Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsirwa Nokutsvaka Zvinhu Zvinokosha Pakunamata

Batsirwa Nokutsvaka Zvinhu Zvinokosha Pakunamata

Batsirwa Nokutsvaka Zvinhu Zvinokosha Pakunamata

“Unoda sirivheri, haangagutswi nesirivheri, naiye unoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda.”—Muparidzi 5:10.

KUSHANDA zvokufa kunogona kukonzera kuzvidya mwoyo, uye kuzvidya mwoyo kungakonzera zvinetso zvoutano, dzimwe nguva zvingazokonzera rufu. Munyika dzakawanda, mhuri dziri kuparara nechikonzero chokurambana. Kakawanda, zvinetso zvakadaro zvinowanzokonzerwa nokunyanya kuda zvinhu zvokunyama. Pane kugutswa nezvaanazvo, munhu anobatwa mumusungo wokutsvaka zvinhu anogona kuguma ava kungoramba achitsvaka zvakawanda, pasinei nezvazvinoita kuutano hwake. Rimwe bhuku rinopa mazano rinoti: “Kuda kufanana navananhingi ndiwo wangova muitiro munyika dzakawanda, kunyange zvazvo nhingi wacho ari munhu uya asingazorori kushanda uye ari pangozi yokuva nechirwere chomwoyo pazera duku remakore 43.”

Kutsvaka zvakawanda kungasagutsa, kuchitotorera munhu mufaro waaifanira kuva nawo. Kuda kuva nezvakawanda kunowanzoshandiswa zvisina kufanira nesimba guru zvikuru—simba rokushambadzira! Purogiramu dzeterevhizheni dzizere nemashoko anokukurudzira kutenga zvinhu zvaungave usingadi kunyange zvausingakwanisi. Zvose izvi zvinogona kukuvadza zvikuru.

Kuda kuzvigutsa zvisina muganhu kunogona kutikuvadza zvisingaoneki, mumuviri nomutsika. Somuenzaniso, Mambo akachenjera Soromoni akaona kuti: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri.” (Zvirevo 14:30) Kusiyana neizvi, kushanda zvakadarikidza, kuzvidya mwoyo, uye zvinetso zvokuunganidza upfumi zvinogona kuparadza utano hwedu uye mufaro wedu. Ukama hunokanganiswawo kana vavariro dzokunyanya kuda zvinhu zvokunyama dzikava chinhu chikuru muupenyu hwedu. Uye kana mhuri yomunhu uye vanhu vaanoshamwaridzana navo zvikakanganisika, ndizvowo zvinoita upenyu hwake.

Kukosha Kwezvinhu Zvokunamata

“Musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu,” akarayira kudaro muapostora Pauro mazana emakore akapfuura. (VaRoma 12:2) Nyika inoda vaya vanorarama maererano nezvainokoshesa. (Johani 15:19) Kazhinji inoda kuedza kufadza meso, kubata, kuravidza, kunhuwidza, uye kunzwa kwako—chokwadi, kuti uraramewo uchinyanya kuda zvinhu zvokunyama. Inosimbisa “kuchiva kwemaziso” kuti iwe nevamwe mutsvake kuwana zvinhu zvokunyama.—1 Johani 2:15-17.

Asi pane zvinhu zvinokosha kudarika mari, mukurumbira, uye upfumi. Mazana emakore akapfuura, Mambo Soromoni akaunganidza zvinhu zvose zvokunyama zvaigona kuwanika munyika. Akavaka dzimba uye aiva nemapindu, minda yemichero, vashandi, zvipfuwo, vaimbi vechirume nevechikadzi, uyewo ndarama nesirivheri. Soromoni akawedzera zvinhu zvake kudarika nokure zvevaya vose vakanga vamutangira. Akanga ari mbozha chaiyo. Soromoni akanga aine zvinenge zvinhu zvose zvingadiwa nomunhu. Asi, paakatarisa zvaakanga aunganidza, akati: “Zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi.”—Muparidzi 2:1-11.

Achishandisa uchenjeri hukuru hwaakanga apiwa, Soromoni akaziva kuti kunyatsogutsikana kunobva mukutsvaka zvinhu zvinokosha pakunamata. Akanyora kuti: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.

