Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Vanyoro Ndivo Vachagara Nhaka Yenyika’—Sei?

‘Vanyoro Ndivo Vachagara Nhaka Yenyika’—Sei?

‘Vanyoro Ndivo Vachagara Nhaka Yenyika’—Sei?

“ZVIMWE munonyatsoziva mashoko aJesu anofadza kwazvo okuti ‘vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika.’ Asi muchifunga zvose izvo vanhu vari kuitirana uye zvavari kuitira nyika, munofunga kuti kuchasarei chokuti vanyoro vagare nhaka?”—Mateu 5:5; Pisarema 37:11.

Myriam, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akashandisa mubvunzo uyu kuti atange kukurukura nezveBhaibheri. Murume waakataura naye akapindura kuti kana Jesu akapikira izvi, nyika inofanira kuva chinhu chakakodzera kunzi nhaka kwete murwi wezvakaparadzwa kana kuti isingagariki.

Zvechokwadi iyoyo yaiva mhinduro ine tariro. Asi tine chikonzero here chokuva netariro yakadaro yechokwadi? Zvechokwadi tinayo, nokuti Bhaibheri rinotipa zvikonzero zvakasimba zvokudavira kuti chipikirwa chacho chichazadzika. Chaizvoizvo, kuzadzika kwechipikirwa ichocho kwakanyatsobatana nechinangwa chaMwari kuvanhu uye kunyika. Uye tinovimbiswa kuti Mwari zvaanopikira, achazviita. (Isaya 55:11) Saka, Mwari akapikirei vanhu pakutanga, uye zvichazadzika sei?

Chinangwa chaMwari Chisingaperi Nokuda Kwenyika

Jehovha Mwari akasika nyika aine chinangwa chaicho. “Zvanzi naJehovha wakasika denga rose, iye Mwari wakaumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe, zvanzi naye: Ndini Jehovha, hakuna mumwe.” (Isaya 45:18) Saka, chaizvoizvo nyika yakasikirwa kuti igarwe nevanhu. Uyezve, chinangwa chaMwari kuti nyika ive musha wevanhu usingagumi. “Wakateya nheyo dzapasi; kuti parege kuzununguswa nokusingaperi.”—Pisarema 104:5; 119:90.

Chinangwa chaMwari nezvenyika chinooneswawo mubasa raakapa vanhu vaviri vokutanga. Jehovha akati kuna Adhamu naEvha: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” (Genesi 1:28) Nyika, iyo Mwari akapa Adhamu naEvha, yaizova musha wavo nokusingaperi uye wevana vavo. “Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha,” akadaro munyori wepisarema mazana emakore akawanda gare gare, “asi pasi wakapa vanakomana vavanhu.”—Pisarema 115:16.

Kuti vazoona tariro iyoyo inoshamisa, Adhamu naEvha, uyewo vana vavo, mumwe nomumwe wavo aifanira kubvuma Jehovha Mwari, Musiki noMupi Woupenyu, kuva Changamire wavo vonzwa vachida kumuteerera. Jehovha akataura izvi nenzira yakajeka paakarayira munhu, achiti: “Ungadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) Kuti Adhamu naEvha varambe vachirarama mumunda weEdheni, vaifanira kuteerera murayiro iwoyo uri nyore uye wakataurwa zvakajeka. Kuita kudaro kwaizova kuonga kwavo zvose zvavakanga vaitirwa naBaba vokudenga.

Adhamu naEvha pavakarega kuteerera Mwari nemaune nokutyora murayiro wavakanga vapiwa, chaizvoizvo vakarinzira makotsi avo kune uyo akavapa zvinhu zvose zvavaiva nazvo. (Genesi 3:6) Pavakaita izvozvo, ivo vakarasikirwa nomusha wavo wakaisvonaka weParadhiso uyewo wevana vavo. (VaRoma 5:12) Kusateerera kwevaviri vokutanga kwakakanganisa chinangwa chaMwari chaakasikira nyika here?

Mwari Asina Kuchinja

Achishandisa muprofita wake Maraki, Mwari akati: “Ini Jehovha handishanduki.” (Maraki 3:6) Achitaura nezvendima iyi, L. Fillion nyanzvi yeBhaibheri yokuFrance akati, kutaura uku kwakanyatsobatana nokuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari. “Jehovha angadai akaparadza vanhu vake vanopandukira,” akanyora kudaro Fillion, “asi zvaasingashanduki muzvipikirwa zvake, achava akatendeka kuzvipikirwa zvaakaita munguva yakapfuura, chero zvodini.” Zvipikirwa zvaMwari, kungava kumunhu mumwe, kurudzi, kana kuti kuvanhu vose, hazvizokanganwiki asi zvichazadzika munguva yake yakakodzera. “Wakarangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira kumarudzi ane chiuru.”—Pisarema 105:8.

