Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Paradhiso—Uchavamo Here?

Paradhiso—Uchavamo Here?

Paradhiso—Uchavamo Here?

“Ndinoziva mumwe murume akanga ari pamwe naKristu uyo . . . akatorwa akaendeswa kuparadhiso.”—2 VAKORINDE 12:2-4.

1. Zvipikirwa zvipi zveBhaibheri zvinofadza vakawanda?

PARADHISO. Unoyeuka manzwiro awakaita here pawakatanga kunzwa nezvechipikirwa chaMwari cheparadhiso yepasi? Ungayeuka nezvepaya pawakadzidza kuti ‘meso emapofu achasvinudzwa, nzeve dzematsi dzichadziurwa, uye renje richatumbuka’ norunako rukuru. Kana kuti zvakadini nezvouprofita hwemhumhi ichigara negwayana uye hwembudzana neingwe? Hauna kufara here kuverenga nezvokudzoka kuupenyu kwevadiwa vedu vakafa, paine tarisiro yokuti vacharamba vari muParadhiso iyoyo?—Isaya 11:6; 35:5, 6; Johani 5:28, 29.

2, 3. (a) Nei zvinganzi tariro yako yomuBhaibheri ine payakavakirwa? (b) Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvetariro zvatinazvo?

2 Tariro yako ine payakavakirwa. Une zvikonzero zvokutenda zvipikirwa zveBhaibheri nezveParadhiso iyoyo. Somuenzaniso, unovimba nemashoko aJesu kumutadzi akanga akarovererwa okuti: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Unovimba nechipikirwa chokuti: “Kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira maererano nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara mazviri.” Unovimbawo nechipikirwa chokuti Mwari achapukuta misodzi yedu; rufu haruchazovipo; kushungurudzika, kuchema, uye kurwadziwa zvichapera. Izvi zvinoreva kuti paradhiso yepasi ichavapozve!—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:4.

3 Asi chimwezve chikonzero chokutarisira Paradhiso iyi ndechimwe chinhu icho vaKristu vari pasi pose vanacho iye zvino. Chii ichocho? Mwari akaita Paradhiso yomudzimu akaunza vanhu vake mairi. Mashoko okuti “paradhiso yomudzimu” angaratidzika semashokowo zvawo, akaoma kunzwisisa, asi paradhiso iyoyi yakafanotaurwa, uye iripo zvechokwadi.

Kuratidzwa Paradhiso

4. Zvii zvakaratidzwa zvinotaurwa pana 2 VaKorinde 12:2-4, uye ndiani angangodaro akazviona?

4 Nezveparadhiso iyi, ona zvakanyorwa nomuapostora Pauro kuti: “Ndinoziva mumwe murume akanga ari pamwe naKristu uyo . . . akatorwa akadaro akaendeswa kudenga rechitatu. Hungu, ndinoziva munhu akadaro—kuti maiva mumuviri kana kuti musiri mumuviri, handizivi, Mwari anoziva—kuti akatorwa akaendeswa kuparadhiso akanzwa mashoko asingatauriki ayo asingabvumirwi nomutemo kuti munhu ataure.” (2 VaKorinde 12:2-4) Pauro akataura mashoko aya achangobva kuratidza kuti aiva muapostora wechokwadi. Uyezve, Bhaibheri harimbotauri nezvomumwe munhu akaitirwa izvozvo, asi Pauro ndiye oga anotiudza nezvazvo. Saka anofanira kunge ari Pauro akaratidzwa izvi. Mune izvi zvaakaratidzwa zvinoshamisa, i“paradhiso” ipi yaakapinda?—2 VaKorinde 11:5, 23-31.

5. Pauro haana kuonei, saka “paradhiso” yacho yaiva yorudzii?

5 Mashoko acho haaratidzi kuti “denga rechitatu” rinoreva nzvimbo isina chinhu yakapoteredza nyika yedu, kana kuti chadenga. Bhaibheri rinowanzoshandisa nhamba yechitatu kuratidza kuti chimwe chinhu ndechechokwadi, kusimbisa, kana kuti kuratidza simba rakawedzerwa. (Muparidzi 4:12; Isaya 6:3; Mateu 26:34, 75; Zvakazarurwa 4:8) Saka, zvakaratidzwa Pauro zvaiva zvakakwirira kana kuti zvaikudzwa. Zvaiva zvomudzimu.

