Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kumirira Kwako Kwakadini?

Kumirira Kwako Kwakadini?

Kumirira Kwako Kwakadini?

VANHU vakawanda nhasi havakwanisi kushivirira kana vachifanira kumirira mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu. Zvisinei, Magwaro anokurudzira vanhu vaMwari kuti vadzidze ‘kumirira.’ Kusiyana nevanhu vomunharaunda yake, muprofita Mika akazivisa kuti: “Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.”—Mika 7:7; Mariro aJeremiya 3:26.

Zvisinei, zvinorevei kumirira Jehovha? MuKristu anofanira kumirira Mwari sei? Pane nzira dzakakodzera nedzisina dzokuita izvi here? Zvakaitika kumuprofita Jona womuzana remakore rechipfumbamwe B.C.E. zvinopa chidzidzo panyaya yacho.

Kumirira Nechikonzero Chisina Kururama

Jehovha Mwari akarayira Jona kuti aende kunoparidzira vanhu vokuNinevhe, muzinda woUmambo hweAsiriya. Guta reNinevhe raizivikanwa se“guta reropa” pamusana pokuti raiva noutsinye hwakaipa zvikuru, zvinonyatsopupurirwa nevanyori venhau nevacheri vematongo. (Nahumi 3:1) Pakutanga Jona akaedza kunzvenga basa iri, asi Jehovha akava nechokwadi chokuti muprofita wacho akazopedzisira aenda kuNinevhe.—Jona 1:3–3:2.

“Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti: Kwasara mazuva ane makumi mana, ipapo Ninevhe richaparadzwa.” (Jona 3:4) Zvakataurwa naJona zvakagamuchirwa zvinoshamisa. “Vanhu veNinevhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.” (Jona 3:5) Naizvozvo, Jehovha, Mwari asina “waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza,” akaponesa guta racho.—2 Petro 3:9.

Jona akaitei? Nhoroondo yacho inoti: “Asi zvakaodza mwoyo waJona kwazvo, akatsamwa.” (Jona 4:1) Nei? Jona angangodaro akafunga kuti kuzivisa kwake kuparadzwa kusina kuzadzika pamusi waakanga ataura kwakaita kuti anyare sezvo aiva muprofita. Zviri pachena kuti akanyanyova nehanya nomukurumbira wake pane kuitirwa ngoni uye kuponeswa kwevamwe.

Zvechokwadi, Jona haana hake kuzosvika pakusiya basa rake somuprofita. Kunyange zvakadaro, akamirira kuti ‘agoona zvichaitirwa guta.’ Asi, akava nepfungwa yokuti chero zvazvaita, iyo yakamuita kuti arege kushanda achingomirira kuona zvaizoitika. Paakaona kuti zvinhu hazvina kuitika sezvaaitarisira, akavaka musasa, akagara mumumvuri wacho akarundumwara achimirira kuona zvaizoitika. Zvisinei, Jehovha haana kufarira mafungiro aJona, saka akaruramisa mafungiro akanga asina kururama omuprofita wake.—Jona 4:5, 9-11.

Zvinoita Kuti Jehovha Ashivirire

Kunyange zvazvo guta reNinevhe rakapfidza ndokuponeswa, rakadzokerazve munzira dzakaipa. Jehovha akafanotaura kuti raizoparadzwa achishandisa vaprofita Nahumi naZefania. Achitaura nezve“guta reropa,” Jehovha akazivisa kuti aizoparadza Asiriya oita kuti Ninevhe rive dongo. (Nahumi 3:1; Zefania 2:13) Muna 632 B.C.E., guta reNinevhe rakaparadzwa, zvokuti harina kuzombovapozve.

Saizvozvowo, nyika nhasi ine mhaka yokudeura ropa zvoutsinye pamwero mukuru zvikuru kupfuura zvakaitwa neNinevhe yekare. Nokuda kweizvi nezvimwe zvikonzero, Jehovha akarayira kuti nyika ino yakaipa ichaguma pa“kutambudzika kukuru” kusati kwamboitika.—Mateu 24:21, 22.

Zvisinei, Jehovha akambomisa kuparadza kwaakapikira kuitira kuti vanhu vanomuda nomwoyo wose nhasi vapfidze uye vaponeswe, sezvakaitwa vaNinevhe vakapfidza. Muapostora Petro anotaura nezvokushivirira kwaMwari nemashoko aya, anoti: “Jehovha haanonoki pachipikirwa chake, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”—2 Petro 3:9, 10, 13.

Kumirira Nechikonzero Chakarurama

Petro anoenderera mberi achiti: “Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha!” (2 Petro 3:11, 12) Ona kuti patinenge tichimirira zuva raJehovha, tinofanira kunge tichiita “mabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari”—kuita basa ndiko kwakakodzera, kwete kusaita basa.

Chokwadi, kumirira kwakakodzera kunoratidza chivimbo chakakwana chokuti zuva raJehovha richauya panguva chaiyoiyo yakatarwa naJehovha. Kutenda kwakadaro kunoita kuti pave nemabasa matsvene aMwari, uye kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nderimwe remabasa acho makuru. Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka wokuparidza, uye akarayiridza vateveri vake vakazodzwa kuti: “Zviuno zvenyu ngazvive zvakasungwa uye marambi enyu achibvira, uye imi itai sevarume vakamirira tenzi wavo paanodzoka achibva kumuchato, kuti paanosvika achigogodza vagomuzarurira pakarepo. Vanofara varanda avo vanoti kana tenzi achisvika anovawana vachirinda!”—Ruka 12:35-37.

