Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Famba Nenyika’

‘Famba Nenyika’

‘Famba Nenyika’

‘Famba nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo.’—GENESI 13:17.

1. Ndoupi murayiridzo unofadza wakapiwa Abrahamu naMwari?

UNONAKIDZWA nokufamba musango here, zvimwe kufamba rwendo nemotokari mukupera kwevhiki? Vamwe vanofarira kufamba nebhasikoro kuti varovedze muviri uye kuti vanakidzwe nokuona zvakawanda. Vamwezve vanosarudza kufamba netsoka kuti vajaire nzvimbo yacho uye vanyatsoiona vasingamhanyi-mhanyi. Nzendo dzakadaro dzinowanzotora nguva pfupi. Asi unogona fungidzira here manzwiro anofanira kunge akaita Abrahamu pashure pokunge Mwari amuudza kuti: “Simuka, ufambe nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo, nokuti ndichakupa iyo”!—Genesi 13:17.

2. Abva kuIjipiti, Abrahamu akaenda kupi?

2 Funga nezvemashoko akapoteredza. Abrahamu akanga ambogara muIjipiti nomudzimai wake nevamwe vanhu. Chitsauko 13 chaGenesi chinotiudza kuti vakabuda muIjipiti vakaendesa makwai avo ‘kuNegeb.’ Abrahamu ‘akabva kuNegeb achingotamisa-tamisa musasa achienda kuBheteri.’ Pakamuka chinetso pakati pevafudzi vake nevaRoti, mwana womukoma wake, uye zvava pachena kuti vaviri vacho vaifanira kuva nemafuro akaparadzana, nomutsa Abrahamu akarega Roti achitanga kusarudza. Roti akasarudza ‘bani rose reJodhani,’ mupata wakanaka “somunda waJehovha,” uye kwapera kanguva akazogara muSodhomu. Mwari akati kuna Abrahamu: “Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutivi rwokumusoro, norwenyasi, norwokumabvazuva, norwokumavirira.” Zvingangodaro kuti paakanga ari panzvimbo yakakwirira yeBheteri, Abrahamu aigona kuona mamwe mativi enyika yacho. Asi handizvo zvoga. Mwari akamukumbira kuti a“fambe nenyika” uye ajairane nezvayaiva yakaita uye nzvimbo dzayo.

3. Nei zvingava zvakaoma kufungidzira nzendo dzaAbrahamu?

3 Pasinei nokuti Abrahamu akafamba zvakadini asati asvika kuHebroni, zvechokwadi akanga akatojairana neNyika Yakapikirwa kupfuura vakawanda vedu. Chimbofunga nezvenzvimbo dzinotaurwa munhoroondo iyi—Negeb, Bheteri, Ruwa rweJodhani, Sodhomu neHebroni. Unozviona zvakaoma here kufungidzira kuti nzvimbo idzodzo dzaiva kupi? Kune vakawanda izvi zvakaoma nokuti vashoma chete vevanhu vaJehovha ndivo vakashanyira nzvimbo dzavanoverenga nezvadzo muBhaibheri, vachifamba munyika yose. Kunyange zvakadaro, tine chikonzero chokuda kuziva nzvimbo dzomuBhaibheri. Nei?

4, 5. (a) Zvirevo 18:15 inei nokuziva uye kunzwisisa nyika dzomuBhaibheri? (b) Chii chinoratidzirwa nechitsauko 2 chaZefania?

4 Shoko raMwari rinoti: “Mwoyo wowakachenjera unowana zivo; nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo.” (Zvirevo 18:15) Pane nyaya dzakawanda dzingazivikanwa nomunhu, asi zivo yakarurama ine chokuita naJehovha Mwari nezvaanoita inokosha zvikuru. Chokwadi, zvatinoverenga muBhaibheri ndizvo zvinoita kuti tiwane zivo iyoyo. (2 Timoti 3:16) Zvisinei, ona kuti kunzwisisa kunodiwa. Izvozvo zvinoreva kukwanisa kuona zvakaita nyaya, kunzwisisa kana kuti kuziva kubatana kwayakaita yose. Izvi zvinoshanda pazvinhu zvinotaurwa nezvenzvimbo dzomuBhaibheri. Somuenzaniso, vakawanda vedu tinoziva kuti Ijipiti iri kupi, asi tinonzwisisa kusvika papi mashoko okuti Abrahamu akabuda muIjipiti, ‘akaenda kuNegeb,’ gare gare kuBheteri, uye kuHebroni? Unonzwisisa here kudyidzana kwenzvimbo idzodzo?

