Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvimbika uye Kutsiga—Kare uye Nhasi

Kuvimbika uye Kutsiga—Kare uye Nhasi

Kuvimbika uye Kutsiga—Kare uye Nhasi

Kumaodzanyemba kwePoland pedyo nomuganhu wayo neSlovakia neCzech Republic, pane taundi duku rinonzi Wisła. Kunyange zvazvo ungava usina kumbonzwa nezveWisła, ine nhoroondo ingangofadza vaKristu vechokwadi. Inhoroondo inoratidza kuvimbika uye kushingaira kwevanamati vaJehovha. Sei?

WISŁA iri munzvimbo yakaisvonaka yemakomo, paanonyatsooneka zvakanaka. Nzizi dzinoyerera dzichimhanya uye hova mbiri, dzinodira muRwizi rwaVistula, runomonereka nomumakomo ane masango uye mumipata. Vanhu vane ushamwari vomutaundi iroro uye mamiriro okunze akasiyana nemamwe anoita kuti Wisła ive nzvimbo yezvokurapa ine mukurumbira, nzvimbo yokuvhakachira muchirimo, uye muchando.

Zvinoita sokuti nzvimbo yokutanga yaiva nezita iri yakatanga kuma1590. Muchina wokucheka mapuranga wakagadzirwa uye munguva pfupi makomo asina miti akanga ava nevanhu vaigaramo, vaichengeta makwai nemombe uye vairima. Asi vanhuwo zvavo ava vakakurumidza kuchinja chitendero chavo. Nharaunda yacho yakazara nokuchinja mune zvokunamata kwakatangwa naMartin Luther, chiLutheran chikabva chava “chitendero cheNyika muna 1545,” maererano nomuongorori anonzi Andrzej Otczyk. Asi, Hondo yeMakore Makumi Matatu uye Kuchinja kwakazoitika zvakashandura zvinoshamisa mamiriro acho ezvinhu. Otczyk anoenderera mberi achiti, “Muna 1654 vaPurotesitendi vakatorerwa zvivako zvose zvokunamatira, vakarambidzwa kunamata, uye maBhaibheri nemamwe mabhuku echitendero zvakatorwa.” Asi ruzhinji rwevanhu vomunzvimbo iyoyo rwakaramba ruri vaLutheran.

Mbeu Dzokutanga Dzechokwadi cheBhaibheri

Zvinofadza kuti kuchinja kunotokosha kwechitendero kwakanga kwava kuda kuitika. Muna 1928, mbeu dzokutanga-tanga dzechokwadi cheBhaibheri dzakadyarwa neVadzidzi veBhaibheri vaviri vaishingaira, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha. Gore rakatevera racho, Jan Gomola akasvika kuWisła negiramufoni, raaishandisa kuridza hurukuro dzeMagwaro dzakarekodwa. Akabva azoenda kumupata waiva pedyo kwaakanowana munhu akanyatsomuteerera—Andrzej Raszka, murume mupfupi, akasimba uye aida kuteerera. Raszka akakurumidza kubudisa Bhaibheri rake kuti aone kana zvaiva muhurukuro dzegiramufomu zvaiva zvechokwadi. Akabva ashamisika achiti: “Hama yangu, ndazowana chokwadi! Ndave ndichitsvaka mhinduro kubva ndichiri kurwa muHondo Yenyika I!”

Achifara chaizvo, Raszka akaenda naGomola kuti anoona shamwari dzake, Jerzy naAndrzej Pilch, avo vakagamuchira shoko roUmambo nomwoyo wose. Andrzej Tyrna, uyo akanga adzidza chokwadi cheBhaibheri kuFrance, akabatsira varume ava kudzamisa zivo yavo yeshoko raMwari. Pasina nguva vakabhabhatidzwa. Kuma1930, hama dzomumataundi aiva pedyo dzakashanya kuti dzibatsire boka duku reVadzidzi veBhaibheri romuWisła. Migumisiro yacho yaishamisa.

Vatsva vakawanda vaifarira vakatanga kuuya. Mhuri dzechiLutheran dzomunharaunda iyoyo dzaiva netsika yokuverenga Bhaibheri mumisha yadzo. Saka pavakangoona pfungwa dzomuMagwaro dzisingarambiki pamusoro pedzidziso yehero yomoto noUtatu, vakawanda vakakwanisa kusiyanisa chokwadi nenhema. Mhuri dzakawanda dzakasarudza kusiya dzidziso dzechitendero chenhema. Saka, ungano yomuWisla yakakura, uye pakazosvika 1939 yakanga yava nevanhu vanenge 140. Zvisinei, zvinoshamisa kuti vanhu vakuru vakawanda vomuungano iyoyo vakanga vasina kubhabhatidzwa. “Izvi hazvina kureva kuti vaparidzi vasina kubhabhatidzwa ava vakanga vasingakwanisi kutsigira Jehovha,” anodaro Helena, mumwe weZvapupu izvozvo zvekare. Anotizve: “Vakaratidza kuti vakanga vakavimbika pamiedzo yokutenda yavakakurumidza kusangana nayo.”

