Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndivanaani Vari Kupa Mbiri Kuna Mwari Nhasi?

Ndivanaani Vari Kupa Mbiri Kuna Mwari Nhasi?

Ndivanaani Vari Kupa Mbiri Kuna Mwari Nhasi?

“Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba.”—ZVAKAZARURWA 4:11.

1, 2. (a) Mienzaniso ipi inoratidza unyanzvi hwokugadzira zvinhu pachitevedzerwa zvakasikwa? (b) Mubvunzo upi unomuka, uye ndeipi mhinduro yacho?

RIMWE zuva kuma1940, George de Mestral, injiniya wokuSwitzerland akatora imbwa yake ndokubuda zvake kuti ambotwasanudza makumbo. Pakudzoka kumba, akaona kuti mbatya dzake uyewo makushe embwa zvakanga zvazara netsine. Achida kuziva, akaongorora tsine dzacho nemaikorosikopu uye akashamiswa notuhocheko twaikochekera pachinhu chose chatwaigona kubatirira. Pakupedzisira, akagadzirawo chinhu chinoitawo izvozvo—Kiroshi. De Mestral haasi iye oga akatevedzera zvinhu zvakasikwa. MuUnited States, vanakomana vokwaWright vakagadzira ndege pashure pokuongorora shiri huru dzichibhururuka. Injiniya wokuFrance anonzi Alexandre-Gustave Eiffel akagadzira shongwe iri kuParis ine zita rake, achishandisa zvaakaona chaizvo zvinoita kuti pfupa rechidya chomunhu rigone kutsigira uremu hwomuviri.

2 Mienzaniso iyi inonyatsoratidza kuti kazhinji vanhu vave vachitevedzera unyanzvi hwavanoona muzvinhu zvakasikwa. Zvisinei, zvine musoro kubvunza kuti: Vagadziri vezvinhu vanopa mbiri kakawanda zvakadini kune Uyo akagadzira tutsine, shiri huru, pfupa rechidya chomunhu, uye zvimwe zvinhu zvose zvoungwaru zvinotevedzerwa izvo vanhu vanotarisa pazviri pavanenge vachigadzira zvinhu zvitsva? Chokwadi chinosuruvarisa ndechokuti munyika yanhasi, Mwari haawanzopiwi mbiri kana kuti kukudzwa sezvaanofanira kuitwa.

3, 4. Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “mbiri” rinorevei, uye rinofanira kurevei parinoshandiswa kuna Jehovha?

3 Vamwe vangashamisika kuti, ‘Nei Mwari achifanira kupiwa mbiri? Handiti Mwari anotova nembiri here?’ Chokwadi, Jehovha ndiye Munhu ane mbiri kudarika vose pane zvose zvakasikwa, asi izvozvo hazvirevi kuti iye ane mbiri mukuona kwevanhu vose. MuBhaibheri, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “mbiri” rine pfungwa huru yo“uremu.” Rinoreva nezvechinhu chose chinoita kuti munhu aite seane chiremera kana kuti anokosha kune vamwe. Parinoshandiswa kuna Mwari, rinoreva nezvechinhu chiya chinoita kuti Mwari ave anoshamisa kuvanhu.

4 Nhasi vanhu vazhinji havambofungi nezvezvinoita kuti Mwari ashamise. (Pisarema 10:4; 14:1) Kutaura zvazviri, vanhu vane mukurumbira munzanga vakafurira vanhu kusaremekedza Musiki wezvose ane mbiri, ndokunge ivo vachitombodavira muna Mwari. Vakazviita munzira dzipi?

“Havana Pembedzo”

5. Masayendisiti akawanda anotsanangura sei zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa?

5 Masayendisiti akawanda anoomerera pakuti hakuna Mwari. Saka, anotsanangura sei zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa, kusanganisira vanhu? Anoti zvinoshamisa izvozvo zvakavapo nokushanduka-shanduka, simba risingaoneki rinodzorwa nezvinhu zvinongoerekana zvaitika. Somuenzaniso, mutsigiri wezvokushanduka-shanduka Stephen Jay Gould akanyora kuti: “Tiri pano nokuti paiva nerimwe boka rehove dzinoshamisa dzaiva nezvimbi zvaigona kuchinja kuita makumbo ezvisikwa zvepasi pano . . . Tingada mhinduro ‘yakakwirira’—asi haipo.” Saizvozvowo, Richard E. Leakey naRoger Lewin vakanyora kuti: “Zvichida kuvapo kwemarudzi evanhu chingori chikanganiso chikuru chakaitika pazvinhu zvipenyu.” Kunyange mamwe masayendisiti anorumbidza kunaka uye magadzirirwo ezvakasikwa anotadza kupa mbiri kuna Mwari.