Pfuma inowanikwa muShoko raMwari, Bhaibheri, inokosha zvikuru kudarika ndarama nesirivheri. (Zvirevo 16:16) Kufanana nematombo anokosha, chokwadi chakadzama chiripo kuti iwe uchitsvake. Uchachitsvaka ndokuchichera here? (Zvirevo 2:1-6) Musiki wedu, uyo Anopa zvinhu zvinokosha zvechokwadi, anokukurudzira kuti udaro, uye achakubatsira. Sei?

Jehovha anopa chokwadi chinokosha achishandisa Shoko rake, mudzimu wake nesangano rake. (Pisarema 1:1-3; Isaya 48:17, 18; Mateu 24:45-47; 1 VaKorinde 2:10) Kuongorora zvinhu izvi zvinokosha zvikuru zvisingawanzowaniki, kunokupa mukana wokusarudza noungwaru mararamiro akanakisisa uye ane mubayiro wakanaka. Uye izvozvo hazvizoomi nokuti Jehovha, Musiki wedu, anoziva zvatinoda kuti tifare zvechokwadi.

Bhaibheri Rinokurudzira Zvinhu Zvinokosha Zvikuru

Zano rakanaka rinowanika muBhaibheri rinoshanda uye hapana charingaenzaniswa nacho. Tsika dzarinokurudzira hadzingaenzaniswi nechinhu chipi zvacho. Zano raro rinobatsira nguva dzose. Rave riripo kwenguva refu. Mienzaniso yezano rakanaka reBhaibheri ndeyokushanda nesimba, kuva akatendeseka, kushandisa mari nokuchenjera, uye kusava nousimbe.—Zvirevo 6:6-8; 20:23; 31:16.

Maererano neizvi, Jesu akati: “Musazviunganidzira pfuma pasi pano, apo chipfukuto nengura zvinodya, uye apo mbavha dzinopaza dzoba. Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga, uko chipfukuto kana ngura zvisingadyi, uye uko mbavha dzisingapazi dzoba.”—Mateu 6:19, 20.

Zano iroro rakakodzera richiri kushanda nhasi sezvaraiita makore 2 000 apfuura. Pane kubatikana nokutsvaka upfumi hwokunyama, tinogona kubatsirwa iye zvino nokutsvaka mararamiro akanaka. Chinokosha kuunganidza pfuma yezvokunamata, iyo inoita kuti tifare uye tigutsikane zvechokwadi. Tingazviita sei? Nokuverenga Shoko raMwari, Bhaibheri, uye kushandisa zvarinodzidzisa.

Zvinhu Zvokunamata Zvinokosha Zvinopa Mubayiro

Kana zvikashandiswa zvakanaka, zvinhu zvokunamata zvinokosha zvinotibatsira mumuviri, mupfungwa uye pakunamata. Kungofanana neozone layer iri muchadenga inotidzivirira pamwaranzi inokuvadza yezuva, mirayiro yakanaka yetsika inobatsira kutidzivirira nokufumura migumisiro ine ngozi yokunyanya kuda zvinhu zvokunyama. Pauro, muapostora wechiKristu akanyora kuti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa, uye vachitsvaka kuda ikoku vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.”—1 Timoti 6:9, 10.

Kunyanya kuda pfuma kunonyengera vanhu kuti vatsvake upfumi hwakawanda, chinzvimbo, uye simba. Kakawanda, nzira dzokunyengera nedzisina kuvimbika ndidzo dzinoshandiswa kuwana izvi. Kunyanya kuda zvinhu zvokunyama kunogona kutorera munhu nguva yake, simba, uye mano. Kungatomutadzisa kurara zvakanaka usiku. (Muparidzi 5:12) Chokwadi, kutsvaka zvinhu zvakawanda kunovhiringidza kufambira mberi mune zvokunamata. Munhu mukurusa ati amborarama, Jesu Kristu, akaratidza pachena nzira iri nani achiti: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Aiziva kuti pfuma yezvokunamata inoita kuti pave nemibayiro yechigarire uye inokosha kwazvo kudarika pfuma yokunyama isingagari.—Ruka 12:13-31.