6. Zvii zvakaitika kare zvinotibatsira kunzwisisa zvakaonekwa naPauro?

6 Uprofita hweBhaibheri hwekare hunoita kuti tinzwisise. Vanhu vake vekare pavakaratidza kuti vakanga vasina kutendeka kwaari, Mwari akasarudza kurega vaBhabhironi vachirwisa Judha neJerusarema. Izvozvo zvakazoguma nokuparadzwa muna 607 B.C.E., maererano nemaverengerwo enguva muBhaibheri. Uprofita hwacho hwakataura kuti nyika yacho yaizova dongo kwemakore 70; zvadaro Mwari aizobvumira vaJudha vainge vapfidza kuti vadzokere vonodzorerazve kunamata kwechokwadi. Izvi zvakaitika muna 537 B.C.E. zvichienda mberi. (Dheuteronomio 28:15, 62-68; 2 Madzimambo 21:10-15; 24:12-16; 25:1-4; Jeremia 29:10-14) Zvisinei, zvakadini nezvenyika yacho pachayo? Mumakore 70 iwayo, yakava sango, nzvimbo isina mvura, yaigara makava. (Jeremia 4:26; 10:22) Kunyange zvakadaro, paiva nechipikirwa ichi: “Nokuti Jehovha wakanyaradza Zioni; wakanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, nesango raro rive somunda [kana kuti Paradhiso, Septuagint] waJehovha.”—Isaya 51:3; NW, Ref., mashoko omuzasi.

7. Chii chaizoitika pashure pemakore 70 okuva dongo?

7 Izvi zvakaitika pashure pemakore 70. Nechikomborero chaMwari, zvinhu zvakava nani. Fungidzira izvi: “Renje nenyika yakawoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva. Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba. . . . Unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba; nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango. Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; pahugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe.”—Isaya 35:1-7.

Vanhu Vakadzorerwa uye Vakachinja

8. Tinoziva sei kuti chitsauko 35 chaIsaya chaitaura nezvevanhu?

8 Zvechokwadi kwaiva kuchinja chaiko! Kubva pakuva dongo kusvika pakuva paradhiso. Asi, uhwu nohumwe uprofita hwakavimbika zvinoratidza kuti vanhu vaizochinjawo, senyika inenge iri dongo inozobereka zvibereko. Nei tichigona kudaro? Chokwadi, Isaya akanga ari kutaura nezve“vakasunungurwa vaJehovha,” vaizodzokera kunyika yavo ‘vachiimba nomufaro’ uye vaine “mufaro nomwoyo muchena.” (Isaya 35:10) Izvozvo zvakashanda kwete kuivhu chairo, asi kuvanhu. Uyezve, paripowo pamwe Isaya paakataura nezvokudzorerwa kwevanhu kuZioni achiti: “Kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha . . . Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, . . . Jehovha uchameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.” Isaya akatiwo nezvevanhu vaMwari: “Jehovha uchakufambisa nguva dzose . . . , nokusimbisa mapfupa ako; uchava somunda wakadiridzwa.” (Isaya 58:11; 61:3, 11; Jeremia 31:10-12) Saka, sokuvandudzika kwaizoita masango enyika chaiyo, vaJudha vakadzorerwa vaizochinjawo.

9. Pauro akaona “paradhiso” ipi, uye izvozvo zvakazadzika rini?

9 Zvakaitika kare izvi zvinotibatsira kunzwisisa zvakaonekwa naPauro pane zvaakaratidzwa. Zvaizova nechokuita neungano yechiKristu, yaakati “munda waMwari uri kurimwa” uye yaizofanira kubereka zvibereko. (1 VaKorinde 3:9) Zvaakaratidzwa izvozvo zvaizozadzika rini? Pauro akati zvaakaona zvaiva ‘zviratidzo,’ zvenguva yemberi. Aiziva kuti pashure porufu rwake paizova nokuramba kutenda kukuru. (2 VaKorinde 12:1; Mabasa 20:29, 30; 2 VaTesaronika 2:3, 7) Vakaramba kutenda pavakapararira vachiita sokunge vakanga vovakurira, vaKristu vechokwadi vaisagona chaizvo kufananidzwa nomunda unobereka zvibereko. Asi, nguva yaizosvika yokuti kunamata kwechokwadi kukwidziridzwezve. Vanhu vaMwari vaizodzorerwa kuitira kuti ‘vakarurama vagone kupenya zvakajeka sezuva muumambo hwaBaba vavo.’ (Mateu 13:24-30, 36-43) Chaizvoizvo izvozvo zvakaitika makore mashomanana pashure pokugadzwa kwoUmambo hwaMwari kudenga. Uye nokupfuura kwemakumi emakore, zviri kuva pachena chaizvo kuti vanhu vaMwari vari muparadhiso yomudzimu, yakafanoonekwa naPauro pane zvaakaratidzwa.