6. Chii chinotadzisa vakawanda kupa mbiri kuna Mwari yakamufanira soMusiki?

6 Vanhu vakadzidza pavanotaura kuti kushanduka-shanduka chinhu chechokwadi, vanoreva kuti vanhu vasingazivi bedzi ndivo vanoramba kukudavira. Vakawanda vanoita sei nokutaura kwakadaro? Makore akati wandei akapfuura, mumwe munhu ainyatsoziva nezvokushanduka-shanduka akabvunzurudza vanhu vanodavira dzidziso yacho. Akati: “Ndakaona kuti vanhu vakawanda vanodavira kushanduka-shanduka vanodaro nokuti vakaudzwa kuti vanhu vose vakangwara ndizvo zvavanodavira.” Chokwadi, vanhu vakadzidza pavanotaura pfungwa dzavo dzokuti hakuna Mwari, vanotadzisa vamwe kupa mbiri kuna Mwari yakamufanira soMusiki.—Zvirevo 14:15, 18.

7. Maererano naVaRoma 1:20, chii chinogona kunyatsooneka kubva pazvinhu zvakasikwa zvinooneka, uye nei?

7 Masayendisiti akasvika pakutaura kuti hakuna Mwari nokuti uchapupu hunoratidza izvozvo here? Kwete! Takakomberedzwa nouchapupu hwokuti kune Musiki. Nezvake, muapostora Pauro akanyora kuti: “Izvo zvaari zvisingaoneki zvinonyatsooneka kubvira pakusikwa kwenyika [yevanhu], nokuti anonzwisiswa nezvinhu zvakaitwa, iro simba rake risingagumi nokuva Mwari kwake, zvokuti [vasingatendi] havana pembedzo.” (VaRoma 1:20) Tinogona kuona uchapupu hwakajeka hwokuti kune Musiki mumabasa ake. Saka Pauro ari kutaura kuti kubvira pakutanga kwokuvapo kwevanhu, zvave zvichibvira kuti vanhu ‘vanzwisise’ uchapupu hwokuvapo kwaMwari kubva pazvinhu zvakasikwa zvinooneka. Uchapupu uhwu huri kupi?

8. (a) Matenga anopupurira sei simba nouchenjeri zvaMwari? (b) Chiratidzo chipi chiripo chokuti zvinhu zvose zvine Chakakonzera Kuti Zvivepo Pakutanga?

8 Tinoona uchapupu hwaMwari mudenga rizere nenyeredzi. Pisarema 19:1 rinoti, “Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari.” “Kudenga-denga”—zuva, mwedzi, nenyeredzi—zvinopupurira simba uye uchenjeri zvaMwari. Nyeredzi zhinjizhinji dzinotishamisa. Zvinhu zvose zviri mudenga izvi zvinofamba muchadenga, kwete zvisina gwara, asi zvichitevera mitemo chaiyo inozvidzora. * (Isaya 40:26) Zvine musoro here kuti kurongeka kwakadaro kwakangoerekana kwaitika? Chaizvoizvo, masayendisiti akawanda anoti zvose zvakasikwa zvakangotanga kamwe kamwe. Achitsanangura zvinorehwa neizvi, mumwe purofesa akanyora kuti: “Kuti zvinhu zvose zvakangogara zviripo ipfungwa ingawirirana neyokuti Mwari haako kana kuti haazivikanwi. Saizvozvowo, kuti zvinhu zvose zvine pazvakatangira kunozoda chakakonzera kuti zvivepo pakutanga; nokuti ndiani angafungidzira kuti zvinhu zvakadaro zvakaitika pasina chakanyatsozvikonzera?”