Varanda vomuzana remakore rokutanga ‘vaisunga zviuno’ nokukwinyira kwaiperera nguo dzavo mubhande rejira kuti vaite basa rakaoma. Saka, muKristu anofanira kuva munhu akasimba, anoshingairira mabasa akanaka. Anofanira kurwisa miitiro yose yo“usimbe” yokusaita basa mune zvokunamata, orega kushandisa simba rake mune zvemafaro kana kuti kunyanyisa kutsvaka zvinhu zvenyama. Pane kudaro, anofanira kuva “nezvakawanda zvokuita mubasa raShe” paanenge achimirira zuva guru nerinotyisa raJehovha.—VaRoma 12:11; 1 VaKorinde 15:58.

Kushingaira Patinenge Tichimirira

Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvakabatikana pazvinenge zvichimirira zuva raJehovha. Somuenzaniso, mugore rebasa ra2003, zvakaita avhareji yemaawa 3 383 000 zuva rimwe nerimwe zvichiparidza shoko raJehovha. Chimbofungidzira hako kuti Chapupu chimwe chaizofanira kuparidza chisina kumbomira kwemakore 386 kuti chiite zvakaitwa muzuva rimwe!

Kunyange zvakadaro, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Kumirira kwangu kwakadini?’ Jesu akapa mufananidzo unorondedzera kubishaira kunotarisirwa vaKristu vakazodzwa vakatendeka. Akataura nezvevaranda vatatu achiti: “[Tenzi wacho] akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwezve rimwe, mumwe nomumwe maererano nemano ake, akaenda kunze kwenyika. Uya akagamuchira matarenda mashanu akabva angoenda akaita bhizimisi nawo akawana mamwe mashanu. Nenzira yakafanana uya akagamuchira maviri akawana mamwe maviri. Asi uya akagamuchira rimwe chete akaenda, akachera muvhu akavanza mari yesirivha yatenzi wake.”—Mateu 25:15-19.

Varanda vacho vose vari vatatu vakamirira kuti tenzi adzoke. Vaviri vakaramba vakabatikana pavaimirira tenzi wavo paakasvika vakaudzwa kuti: “Waita zvakanaka, muranda akanaka uye akatendeka!” Zvisinei, uya akamirira asina zvaaiita akabatwa zvakasiyana. Tenzi akati: “Kandirai muranda pasina murima riri kunze.”—Mateu 25:20-30.

Kunyange zvazvo mufananidzo uyu uchishanda kuvaKristu vakazodzwa, pane chidzidzo kwatiri tose pasinei netariro yedu. Tenzi wacho, Jesu Kristu, anotarisira mumwe nomumwe wedu kuti aite basa rake nokushingaira patinenge tichimirira kusvika kwake pazuva guru raJehovha. Anokoshesa basa romumwe nomumwe “maererano nemano ake” uye mamiriro ake ezvinhu. Uchava mufaro wakadini kunzwa Tenzi achiti “waita zvakanaka” apo kumirira kunezenge kwapera!

Kushivirira kwaShe Wedu Kunoreva Ruponeso

Zvakadini kana nyika ino ikaramba iripo kwenguva yakareba kupfuura zvataimbofunga kana kuti zvataitarisira? Panenge pane chikonzero. Muapostora Petro akanyora kuti: “Fungai nezvekushivirira kwaShe wedu soruponeso.” (2 Petro 3:15) Kuziva zvakarurama chinangwa chaMwari uye kuzvininipisa tichiziva kuti hatikoshi kupfuura kuzadzika kwechinangwa chake zvichaita kuti tigone kushivirira chero bedzi Jehovha achiona zvakakodzera kuti ashivirire nyika ino.

Kuti akurudzire vaKristu kushivirira, Jakobho, munyori weBhaibheri akataura mufananidzo. Akanyora kuti: “Tarirai! Murimi anoramba achimirira chibereko chinokosha chepasi, achichishivirira kusvikira awana mvura yokutanga nemvura yokupedzisira. Nemiwo shivirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuvapo kwaShe kwaswedera pedyo.”—Jakobho 5:7, 8.

Jehovha Mwari haadi kuti tinete kana kuti tikande mapfumo pasi patinenge tichimirira. Ane basa rokuti tiite uye anofara kana tikashandisa nguva yokumirira kuti tibishaire mubasa iroro. Anoda kuti tive pakati pevaya vanorondedzerwa nomuapostora Pauro mutsamba yake kuvaHebheru achiti: “Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze kubishaira kwakafanana naikoko kuti muve nechivimbo chakakwana chetariro kusvikira kumugumo, kuti murege kuva vane usimbe, asi muve vatevedzeri veavo vanogara nhaka yezvipikirwa nokutenda nokushivirira.”—VaHebheru 6:11, 12.

Saka ngatiregei kuneta. Asi, ukama hwedu naJehovha Mwari, kutenda kwedu muchibayiro chorudzikinuro chaJesu, uye tariro yedu inofadza mumamiriro ezvinhu matsva ngazvitisimbise muupenyu hwedu. Somuranda “akanaka uye akatendeka” womumufananidzo waJesu, ngatiratidzei kuti takakodzera kurumbidzwa uye kupiwa mubayiro kuburikidza nokuramba takabatikana mukurumbidza Mwari wedu, sezvakaita munyori wepisarema uyo akati: “Ini ndicharamba ndichitarira, ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai.”—Pisarema 71:14.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Aora mwoyo, Jona akamirira kuti aone zvaizoitika kuNinevhe

[Mifananidzo iri papeji 22, 23]

Ngatiratidzei kuzvipira kuna Mwari patinenge tichimirira zuva raJehovha