Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku—Bvumirai Vabereki Venyu Kuti Varinde Mwoyo Yenyu!

Vechiduku—Bvumirai Vabereki Venyu Kuti Varinde Mwoyo Yenyu!

Vechiduku—Bvumirai Vabereki Venyu Kuti Varinde Mwoyo Yenyu!

UNOFUNGA kuti ibasa ripi rakanyanyoomera kaputeni wengarava? Nderokuyambuka nyanza yakakura pasina ngozi here? Kazhinji handizvo. Kuputsika kwakawanda kwengarava kunowanzoitika pedyo nemhenderekedzo, kwete pakati pegungwa. Kutaura zvazviri, kumisa ngarava pachiteshi kungatova nengozi yakanyanya kudarika kuita kuti ndege imhare. Nei?

Kaputeni asati amisa ngarava yake zvakanaka, anofanira kunzvenga njodzi dzose dzingava pachiteshi chacho. Anofanira kuziva nezvesimba remvura iri pasi pasi ukuwo achinzvenga kuroverana nedzimwe ngarava. Anofanirawo kunzvenga michinjiziri yejecha, matombo kana dzimwewo ngarava dzakaputsika dzinenge dziri pasi pemvura. Zvinotowedzera njodzi yacho ndezvokuti kangave kari kokutanga kushanyira chiteshi chacho.

Kuti akurire zvipingamupinyi izvi, kaputeni akangwara angakumbira kubatsirwa nomutyairi wengarava anonyatsoziva chiteshi chacho. Mutyairi uyu anomira padivi pakaputeni achimuratidza nounyanzvi mokufamba namo. Vose vanokurukura njodzi dzacho vofambisa ngarava nomunzvimbo dzisina njodzi vachienda kuchiteshi.

Unyanzvi hunokosha hwomutyairi wacho hunoenzanisira rubatsiro runokosha runogona kuwanikwa nevaKristu vechiduku avo vanofanira kupfuura nomumamiriro ezvinhu akaoma oupenyu. Rubatsiro urwu ndorwei? Nei vechiduku vachida rubatsiro urwu?

Regai tienderere mberi nomuenzaniso wengarava. Kana uchiri muduku achiri kuyaruka, wakati fananei nakaputeni wengarava pakuti unozongofanira kuzvitarisira muupenyu hwako. Uye vabereki vako vane basa rakafanana neromutyairi wengarava, sezvavanoedza kukutungamirira kupfuura nomumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru auchatofanira kutarisana nawo muupenyu. Zvisinei, paunenge uchiyaruka, ungazviwana zvakaoma kugamuchira zano raunopiwa nevabereki vako. Nei zvakadaro?

Kazhinji chinetso chacho chine chokuita nomwoyo. Mwoyo wako wokufananidzira ungaita kuti ude zvinorambidzwa kana kuti ude kupikisa zvaunoona sokunyimwa rusununguko kuri pachena. “Kufunga kwomwoyo womunhu,” rinodaro Bhaibheri, “kwakaipa kubva pauduku hwake.” (Genesi 8:21) Jehovha anojekesa kuti une miedzo yakakura yauchatarisana nayo. Anonyevera kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, uye unotsaukira kune ngozi.” (Jeremia 17:9, Rotherham) Kuwedzera pakuda zvinhu zvakaipa, mwoyo unogona kunyengera wechiduku kufunga kuti anoziva kudarika vabereki vake, kunyange zvazvo vachiziva zvakawanda. Zvisinei, pane zvikonzero zvakanaka zvokuti ude kubatsirwa nevabereki vako paunenge uchiyaruka.

Nei Uchifanira Kuteerera Vabereki Vako?

Kupfuura zvose, Jehovha, Muvambi wemhuri, anokuudza kuti unofanira kuteerera zvaunorayirwa nevabereki vako. (VaEfeso 3:15) Sezvo Mwari akagadza vabereki vako kuti vakutarisire, anokupa zano iri rinoti: “Imi vana teererai vabereki venyu. Chinhu chakanaka kuti mudaro nokuti Mwari wakavapa simba pamusoro penyu.” (VaEfeso 6:1-3, Bhaibheri Dzvene; Pisarema 78:5) Sezvaungave uri kuyaruka iye zvino, vabereki vako vachine mutoro wokukutungamirira, uye unofanira kuvateerera. Muapostora Pauro paakanyora kuti vana vanofanira kuteerera vabereki vavo, akashandisa shoko rechiGiriki rinogona kushanda kuvana vemazera ose. Somuenzaniso, sezvakanyorwa pana Mateu 23:37, Jesu akataura nezvevagari vomuJerusarema achivati “vana” vake, kunyange zvazvo vazhinji vavo vakanga vari vanhu vakuru.