9. Uchenjeri hwaJehovha hunopupurirwa sei pamhuka dzakasikwa?

9 Pasi pano tinoonawo uchapupu hwaMwari. Munyori wepisarema akati: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; pasi pazere nepfuma yenyu.” (Pisarema 104:24) “Pfuma” yaJehovha, kusanganisira mhuka, zvinopupurira uchenjeri hwake. Sezvataona pakutanga, magadzirirwo ezvinhu zvipenyu akakwirira kwazvo zvokuti masayendisiti anowanzoda kuatevedzera. Chimbofunga mimwe mienzaniso mishomanana. Vanotsvakurudza vari kuongorora nyanga dzemhuka dzinonzi deer vaine chinangwa chokugadzira heremeti dzakasimba; vari kuongorora marudzi enhunzi dzakasiyana-siyana dzinonyatsonzwa vaine chinangwa chokuvandudza zvinhu zvinoshandiswa kuyamura kunzwa; uye vari kuongorora minhenga yemapapiro emazizi vaine pfungwa yokuvandudza ndege dzinobhururuka dzisingaonekwi nomuchina unonzi radar. Asi chero akaedza sei, munhu haangagoni kunyatsotevedzera zvinhu zvacho chaizvo zvakangogara zvakadaro. Bhuku rinonzi Biomimicry—Innovation Inspired by Nature rinoti: “Zvinhu zvipenyu zvakaita zvinhu zvose zvatinoda kuita, zvisingadirwi peturu, zvisingasvibisi pasi, kana kuti zvisingakanganisi remangwana razvo.” Zvechokwadi uchenjeri chaihwo!

10. Nei zvisina musoro kuramba kuvapo kwoMugadziri Mukuru? Enzanisira.

10 Kunyange ukatarira kumatenga kumusoro kana kuti pane zvakasikwa pasi pano, uchapupu hwoMusiki hwakajeka. (Jeremia 10:12) Tinofanira kubvumirana nomwoyo wose nezvisikwa zvokudenga zvinodanidzira zvichiti: “Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose.” (Zvakazarurwa 4:11) Asi, masayendisiti akawanda anotadza kuona uchapupu ‘nemaziso emwoyo yawo,’ kunyange zvazvo angashamiswa nemagadzirirwo ezvinhu zvaanoona nemaziso awo chaiwo. (VaEfeso 1:18) Tinogona kuzvienzanisira seizvi: Kuyemura runako nemagadzirirwo ezvinhu zvakasikwa toramba kuvapo kwoMugadziri Mukuru hazvina musoro sezvakangoita kuyemura mufananidzo wakanaka asi toramba kuvapo kwomunyori wemifananidzo akachinja tende risina kunyorwa ndokuva mufananidzo wakaisvonaka. Hazvishamisi kuti vaya vanoramba kutenda kuti kuna Mwari ‘havapembedzwi’!

“Vatungamiriri Vari Mapofu” Vanotsausa Vakawanda

11, 12. Dzidziso yokuti zvose zvinoitika zvakagara zvakarongwa inobva pakufungidzira kupi, uye chii chinoratidza kuti dzidziso iyi haipi mbiri kuna Mwari?

11 Vanhu vakawanda vechitendero vanotenda nemwoyo wose kuti manamatiro avo anopa mbiri kuna Mwari. (VaRoma 10:2, 3) Zvisinei, chitendero chose zvacho chinoumba chimwe chikamu chenzanga yevanhu chiri kutotadzisa mamiriyoni evanhu kupa mbiri kuna Mwari. Sei? Ngatimbokurukurai nzira mbiri.

12 Kutanga, zvitendero zvinobvisa mbiri kuna Mwari nedzidziso dzenhema. Tora somuenzaniso dzidziso yokuti zvose zvinoitika zvakagara zvakarongwa. Dzidziso iyi inobva pakufungidzira kuti sezvo Mwari aine simba rokuziva nguva yemberi, anofanira kufanozivawo mugumisiro wezvinhu zvose. Saka, dzidziso yokuti zvose zvinoitika zvakagara zvakarongwa inopa pfungwa yokuti Mwari akafanoronga nguva yemberi kubvira kare—yakanaka kana kuti yakaipa—yevanhu vose. Maererano nepfungwa iyi, Mwari ndiye anofanira kupomerwa kutambura kwose nouipi zviri munyika yanhasi. Haitombopi mbiri kuna Mwari kana achishorwa nemhaka yezvinhu zvinoparirwa noMuvengi mukuru, Satani, uyo anonzi neBhaibheri “mutongi wenyika”!—Johani 14:30; 1 Johani 5:19.