Zvinobatsira Chaizvoizvo Here?

Greg anoyeuka kuti, “Vabereki vangu vakaedza nepavaikwanisa napo kuti ndione zvinhu zvokunamata sezvisingakoshi. Kunyange zvakadaro, ndakawana rugare rukuru rwepfungwa nokuvavarira zvinhu zvokunamata nokuti handizvidyi mwoyo nokukwikwidza kuti ndipfume.”

Kukoshesa zvinhu zvokunamata kunovakawo ukama huri nani. Shamwari dzechokwadi dzinokwezvwa newe nemhaka yezvauri, kwete nezvaunazvo. Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo.” (Zvirevo 13:20) Uyezve, mhuri inobudirira inovakwa nouchenjeri norudo, kwete nezvinhu zvokunyama.—VaEfeso 5:22–6:4.

Hatiberekwi tiine tsika dzakanaka. Tinofanira kudzidzidza kune vamwe vedu kana kuti muShoko raMwari. Ndokusaka dzidzo inobva muBhaibheri ichigona kuchinja pfungwa dzedu dzose pazvinhu zvine chokuita nezvokunyama. “Ndakabatsirwa kufungazve nezvezvandinokoshesa, uye ndakadzidza kugutsikana nezvinoraramisa,” anodaro Don, aimboshanda mubhengi.

Tsvaka Pfuma Yezvokunamata Inogara Narini

Pfuma yezvokunamata ine mibayiro yenguva refu, kwete kuzvigutsa kwenguva pfupi. Pauro akanyora kuti: “Zvinhu zvinooneka [zvokunyama] ndezvenguva duku, asi zvinhu zvisingaoneki [zvokunamata] ndezvokusingaperi.” (2 VaKorinde 4:18) Ichokwadi kuti kutsvaka zvinhu zvokunyama kungagutsa panguva iyoyo, asi makaro haana remangwana. Zvinhu zvokunamata ndezvokusingaperi.—Zvirevo 11:4; 1 VaKorinde 6:9, 10.

Bhaibheri rinoshora kunyanya kuda zvinhu zvokunyama kwakakurumbira zvikuru panguva ino. Rinotidzidzisa makundiro atingaita havi youdyire nokuchengeta ziso redu rakanaka, richisimbisa zvinhu zvinonyanya kukosha, pfuma yezvokunamata. (VaFiripi 1:10) Rinofumura makaro kuti ave zvaari chaizvo—kuti munhu azvinamate. Patinoshandisa zvatinodzidza muShoko raMwari, tinowana mufaro wakakura. Pfungwa dzedu dzinoda kupa pane kungogamuchira. Izvi zvinokurudzira kwazvo kuti titsive kuda kuzvigutsa kusingadzorwi nezvinhu zvinokosha zvokunamata!

Ichokwadi kuti kusvika pamwero wakati, mari ingadzivirirawo. (Muparidzi 7:12) Asi Bhaibheri rinonyatsotaura zvazviri richiti: “Mari yako inogona kungotsakatika nenguva isipi, sokunge yamera mapapiro uye yobhururuka segondo.” (Zvirevo 23:5, TEV) Vanhu vakabayira zvinhu zvakawanda paatari yezvinhu zvokunyama—utano, mhuri, kunyange hana yakanaka—zvichiguma nematambudziko. Ukuwo, kukura mumudzimu kunogutsa zvatinoda zvinokosha zvikuru—kudiwa, kuva nechinangwa, uye kunamata Mwari ane rudo, Jehovha. Kunoratidzawo nzira inoendesa kuupenyu husingaperi sevanhu vakakwana muparadhiso yepasi—tariro yatakachengeterwa naMwari.

Nokukurumidza chido chevanhu chokugarika chichanyatsoitika munyika itsva yaMwari. (Pisarema 145:16) Panguva iyoyo nyika yose “ichazara nokuziva Jehovha.” (Isaya 11:9) Zvinhu zvine chokuita nokunamata zvichawanda. Kunyanya kuda zvinhu zvokunyama nokukuvadza kwazvinoita kuchabviswa zvachose. (2 Petro 3:13) Zvadaro zvinhu zvinoita kuti upenyu hugutse zvikuru—utano hwakakwana, basa rinogutsa, kuvaraidzwa nezvinovaka, ukama hwemhuri hunofadza, uye ushamwari naMwari hunogara narini—zvichaita kuti vanhu vafare zvechokwadi nokusingaperi.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Shandisa Mari Yako Nokuchenjera!