Zvakadini nevana? Vakaona kuti vabereki vavo vakanga vawana chokwadi. Franciszek Branc anorondedzera kuti: “Baba vangu pavakaona kuti vakanga vawana chokwadi, vakatanga kutidzidzisa ini nomukoma wangu. Ini ndaiva nemakore masere uye mukoma wangu aiva nemakore gumi. Baba vaitibvunza mibvunzo iri nyore, seyokuti: ‘Mwari ndiani, uye zita rake ndiani? Munozivei nezvaJesu Kristu?’ Taifanira kunyora mhinduro dzedu todzitsigira nendima dzomuBhaibheri.” Chimwe Chapupu chinoti: “Nokuti vabereki vangu vakagamuchira shoko roUmambo nokuzvidira ndokusiya Chechi yeLutheran muna 1940, ndaishorwa uye ndairohwa kuchikoro. Ndinotenda kuti vabereki vangu vakandidzidzisa nhungamiro dzeBhaibheri. Izvozvo zvakandibatsira kwazvo kutsungirira nguva iyoyo yakaoma.”

Kutenda Kunoedzwa

Hondo Yenyika II payakatanga uye vaNazi vatora nharaunda yacho, vakada kutsakatisa Zvapupu zvaJehovha. Pakutanga, vakuru—kunyanya vanababa—vakakurudzirwa kusaina kuti vaiva vomuGermany kuitira kuti vawane zvimwe zvaizovabatsira. Zvapupu zvakaramba kutsigira vaNazi. Hama dzakawanda nevanhu vaifarira vezera rokuenda kuchiuto, vakava parumananzombe: Vaigona kuenda kuhondo kana kuti kuramba vasina kwavakarerekera asi vachizorangwa zvakakomba. “Kuramba basa rechiuto kwaiguma nokuendeswa kumusasa wevasungwa waiwanzova Auschwitz,” anotsanangura kudaro Andrzej Szalbot, uyo akasungwa neGestapo muna 1943. “Ndakanga ndisati ndabhabhatidzwa, asi ndaiziva nezvevimbiso yakapiwa naJesu pana Mateu 10:28, 29. Ndaiziva kuti ndikafira kuti ndaitenda muna Jehovha, iye aizondimutsa.”

Pakutanga kwa1942, vaNazi vakasunga hama 17 dzokuWisła. Mumwedzi mitatu, 15 vavo vakafira mumusasa wokuAuschwitz. Izvi zvakaita kuti Zvapupu zvakanga zvasara muWisła zvinzwe sei? Pane kuita kuti zvirege kutenda kwazvo, izvi zvakavakurudzira kuomerera pana Jehovha vasingaregi! Mumwedzi mitanhatu yakatevera, nhamba yevaparidzi muWisła yakapetwa nekaviri. Pasina nguva, vakawanda vakasungwawo. Hama 83 uye vanofarira pamwe nevana, vose vakatambudzwa neuto raiparadza raHitler. Vane makumi mashanu nevatatu vavo vakaendeswa kumisasa yevasungwa (kunyanya Auschwitz) kana kuti yebasa rokumanikidzirwa kumigodhi uye kunzvimbo dzaicherwa matombo kuPoland, Germany, uye Bohemia.

Kuvimbika uye Kutsiga

Kumusasa weAuschwitz, vaNazi vakaedza kunyengedza Zvapupu vachiti zvaizokurumidza kusunungurwa. Mumwe murindiri weSS akaudza imwe hama kuti: “Kana ukangosaina pepa uchiti hauchadi kuva Mudzidzi weBhaibheri, tichakusunungura woenda kumba.” Izvi zvakadzokororwa kakawanda, asi hama iyi yakaramba yakavimbika kuna Jehovha. Saka yairohwa, yaitukwa, uye yaishanda somuranda kuAuschwitz nokuMittelbau-Dora, muGermany. Rusununguko rwava pedyo, hama iyi yakapotsa yafa pakabhombwa musasa kwayakanga yakachengetwa.

Paweł Szalbot, Chapupu chakafa munguva pfupi yapfuura chakamboti: “Panguva yokubvunzurudzwa, Gestapo yairamba ichindibvunza kuti nei ndairamba kupinda muuto rechiGerman uye kurumbidza Hitler.” Atsanangura zvikonzero zvake zvomuBhaibheri zvokusava nekwaakarerekera somuKristu, akatongerwa kushanda mufekitari yaigadzirwa zvombo. “Zviri pachena kuti hana yangu yaisandibvumira kuita basa rakadai, saka vakandiendesa kunoshanda mumugodhi.” Asi, akaramba akatendeka.

Vaya vakanga vasiri mujeri—vakadzi nevana—vakatumira zvokudya kune vaya vaiva kuAuschwitz. “Muzhizha taitsvaka michero inonzi macranberry musango tonoichinjanisa negorosi,” inodaro hama yaiva pwere panguva iyoyo. “Hanzvadzi dzaibheka mabhanzi dzoanyika mumafuta. Taibva taendesa mabhanzi acho ari mashoma mashoma kune vatainamata navo vaiva mujeri.”