5 Kana kuti ungave wakatevera purogiramu yokuverenga Bhaibheri yaibatanidza chitsauko 2 chaZefania. Imomo unoverenga mazita emaguta, vanhu uye nyika. Gaza, Ashkeroni, Ashdhodhi, Ekroni, Sodhomu, neNinivhi uyewo Kenani, Moabhi, Amoni, uye Asiria dzose dzinotaurwa muchitsauko ichocho. Wakabudirira sei kufungidzira nzvimbo idzodzo uko vanhu chaivo vaigara, vanhu vanobatanidzwa mukuzadzika kwouprofita hwaMwari?

6. Nei vamwe vaKristu vava kuziva kukosha kwemepu? (Ona bhokisi.)

6 Vadzidzi veShoko raMwari vakawanda vakabatsirwa kwazvo nokutarira mepu dzenyika dzomuBhaibheri. Izvi havangozviitiri kunakidzwa nemepu dzacho, asi vanoziva kuti kana vakashandisa mepu idzodzo vachawedzera zivo yavo yeShoko raMwari. Mepu dzinogonawo kuvabatsira kuwedzera kunzwisisa kwavo, vachiona kuti zvinhu zvavanotoziva zvinoenderana sei nemamwe mashoko. Sezvatichakurukura mimwe mienzaniso, pamwe kuonga kwaunoita Jehovha kuchawedzera, wonzwisisa zvakazara zvakaitika zviri muShoko rake.—Ona bhokisi riri papeji 14.

Kuziva Daro Kunobatsira

7, 8. (a) Chii chinoshamisa chakaitwa naSamsoni chinobatanidza Gaza? (b) Mashoko api angawedzera kushamisa kwezvakaitwa naSamsoni? (c) Kuziva uye kunzwisisa nhoroondo iyi yaSamsoni zvingatibatsira sei?

7 Pana Vatongi 16:2, unoverenga nezvoMutongi Samsoni ari muGaza. Zita rokuti Gaza rinowanzonzwika munhau, saka unogona kufungidzira kwaiva naSamsoni, munharaunda yePhilistine pedyo neMhenderekedzo yeMediterranean. [11] Zvino chiona zvinotaura Vatongi 16:3: “Samsoni akavata kusvikira pakati pousiku, akamuka pakati pousiku, akabata masasa esuo reguta, namatanda aro maviri, akaavhomora pamwe chete nomuzariro waro, akaaisa pamapfudzi ake, ndokuatakurira kugomo riri pamberi peHebroni.”

8 Hapana mubvunzo kuti magedhi nemizariro zveguta rakasimba seGaza zvaive zvakakura uye zvichirema. Fungidzira uchiedza kuzvitakura! Samsoni akazvitakura, asi akaenda nazvo kupi, uye akafamba rwendo rwakareba zvakadini? Gaza iri pamhenderekedzo nechepamwero wegungwa. [15] Zvisinei, Hebroni iri kumabvazuva pakakwirira nemamita 900 kubva pamwero wegungwa—makata chaiwo! Hatigoni kuziva nzvimbo chaiyo ye“gomo riri pamberi peHebroni,” asi pane makiromita 60 pakati peguta racho neGaza—apa ari makata! Kuziva daro riripo kunoita kuti titange kunzwisisa neimwe nzira zvakaitwa naSamsoni, handizvo here? Uye yeuka kuti nei Samsoni aigona kuita mabasa akadaro—‘mweya waJehovha wakauya pamusoro pake.’ (Vatongi 14:6, 19; 15:14) SevaKristu nhasi, hatitarisiri kuti mudzimu waMwari utipe simba rakadaro. Asi, mudzimu iwoyo une simba unogona kuwedzera kunzwisisa kwatinoita zvinhu zvakadzama zvine chokuita nokunamata, woita kuti tive nesimba maererano nezvatiri. (1 VaKorinde 2:10-16; 13:8; VaEfeso 3:16; VaKorose 1:9, 10) Kutaura zvazviri, kunzwisisa nhoroondo yaSamsoni kunoita kuti tive nechokwadi chokuti mudzimu waMwari unogona kutibatsira.

