Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzo Yave Ichienderera Kwoupenyu Hwangu Hwose

Dzidzo Yave Ichienderera Kwoupenyu Hwangu Hwose

Nyaya Youpenyu

Dzidzo Yave Ichienderera Kwoupenyu Hwangu Hwose

YAKATAURWA NAHAROLD GLUYAS

Ndave ndichiyeuka zvakaitika ndichiri muduku kwemakore anopfuura 70. Ndaiva ndigere mukicheni yaAmai, ndakatarira pakanga pakanyorwa kuti “Ceylon Tea.” Paivawo nomufananidzo wevakadzi vaitanha tii muminda yakasvibirira yeCeylon (zvino yava kunzi Sri Lanka). Nzvimbo iyi, yaiva kure zvikuru nenharaunda yokumusha kwedu isinganyanyi kunaya iri muSouth Australia, yakaita kuti ndifungidzire zvakawanda. Ceylon inofanira kunge iri nzvimbo yakanaka uye inonakidza kwazvo! Panguva iyoyo handina kumboziva kuti ndaizopedza makore 45 oupenyu hwangu ndiri mumishinari pachitsuwa ichocho chakanaka kwazvo.

NDAKABEREKWA muna April 1922, uye nyika yakanga yakasiyana kwazvo nezvayava nhasi. Mhuri yedu yaishanda papurazi raiva kwaro roga rairimwa zviyo pedyo netaundi riri kure reKimba, riri pakati pekondinendi yakakura yeAustralia uye riri kumucheto kwemaodzanyemba egwenga guru riri munharaunda yeAustralia. Paiva nezvinhu zvakawanda zvaiisa upenyu mungozi zvaisanganisira kusanaya kwemvura nguva dzose, zvirwere zvinokonzerwa nezvipembenene, uye zuva rinopisa kwazvo. Amai vangu vaishanda nesimba kuti vatarisire Baba nesu vana vatanhatu mumusha waiva musango waingova zvitumba zvemarata bedzi.

Zvisinei, kwandiri nharaunda yacho yaiva yakasununguka uye yaifadza. Ndinoyeuka kushamisika kwandaiita ndichiri muduku pandaiona mapoka enzombe dzine simba dzichifura makwenzi omusango kusvikira anyatsopera, kana kuti chamumupupuri chichimonereka nenyika yacho. Saka ndakatanga kudzidza ndisati ndatombopinda chikoro chaiva nomudzidzisi mumwe, chaiva makiromita mashanu kubva kumba.

Vabereki vangu vaifarira zvokunamata, kunyange zvazvo vakanga vasingamboendi kuchechi kwacho—kunyanya nemhaka yedaro raivapo kubva kupurazi kuenda kutaundi. Kunyange zvakadaro, mukutanga kwema1930, Amai vakatanga kuteerera hurukuro dzeBhaibheri dzaipiwa naJudge Rutherford, dzaitepfenyurwa vhiki imwe neimwe panhepfenyuro muAdelaide. Ndaifunga kuti Judge Rutherford aiva muparidzi womuAdelaide, uye ndakanga ndisinganyanyi kumufarira. Asi vhiki imwe neimwe Amai vaimirira kwazvo hurukuro dzaRutherford, vonyatsodziteerera sezvo inzwi rake rakanga risingabudi zvakanaka muredhiyo yedu yekare kare yaishanda nebhatiri.

Mamwe masikati kuchipisa, kuine huruva, kamwe karori kekare kare kakamira pamberi peimba yedu, uye varume vaviri vakanga vakapfeka zvakanaka vakaburuka. Vaiva Zvapupu zvaJehovha. Amai vakateerera shoko ravo vakapa mupiro nokuda kwemabhuku anoverengeka, avakabva vatanga kuverenga. Mabhuku aya akavabaya mwoyo zvokuti nenguva isipi vakakumbira Baba kuti vavaperekedze nemotokari kuvavakidzani kuti vataure navo pamusoro pezvavakanga vachidzidza.

Kubatsira Kunoita Shamwari Dzakanaka

Munguva pfupi pashure peizvi, mamiriro enharaunda yacho asina kunaka akatimanikidza kuti titamire kuguta reAdelaide, raiva kure nemakiromita 500. Mhuri yedu yakatanga kupinda neUngano yeZvapupu zvaJehovha yeAdelaide uye yakatanga kufambira mberi mune zvokunamata. Kutama kwatakaita kwakaita kuti ndirege kuenda kuchikoro. Ndakapedza chikoro pandaingova nemakore 13 bedzi, ndapedza giredhi rechinomwe. Ndaisava nehanya nezvakawanda, izvo zvingadai zvakanditsausa pane zvokunamata kudai ndakanga ndisina kubatsirwa nehama dzakanaka dzinoverenga—mapiyona, kana kuti vashumiri venguva yakazara—avo vairatidza kundifarira.