Ziva zvaunoda. Jesu akatidzidzisa kuti tinyengetere tichiti: “Tipeiwo chingwa chedu chezuva maererano nechinodikanwa chezuva racho.” (Ruka 11:3) Usaita kuti zvinhu zvaunogona kurarama usina zvive zvinhu zvaunotofanira kurarama nazvo. Yeuka kuti upenyu hwako haubvi pazvinhu zvaunazvo.—Ruka 12:16-21.

Ronga zvaunoda kutenga. Usangotenga usina kuronga. Bhaibheri rinoti: “Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; asi ani naani unokurumidzisa unongovangira kushayiwa.” (Zvirevo 21:5) Jesu akarayira vateereri vake kuti vatange vaverenga zvinodiwa vasati varonga chipi nechipi chinoda mari.—Ruka 14:28-30.

Usakwereta pazvinenge zvisina kukodzera. Nepaunogona napo, chengeta mari yezvaunenge uchida kutenga pane kutenga nechikwereti. Chirevo chinozvitaura nenzira iyi: “Unotora chikwereti muranda wowakamupa chikwereti.” (Zvirevo 22:7) Kana ukazvidzora uye ukangoshandisa mari yawakachengeta, unogona kutobudirira kutenga zvinhu zvikuru.

Usapambadza. Ita kuti zvaunotova nazvo zvigare nguva refu nokunyatsozvitarisira, zvichiita kuti usanyanye kupambadza. Jesu akaratidza kuchengetedza kwakakodzera pane zvaaishandisa.—Johani 6:10-13.

Isa zvinhu zvokutanga pakutanga. Munhu akachenjera ‘achatenga nguva’ yokuita vavariro dzinokosha zvikuru.—VaEfeso 5:15, 16.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

Kudzidza Kune Zvakamboitika—Pane Nzira Iri Nani

Zvakamboitika muupenyu hwomunhu—zvakanaka nezvakaipa—zvingatidzidzisa zvidzidzo zvinokosha. Asi ichokwadi here kuti zvakamboitika ndizvo zvinonyatsodzidzisa sokutaura kunoita vakawanda? Kwete, kune chinhu chinonyatsodzidzisa zvikuru. Munyori wepisarema akataura nezvacho paakati mumunyengetero: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.”—Pisarema 119:105.

Nei kudzidziswa nemirayiridzo yaMwari kwakanaka kwazvo kudarika kudzidziswa nezvinenge zvakamboitika muupenyu hwomunhu? Kutanga, kungodzidza kune zvakamboitika chete—kuedza ichi kana icho—kunogona kukuvadza kana kurwadza. Uyewo hakukoshi. “Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu!” Mwari akadaro kuvaIsraeri vekare. “Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!”—Isaya 48:18.

Chimwe chikonzero nei Shoko raMwari richidarika zvimwe zvose zvinorayiridza ndechokuti rine nhoroondo dzekare kare uye dzakarurama zvikuru dzezvakamboitika kune vanhu. Pamwe unotoona kuti kudzidza nenzira isingakuvadzi kubva pakubudirira nokukundikana kwevamwe kuri nani pane kudzokorora zvikanganiso zvavo. (1 VaKorinde 10:6-11) Zvinotonyanya kukosha, muBhaibheri, Mwari anotipa mitemo yakakwirira uye mirayiro isina inoenzana nayo. “Murayiro waJehovha wakakwana . . . Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere.” (Pisarema 19:7) Chokwadi, kudzidza kubva muuchenjeri hwoMusiki wedu ane rudo ndiyo nzira yakanakisisa.

[Mifananidzo iri papeji 4]

Nyika inoda kuti uraramewo uchinyanya kuda zvinhu zvokunyama

[Mufananidzo uri papeji 5]

Pfuma iri muBhaibheri, inokosha zvikuru kudarika ndarama nesirivheri