Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Vatungamiriri Vakanaka

Kutsvaka Vatungamiriri Vakanaka

Kutsvaka Vatungamiriri Vakanaka

“Ndati chienda, uye tatopedza newe. Muzita raMwari, chienda!”—Mashoko aOliver Cromwell akataurwa naLeopold Amery, nhengo yeParamende yeBritain.

Hondo Yenyika II yakanga yave ichirwiwa kwemwedzi misere, ichiparadza zvakawanda, uye zvaiita sokuti Britain nevakanga vakabatana nayo vaizokundwa. Semaonero aLeopold Amery nevamwe vaiva muhurumende yacho, paidiwa mumwe mutungamiriri. Saka musi waMay 7, 1940, muDare reParamende rokuBritain, VaAmery vakaudza Mutungamiriri Wehurumende Neville Chamberlain mashoko ari pamusoro apa. Kwapera mazuva matatu, VaChamberlain vakabva pachigaro, uye Winston Churchill akatora nzvimbo yavo.

MUTUNGAMIRIRI chinhu chinokosha chinodiwa nevanhu, asi hazvirevi kuti mutungamiriri chero upi zvake anokwanisa. Kunyange mumhuri, kuti mudzimai nevana vafare, baba vanofanira kuratidza kuti vanogona kutungamirira. Saka chimbofungidzira zvingadiwa kuti munhu ave mutungamiriri worudzi kana kuti wenyika! Hazvishamisi kuti zvakaoma zvikuru kuwana vatungamiriri vakanaka.

Saka, kwezviuru zvemakore, vanhu vakawanda vakagadzwa pachigaro, hurumende dzakachinjwa, vatungamiriri vakabviswa pachigaro nechisimba, sarudzo dzakaitwa, vanhu vakaurayirwa chigaro, uye vatongi vakachinjwa. Nguva nenguva madzimambo, vatungamiriri vehurumende, machinda, mapurezidhendi, vanyori vakuru uye vadzvinyiriri vanogara pazvigaro uye vanobva pazvigaro. Kuchinja kwakanga kusingatarisirwi kwakabvisa kunyange vatongi vaiva nesimba. (Ona bhokisi rakanzi “Kungoerekana Vabviswa Pachigaro,” riri papeji 5.) Kunyange zvakadaro, vatungamiriri vanokwanisa uye vanogara kwenguva refu vave vachinetsa kuwana.

“Tongogutsikana Nezviripo Here”—Kana Kuti Tochinja?

Saka hazvishamisi kuti vakawanda havasisina tariro kana tichitaura nezvevatungamiriri vakanaka. Mune dzimwe nyika, kusakendenga nokushayiwa tariro kwevanhu kunonyanya kuzooneka panguva yesarudzo. Mumwe mutori wenhau womuAfrica anonzi Geoff Hill, akati: “Kana vanhu vachiziva kuti havana simba rokuchinja nhamo yavainayo havakendengi uye vanorega kuvhota. . . . MuAfrica, vanhu pavanorega kuvhota, hazvirevi hazvo kuti vari kugutsikana. Kakawanda kacho, vaya vanoona sokuti hapana ane hanya nenhamo yavo vanenge vari kutochemera kubatsirwa.” Uyewo, mumwe munyori wenyaya dzinobuda mupepanhau wokuUnited States akanyora nezvesarudzo dzaizoitwa achiti: “Ndinoshuva kuti dai munhu ari kukwikwidza achizoita zvinhu nomazvo.” Akatizve: “Hapana munhu akadaro. Haazombofi akavapo. Tongogutsikana nezviripo.”

Ichokwadi here kuti vanhu havagoni kusarudza, asi kuti vanofanira ku“ngogutsikana” nevatungamiriri vasina kukwana? Kutadza kuri kuita vatungamiriri kugutsa zvinodiwa nevanhu vavanotonga kunoratidza here kuti hatichazombofi takawana vatungamiriri vakanaka? Kwete. Vatungamiriri vakanyatsonaka varipo. Nyaya inotevera ichakurukura kuti mutungamiriri akanaka ndiani uye kuti mabasa aachaita angabatsira sei mamiriyoni mazhinji evanhu vanobva kwakasiyana-siyana—kusanganisira iwe.

[Mifananidzo iri papeji 3]

Kumusoro nechokuruboshwe: Neville Chamberlain

Kumusoro nechokurudyi: Leopold Amery

Pazasi: Winston Churchill

[Kwazvakatorwa]

Chamberlain: Mufananidzo naJimmy Sime/Central Press/Getty Images; Amery: Mufananidzo naKurt Hutton/Picture Post/Getty Images; Churchill: The Trustees of the Imperial War Museum (MH 26392)