Vanhu vekare vakawanda vakatendeka vakaramba vachiteerera vabereki vavo kunyange pavakanga vatova vanhu vakuru. Kunyange zvazvo Jakobho akanga ava munhu mukuru, ainzwisisa kuti aifanira kuteerera murayiro wababa vake wokuti asaroora mukadzi akanga asinganamati Jehovha. (Genesi 28:1, 2) Ndezvechokwadiwo kuti Jakobho akacherechedza kuti zvakasarudzwa nomukoma wake zvokuroora vakadzi veKanani vaiva vahedheni, zvakanga zvarwadzisa mwoyo yevabereki vake.—Genesi 27:46.

Kunze kwebasa ravo ravakapiwa naMwari rokukutungamirira, vabereki vako vechiKristu vangangova ivo vanonyatsokwanisa kukupa mazano. Zvakadaro nokuti ndivo vanonyatsokuziva uye ndezvechokwadi kuti vakakuratidza rudo rwavo rusina udyire kwemakore akawanda. Kungofanana nomutyairi wengarava, vanotaura zvavanoziva. Ivo vanozivawo “kuchiva kwouduku.” Uye sevaKristu vechokwadi, vanonyatsoona kukosha kwokutevera mirayiro yeBhaibheri.—2 Timoti 2:22.

Zvaune vanhu vakadaro vane ruzivo vanokubatsira, unoyamurwa kubudirira kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma kwazvo. Somuenzaniso, funga nezvokushamwaridzana kwevakomana nevasikana. Vabereki vechiKristu vangakutungamirira sei munyaya iyi inonetsa?

Kukwezvwa Nevakomana Kana Vasikana

Vatyairi vengarava vanoyambira makaputeni kuti afambire kure nemichinjiziri yejecha iri pasi pemvura. Michinjiziri yejecha haina kuomarara asiwo inonyengera, sezvo ichigara ichichinja-chinja. Saizvozvowo vabereki vako vachada kuti utambire kure nezvinhu zvinogona kukanganisa mafungiro ako. Somuenzaniso, vabereki vanoziva kuti kuda mukomana kana musikana kungasimba uye kungaoma kurondedzera. Asi kana kwangodenhwa chete, kunoita kuti ugumirwe.

Muenzaniso waDhina unojekesa njodzi yokunyanya kufamba pedyo nengozi. Zvichida kuda kuziva uye kuda kunakidzwa ndizvo zvakaita kuti Dhina ade kushamwaridzana nevasikana vokuKenani, avo zvechokwadi vakanga vaine tsika dzakashata. Zvaiita sokungonakidzwa kusingakuvadzi, nenguva isipi zvakatungamirira kungozi—kubatwa chibharo nejaya rai“kudzwa kupfuura vose” muguta.—Genesi 34:1, 2, 19.

Njodzi dzakadaro dziri kuwedzera nemhaka yokusimbiswa kwezvepabonde kuri kuitwa munguva ino yatiri kurarama. (Hosea 5:4) Vechiduku vakawanda vangaita kuti zviratidzike sokuti kushamwaridzana kwevakomana nevasikana kunonakidza zvikuru. Mwoyo wako ungada kuti muve moga iwe nomunhu waunoda. Asi vabereki vanokuda vachaedza kukudzivirira kuti usashamwaridzane nevechiduku vasingaremekedzi zvinodiwa naMwari.

Laura anobvuma kuti kuda kuziva kunoita kuti vechiduku vasaona ngozi. “Vasikana vomukirasi yangu pavanondiudza kuti vanga vachitamba kusvika usiku nevakomana vakanaka, vanotaura sokuti zvinhu zvisingazombokanganwiki. Ndinoziva kuti kazhinji vanowedzeredza, asi ndinongonzwa ndichida kuziva uye ndichifunga kuti pamwe ndiri kurasikirwa nemafaro akawanda. Kunyange ndichiziva kuti vabereki vangu vakarurama pavanondirambidza kuenda kunzvimbo dzakadaro, ndinongonzwa ndichida kuenda.”