9, 10. (a) Kukundwa kwakaitwa vaMidhiyani naGidhiyoni kwaisanganisirei? (b) Kuziva kwedu nzvimbo dzinotaurwa kunotibatsira sei kunzwisisa nhoroondo iyi zviri nani?

9 Kukunda kwakaita Gidhiyoni vaMidhiyani ndeimwe nhoroondo inoratidza kukosha kwokuziva madaro omuBhaibheri. Vakawanda vanoverenga Bhaibheri vanoziva kuti Mutongi Gidhiyoni neuto rake revanhu 300 vakakunda mubatanidzwa wevanhu 135 000 vakanga vapinda nechisimba munyika yavo—vaMidhiyani, vaAmareki, nevamwe vakanga vakadzika musasa pabani reJezreeri, pedyo nechikomo cheMore. [18] Varume vaGidhiyoni vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo kuti vavheneke nemazhenje avo, uye vakashevedzera kuti: ‘Munondo waJehovha nowaGidhiyoni!’ Izvi zvakavhiringidza uye kutyisidzira vavengi, zvokuti vakatanga kubayana pachavo. (Vatongi 6:33; 7:1-22) Izvozvo ndizvo zvoga zvavakaita nokukurumidza usiku ihwohwo here? Ramba uchiverenga muzvitsauko 7 ne8 zvaVatongi. Uchaona kuti Gidhiyoni akaramba achirwa. Panzvimbo dzakawanda dzakataurwa, dzimwe dzacho hadzizivikanwi nhasi, saka dzingasava pamepu dzeBhaibheri. Kunyange zvakadaro, dzakawanda dzinozivikanwa, zvokuti tinogona kutevera zvaiitwa naGidhiyoni.

10 Gidhiyoni akadzinganisa vakasara vemauto omubatanidzwa achipfuura nokuBheti-shita ndokuzoenda nechokumaodzanyemba kuAbheri-mehora, pedyo neJodhani. (Vatongi 7:22-25) Nhoroondo yacho inoti: ‘Gidhiyoni akasvika paJodhani, akayambuka, iye navarume vane mazana matatu vaakanga anavo; vakanga vaneta, kunyange zvakadaro vakanga vachiteve ra havo.’ Pavakangoyambuka, vaIsraeri vakatevera vavengi nechokumaodzanyemba vachienda kuSukoti uye Penueri, pedyo neJabhoki, va chibva vazokwidza zvikomo vachienda kuJogobheha (pedyo neAmman yemazuva ano, kuJordan). Vakatevera kwemakiromita anenge 80 vachirwa. Gidhiyoni akabata ndokuuraya madzimambo maviri eMidhiyani; achibva adzokera kuguta rake reOfra, pedyo nenzvimbo yavakatangira kurwa. (Vatongi 8:4-12, 21-27) Zviri pachena kuti Gidhiyoni haana kungoridza hwamanda, kusimudza mazhenje uye kushevedzera kwemaminitsi mashomanana. Imbofunga kuti izvi zvinoita kuti tinzwe sei nezvezvakataurwa pamusoro pevarume vokutenda, kuti: “Nguva ichandiperera kana ndikarondedzera nezvaGidhiyoni [nevamwe avo] vakaitwa vane simba vachibva pakusava nesimba, vakava mhare muhondo.” (VaHebheru 11:32-34) VaKristu vanganetawo, asi hazvikoshi here kuti tirambe tichiita kuda kwaMwari?—2 VaKorinde 4:1, 16; VaGaratiya 6:9.

