wemisangano mose. Kuita izvozvo kungabatsira kuti rudo rukuru kwazvo ruwedzere.

9. Vamwe vakatora matanho api kuti vave noushamwari hwepedyo nevavanonamata navo? (Taurawo mienzaniso chero ipi yomuungano.)

9 Mhuri nevamwe vari muungano vanogona ku“wedzera” nokushanyirana, zvichida vachimbodya pamwe chete, uye vachiitira pamwe chete zvinhu zvinobatsira. (Ruka 10:42; 14:12-14) Nguva nenguva, Hakop anoronga pikiniki nemapoka maduku. “Mazera ose anenge aripo, kunyange vabereki vari voga,” anodaro. “Vanhu vose vanodzoka kumba vaine zvokuyeuka zvinofadza, uye vanonzwa vava pedyo napedyo.” SevaKristu, tinofanira kuedza kuti tisangova bedzi hama dzinonamata nevamwe asiwo shamwari dzechokwadi.—3 Johani 14.

10. Tingaitei kana tikava nezvinetso nehama nehanzvadzi dzedu?

10 Zvisinei, dzimwe nguva, kusakwana kungaita kuti kukudziridza ushamwari uye chidakadaka zvive zvakaoma. Tingaita sei? Kutanga, tinogona kunyengeterera kuti tive noukama hwakanaka nehama dzedu. Mwari anoda kuti vashumiri vake vawirirane, uye achapindura minyengetero iyoyo yemwoyo wose. (1 Johani 4:20, 21; 5:14, 15) Tinofanirawo kuita zvinoenderana neminyengetero yedu. Ric, mumwe mushumiri anofambira muEast Africa, anoyeuka imwe hama yaiva nehasha izvo zvaiita kuti zvive zvakaoma kufambidzana nayo. Ric anotsangura kuti, “Pane kunyenyeredza hama yacho, ndakatsunga kuti ndiizive zviri nani. Ndakazoona kuti baba vehama yacho vaive munhu airanga zvakaoma. Pandakanzwisisa kuti hama iyi yakanga yatamburira sei kuti ikurire hasha idzi uye kuti yakanga yafambira mberi sei, ndakaiyemura. Takazova shamwari.”—1 Petro 4:8.

Taura Zviri Mumwoyo Mako!

11. (a) Chii chinodiwa kuti rudo ruwedzere muungano? (b) Nei kusataura manzwiro edu kune vamwe kuchikuvadza mune zvokunamata?

11 Nhasi, vanhu vakawanda vanorarama vasina shamwari yepedyo. Zvinosuruvarisa sei! Izvi hazvifaniri kuitika muungano yechiKristu. Kuda hama zvechokwadi hakungorevi kutaura noruremekedzo uye tsika dzakanaka; kana kuti kunyanyisa kuratidza vamwe manzwiro aunoita. Pane kudaro, tinofanira kuda kutaura zviri mumwoyo yedu, sezvakaitwa naPauro kuvaKorinde, toratidza vatinonamata navo kuti tine hanya zvechokwadi nokugara kwavo zvakanaka. Kunyange zvazvo asiri munhu wose anoberekwa aine ushamwari kana kuti ari munhu anotaurisa, kunyanya kunyarara kunogona kukuvadza. Bhaibheri rinonyevera kuti, “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.”—Zvirevo 18:1.

12. Nei kukurukurirana kwakanaka kuchikosha kuti pave noushamwari hwepedyo muungano?

12 Kukurukurirana zviri pamwoyo chinhu chinokosha kuti pave noushamwari hwechokwadi. (Johani 15:15) Tose tinoda shamwari dzatingagona kuudza zvatinofunga nemanzwiro atinoita. Uyezve, kana tikazivana zviri nani, zvinova nyore kugutsa zvinodiwa nomumwe nomumwe wedu. Kana tikava nehanya nezvinodiwa nomumwe nomumwe nenzira iyi, tinosimudzira rudo rukuru kwazvo, uye tichaona chokwadi chemashoko aJesu anoti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35; VaFiripi 2:1-4.