Nokufamba kwenguva, kushamwaridzana nehama idzi dzaishingaira kwakaita kuti chido changu chokunamata chiwedzere. Ndainakidzwa nokuva navo uye ndaiyemura kushanda nesimba kwavaiita. Saka pakapiwa chiziviso chaikurudzira basa renguva yakazara pakokorodzano yakaitwa muAdelaide muna 1940, ndakangokaruka ndaendesa zita rangu. Panguva iyoyo ndakanga ndisati ndatombobhabhatidzwa uye ndisina ruzivo rwokuparidza. Kunyange zvakadaro, kwapera mazuva mashomanana, ndakakumbirwa kuti ndinobatana neboka duku remapiyona muWarrnambool, taundi riri kure neAdelaide nemazana anoverengeka emakiromita, riri muruwa ruri pedyo rweVictoria.

Pasinei nokuti ndaiva nemwoyo miviri pakutanga, nenguva isipi ndakatanga kufarira ushumiri hwomumunda, uye ndinofara kutaura kuti izvi hazvina kupera kwemakore ose aya. Kutaura zvazviri, ndakanga ndatochinja, uye ndakatanga kufambira mberi chaizvo mune zvokunamata. Ndakaona kuti zvinokosha kuva pedyo nevaya vanoda zvinhu zvokunamata. Ndakaona kuti kukurudzira kwavo kwakanaka kungaita sei kuti tiite zvakanakisisa pasinei nedzidzo yedu uye kuti zvatinodzidza zvingatibatsira sei kwoupenyu hwedu hwose.

Kusimbiswa Nemiedzo

Pakarambidzwa basa reZvapupu zvaJehovha muAustralia, ndakanga ndangopayona kwenguva shomanana bedzi. Ndisina chokwadi kuti ndoita sei, ndakabvunza mirayiridzo kuhama, idzo dzakati kutaura nevanhu pamusoro peBhaibheri kwakanga kusina kurambidzwa. Saka ndakatanga kuenda pasuo nesuo tichingotaura nezveBhaibheri pamwe chete nemamwe mapiyona. Izvi zvakandisimbisa nokuda kwemiedzo yakanga iri mberi.

Kwapera mwedzi mina ndakasvitsa makore 18 uye ndakashevedzwa kuchiuto. Izvi zvakandipa mukana wokudzivirira kutenda kwangu pamberi pevakuru vakuru vechiuto vanoverengeka uye pamberi pamejasitiriti. Panguva iyoyo, hama dzinenge 20 dzaiva mujeri reAdelaide pamusana pokusava nokwadzakarerekera, uye ndakabva ndaiswawo mujeri mavaiva. Taishandiswa zvakaoma, tichichera matombo nokugadziridza migwagwa. Izvi zvakandibatsira kuva nounhu hwakadai sokutsungirira uye kutsunga. Kuzvibata kwedu zvakanaka uye kushinga zvakapedzisira zvaita kuti tiremekedzwe nevarindiri vejeri vakawanda.

Pandakasunungurwa kwapera mwedzi inoverengeka, ndakawana zvokudya zvakanaka uye ndakatangazve kupayona. Zvisinei, vokupayona navo vakanga vasingawaniki, saka ndakakumbirwa kuti ndinoshanda nzvimbo iri kure yemapurazi muSouth Australia ndiri ndoga. Ndakabvuma, ndokuenda nechikepe kuYorke Peninsula, ndichingova bedzi nezvokushandisa pakuparidzira uye bhasikoro. Pandakasvika, imwe mhuri yaifarira yakandiendesa kuimba duku yevaeni kwandakabatwa somwana nomumwe mukadzi aiva nomutsa. Masikati, ndaifamba nebhasikoro mumigwagwa ine huruva ndichiparidza mumataundi maduku akapararira muPeninsula yacho. Kuti ndiparidzire nzvimbo dziri kure, ndaiwanzorara mumahotera maduku kana kuti mudzimba dzevaeni. Saka, ndaifamba makiromita akawanda nebhasikoro uye ndaiva nezviitiko zvinofadza zvakawanda. Handina kumbonyanyova nebasa nokushanda ndoga, uye sezvandaiona kutarisira kwaJehovha, ndakaswedera pedyo naye.