Vanhu Vanofunga sei uye Vanoita sei?

11. VaIsraeri vakafamba nzendo dzakadini vasati vasvika kuKadheshi uye pavakanga vazosvika?

11 Vamwe vangashandisa mepu dzeBhaibheri kuti vaone pane nzvimbo dzacho, asi unofunga kuti dzingaita kuti tinzwisise zvaifungwa nevanhu vacho here? Somuenzaniso funga nezvevaIsraeri vakatama kubva kuGomo reSinai vakananga kuNyika Yakapikirwa. Vachipota vachimira munzira, vakazosvika kuKadheshi, (kana kuti kuKadheshi-bharnea). [9] Dheuteronomio 1:2 inoratidza kuti urwu rwaiva rwendo rwemazuva 11, daro remakiromita 270. Mosesi akatuma vasori 12 kubva ipapo kuenda kuNyika Yakapikirwa. (Numeri 10:12, 33; 11:34, 35; 12:16; 13:1-3, 25, 26) Vasori vacho vakaenda kuchamhembe vachipfuura nomuNegeb, vangangodaro vakapfuura Bheeri-shebha, vakazoenda kuHebroni, vakasvika nechokumuganhu wokuchamhembe kweNyika Yakapikirwa. (Numeri 13:21-24) VaIsraeri vaifanira kudzungaira vari murenje kwemakore 40 nemhaka yokuti vakabvuma mashoko asina kunaka evasori gumi. (Numeri 14:1-34) Izvi zvinoratidzei nezvokutenda kwavo uye kuda zvikuru kwavaiita kuvimba naJehovha?—Dheuteronomio 1:19-33; Pisarema 78:22, 32-43; Judha 5.

12. Tingaguma tati chii nezvokutenda kwevaIsraeri, uye nei chiri chinhu chatinofanira kufunga nezvacho?

12 Cherechedza izvi uchifunga nezvenzvimbo dzacho. Kudai vaIsraeri vakatenda ndokutevera zano raJoshua naKarebhi, vangadai vakafamba rwendo rwakareba here kuti vasvike kuNyika Yakapikirwa? Kadheshi yaiva makiromita anenge 16 kubva kuBheeri-rahai-roi, kwaigara Isaka naRibheka. [gl 7] Yaiva makiromita asingasviki 95 kuenda kuBheeri-shebha, iyo inotaurwa somuganhu wokumaodzanyemba kweNyika Yakapikirwa. (Genesi 24:62; 25:11; 2 Samueri 3:10) Zvavakanga vafamba kubva kuIjipiti kuenda kuGomo reSinai uyewo makiromita 270 kuenda kuKadheshi, vakanga vaita sokunge vari pamusuo chaipo peNyika Yakapikirwa. Isu tava kutopinda muParadhiso yepasi pano yakapikirwa. Tinodzidzei? Muapostora Pauro akabatanidza mamiriro ezvinhu evaIsraeri nezano rokuti: “Naizvozvo ngatiitei nepatinogona napo kuti tipinde muzororo iroro, tichityira kuti pane munhu angawira mumuitiro wokusateerera wakafanana.”—VaHebheru 3:16–4:11.

13, 14. (a) VaGibhiyoni vakatora danho rinokosha mumamiriro api ezvinhu? (b) Chii chinoratidza mafungiro evaGibhiyoni uye tinofanira kudzidzei pane izvi?