Zvose pamwe chete, Zvapupu zvakura 53 zvakaendeswa kumisasa yevasungwa kuti zvinoita basa rokumanikidzirwa zvichibva kuWisła. Makumi matatu nevasere vavo vakafa.

Vechiduku Vanotambudzwawo

Vana veZvapupu zvaJehovha vakatamburawo nokudzvinyirira kwevaNazi. Vamwe vakaendeswa navanaamai vavo kumisasa yokuBohemia yaiva yakagadzirirwa kugarwa kwenguva duku chete. Vamwe vakaparadzaniswa nevabereki vavo ndokuendeswa kumusasa wevana waiva nomukurumbira wakaipa kuLodz.

Vatatu vavo vanoyeuka kuti, “Mumotokari yokutanga yakaenda kuLodz, vaGerman vakatitora tiri gumi, isu taiva nemakore ari pakati pemashanu nemapfumbamwe.” Takakurudzirana nokunyengetera uye nokutaura nyaya dzomuBhaibheri. Zvaiva zvakaoma kutsungirira.” Muna 1945 vana ivavo vose vakadzokera kumusha. Vakanga vari vapenyu asi vaonda uye vachishushikana. Asi, hapana chakakwanisa kuputsa kuvimbika kwavo.

Chii Chakazoitika?

Hondo Yenyika II zvayakanga yava kunopera, Zvapupu zvokuWisła zvakanga zvichakasimba mukutenda uye zvakagadzirira kutangazve basa razvo rokuparidza zvichishingaira uye zvakatsunga. Mapoka ehama akashanyira vanhu vaigara kure nokuWisła nemakiromita 40, vachiparidza nokuparadzira mabhuku eBhaibheri. “Nenguva isipi, mutaundi redu makanga mava neungano nhatu dzaishingaira,” anodaro Jan Krzok. Zvisinei, rusununguko rwokunamata haruna kugara.

Hurumende yechiKomonisiti, iyo yakatsiva vaNazi, yakarambidza basa reZvapupu zvaJehovha muPoland muna 1950. Saka hama dzeko dzaifanira kufunga mazano aishanda muushumiri hwadzo. Dzimwe nguva dzaishanyira vanhu mumisha yavo sedziri kuda kutenga mombe kana kuti zviyo. Misangano yechiKristu yaiwanzoitwa usiku mumapoka maduku. Kunyange zvakadaro, mapurisa akakwanisa kusunga vanamati vaJehovha vakawanda, achivapomera kuti vaishandira sangano rokunze kwenyika rinotsvaka mashoko—zvavakanga vasina kana chokwadi nazvo. Mamwe mapurisa akatyisidzira Paweł Pilch achimutsvinyira achiti: “Hitler haana kuputsa kuvimbika kwenyu, asi isu tichadaro.” Asi akaramba akavimbika kuna Jehovha, ari mujeri kwemakore mashanu. Zvapupu zvishomanana zvechiduku pazvakaramba kusaina gwaro rezvematongerwe enyika regutsaruzhinji, zvakadzingwa kuzvikoro kana kumabasa azvo.

Jehovha Akaramba Ainavo

Mugore ra1989 zvematongerwe enyika zvakachinja, uye Zvapupu zvaJehovha zvakazivikanwa zviri pamutemo muPoland. Vanamati vaJehovha vakatsiga vomuWisła vakawedzera basa ravo, sezvinoratidzwa nenhamba yemapiyona, kana kuti vashumiri venguva yakazara. Hama nehanzvadzi dzinenge 100 dzomunharaunda iyi dzakatora basa roupiyona. Saka hazvishamisi kuti taundi racho rakapiwa zita remadunhurirwa rokuti Fekitari Yemapiyona.

Nezvokutsigira kwakaita Mwari vashumiri vake kare, Bhaibheri rinoti: “Dai Jehovha aisava nesu, panguva yatakamukirwa navanhu; vangadai vakatimedza tiri vapenyu.” (Pisarema 124:2, 3) Munguva yedu, pasinei zvapo nokupararira kworuvengo uye unzenza zvinoitwa nevakawanda, vanamati vaJehovha muWisła vanoedza kuramba vakavimbika uye vanokomborerwa zvikuru. Zvizvarwa zvinotevedzana zveZvapupu zviri munharaunda iyoyo zvinogona kupupurira chokwadi chezvakataurwa nomuapostora Pauro, kuti: “Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?”—VaRoma 8:31.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Emilia Krzok akaendeswa nevana vake Helena, Emilia, naJan kumusasa wevasungwa muBohemia wakanga wagadzirirwa kugarwa kwenguva duku chete

[Mufananidzo uri papeji 26]

Paakaramba kuita basa rechiuto, Paweł Szalbot akaendeswa kunoshanda mumugodhi

[Mufananidzo uri papeji 27]

Hama padzakatumirwa kuAuschwitz dzikabva dzaparara dziriko, basa rakaramba richiwedzera muWisła

[Mufananidzo uri papeji 28]

Paweł Pilch naJan Polok vakaendeswa kumusasa wevechiduku kuLodz

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Maberry uye maruva: © R.M. Kosinscy / www.kosinscy.pl