13. Tingaitei kuti tiratidze kuti tinoda hama dzedu zvechokwadi?

13 Kuti rudo rwedu rubatsire, tinofanira kururatidza. (Zvirevo 27:5) Kana rudo rwedu ruri rwechokwadi, pamwe chiso chedu chingazviratidza, uye zvingaita kuti mwoyo yevamwe idarowo. “Meso anobwinya anofadza mwoyo,” akanyora kudaro murume akachenjera. (Zvirevo 15:30) Zviito zvakanyatsofungwa zvinosimudzirawo rudo rukuru. Kunyange zvazvo pasina munhu anokwanisa kutenga rudo rwechokwadi, chipo chinobva pamwoyo chingave chinokosha zvikuru. Kadhi, tsamba, uye “shoko rinotaurwa nenguva yakafanira”—zvose izvi zvinogona kuratidza rudo rukuru. (Zvirevo 25:11; 27:9) Kana tangoita ushamwari nevamwe, tinofanira kuhuchengeta nokuramba tichiratidza rudo rusina udyire. Tichada kubatsira shamwari dzedu kunyanya panguva yadzinenge dzichida kubatsirwa. Bhaibheri rinoti: “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

14. Tingaitei kana mumwe munhu achiita seasiri kuona rudo rwatiri kuratidza?

14 Zvechokwadi, hatingatarisiri kuti tive pedyo nomunhu wose ari muungano. Pachatova nevatichava pedyo navo kupfuura vamwe. Saka kana mumwe munhu asingaiti seane ushamwari sezvaungada, usakurumidza kufunga kuti une chinetso kana kuti munhu wacho ane chinetso. Uye usaedza kumanikidza kushamwaridzana naye. Kana ukangoratidza ushamwari zvichienderana nezviri kuitwa nomunhu wacho, unobatsira kuita kuti mukana wokuzoshamwaridzana munguva yemberi urambe uripo.

“Ndakutendera”

15. Kurumbidza vamwe kana kuti kusavarumbidza kunoita kuti vamwe vanzwe sei?

15 Paaibhabhatidzwa, Jesu anofanira kunge akafara sei kunzwa mashoko aibva kudenga, okuti: “Ndakutendera”! (Mako 1:11) Kutaura uku kwokubvuma kunofanira kunge kwakawedzera kutendiswa kwaJesu kwokuti Baba vake vaimuda. (Johani 5:20) Zvinosuruvarisa kuti vamwe havambonzwi kurumbidzwa kwakadaro kunobva kune vaya vavanoremekedza uye vavanoda. Ann anoti, “Vechiduku vakawanda vakafanana neni havana vamwe vomumhuri dzavo vavanonamata navo. Kumba tinongotsoropodzwa chete. Izvi zvinotisuruvarisa chaizvo.” Zvisinei, pavanova nhengo dzeungano, vanonzwa vari pedyo nemhuri inotsigira, ine hanya mune zvokunamata—vanababa navanaamai uye madzikoma nevanun’una nehanzvadzi mukutenda.—Mako 10:29, 30; VaGaratiya 6:10.

16. Nei kutsoropodza vamwe kusingabatsiri?

16 Mune dzimwe tsika, vabereki, vanhu vakuru, uye vadzidzisi havawanzorumbidzi vechiduku nomwoyo wose nokuti vanofunga kuti kurumbidza kwakadaro kungaita kuti vechiduku vafunge kuti zvavari kuita zvakakwana kana kuti kuvaita kuti vadade. Kufunga kwakadaro kungatokanganisa mhuri dzechiKristu uye ungano. Vachitaura nezvehurukuro kana kuti chimwe chinhu chinenge chaitwa, vanhu vakuru vangati: “Zvanga zvakanaka, asi unogona kudarika izvozvo!” Kana kuti neimwe nzira, vangatoratidza wechiduku wacho kuti havasi kufara naye. Pavanenge vachidaro, vakawanda vanofunga kuti vari kukurudzira vechiduku kuti vaite nepose pavanogona napo. Asi kuita izvi hakugumi nokukurudzira kwanga kuchidiwa, sezvo vechiduku vanganzwa vasingachadi zvavo kana kuti vanganzwa sokuti havakwanisi kuita zvinodiwa.

17. Nei tichifanira kutsvaka mikana yokurumbidza vamwe?

17 Zvisinei, haufaniri kungorumbidza chete paunenge uchida kuzopa zano. Kurumbidza nomwoyo wose kunosimudzira rudo rukuru kwazvo mumhuri nomuungano, zvichibva zvakurudzira vechiduku kuti vatsvake mazano kuhama nehanzvadzi dzava noruzivo. Saka pane kurega tsika dzichidzora mabatiro atinoita vamwe, ‘ngatipfekei unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.’ Rumbidza sezvinoita Jehovha.—VaEfeso 4:24.

