Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsamba Yakabva Kuna Alejandra

Tsamba Yakabva Kuna Alejandra

Mushumo Wevazivisi voUmambo

Tsamba Yakabva Kuna Alejandra

KUNYORA tsamba kwagara kuri nzira inobudirira yokupupura nayo. Kunyange zvazvo pane dzimwe nguva zvinozoguma zvaitika zvingave zvisina kujeka, vaya vanoramba vachishandisa nzira iyi vave vachikomborerwa zvikuru. Vanoyeuka zano rokuchenjera reBhaibheri rinoti: “Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.”—Muparidzi 11:6.

Alejandra, chimwe Chapupu chiduku chakanga chichishanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuMexico kweanenge makore gumi, akanga achirapwa kenza nenzira inonzi chemotherapy. Kurwara kwake kwakanyanyisa, uye akanyanyopera simba zvokusagona kuita zvaaisiita zuva nezuva. Zvisinei, asingadi kuregeredza ushumiri hwake, Alejandra akasarudza kunyora tsamba. Akanyora nezvourongwa hwechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chisingabhadharwi ndokuisawo nhamba dzorunhare dzaamai vake. Zvadaro, akapa amai vake tsamba dzacho kuti vadzisiye pamisha yakanga isina vanhu pavaiita ushumiri hwepasuo nesuo.

Munguva iyi, Diojany, mumwe musikana muduku wokuGuatemala, akaenda kunoshanda somusikana womumba muCancún, kuMexico. Ari ikoko, akaonana neZvapupu zvaJehovha uye akanakidzwa nokukurukurirana Bhaibheri nazvo. Gare gare, vaaishandira vakasarudza kutamira kuMexico City uye vaida kuenda naye. Diojany akazengurira kutama nokuti zvaizoreva kuti aisazoonana neZvapupu.

“Usambonetseka zvako,” vaaishandira vakamuvimbisa kudaro, “Zvapupu zviri kwose kwose. Tichazvitsvaka patinongosvika ikoko.” Aine tarisiro inofadza kudaro, Diojany akabvuma kuenda navo. Vangosvika muMexico City, vaishandirwa naDiojany vakatsvaka Zvapupu. Sezvineiwo, vakazvishaya, kunyange zvazvo muguta iroro maiva neZvapupu zvinodarika 41 000 uye ungano 730.

Pasina nguva, Diojany akanga ava kuora mwoyo nokuti akanga asina kukwanisa kuwana Zvapupu kuti atangezve kudzidza Bhaibheri. Rimwe zuva, mukadzi waaishandira akauya kwaari, achiti: “Hechi chishamiso! Mwari wako anzwa minyengetero yako.” Achimupa tsamba, akati: “Zvapupu zvakusiyira tsamba iyi.” Yaiva tsamba yaibva kuna Alejandra.

Diojany akazoonana naamai uye nomunun’una waAlejandra, Blanca, achibva abvuma kudzidza Bhaibheri. Papera vhiki shomanana, akaoonana naAlejandra uye vakafara chaizvo kuonana. Alejandra akamukurudzira kuti arambe achidzidza Bhaibheri kuitira kuti afambire mberi mune zvokunamata.

Mwedzi mishomanana gare gare, muna July 2003, Alejandra akafa achisiyira vaainamata navo muenzaniso wakanaka kwazvo wokutenda nokushinga. Pamariro acho, vakawanda vakarwadziwa chaizvo pavakaona Diojany ndokumunzwa achiti: “Alejandra nemhuri yake vave vari muenzaniso unoshamisa kwandiri. Ndakatsunga kushumira Jehovha uye ndinoda kubhabhatidzwa nokukurumidza. Ndinoshuva kuonazve Alejandra muParadhiso iri kuuya!”

Chokwadi, tsamba ingava chinhu chiduku. Asi inogona kuva nemigumisiro yakanaka uye inogara!