Zvisinei, tingava sei nechokwadi chokuti Jehovha haana kushandura chinangwa chake chokutanga nezvenyika? Tinogona kuva nechokwadi cheizvi nokuti muShoko raMwari rose rakafuridzirwa, Bhaibheri, tinowana kutaurwa kwechinangwa chaMwari chokuti ape nyika kuvanhu vanoteerera. (Pisarema 25:13; 37:9, 22, 29, 34) Uyezve, Magwaro anorondedzera vaya vanokomborerwa naJehovha sevagere zvakachengeteka, mumwe nomumwe agere “pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake,” pasina “ungazovatyisa.” (Mika 4:4; Ezekieri 34:28) Vaya vakasarudzwa naJehovha “vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo.” Vachava norugare kunyange nemhuka dzomusango.—Isaya 11:6-9; 65:21, 25.

Bhaibheri rinofanoratidza chipikirwa chaMwari neimwe nzira. Mukutonga kwaMambo Soromoni, rudzi rwaIsraeri rwakava nenguva yorugare nokubudirira. Mukutonga kwake, “VaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, mazuva ose aSoromoni.” (1 Madzimambo 4:25) Bhaibheri rinoti Jesu a“nopfuura Soromoni,” uye achitaura nezvokutonga kwake, munyori wepisarema akaprofita kuti: “Nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma.” Panguva iyoyo, “kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Ruka 11:31; Pisarema 72:7, 16.

Zvaakatendeka kushoko rake, Jehovha Mwari achava nechokwadi chokuti nhaka yakapikirwa haisati ichizongovapo chete asiwo ichadzorerwa murunako rwayo rwose. Pana Zvakazarurwa 21:4, Shoko raMwari rinotiudza kuti munyika itsva yakapikirwa, Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso [evanhu], uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.” Paradhiso chaiyoiyo ndiyo inopikirwa.—Ruka 23:43.

Kuwana Kwatingaita Nhaka Yakapikirwa

Kushandurwa kwenyika kuva paradhiso kuchaitika muhurumende inotonga iri kudenga, Umambo huna Jesu Kristu saMambo. (Mateu 6:9, 10) Kutanga, Umambo ihwohwo ‘huchaparadza vanoparadza pasi.’ (Zvakazarurwa 11:18; Dhanieri 2:44) Zvadaro, so“Muchinda worugare,” Jesu Kristu achazadzika mashoko aya ouprofita anoti: “Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.” (Isaya 9:6, 7) MuUmambo ihwohwo, mamiriyoni evanhu, kusanganisira vaya vachamutswa, vachava nomukana wokugara nhaka yenyika.—Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15.

Ndivanaani vachagara nhaka iyoyo inoshamisa? Chimbofunga mashoko aJesu okuti: “Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateu 5:5) Zvinorevei kuva munyoro? Maduramazwi anowanzorondedzera “munyoro” kuti kupfava, kuva nomwero, kuzviisa pasi, kunyarara, kunyange kutya. Zvisinei, shoko rekare rechiGiriki raishandiswa rinotoreva zvakawanda. “Mune rupfave” mushoko iroro, rinodaro New Testament Wordbook raWilliam Barclay, “asi murupfave irworwo mune kusimba kwakaita sesimbi.” Rinoratidza mafungiro anoita kuti munhu agone kutsungirira kutadzirwa asingagumbuki kana kuti asingafungi kutsiva, nemhaka yokuva noukama hwakanaka naMwari, uye ukama ihwohwo hunomupa simba.—Isaya 12:2; VaFiripi 4:13.

Munhu munyoro anogamuchira nokuzvininipisa zvinodiwa naMwari muupenyu hwake hwose; haaomereri pakuita zvinhu nemafungiro ake kana kuti mafungiro evamwe vanhu. Anodzidzisikawo, uye anoda kudzidziswa naJehovha. Dhavhidhi, munyori wepisarema akati: “[Jehovha] uchaperekedza vanyoro mune zvakarurama; uchadzidzisa vanyoro nzira yake.”—Pisarema 25:9; Zvirevo 3:5, 6.

Uchava pakati pe“vanyoro” vachagara nhaka yenyika here? Nokusvika pakuziva Jehovha nezvaanoda kuburikidza nokudzidza Shoko rake nokushingaira uye nokushandisa zvaunodzidza, iwewo unogona kutarisira kugara nhaka paradhiso yepasi pano uye kurarama nokusingaperi mairi.—Johani 17:3.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Chinangwa chaMwari chenyika chinooneswa mubasa raakapa Adhamu naEvha

[Mufananidzo uri papeji 6, 7]

Rugare nokuchengeteka paitonga Soromoni zvakafanoratidza nhaka yakapikirwa

[Kwazvakatorwa]

Makwai negomo riri shure: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.; Arabian oryx: Hai-Bar, Yotvata, Israel; murimi ari kurima: Garo Nalbandian

[Mufananidzo uri papeji 7]

Nyika itsva yakarurama iri mberi—uchavamo here?