Ngarava haina mabhureki, saka inotora nguva refu kuti imire. Vabereki vanoziva kuti ndizvo zvinoitawo rudo. Bhuku raZvirevo rinofananidza murume asingagoni kudzora rudo rwake nenzombe inoenda kunourayiwa. (Zvirevo 7:21-23) Haungadi kuti izvi zviitike kwauri, zvichiita kuti uparare mupfungwa uye mune zvokunamata. Vabereki vako vangaziva kana mwoyo wako wava kukutsausa munhau iyi, uye vangakupa zano rakakodzera. Uchava akachenjera wovateerera ndokunzvenga dambudziko here?—Zvirevo 1:8; 27:12.

Unodawo kutsigirwa nevabereki vako kuti usanzwe uchida kufanana nevezera rako. Vangakubatsira sei?

Simba Rokunyengetedza Revezera Rako

Mhepo ine simba inogona kutsausa ngarava mugwara. Kuti ikurire simba iri, ngarava inofanira kunangiswa kune rimwe divi. Saizvozvowo, simba rokunyengetedza revamwe vechiduku rinogona kukutsausa mugwara rezvokunamata kutoti ukatora mamwe matanho.

Sezvinoratidzwa nezvakaitika kuna Dhina, “anoshamwaridzana namapenzi achakuvara.” (Zvirevo 13:20, Bhaibheri Rinoera) Yeuka kuti muBhaibheri, “benzi” munhu asingazivi Jehovha kana anosarudza kusafamba munzira dzake.

Zvisinei, zvingasava nyore kuramba maonero uye zvinoitwa nevaunodzidza navo. María José anotsanangura kuti: “Ndaida kufarirwa nevamwe vechiduku. Sezvo ndaisada kuti vafunge kuti ndakanga ndakasiyana navo, ndaiedza kuvatevedzera.” Usingazvioni, vezera rako vanogona kuita kuti ude zvavanoda—mune zvemimhanzi yaunosarudza, mune zvaunoda kupfeka, kana mumatauriro ako chaiwo. Zvichida unonzwa wakasununguka kana uine vechiduku vezera rako. Izvi zvinoitika, asi zvingava nyore kuti vakufurire, izvo zvingazoita kuti uparare.—Zvir. 1:10-16.

Caroline anoyeuka nguva yakaoma yaakava nayo makore mashomanana apfuura achiti: “Kubvira pandaive nemakore 13, vasikana vakawanda vandaishamwaridzana navo vaiva nevakomana, uye kwemakore akawanda ndainzwa ndichingoda kuvatevedzera. Zvisinei, amai vangu vakanditungamirira munguva iyi yakaoma. Vaipedza maawa akawanda vachinditeerera, vachindibatsira kufunga, uye vachindibatsira kuona kukosha kwokumbomira kuva nomukomana kusvikira ndanyatsokura.”

Kufanana naamai vaCaroline, vabereki vako vanganzwa vachida kukunyevera nezvokuda kufanana nevezera rako kana kutokurambidza kuita zvimwe zvinhu kana kuva nedzimwe shamwari. Nathan anoyeuka achipikisana kakawanda nevabereki vake panyaya idzi. “Shamwari dzangu dzaiwanzondikumbira kuti ndifambe nadzo,” anotsanangura kudaro, “asi vabereki vangu vakanga vasingadi kuti ndipedze nguva ndiri mumapoka akakura eshamwari kana kuenda kumapati makuru asina aidzora. Panguva iyoyo, ndaisanzwisisa kuti nei vamwe vabereki vaibvumira izvozvo vangu vasingadaro.”

Zvisinei, Nathan akazonzwisisa. “Kwandiri, ndinoziva kuti ‘upenzi hwakanga hwakanamatira mumwoyo womwana,’” anobvuma kudaro. “Zvinoita sokuti vakomana pavanoshamwaridzana vari mapoka, upenzi hunovapo nyore nyore. Mumwe chete anotanga kuita chimwe chinhu chakaipa, mumwe ochiwedzera, uye wechitatu oita kuti chitonyanya kuipa. Nenguva isipi, vamwe vose vanonzwa vachida kuzviitawo. Kunyange vechiduku vanoti vanoshumira Jehovha vanogona kuwira mumusungo uyu.”—Zvirevo 22:15.

Nathan naMaría José vairwisana nezvaidiwa nemwoyo yavo pavairambidzwa nevabereki vavo kuita zvimwe zvinhu zvavainzi vaite nevezera ravo. Zvisinei, vaiteerera, uye pashure pacho vaifara kuti vakanga vaita saizvozvo. Chirevo chinoti: “Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, mwoyo wako urangarire zivo yangu.”—Zvirevo 22:17.

