Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muapostora Johani paakanyora kuti “rudo rwakakwana runodzingira kutya kunze,” airevei nokuti “rudo rwakakwana,” uye “kutya” kupi kunodzingirwa kunze?

“Murudo hamuna kutya,” akanyora kudaro muapostora Johani, “asi rudo rwakakwana runodzingira kutya kunze, nokuti kutya kunodzivisa. Zvechokwadi, uyo anotya haana kukwaniswa murudo.”—1 Johani 4:18.

Zviri kutaurwa zvinoratidza kuti Johani akanga achitaura nezvorusununguko rwokutaura—zvikurukuru kubatana kwokuda Mwari norusununguko rwokutaura Naye. Izvi zvinogona kuonekwa mune zvatinoverenga 1Jo 4 mundima 17 kuti: “Aya ndiwo makwanisirwe akaitwa rudo kwatiri, kuti tive norusununguko rwokutaura pazuva rokutongwa.” Ukuru hwokuda Mwari kwomuKristu uye kunzwa kwaanoita kuti anodiwa naMwari ndizvo zvinoita kuti ave norusununguko rwokutaura kana kuti asave narwo paanonyengetera kuna Mwari.

Mashoko okuti “rudo rwakakwana” ane zvaanoreva. Sokushandiswa kwarinoitwa muBhaibheri, shoko rokuti “kukwana” nguva dzose harirevi kukwana mupfungwa yakazara, kureva kuti, pamwero mukuru, asi kazhinji mupfungwa isina kuzara. Somuenzaniso, muMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Naizvozvo munofanira kuva vakakwana, sezvo Baba venyu vokudenga vakakwana.” Jesu akanga achiudza vateveri vake kuti kana vaingoda bedzi vaya vaivada, rudo rwavo rwaizova rusina kukwana, ruchiperevedza, rusina kuzara. Vaifanira kuita kuti rudo rwavo ruve rwakakwana, kana kuti ruve rwakazara, nokudawo kunyange vavengi vavo. Saizvozvowo, Johani paakanyora nezvo“rudo rwakakwana,” akanga achitaura nezvokuda Mwari kwomwoyo wose, kwakakwana, uye kunobatanidza upenyu hwose hwomunhu.—Mateu 5:46-48; 19:20, 21.

Paanenge achinyengetera kuna Mwari, muKristu anenge achinyatsoziva kuti iye munhu anotadza uye haana kukwana. Zvisinei, kana kuda kwake Mwari uye kunzwa kwaanoita kuti anodiwa naMwari zvikakudziridzwa zvakazara, haadziviswi nokutya kupiwa mhosva kana kuti kurambwa. Asi, anova norusununguko rwokutaura pakuratidza zviri mumwoyo make uye kukumbira ruregerero pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro icho Mwari akapa norudo achishandisa Jesu Kristu. Anonzwa aine chokwadi chokuti kukumbira kwake kunonzwiwa zvakanaka naMwari.

Munhu anga“kwaniswa murudo” sei ‘ndokudzingira kunze’ kutya kupiwa mhosva kana kuti kurambwa? “Munhu wose anochengeta shoko rake [raMwari], kuda Mwari kwakakwaniswa zvechokwadi mumunhu uyu,” akadaro muapostora Johani. (1 Johani 2:5) Chimbofunga: Kana Mwari akatida patakanga tichiri vatadzi, aisazotida zvikuru here tose kana tikapfidza zvepachokwadi toshingairira ku“chengeta shoko rake”? (VaRoma 5:8; 1 Johani 4:10) Zvechokwadi, chero tikaramba takatendeka, tinogona kuva nevimbiso seyaiva nomuapostora Pauro paakataura nezvaMwari achiti: “Iye asina kunyange kurega Mwanakomana wake asi akamupa nokuda kwedu tose, angaregerereiko kutipawo zvimwe zvinhu zvose naye?”—VaRoma 8:32.