13. Nei huri upenzi kufunga kuti Mwari anoziva zvose zvose zvichaitika munguva yemberi? Enzanisira.

13 Dzidziso yokuti zvose zvinoitika zvakagara zvakarongwa haisi yomuMagwaro uye inochera Mwari. Inovhiringidza zvaanogona kuita nezvaanoita chaizvoizvo. Chokwadi chokuti Mwari anogona kufanoona zviitiko chinotaurwa zvakajeka muBhaibheri. (Isaya 46:9, 10) Zvisinei, hazvina musoro kufunga kuti anoziva zvose zvichaitika munguva yemberi kana kuti ndiye anokonzera zvose zvinoitika. Kuenzanisira: Ngatitii waiva nesimba rakawanda. Izvozvo zvaizokuita kuti unzwe uchida kungosimudza chinhu chose chaunoona chinorema here? Chokwadi kwete! Saizvozvowo, kugona kuziva nguva yemberi hakumanikidzi Mwari kufanoziva kana kufanosarudza zvinhu zvose zvose. Anosarudza zvaanoda kufanoziva. * Zviri pachena kuti dzidziso dzenhema, kusanganisira yokuti zvose zvinoitika zvakagara zvakarongwa, hadzipi mbiri kuna Mwari.

14. Machechi akazvidza Mwari munzira ipi?

14 Nzira yechipiri iyo machechi anozvidza nayo Mwari, mufambiro wevateveri vawo. VaKristu vanotarisirwa kutevera dzidziso dzaJesu. Pakati pezvimwe zvinhu, Jesu akadzidzisa vateveri vake ‘kuti vadanane’ uye kuti varambe vasiri “rutivi rwenyika.” (Johani 15:12; 17:14-16) Zvakadini nevafundisi vechiKristudhomu? Vakanyatsotevera dzidziso idzodzo here?

15. (a) Chii chinoitwa nevafundisi kana totaura nezvehondo dzenyika? (b) Mufambiro wevafundisi wakaita kuti mamiriyoni evanhu aite sei?

15 Chimbofunga zvinoitwa nevafundisi kana totaura nezvehondo. Vakatsigira, vakarerutsa, vakatotungamirira hondo dzakawanda dzenyika. Vakapa mbiri kumauto uye vakatoita kuti kuuraya kuite sekwakanaka. Tinonzwa tichida kubvunza kuti, ‘Vafundisi ivavo havana kumbofunga here kuti vamwe vavo vanenge vari kudivi rinopikisa vanenge vachiitawo zvakafanana?’ (Ona bhokisi rinoti “Mwari Ari Kudivi Raani?”) Vafundisi vanenge vasiri kupa mbiri kuna Mwari pavanoti vanotsigirwa naye muhondo dzinodeura ropa zvikuru; vanenge vasiriwo kupa mbiri kuna Mwari pavanoti zvinodiwa neBhaibheri ndezvechinyakare uye pavanobvumira unzenza hwemarudzi ose. Vanonyatsotiyeuchidza nezvevatungamiriri vechitendero vakanzi naJesu “vasingateereri mutemo” uye “vatungamiriri vari mapofu”! (Mateu 7:15-23; 15:14) Mufambiro wevafundisi wakaita kuti kuda Mwari kwemamiriyoni evanhu kutonhore.—Mateu 24:12.

Ndivanaani Vari Kunyatsopa Mbiri Kuna Mwari?

16. Kuti tipindure mubvunzo wokuti ndivanaani vari kunyatsopa mbiri kuna Mwari, nei tichifanira kuona zviri muBhaibheri?

16 Kana vanhu venyika vane mukurumbira uye vane simba vakatadzawo kupa mbiri kuna Mwari, saka ndivanaani vari kunyatsoita kudaro? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kushandisa Bhaibheri. Zvine musoro kuti Mwari ane kodzero yokutaura kuti anofanira kupiwa mbiri sei, uye anotaura zvaanoda muShoko rake, Bhaibheri. (Isaya 42:8) Ngatikurukurei nzira nhatu dzokupa nadzo mbiri kuna Mwari, mune imwe neimwe tichipindura mubvunzo wokuti nhasi ndivanaani zvechokwadi vari kuita kudaro.