10, 11. Nei tingataura kuti tiri muparadhiso yomudzimu pasinei nokusakwana kwedu?

10 Chokwadi, tinoziva kuti isu somunhu mumwe nomumwe hatina kukwana, saka hazvitishamisi kuti zvinetso zvinomuka nguva nenguva, sezvazvakaita kuvaKristu vomuzuva raPauro. (1 VaKorinde 1:10-13; VaFiripi 4:2, 3; 2 VaTesaronika 3:6-14) Zvisinei, funga nezveparadhiso yomudzimu yatinayo iye zvino. Tichienzanisa nokurwara kwataimboita mune zvokunamata, taporeswa mumudzimu. Uye siyanisa kuziya kwataimboita nokuguta kwatava kuita iye zvino mumudzimu. Mwari ari kufarira vanhu vake uye kuvapa zvikomborero zvakawanda, pane kuti vatambure sevari mugwenga romudzimu. (Isaya 35:1, 7) Pane kutadza kuona tiri murima romudzimu rakaita segomba, tiri kuona chiedza chorusununguko uye chokufarirwa naMwari. Vakawanda vakanga vakaita sematsi kuuprofita hweBhaibheri vasvika pakunzwa nokunzwisisa zvinotaura Magwaro. (Isaya 35:5) Somuenzaniso, mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha munyika yose akadzidza uprofita hwaDhanieri, ndima nendima. Vapedza izvozvo vakadzidza zvakadzama chitsauko chimwe nechimwe chebhuku reBhaibheri raIsaya. Zvokudya izvozvo zvomudzimu zvinozorodza hazvipi uchapupu hwokuti tiri muparadhiso yomudzimu here?

11 Fungazve nezvokuti vanhu vane mwoyo yepachokwadi vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vanoedza kunzwisisa uye kushandisa Shoko raMwari vakachinja unhu hwavo sei. Chaizvoizvo, vakashanda zvakaoma kubvisa unhu hwoumhuka hwavaimbova nahwo. Zvichida wakaitawo izvozvo ukabudirira, uye ndizvowo zvakaita hama nehanzvadzi dzako dzaunonamata nadzo. (VaKorose 3:8-14) Saka, sezvaunowadzana neungano yeZvapupu zvaJehovha, une vanhu vane rugare uye vakanaka zvikuru. Zvechokwadi, havasati vakwana, asi havanganzi ishumba dzinotyisa kana kuti zvikara zvinorura. (Isaya 35:9) Kuwadzana uku kwomudzimu kune runyararo norugare kunoratidzei? Zviri pachena kuti tine mamiriro ezvinhu omudzimu atinoti nenzira yakakodzera iparadhiso yomudzimu. Uye paradhiso yedu yomudzimu inofananidzira paradhiso yepasi yatichagara kana tikaramba takavimbika kuna Mwari.

12, 13. Tinofanira kuitei kuti tirambe tiri muparadhiso yedu yomudzimu?

12 Zvisinei, pane chimwe chinhu chatisingafaniri kurerutsa. Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Munofanira kuchengeta murayiro wose wandinokurayira nhasi, kuti musimbe, mupinde, mutore nyika iyo kwamunoyambuka kundoiita yenyu.” (Dheuteronomio 11:8) Pana Revhitiko 20:22, 24, nyika iyoyo inotaurwa zvakare: “Chengetai mitemo yangu yose, nezvose zvandakatonga, kuti muzviite; kuti nyika yandinozokuisai kwairi, kuti mugaremo, irege kukurutsai. Asi ndakakuudzai imi, ndikati: Muchagara nhaka yenyika yavo, ndichakupai iyo ive yenyu; inyika inoyerera mukaka nouchi.” Chokwadi, kuva muNyika Yakapikirwa kwaienderana nokuva noukama hwakanaka naJehovha Mwari. Kusamuteerera ndiko kwakaita kuti Mwari abvumire vaBhabhironi kuti vakunde vaIsraeri uye vavabudise munzvimbo yavaigara.

