Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Zvinhu Zvakawanda

Kutsvaka Zvinhu Zvakawanda

Kutsvaka Zvinhu Zvakawanda

“Kana tikada zvinhu zvakawanda, hatimbofi takagutsikana.”—Mushumo weWorldwatch Institute.

“TINODEI? Zvose. Tinozvida rini? Iye zvino.” Mashoko aya aiwanzotaurwa nevamwe vadzidzi vepakoreji muma1960. Nhasi, mashoko aya chaiwo angasataurwa sezvaari, asi pfungwa yawo ichiripo. Chokwadi, kuda zvinhu zvakawanda kunoita sechinhu chikuru munguva yedu.

Kune vakawanda, kuunganidza pfuma nezvinhu ndicho chava chinhu chokutanga. Aichimbova Purezidhendi weUnited States, Jimmy Carter akamboti: “Munhu haachambozivikanwi nezvaanoita asi nezvaanazvo.” Pane zvinokosha kudarika zvinhu zvaunazvo here? Kana zviripo, zvii, uye zvichakubatsirei?