17. Jehovha pachake akaratidza sei kuti kupa mbiri kuzita rake chinhu chinokosha pane zvaanoda, uye nhasi ndivanaani vari kurumbidza zita raMwari pasi pose?

17 Kutanga, tinogona kupa mbiri kuna Mwari nokurumbidza zita rake. Kuti kuita kudaro kunokosha pane zvinodiwa naMwari zvinooneka pane zvakataurwa naJehovha kuna Jesu. Mazuva mashomanana asati afa, Jesu akanyengetera kuti: “Baba, ipai mbiri zita renyu.” Zvadaro inzwi rakapindura richiti: “Ndakaripa mbiri uye ndicharipazve mbiri.” (Johani 12:28) Hapana mubvunzo kuti Jehovha pachake ndiye aitaura. Mumhinduro yake, zviri pachena kuti kupiwa mbiri kwezita rake kunokosha kwaari. Saka, ndivanaani nhasi vari kupa mbiri kuna Jehovha nokuita kuti zita rake rizivikanwe uye rirumbidzwe pasi pose? Zvapupu zvaJehovha ndizvo zviri kuita kudaro munyika 235!—Pisarema 86:11, 12.

18. Tingaziva sei vaya vari kunamata Mwari ne“chokwadi,” uye iboka ripi rave richidzidzisa chokwadi cheBhaibheri kwemakore anopfuura zana?

18 Chechipiri, tinogona kupa mbiri kuna Mwari nokudzidzisa chokwadi pamusoro pake. Jesu akati vanamati vechokwadi vaizo“namata [Mwari] . . . nechokwadi.” (Johani 4:24) Tingaziva sei vaya vari kunamata Mwari ne“chokwadi”? Vanofanira kuramba dzidziso dzisingabvi muBhaibheri uye dzinotaura zvisizvo nezvaMwari uye zvaanoda. Asi, vanofanira kudzidzisa chokwadi chaicho cheShoko raMwari, kusanganisira zvinotevera: Jehovha ndiye Mwari Wokumusorosoro, uye iye bedzi ndiye anofanira kupiwa mbiri yenzvimbo iyi (Pisarema 83:18); Jesu Mwanakomana waMwari uye Mutongi akagadzwa woUmambo hwaMwari hunotongwa naMesiya (1 VaKorinde 15:27, 28); Umambo hwaMwari huchatsvenesa zita raJehovha ndokuzadzika chinangwa chake nokuda kwepasi rino nevanhu vanogara mariri (Mateu 6:9, 10); mashoko akanaka oUmambo uhwu anofanira kuparidzwa pasi pose. (Mateu 24:14) Kwemakore anopfuura zana, iboka rimwe bedzi rave richidzidzisa chokwadi chinokosha ichocho nokutendeka—Zvapupu zvaJehovha!

19, 20. (a) Nei mufambiro wakanaka womuKristu ungapa mbiri kuna Mwari? (b) Mibvunzo ipi ingatibatsira kuziva vari kupa mbiri kuna Mwari nhasi nokuramba vaine mufambiro wakanaka?

19 Chechitatu, tinogona kupa mbiri kuna Mwari nokurarama maererano nezvaanoda. Muapostora Petro akanyora kuti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka kwazvo pakati pemamwe marudzi, kuti, muchinhu chavanokupomerai sevaiti vezvakaipa, vape mbiri kuna Mwari pazuva rokuongorora kwake nemhaka yemabasa enyu akanaka kwazvo avanoona.” (1 Petro 2:12) Mufambiro womuKristu unoratidza kutenda kwake. Vacherechedzi pavanoona izvozvo—kureva kuti, pavanoona kuti mufambiro wakanaka womuKristu mugumisiro chaiwo wokutenda kwake—zvinopa mbiri kuna Mwari.