18. (a) Vechiduku, munofanira kuona sei zano rinobva kuvanhu vakuru? (b) Nei vanhu vakuru vachingwarira kupa kwavanoita zano?

18 Asiwo, vechiduku musagumisa kuti kana vanhu vakuru vachikururamisai kana kuti vachikupai zano, zvinoreva kuti havakudii. (Muparidzi 7:9) Zvakatosiyana naizvozvo! Zvimwe vanokurudzirwa nokuva nehanya kwavo nemi uye kukudai zvikuru. Dai zvisizvo, vaizozvinetserei nokutaura nemi nezvenhau yacho? Vachiziva kuti mashoko angaita kuti munhu anzwe sei, vanhu vakuru—kunyanya vakuru veungano—vanowanzopedza nguva yakawanda vachifunga uye vachinyengetera vasati vakupai zano, sezvo vachingoda kuita zvakanaka.—1 Petro 5:5.

“Jehovha Ane Rudo Rukuru Kwazvo”

19. Nei vaya vakaora mwoyo vangatarisira kutsigirwa naJehovha?

19 Zvakaitika zvisingafadzi zvingave zvakasiya vamwe vachifunga kuti kuitira vamwe rudo rukuru kungazogumazve nokuora mwoyo. Zvinoda kushinga uye kutenda kwakasimba kuti vataurirezve vamwe zviri mumwoyo yavo. Asi havafaniri kumbokanganwa kuti Jehovha haasi “kure nomumwe nomumwe wedu.” Anotikurudzira kuti tiswedere pedyo naye. (Mabasa 17:27; Jakobho 4:8) Anonzwisisawo kuti tinotya kurwadziswa, uye anovimbisa kutitsigira uye kutibatsira. Munyori wepisarema Dhavhidhi anotivimbisa kuti: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.”—Pisarema 34:18.

20, 21. (a) Tinoziva sei kuti tinogona kuva noukama hwepedyo naJehovha? (b) Chii chinodiwa kuti tive noukama hwepedyo naJehovha?

20 Ushamwari hwepedyo naJehovha ndihwo ukama hunokosha zvikuru hwatingakudziridza. Asi chaizvoizvo ushamwari hwakadaro hunobvira here? Hungu. Bhaibheri rinozivisa kuti varume nevakadzi vakarurama vakanzwa vari pedyo sei naBaba vedu vokudenga. Mashoko avo oushamwari akachengetedzwa kuti atipe chivimbo chokuti isuwo tinogona kuswedera pedyo naJehovha.—Pisarema 23, 34, 139; Johani 16:27; VaRoma 15:4.

21 Zvinodiwa naJehovha kuti tive pedyo naye zvinogona kuitwa nomunhu wose. Dhavhidhi akabvunza kuti, “Jehovha, ndianiko ungatsaukira mutende renyu? . . . Uyo, unofamba asina mhosva, unoita zvakarurama, unotaura zvokwadi mumwoyo make.” (Pisarema 15:1, 2; 25:14) Sezvatinoona kuti kushumira Mwari kunobereka zvibereko zvakanaka uye kunoita kuti titungamirirwe uye tidzivirirwe naye, tichasvika pakuziva kuti “Jehovha ane rudo rukuru kwazvo.”—Jakobho 5:11.

22. Jehovha anoda kuti vanhu vake vave noukama hworudzii?

22 Takakomborerwa chaizvo kuti Jehovha anoda kuva noukama hwepedyo hwakadaro nevanhu vasina kukwana! Saka hatifaniri kuratidzirana rudo rukuru here? Tichibatsirwa naJehovha, mumwe nomumwe wedu anogona kubatsira kuti pave norudo rukuru kwazvo uye iye oratidzirwawo rudo urwu runozivisa ukama hwedu hwechiKristu. MuUmambo hwaMwari, munhu wose ari pasi pano achava norudo urwu nokusingaperi.

Ungatsanangura Here?

• Mamiriroi ezvinhu anofanira kuva muungano yechiKristu?

• Mumwe nomumwe wedu angabatsira sei kuti muungano muve norudo rukuru kwazvo?

• Kurumbidza kwomwoyo wose kunosimudzira sei rudo rwechiKristu?

• Rudo rukuru kwazvo rwaJehovha runotibatsira nokutitsigira sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Rudo pavaKristu runoratidza zvinopfuura zvinofanira kuitwa nomunhu

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Unga“wedzera” rudo rwako here?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Unotsoropodza here kana kuti unokurudzira?