Vakakodzera Kukudzwa

Ngarava inorerekera divi rimwe chete inonetsa kuti inange kunodiwa, uye ikanyanya kurereka, inogona kupidiguka nyore nyore. Nokuti hatina kukwana, tose zvedu tinonzwa tichida kuita zvinhu zvoudyire uye zvinorambidzwa. Pasinei neizvi, vechiduku vanogona kuita sevasvika pachiteshi, kana vakanyatsotevera kutungamirira kwevabereki vavo.

Somuenzaniso, vabereki vako vanogona kukubatsira kuti urambe pfungwa yokuti pane mugwagwa uri nechepakati pewakatetepa unoenda kuupenyu nowakapamhama unoenda kuruparadziko. (Mateu 7:13, 14) Hazvishandi kufunga kuti unogona kunakidzwa nezvinhu zvishomanana zvakaipa asi usingadariki mwero, kungofanana nokuti haugoni “kuravidza” asi usingamedzi. Vaya vanoedza kutevedzera mafungiro iwayo vari kuva ne“mifungo miviri”—kushumira Jehovha kusvika pamwero wakati ukuwo vachida nyika nezvinhu zviri munyika—uye vanogona kupidiguka nyore nyore mune zvokunamata. (1 Madzimambo 18:21; 1 Johani 2:15) Nei izvozvo zvichiitika? Nemhaka yokuti tinonzwa tichida kutadza.

Zvishuwo zvedu zvokutadza zvinoramba zvichisimba kana tikazvirega zvichitikunda. ‘Mwoyo wedu unonyengera’ haumbogutswi nokungoravidza. Uchatoda zvakawanda. (Jeremia 17:9) Kana tangotanga kukukurwa mune zvokunamata, nyika icharamba ichiwedzera kushandisa simba rayo patiri. (VaHebheru 2:1) Ungasazvicherechedza kuti uri kurereka mune zvokunamata, asi vabereki vako vangangozviona. Chokwadi, vangatadza kudzidza purogiramu yekombiyuta nokukurumidza sezvaunoita, asi vanoziva zvakawanda chaizvo nezvomwoyo unonyengera kukudarika. Uye vanoda kukubatsira kuti “ururamisire mwoyo wako munzira” inogona kuguma noupenyu.—Zvirevo 23:19.

Zvechokwadi, usatarisira vabereki vako kuona zvinhu nenzira yakakwana pavanenge vachifanira kukurayiridza muzvinhu zvakaoma, zvakadai semimhanzi, varaidzo, uye kuzvishambidza. Vabereki vako vangasava nouchenjeri sohwaSoromoni kana kuti vangasashivirira saJobho. Kungofanana nomutyairi wengarava, dzimwe nguva vangatokanganisawo pavanenge vachiedza kukururamisa. Zvisinei, uchaona kuti mirayiridzo yavo inokosha kana ukateerera ‘kurayirira kwababa vako; uye ukasarasa kudzidzisa kwaamai vako.’—Zvirevo 1:8, 9.

Vamwe vechiduku vangataura vachizvidza vabereki vavo. Asi kana vabereki vako vachiedza kutevera Magwaro, nguva dzose vanokutsigira mumamiriro akasiyana-siyana ezvinhu, pose paunotarisana nematambudziko. Kungofanana nakaputeni wengarava uyo anorayirwa nomutyairi, unoda kutungamirirwa nevabereki vako, kuti upinde munzira youchenjeri. Mibayiro yacho haiverengeki.

“Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta; zvikurwire panzira yezvakaipa, napavanhu vanotaura zvisakarurama; vanorasa makwara okururama, kuti vafambe nenzira dzerima . . . Nokuti vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo.”—Zvirevo 2:10-13, 21.

[Mufananidzo uri papeji 22]

Simba rokunyengetedza revamwe vechiduku rinogona kukutsausa mugwara rezvokunamata

[Mufananidzo uri papeji 23]

Yeuka zvakaitika kuna Dhina

[Mufananidzo uri papeji 24]

Sezvo kaputeni wengarava achitsvaka mazano kumutyairi ane ruzivo, vechiduku vanofanirawo kuita kuti vabereki vavo vavatungamirire

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Mufananidzo: www.comstock.com