20 Ndivanaani nhasi vari kupa mbiri kuna Mwari nokuramba vaine mufambiro wakanaka? Iboka ripi rechitendero rakarumbidzwa nehurumende dzakawanda pamusana pokuva norunyararo, rine vanhu vanoteerera mutemo vachibhadhara mitero yavo? (VaRoma 13:1, 3, 6, 7) Vanhu vapi vanozivikanwa pasi pose pamusana pokubatana kwavo nevavanonamata navo—kubatana kunokurira misiyano yorusaruraganda, urudzi, uye madzinza? (Pisarema 133:1; Mabasa 10:34, 35) Iboka ripi rinozivikanwa pasi pose nokuda kwebasa raro rokudzidzisa Bhaibheri rinokurudzira kuremekedza mutemo, tsika dzemhuri, uye tsika dzeBhaibheri? Panongova neboka rimwe chete rinopupurirwa nomufambiro waro wakanaka mune izvi uye mune zvimwe zvinhu—Zvapupu zvaJehovha!

Uri Kupa Mbiri Kuna Mwari Here?

21. Nei tichifanira kufunga kana isu somunhu mumwe nomumwe tiri kupa mbiri kuna Jehovha?

21 Mumwe nomumwe wedu anoita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ini pachangu ndiri kupa mbiri kuna Jehovha here?’ Maererano nePisarema 148, zvakasikwa zvakawanda zvinopa mbiri kuna Mwari. Ngirozi, matenga, pasi nemhuka dzaro—zvose zvinorumbidza Jehovha. (Pis 148 Ndima 1-10) Zvinosuruvarisa kwazvo kuti vanhu vakawanda nhasi havasi kumurumbidza! Kana uchirarama nenzira inopa mbiri kuna Mwari, uri kuita zvinoenderana nezvinhu zvose zvakasikwa zviri kurumbidza Jehovha. (Pis 148 Ndima 11-13) Ndiyo bedzi nzira yakanaka yokushandisa nayo upenyu hwako.

22. Nokupa mbiri kuna Jehovha, unokomborerwa munzira dzipi, uye unofanira kutsunga kuitei?

22 Nokupa mbiri kuna Jehovha, unokomborerwa munzira dzakawanda. Sezvaunotenda muchibayiro chorudzikinuro chaKristu, unoyananiswa naMwari wova noukama hune rugare uye hune zvibereko naBaba vako vokudenga. (VaRoma 5:10) Sezvaunotsvaka zvikonzero zvokupa mbiri kuna Mwari, unowedzera kuva netariro uye kuonga. (Jeremia 31:12) Unobva wakwanisa kubatsira vamwe kurarama upenyu hunofadza, hunogutsa, nokudaro uchiwana mufaro mukuru iwe pachako. (Mabasa 20:35) Iva pakati pevaya vanotsunga kupa mbiri kuna Mwari—iye zvino uye nokusingaperi!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kana uchida mamwe mashoko pamusoro pokuti matenga anoratidza sei uchenjeri nesimba zvaMwari, ona zvitsauko 5 ne17 zvebhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 13 Ona Vhoriyamu 1, peji 853, yeInsight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

 

Unoyeuka Here?

• Nei tingati vezvesayenzi vose zvavo havana kubatsira vanhu kuti vape mbiri kuna Mwari?

• Machechi akatadzisa vanhu kupa mbiri kuna Mwari munzira dzipi mbiri?

• Tingapa mbiri kuna Mwari munzira dzipi?

• Nei uchifanira kufunga kana iwe pachako uri kupa mbiri kuna Jehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 12]

“Mwari Ari Kudivi Raani?”

Mumwe murume akanga ari muGerman Air Force muHondo Yenyika II asi akazova mumwe weZvapupu zvaJehovha anoyeuka kuti:

“Chakandivhiringidza mumakore iwayo ehondo . . . kwaiva kuona vafundisi veanenge masangano ose—vaKaturike, vaLutheran, vaEpiscopal, nevamwewo—vachinamatira ndege dzehondo nemasoja adzo dzisati dzaenda kunodonhedza mabhomba. Ndaiwanzofunga kuti ‘Mwari ari kudivi raani?’

“Masoja okuGermany aisunga bhande rine chisimbi chaiva chakanyorwa mashoko okuti Gott mit uns (Mwari anesu). Asi ndainetseka kuti, ‘Nei Mwari aisazotsigira masoja erimwe divi aiva echitendero chakafanana uye akanga achinyengetera kuna Mwari mumwe chete iyeye?’”

[Mufananidzo uri papeji 10]

Pasi pose, Zvapupu zvaJehovha zviri kunyatsopa mbiri kuna Mwari