13 Maonero akasiyana—okuratidza kuvimba naMwari kuti achaita zvaanoda—anoratidzwa munhoroondo yeBhaibheri yevaGibhiyoni. Pashure pokunge Joshua atungamirira vaIsraeri kuyambuka Rwizi rwaJodhani vachipinda munyika yakanga yapikirwa mhuri yaAbrahamu naMwari, yakanga yava nguva yokudzinga vaKenani. (Dheuteronomio 7:1-3) Izvozvo zvaisanganisira vaGibhiyoni. VaIsraeri vakakunda Jeriko neAi uye vakanga vadzika misasa pedyo, paGirgari. VaGibhiyoni vakanga vasingadi kufa sevaKenani vakatukwa, naizvozvo vakatuma vamiririri kuna Joshua paGirgari. Vakanyepedzera kuti vaibva kunze kwenharaunda yeKenani kuitira kuti vaite chibvumirano choushamwari nevaHebheru.

14 Vamiririri ivavo vakati: “Varanda venyu vabva kunyika iri kure kure, nokuda kwezita raJehovha Mwari wenyu.” (Joshua 9:3-9) Mbatya nezvokudya zvavo zvaiita sokuti vaibva kure zvikuru, asi chaizvoizvo Gibhiyoni yaiva makiromita anenge 30 kubva kuGirgari. [gl 19] Ava nechokwadi, Joshua nemachinda ake vakaita chibvumirano choushamwari nevaGibhiyoni nemaguta aiva pedyo navo aidyidzana neGibhiyoni. Unyengeri hwevaGibhiyoni hwaingova nzira yokuti vasaurayiwa here? Kusiyana neizvi, zvairatidza kuti vaida kunzwirwa nyasha naMwari waIsraeri. Jehovha akabvuma kuti vaGibhiyoni vave “vatemi vehuni navateki vemvura yeungano neyeartari yaJehovha,” vachiendesa huni dzeatari yezvibayiro. (Joshua 9:11-27) VaGibhiyoni vakaramba vachiratidza kuti vaida kuita mabasa akaderera mukushumira Jehovha. Zvingangodaro kuti vamwe vavo vaiva vamwe vevaNetinimi vakadzoka kuBhabhironi vakashanda patemberi yakanga yavakwazve. (Ezra 2:1, 2, 43-54; 8:20) Tinogona kutevedzera mafungiro avo nokuedza kuramba tine rugare naMwari uye kuda kuita kunyange mabasa akaderera mukumushumira.

Kuzvipira

15. Nei tichifanira kufarira nzvimbo dzinotaurwa muMagwaro echiKristu echiGiriki?

15 Nzvimbo dzenyika dzomuBhaibheri dzinotaurwa munhoroondo dziri muMagwaro echiKristu echiGiriki, zvakadai sepanotaurwa nzendo uye ushumiri zvaJesu nezvomuapostora Pauro. (Mako 1:38; 7:24, 31; 10:1; Ruka 8:1; 13:22; 2 VaKorinde 11:25, 26) Munhoroondo dzinotevera, edza kufungidzira nzendo dzacho.

16. VaKristu vomuBheriya vakaratidza sei kuti vaida Pauro uye vaimukoshesa?

16 Parwendo rwake rwechipiri rwoumishinari (mutsetse wepepuru pamepu), Pauro akasvika kuFiripi iyo yava muGirisi. [gl 33] Akapupurira ikoko, akasungwa akasunungurwa, achibva aenda kuTesaronika. (Mabasa 16:6–17:1) VaJudha pavakatanga bongozozo, hama dzokuTesaronika dzakakurudzira Pauro kuti aende kuBheriya, anenge makiromita 65. Pauro akabudirira kuita ushumiri muBheriya, asi vaJudha vakauya vakashatirisa vanhu. Saka, “hama dzakaendesa Pauro nokukurumidza kure kugungwa,” uye “avo vaiperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene.” (Mabasa 17:5-15) Zviri pachena kuti vamwe vakanga vachangobva kutendeuka vaida kufamba makiromita 40 kuenda kuGungwa reAegean, nokubhadhara mari yengarava, uye kufamba nengarava kweanenge makiromita 500. Rwendo rwakadaro rwaigona kuva nengozi, asi pasinei nengozi idzodzo hama dzaida kuenda uye dzakapedza nguva yakawanda nomumiririri uyu waMwari aishanyira ungano.