Kukurira Pfungwa Yokunzwa Sendisina Kukodzera

Muna 1946, ndakagamuchira tsamba yokuti nditange basa rokufambira somuranda kune hama (ava kunzi mutariri wedunhu). Izvi zvaireva kushanyira ungano dzinoverengeka mudunhu raigoverwa. Ndinofanira kubvuma kuti zvaibatanidzwa mubasa iri zvakanga zvakaoma chaizvo. Rimwe zuva ndakanzwa imwe hama ichiti, “Harold haagoni kunyatsopa hurukuro, asi anoita zvakanaka mubasa romumunda.” Mashoko aya akandikurudzira zvikuru. Ndainyatsoziva kuti ndakanga ndisingagoni kunyatsokurukura uye kuronga zvinhu, asi ndaidavira kuti basa rokuparidza ndiro raiva chinhu chikuru kuvaKristu.

Muna 1947, kushanya kwakaita Hama Nathan Knorr naMilton Henschel vaibva kudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn kwakaunza mufaro mukuru. Kubvira pakauya Hama Rutherford muna 1938, ava ndivo vaiva vanhu vokutanga kutishanyira vachibva kudzimbahwe. Kokorodzano huru yakaitwa muSydney panguva yavakashanya. Kufanana nemamwe mapiyona echiduku akawanda, ndaifarira kurovedzwa kwemamishinari kwaiitwa paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chakanga chichangobva kutangwa muSouth Lansing, New York, U.S.A. Vanoverengeka vedu vaivapo taisaziva kana dzidzo yepamusoro yaidiwa kuti munhu apinde chikoro chacho. Zvisinei, Hama Knorr vakatsanangura kuti kana taigona kuverenga nyaya iri mumagazini yeNharireyomurindi toyeuka pfungwa huru, zvimwe taizobudirira kuGiriyedhi.

Ndakaona sokuti dzidzo yangu shoma yaizoita kuti ndisakodzere kupinda chikoro chacho. Asi zvakandishamisa kuti kwapera mwedzi inoverengeka ndakazokumbirwa kuti ndinyorere kunorovedzwa kuGiriyedhi. Zvadaro, ndakanzi ndiuye kuzodzidza, uye ndakapinda kirasi yechi16, yakaitwa muna 1950. Kupinda chikoro chacho kwakava chiitiko chinofadza chakawedzera zvikuru chivimbo changu. Ndakaona kuti kuwana dzidzo yepamusoro kwakanga kusiri chinhu chinokosha kuti ndibudirire. Asi, kushingaira nokuteerera ndizvo zvinhu zvikuru zvaidiwa. Varayiridzi vedu vakatikurudzira kuita nepataigona napo. Pandakateerera zano ravo, ndakafambira mberi ndakatsiga uye ndakakwanisa kunyatsotevera mirayiridzo yacho.

Kubva Kunyika Isinganyanyi Kunaya Kuenda Kuchitsuwa Chakapfuma

Pashure pokunge tapedza kudzidza, ini nedzimwe hama mbiri dzokuAustralia takatumirwa kuCeylon (yava kunzi Sri Lanka). Takasvika muguta guru racho rinonzi Colombo, muna September 1951. Kwaipisa uye kuine mhepo ine unyoro, uye takaona, tikanzwa uye tikanhuhwidza zvinhu zvakawanda zvatakanga tisingazivi. Patakaburuka chikepe, mumwe mumishinari akanga ava kutoshanda munyika yacho akandigamuchidza hendibhiri raizivisa nezvehurukuro yavose yaizopiwa musi weSvondo waitevera munzvimbo yomuguta racho inowanikwa vanhu vakawanda. Ndakashamisika kuti zita rangu rakanga rakanyorwa pahendibhiri racho—ndini ndaiva mukurukuri wacho! Unogona kufungidzira kunetseka kwandakaita. Asi mumakore andakapayona muAustralia ndakanga ndadzidza kugamuchira chero basa ripi zvaro randaipiwa. Saka ndichibatsirwa naJehovha, ndakapa hurukuro yacho yavose zvakanaka chaizvo. Pamwe chete nehama ina dzakanga dzisati dzaroora dzaitove mumusha wemamishinari muColombo panguva iyoyo, isu vatatu takatanga kudzidza mutauro wakaoma weSinhala uye kuita ushumiri hwomumunda. Nguva zhinji taishanda toga, uye taifara kuona vanhu vomunharaunda vanoremekedza uye vane mutsa. Nenguva isipi nhamba yevanhu vaipinda misangano yakatanga kuwedzera.

Nokufamba kwenguva, ndakatanga kufungisisa nezveimwe hanzvadzi piyona yakanaka, Sybil, wandakanga ndaona pandaifamba nechikepe ndichienda kunopinda Chikoro cheGiriyedhi. Iye akanga achienda kunopinda kokorodzano yemarudzi akawanda yokuNew York. Gare gare, akapinda kirasi yechi21 yeGiriyedhi achibva anzi aende kuHong Kong muna 1953. Ndakasarudza kumunyorera tsamba, uye takaramba tichinyorerana kusvikira muna 1955 pakauya Sybil kwandaiva kuCeylon, kwatakazoroorana.