13 Pane zvakawanda zvingava zvichitifadza nezveparadhiso yedu yomudzimu. Mamiriro acho ezvinhu anotifadza, otizorodza. Tine rugare nevaKristu vakashanda kuti vabvise unhu hwoumhuka. Vari kuedza kuva nomutsa uye kubatsira. Zvisinei, kuramba tiri muparadhiso yedu yomudzimu hakungorevi kuva noukama hwakanaka nevanhu ava. Zvinoda kuti tive noukama hwakanaka naJehovha toita zvaanoda. (Mika 6:8) Takapinda muparadhiso iyi yomudzimu nokuzvidira, asi tingakukurwa—kana kuti kudzingwa—kana tikasashandira kuti tichengetedze ukama hwedu naMwari.

14. Chii chichatibatsira kuramba tiri muparadhiso yomudzimu?

14 Chinhu chinokosha chichatibatsira ndechokuti tirambe tichisimbiswa neShoko raMwari. Ona mutauro wokufananidzira uri pana Pisarema 1:1-3: “Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa . . . Asi unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” Kuwedzera kune izvi, mabhuku eBhaibheri anobva kuboka romuranda akatendeka uye akangwara anotipa zvokudya zvomudzimu muparadhiso yomudzimu.—Mateu 24:45-47.

Kusimbisa Maonero Aunoita Paradhiso

15. Nei Mosesi akakundikana kutungamirira vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa, asi akaonei?

15 Chimbofunga zvimwe zvakafanoonekwa nezveParadhiso. Pashure pokunge vaIsraeri vadzungaira murenje kwemakore 40, Mosesi akavatungamirira kuMapani eMoabhi, kumabvazuva kwoRwizi rwaJodhani. Nemhaka yokumbotadza kwakanga kwaita Mosesi, Jehovha akasarudza kuti Mosesi aisazotungamirira vaIsraeri kuyambuka Jodhani. (Numeri 20:7-12; 27:12, 13) Mosesi akateterera Mwari achiti: “Donditenderai henyu kuyambuka, ndione nyika yakanaka iri mhiri kwa[Jodhani].” Kunyange zvazvo akanga asingazopindimo, pashure pokunge akwira muGomo rePisga uye aona mativi akasiyana-siyana enyika iyoyo, Mosesi anofanira kunge akaona kuti yaiva “nyika yakanaka.” Unofunga kuti nyika iyoyo yakanga yakaita sei?—Dheuteronomio 3:25-27.

16, 17. (a) Nyika Yakapikirwa yomunguva yekare yakasiyana sei nezvairi nhasi? (b) Nei tingadavira kuti Nyika Yakapikirwa yaimbova yakaita separadhiso?

16 Kana ukavakira kufunga kwako pane zvave zvakaita nharaunda yacho nhasi, ungafunga nezvenyika yakaoma ine jecha, ine magwenga ane matombo uye inopisa kwazvo. Zvisinei, pane chikonzero chokufunga kuti nharaunda yacho yakanga isina kutombodaro munguva inotaurwa muBhaibheri. Mumagazini inonzi Scientific American, nyanzvi yemvura nevhu Dr. Walter C. Lowdermilk yakatsanangura kuti nyika iri munharaunda iyi yaka“kanganiswa nokushandiswa zvisina kufanira kwechiuru chemakore.” Nyanzvi iyi yakanyora kuti: “‘Renje’ rakatsiva nyika yaimbova yakasvibirira rakakonzerwa nevanhu, kwete kuti rakangozviitikira roga.” Kutaura zvazviri, kuongorora kwake kwakaratidza kuti “nyika iyi yaimbova paradhiso yevafudzi.” Zvinobva zvava pachena kuti yaimbova “paradhiso yevafudzi” yakakanganiswa nevanhu.” *

17 Uchifunga nezvezvawaverenga muBhaibheri, ungaona kuti zvine musoro kugumisa kuti Nyika Yakapikirwa yaiva paradhiso chaiyo. Yeuka zvakavimbiswa vanhu naJehovha achishandisa Mosesi: “Nyika kwamunoyambuka, kundoiita yenyu, inyika yamakomo nemipata, inonwa mvura yokudenga; inyika inochengetwa naJehovha Mwari wako.”—Dheuteronomio 11:8-12.