17. Chii chatinganzwisisa zviri nani kana tava kuziva daro riri pakati peMireto neEfeso?

17 Parwendo rwake rwechitatu (mutsetse wegirini uri pamepu), Pauro akasvika pachiteshi chengarava cheMireto. Akarayira kuti varume vakuru veungano yokuEfeso vauye, anenge makiromita 50. Fungidzira vakuru ivavo vachisiya mamwe mabasa avo vachienda kuna Pauro. Pavaifamba, vangangodaro vaitaura vachifara nezvomusangano waizoitwa. Pashure pokunge vasangana naPauro uye vamunzwa achinyengetera, “vakachema zvikuru vose, vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda zvinyoronyoro.” Vakabva “vamuperekedza kuchikepe.” (Mabasa 20:14-38) Vangadaro vakava nezvakawanda zvokufunga uye zvokutaura nezvazvo pavakanga vava kudzokera kuEfeso. Haufadzwi here norudo rwavakaratidza pakufamba daro iroro kuti vave nomushumiri aishanyira ungano aigona kuvapa mashoko uye kuvakurudzira? Munhoroondo iyi pane chaunoona chaungakwanisa kushandisa muupenyu hwako uye mumafungiro ako here?

Dzidza Nezvenyika Iyoyo uye Zviri Mberi

18. Chii chatingada kuedza kuita nezvenzvimbo dzomuBhaibheri?

18 Mienzaniso yataurwa inoratidza kukosha kwokuziva nyika yakapiwa vaIsraeri naMwari uye kuti ine chokuita nenhoroondo dzomuBhaibheri dzakawanda. (Uye tinogona kuwedzera zivo yedu kuti isanganisire kudzidza nezvenyika dziri pedyo nayo dzinotaurwa munhoroondo dzomuBhaibheri.) Zvatinowedzera zivo yedu nokunzwisisa kwedu zvikurukuru Nyika Yakapikirwa, tinofanira kuyeuka chinhu chinokosha chaifanira kuitwa nevaIsraeri kuti vapinde munyika ine “mukaka nouchi” uye kuti vafare. Chaiva chokutya Jehovha uye kuchengeta mitemo yake.—Dheuteronomio 6:1, 2; 27:3.

19. Iparadhiso dzipi mbiri dzatinofanira kuramba tichifunga nezvadzo?

19 Saizvozvowo nhasi, tinofanira kuita zvatinotarisirwa, tichitya Jehovha uye tichiomerera kunzira dzake. Kana tikadaro, tichabatsira kugadziridza uye kunatsa paradhiso yomudzimu iyo inowanikwa muungano yechiKristu yomunyika yose. Tichava nezivo yakawanda nezvezviri muparadhiso yacho uye zvikomborero zvayo. Uye tinoziva kuti kune zvakawanda zviri mberi. Joshua akatungamirira vaIsraeri kuti vayambuke Jodhani vachipinda munyika yakaorera, inogutsa. Iye zvino tine chikonzero chakanaka chokutarisira Paradhiso chaiyo nechivimbo, nyika yakanaka iri mberi kwedu.

Unoyeuka Here?

• Nei tichifanira kuda kuwedzera zivo uye nzwisiso yenyika dzomuBhaibheri?

• Ndeapi mashoko enzvimbo ataurwa munyaya ino anyanya kukubatsira?

• Ndechipi chawanyatsobatisisa sezvawadzidza nezvedzimwe nyika dzinotaurwa mune zvimwe zviitiko?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 14]

“Ona Nyika Yakanaka”

Pakokorodzano dzomuna 2003 na2004, Zvapupu zvaJehovha zvakafara kugamuchira bhurocha rinonzi “Ona Nyika Yakanaka.” Bhurocha idzva iri rinowanika mumitauro inenge 80, rine mepu nemachati zvine mavara ose zvinoratidza nyika dzakasiyana-siyana dzinotaurwa muBhaibheri, zvikurukuru Nyika Yakapikirwa ichiratidzwa panguva dzakasiyana-siyana.

