Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu paakarayira vateveri vake ‘kukweretesa pasina mubereko, vasingatarisiri kudzorerwa chimwe chinhu,’ aireva here kuti vaisafanira kubvunza kunyange mari yavainge vakweretesa?

Mashoko aJesu akanyorwa pana Ruka 6:35 anonzwisisika nyore kana tikafunga nezvoMutemo waMosesi. Mwari akarayira vaIsraeri kuti vakweretese pasina mubereko vamwe vavo vechiIsraeri vainge vava kutambudzika mune zvemari uye vaida kubatsirwa. (Eksodho 22:25; Revhitiko 25:35-37; Mateu 5:42) Zvikwereti izvi zvakanga zvisingaitirwi zvinangwa zvokuita mari, kana zvokuti vawane purofiti. Asi, zvikwereti zvakadaro zvainge zvisina mubereko zvaiitirwa kuderedza urombo kana dambudziko. Chokwadi, rwaisazova rudo kuwana mari yepurofiti kubva kumuvakidzani anenge awirwa nedambudziko remari. Kunyange zvakadaro, uya aikweretesa aiva nekodzero yokuwana mari yaainge akweretesa, pane dzimwe nguva achitotora chokumbofanobata (kuchengetedza chikwereti chacho).—Dheuteronomio 15:7, 8.

Sezvaaitsigira Mutemo, Jesu akatouita kuti ushande munzira yakakura, achitaura kuti uya aibatsira aisafanira kutarisira “kudzorerwa chimwe chinhu.” Kufanana nevaIsraeri, dzimwe nguva vaKristu vanowanawo matambudziko emari kana mamwe mamiriro ezvinhu angavasiya vava varombo, vasisina kana chinhu. Kana hama yechiKristu inenge iri mumamiriro ezvinhu akaoma kudaro ikatsvaka rubatsiro rwemari, ungasava mutsa here kubatsira? Kutaura zvazviri, rudo rwechokwadi rungaita kuti muKristu ade kubatsira hama inenge yawira mumariro ezvinhu akaoma mune zvemari asi isiri mhosva yake. (Zvirevo 3:27) Zvingatoita kupa mari sechipo kuhama iyoyo inenge yawirwa nedambudziko, kunyange zvazvo ingave shoma pane yaanga achida kukwereta.—Pisarema 37:21.

Muzana remakore rokutanga C.E., muapostora Pauro naBhanabhasi vakapiwa basa rokutakura zvipo zvaibva kuvaKristu vokuAsia Minor kuenda nazvo kuhama dzavo dzomuJudhiya, pamusana penzara. (Mabasa 11:28-30) Nanhasiwo, panoitika njodzi, vaKristu vanowanzotumira zvipo kuhama dzavo. Pavanoita izvi, vanopawo uchapupu hwakaisvonaka kuvamwe. (Mateu 5:16) Zvechokwadi, tinofanirawo kufunga nezvounhu uye mamiriro ezvinhu zveari kutsvaka rubatsiro. Nei ari kushayiwa? Zvinokosha kufunga nezvemashoko aPauro anoti: “Kana pane munhu asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.”—2 VaTesaronika 3:10.

Kana hama iri kukumbira chikwereti isiri kushayiwa zvakanyanya asi ichida kumbobatsirwa kuti idzokere payanga iri mune zvemari isati yarasikirwa, zvingava zvakakodzera kuipa chikwereti chisina mubereko. Mumamiriro akadaro ezvinhu, kukweretesa nechinangwa chokuzobhadharwa mari yose kunenge kusiri kupesana nemashoko aJesu anowanika pana Ruka 6:35. Chibvumirano chinofanira kunyoreranwa, uye anenge akwereteswa anofanira kuedza nepaanogona napo kubhadhara chikwereti chake maererano nezvakabvumiranwa. Chokwadi, sezvo rudo rwechiKristu rwakaita kuti mukweretesi akweretese, runofanirawo kuita kuti mukwereti adzorere chikwereti chacho.

Uya anenge achifunga nezvokukweretesa (kana kupa chipo) anofanirawo kutarisa mamiriro ezvinhu emhuri yake. Somuenzaniso, kana akakweretesa, achiri kukwanisa here kutarisira zvinodiwa zvemhuri yake, sezvinotarisirwa neMagwaro? (2 VaKorinde 8:12; 1 Timoti 5:8) Kunyange zvakadaro, vaKristu vanotsvaka mikana yokuratidzirana rudo, vachiratidza rudo irworwo nezviito chaizvo zvinoenderana nemirayiro yeBhaibheri.—Jakobho 1:27; 1 Johani 3:18; 4:7-11.