18. Isaya 35:2 inofanira kunge yakapa sei vaIsraeri vaiva vakatapwa pfungwa yezvaizova zvakaita Nyika Yakapikirwa?

18 Kungotaura nezvedzimwe nzvimbo kwaibatsira kufunga nezvorunako rweNyika Yakapikirwa yainge yakasvibirira uye yakaorera yakaita separadhiso. Izvozvo zviri pachena muuprofita huri muchitsauko 35 chaIsaya, hwakatanga kuzadzika vaIsraeri pavakadzoka vachibva kuBhabhironi. Isaya akafanotaura kuti: “Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba hweKarmeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.” (Isaya 35:2) Kungotaura nezveRebhanoni, Karmeri neSharoni kunofanira kunge kwakaita kuti vaIsraeri vafunge nezvenyika inogutsa uye yakanaka.

19, 20. (a) Rondedzera nzvimbo yeSharoni yekare. (b) Ndeipi imwe nzira yokusimbisa nayo tariro yedu yeParadhiso?

19 Funga nezveSharoni, bani rakaganhurana negungwa pakati pezvikomo zveSamariya neGungwa Guru, kana kuti Mediterranean. (Ona mufananidzo uri papeji 10.) Raizivikanwa nokunaka uye kuorera kwaro. Zvarakanga riine mvura yakawanda, rakanga rakakodzera kuva mafuro, asi raiva nemasango emiti inonzi mioak nechokuchamhembe. (1 Makoronike 27:29; Rwiyo rwaSoromoni 2:1, NW, Ref., mashoko omuzasi; Isaya 65:10) Saka Isaya 35:2 yakanga ichifanotaura nezvokudzorerwa uye nyika inotumbuka norunako zvikuru, ichibva yaita separadhiso. Uprofita ihwohwo hwairevawo paradhiso yomudzimu inofadza, inoenderana nezvakazoratidzwa Pauro. Pakupedzisira, uprofita uhwu pamwe chete nohumwewo, hunosimbisa tariro yedu yeparadhiso yepasi yevanhu.

20 Sezvatinogara muparadhiso yedu yomudzimu, tinogona kusimbisa kuifarira kwedu uye tariro yedu yeParadhiso yepasi pano. Sei? Nokuwedzera kunzwisisa kwatinoita zvatinoverenga muBhaibheri. Zvinotsanangurwa neBhaibheri uye uprofita zvinowanzotaura nzvimbo chaidzo. Ungada here kunzwisisa zviri nani kuti nzvimbo idzi dzaiva kupi uye kuti dzaidyidzana sei? Munyaya inotevera, tichakurukura kuti ungaita sei izvi kuti zvikubatsire.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Denis Baly, achinyora mubhuku rinonzi The Geography of the Bible anoti: “Kubvira munguva inotaurwa muBhaibheri, mamerero ezvinhu anofanira kuva akachinja chaizvo.” Zvakakonzerwa nei? “Vanhu vaida huni uye mapango okuvakisa saka . . . vakatanga kutema miti zvichibva zvaita kuti nyika iparadzwe nemamiriro okunze. Kuvhiringidzwa kwezvakapoteredza izvi kwakaguma nokuita kuti mamiriro okunze . . . achinje kuva anoparadza zvishoma nezvishoma.”

Unoyeuka Here?

• Muapostora Pauro akaratidzwa “paradhiso” ipi?

• Ndokupi kwaiva kuzadzika kwokutanga kwechitsauko 35 chaIsaya, uye kwakabatana sei nezvakaratidzwa Pauro?

• Tingasimbisa sei kufarira kwedu paradhiso yedu yomudzimu uye tariro yedu yeparadhiso yepasi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Bani reSharoni, nzvimbo yakaorera yomuNyika Yakapikirwa

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Mosesi akaona kuti yaiva “nyika yakanaka”