Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani “Mwari Wechokwadi Noupenyu Husingaperi”?

Ndiani “Mwari Wechokwadi Noupenyu Husingaperi”?

Ndiani “Mwari Wechokwadi Noupenyu Husingaperi”?

JEHOVHA, Baba waShe wedu Jesu Kristu, ndiye Mwari wechokwadi. Ndiye Musiki, anopa upenyu husingaperi kune vaya vanomuda. Vakawanda vanoverenga uye vanodavira Bhaibheri vaizopindura mubvunzo wabvunzwa pamusoro apa seizvi. Chokwadi, Jesu pachake akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.”—Johani 17:3.

Asi vanhu vakawanda vanoenda kuchechi vanonzwisisa mashoko aya nenzira yakasiyana. Mashoko omusoro wenyaya ino anobva muna 1 Johani 5:20, ayo anoti muchidimbu: “Tiri pamwe nowechokwadi, nokuMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi.”

Vanodavira dzidziso yoUtatu vanoti chisazita chokuti “uyu” (houʹtos) chinoreva zita rapedzisira kutaurwa riri pedyo nacho rokuti Jesu Kristu. Vanoti Jesu “ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi.” Zvisinei, tsanangudzo iyi inopesana neMagwaro ose zvawo. Uye nyanzvi dzine chiremera dzakawanda hadzibvumi maonero aya oUtatu. B. F. Westcott, imwe nyanzvi yepaCambridge University akanyora kuti: “Zvine musoro chaizvo kuti [chisazita chokuti houʹtos] chiri kureva kwete zita riri pedyo-pedyo asi reanga agara achitaurwa nezvake nomuapostora wacho.” Saka, muapostora Johani aitaura nezvaBaba vaJesu. Imwe nyanzvi yezvechitendero yokuGermany inonzi Erich Haupt yakanyora kuti: “Zvinofanira kuonekwa kana chisazita ichi [houʹtos] chakashandiswa papfungwa iri pano chichireva zita riri ipo pano uye richangobva kutaurwa . . . kana kuti chichireva rimwe zita ratotaurwa kare, kureva Mwari. . . . Manzwisisiro okuti ari kurehwa pano ndiMwari mumwe wechokwadi, kwete kuti Kristu ndiMwariwo, anoenderana nenyevero iri kwokupedzisira yokuzvichenjerera pazvidhori.

Bhuku rinonzi A Grammatical Analysis of the Greek New Testament, rakabudiswa nePontifical Biblical Institute yokuRome, rinotiwo: “Sezvo [Houʹtos]: achigumisa [1Jo 5 ndima] 18-20, anofanira kunge achireva Mwari chaiye, wechokwadi, asiri wechihedheni (v. 211Jo 5:21).”

Kazhinji chisazita chokuti houʹtos, icho chinowanzoshandurwa kuti “uyu” kana kuti “iyeyu” mumutsara wemashoko, hachirevi zita rinenge richangobva kutaurwa. Mamwe magwaro anojekesa izvi. Pana 2 Johani 7, muapostora iyeyu anovawo munyori wetsamba yokutanga akati: “Vanyengeri vakawanda vakabudira munyika, vanhu vasingatauri pachena kuti Jesu Kristu akauya munyama. Uyu [houʹtosʹ] ndiye munyengeri anopesana naKristu.” Pano chisazita chacho hachigoni kureva zita riri pedyo-pedyo—Jesu. Zviri pachena kuti “uyu” ari kureva vaya vakaramba Jesu. Vose seboka ndivo ‘vanyengeri vanopesana naKristu.’

MuEvhangeri yake, muapostora Johani akanyora kuti: “Andireya munun’una waSimoni Petro akanga ari mumwe wevaviri vakanzwa zvakataura Johani akatevera Jesu. Kutanga iyeyu [houʹtos] akawana mukoma wake, Simoni.” (Johani 1:40, 41) Zviri pachena kuti chisazita chokuti “iyeyu” hachisi kureva munhu apedzisira kutaurwa, asi Andireya. Pana 1 Johani 2:22, muapostora wacho anoshandisa chisazita ichi nenzira iyoyi.

Ruka anoshandisawo zvakafanana chisazita ichi, sezvinooneka pana Mabasa 4:10, 11 panoti: “Muzita raJesu Kristu wekuNazareta, wamakarovera asi akamutswa naMwari kubva kuvakafa, murume uyu amire pano pamberi penyu anaya nemhaka yaiyeyu. Iri [houʹtosʹ] ndiro ‘dombo rakarangarirwa nemi vavaki serisingakoshi razova musoro wekona.’” Zviri pachena kuti chisazita chokuti “iri” hachisi kureva murume akanga aporeswa, kunyange zvazvo ari iye atangirwa nahouʹtos. Chokwadi, “iri” ari Mab 4 mundima 11 ari kureva Jesu Kristu wokuNazareta, uyo ari “musoro wekona” pakavakirwa ungano yechiKristu.—VaEfeso 2:20; 1 Petro 2:4-8.

Mabasa 7:18, 19 inojekesawo pfungwa yacho ichiti: “Kusvikira kwamuka mumwe mambo muIjipiti, akanga asingazivi nezvaJosefa. Uyu [houʹtos] akashandisa manomano eumambo padzinza redu.” “Uyu” aidzvinyirira vaJudha, akanga asiri Josefa, asi Farao, mambo weIjipiti.

Ndima dzakadai dzinopupurira mashoko akataurwa neimwe nyanzvi yechiGiriki Daniel Wallace, uyo akataura kuti pazvinongedzazita zvechiGiriki, “zita ringave riri pedyo zvikuru nazvo ringasava riri iro rinenge riri mupfungwa dzomunyori.”

“Wechokwadi”

Sokunyora kwakaita muapostora Johani, “wechokwadi” ndiJehovha, Baba vaJesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi bedzi, Musiki. Muapostora Pauro akabvuma kuti: “Chaizvoizvo kwatiri kuna Mwari mumwe Baba, zvinhu zvose zvinobva kwavari.” (1 VaKorinde 8:6; Isaya 42:8) Chimwe chikonzero chokuti Jehovha ndiye “wechokwadi” ari kurehwa pana 1 Johani 5:20 ndechokuti ndiye Tsime rechokwadi. Munyori wepisarema akati Jehovha ndiye “Mwari wazvokwadi” nokuti Akatendeka pane zvose zvaanoita uye Haamborevi nhema. (Pisarema 31:5; Eksodho 34:6; Tito 1:2) Achitaura nezvaBaba vake vokudenga, Mwanakomana akati: “Shoko renyu ichokwadi.” Uye nezvezvaaidzidzisa, Jesu akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezveakandituma.”—Johani 7:16; 17:17.

Jehovha ndiye “upenyu husingaperi.” Ndiye Anopa upenyu, Anohupa sechipo chisakafanira nokuna Kristu. (Pisarema 36:9; VaRoma 6:23) Saizvozvowo, muapostora Pauro akataura kuti Mwari “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Mwari akapa mubayiro Mwanakomana wake nokumumutsa kuvakafa, uye Baba vachapa mubayiro woupenyu husingaperi kune vaya vanoVashumira nomwoyo wavo wose.—Mabasa 26:23; 2 VaKorinde 1:9.

Saka, tinofanira kupedzisa tichitii? Tichiti Jehovha, “ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi,” hakuna mumwe. Iye chete ndiye akakodzerwa nokunamatwa zvakazara nevaya vaakasika.—Zvakazarurwa 4:11.