Nyaya iri mumagazini ino inotaura nezvemepu chaidzo ichishandisa mapeji akanyorwa nemabhii matema, zvakadai sokuti [15]. Kana une bhurocha idzva iri, wana nguva yokujairana nezviratidzo zviri mariri zvingakubatsira kuwedzera zivo yako uye kunzwisisa Shoko raMwari.

(1) Mepu dzakawanda dzinosanganisira mashoko anotsanangura mifananidzo kana kuti bhokisi rinoratidza zviitiko zvinokosha kana kuti zvakanyorwa pamepu dzacho [18]. (2) Mepu dzakawanda dzine panoratidza kuti ungaziva sei daro chairoiro remamaira nemakiromita kuti uzonzwisisa ukuru nemadaro zvinobatanidzwa [26]. (3) Kakawanda pane kamuseve kanoratidza kuti uku ndiko kuchamhembe kanobatsira kuti unzwisise [gl 19]. (4) Mepu dzacho dzinowanzoiswa ruvara kuti dziratidze pakakwirira [12]. (5) Mumativi ayo, mepu ingava nemabhii/nhamba zvokuti unogona kuona mitsetse, yaungashandisa kuziva maguta kana kuti mazita [gl 23]. (6) Paindekisi yemapeji maviri yemazita enzvimbo [34-5], unogona kuona nhamba yepeji yacho iri mumabhii matema, kakawanda ichiteverwa nemitsetse, inosangana, zvakadai sokuti E2. Pashure pokunge washandisa zvinhu izvi kakati wandei, ungashamiswa kuti zvinobatsira sei kuwedzera zivo yako uye kuita kuti unzwisise Bhaibheri zviri nani.

[Chati/Mepu iri papeji 16, 17]

CHATI YEDZIMWE NHARAUNDA

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

A. Mahombekombe eGungwa Guru

B. Mapani ari kuMadokero kweJodhani

1. Bani raAsheri

2. Kamukwavarara Kemahombekombe eDhori

3. Mafuro eSharoni

4. Bani reFiristia

5. Central East-West Valley

a. Bani reMegidho

b. Gova reJezreeri

C. Makomo ari Kumadokero kweJodhani

1. Zvikomo zveGarireya

2. Zvikomo zveKarmeri

3. Zvikomo zveSamariya

4. Shephelah (zvikomo zvakaderera)

5. Nyika ine Zvikomo yeJudha

6. Renje reJudha

7. Negeb

8. Renje reParani

D. Arabha (Mupata)

1. Gova reHula

2. Nharaunda yeGungwa reGarireya

3. Rwizi rweJodhani

4. Gungwa Romunyu (Gungwa Rakafa)

5. Arabha (maodzanyemba kweGungwa Romunyu)

E. Makomo/Nyika Yakati Sandara Kumabvazuva kweJodhani

1. Bhashani

2. Gireadhi

3. Amoni neMoabhi

4. Rwenze Rwemakomo rweEdhomi

F. Makomo eRebhanoni

[Mepu]

Gomo reHermoni

More

Aberi-mehora

Sukoti

Jogobheha

Bheteri

Girgari

Gibheoni

Jerusarema

Hebroni

Gaza

Bheeri-shebha

Sodhomu?

Kadheshi

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 15]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

KENANI

Megidho

GIREADHI

Dhotani

Shekemu

Bheteri (Ruzi)

Ai

Jerusarema (Sarema)

Bheterehema (Efrati)

Mamre

Hebroni (Makpera)

Gerari

Bheeri-shebha

Sodhomu?

NEGEB

Rehobhoti?

[Makomo]

Moria

[Nzvimbo Dzemvura]

Gungwa Romunyu

[Nzizi]

Jodhani

[Mufananidzo]

Abrahamu akafamba munyika yacho

[Mepu iri papeji 18]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Troasi

SAMOTIRASI

Neaporisi

Firipi

Amufiporisi

Tesaronika

Bheriya

Atene

Korinde

Efeso

Mireto

RODZI