Takaendeswa kuJaffna semhuri yemamishinari, guta riri kure nechokuchamhembe kweSri Lanka. Pakati pema1950, zvinetso zvematongerwe enyika zvakatanga kukamura nzanga dzeSinhala neTamil, zvichikonzera kurwisana nezvombo mumakumi emakore akazotevera. Zvaifadza sei kuona Zvapupu zvokuSinhala neTamil zvichichengetana kwemwedzi yakawanda panguva nenguva mumakore iwayo aitambudza! Miedzo iyoyo yakanatsa uye yakasimbisa kutenda kwehama dzacho.

Kuparidza uye Kudzidzisa muSri Lanka

Kujairana nenzanga dzechiHindu nechiMuslim kwaida kushivirira uye kutsungirira. Kunyange zvakadaro, takatanga kukoshesa tsika dzavo nounhu hwavo hunoyevedza. Sezvo zvakanga zvisina kujairika kuona vanhu vokune dzimwe nyika vachifamba nemabhazi omunzvimbo macho, kufamba kwataiita nemabhazi acho kwaiwanzoita kuti vanhu vatitarisise. Sybil akasarudza kuti pavaimutarira iye aizovanyemwerera. Zvaifadza sei kuona zviso zviya zvaitarisisa zvichinyemwererawo!

Pane imwe nguva, takamiswa parodhibhuroku. Pashure pokunge mupurisa aiva pabasa atibvunza kwataibva nokwataienda, akatanga kutibvunza nezvoupenyu hwedu.

“Mukadzi uyu ndiani?”

Ndakati, “Mudzimai wangu.”

“Mave nemakore mangani maroorana?”

“Makore masere.”

“Mune vana here?”

“Hatina.”

“A-aa! Makamboona chiremba here?”

Pakutanga, kuda kuziva uku kwakatishamisa, asi nokufamba kwenguva takazoona kuti kwaiva kufarira vamwe kwechokwadi kwairatidzwa nevanhu vomunharaunda yacho. Kutaura zvazviri, hwaiva humwe hwounhu hwavo hwakanakisisa. Waiti ukangomira munzvimbo ine vanhu vakawanda kwekanguva, mumwe munhu aiuya kwauri obvunza nomutsa kana aigona kukubatsira.

Kuchinja uye Kufungisisa

Kwemakore mazhinji, takapiwa mabasa akasiyana-siyana kuwedzera kubasa redu roumishinari muSri Lanka. Ndakakumbirwa kunoita basa redunhu neroruwa uye kushanda senhengo yeDare reBazi. Pakazosvika 1996, ndakanga ndava nemakore ari pakati pe70 ne80. Ndaifara pandaifunga nezvemakore anopfuura 45 ebasa roumishinari muSri Lanka. Pamusangano wokutanga wandakapinda muColombo, paiva nevanhu vanenge 20. Nhamba iyoyo yakanga yawedzera kupfuura 3 500! Ini naSybil taiona vadiwa vedu vakawanda ava sevana vedu uye vazukuru vedu. Kunyange zvakadaro, basa rakawanda rakanga richiri kufanira kuitwa munyika yacho yose—basa raida simba nemano zvevaduku kwatiri. Tichifunga nezveizvi, takabvuma zvakakumbirwa neDare Rinodzora zvokuti tidzokere kuAustralia. Izvi zvakaita kuti mhuri dzechiduku dzinokwanisa dziende kuSri Lanka semamishinari kundotitsiva.

Zvino ndava nemakore 83, uye ini naSybil tinofara kuti tichakagwinya zvakakwana kuti tipfuurire nebasa redu roupiyona chaihwo kwandaimbogara kuAdelaide. Ushumiri hwedu hunoita kuti tirambe takasvinurira uye takasununguka. Hwakatibatsirawo kuti tijairane nemararamiro akasiyana zvikuru neomunyika ino.

Jehovha akaramba achititarisira mune zvose zvatinoda zvenyama, uye hama nehanzvadzi dzomuungano yedu dzinotida zvikuru uye dzinotitsigira. Munguva pfupi yapfuura, ndakapiwa basa idzva. Ndinofanira kushanda somunyori muungano yedu. Saka, ndakaona kuti sezvo ndichiedza kushumira Jehovha ndakatendeka, ndiri kuramba ndichidzidza. Pandinofunga nezvemakore ose aya, zvinogarondishamisa kuti kakomanawo zvako, komusango kasina hanya nezvakawanda kaigona kuwana dzidzo inoshamisa zvakadaro—yave ichienderera kwoupenyu hwose.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Musi womuchato wedu, muna 1955

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ndiri mubasa romumunda naRajan Kadirgamar, hama yomuungano, muna 1957

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ndiina Sybil iye zvino