Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Ungano yechiKristu inoona sei makaro?

Shoko raMwari rinoshora udhakwa nemakaro sounhu husingagamuchiriki kune vaya vanoshumira Mwari. Naizvozvo, ungano yechiKristu inoona munhu anozivikanwa kuti ane makaro semaonero ainoita munhu anogara achidhakwa. Chidhakwa kana kuti munhu ane makaro haagoni kuva nhengo yeungano yechiKristu.

Zvirevo 23:20, 21 inoti: “Usava pakati pavanokarira waini, pakati pavanokarira nyama. Nokuti munwi noune madyo vachava varombo; hope dzichapfekedza munhu mamvemve.” Pana Dheuteronomio 21:20, tinoverenga nezvomunhu ‘akasindimara uye anomukira,’ uyo anofanira kuurayiwa maererano noMutemo waMosesi. Maererano nendima iyi, zvinhu zviviri zvainyanya kuzivikanwa nezvomunhu iyeye akasindimara uye asingapfidzi zvaiva zvokuti akanga aine ‘makaro uye ari chidhakwa.’ Zviri pachena kuti muIsraeri yekare, kuva nemakaro kwaisagamuchirika kune vaya vaida kushumira Mwari.

Zvisinei, munhu ane makaro anoita sei, uye Magwaro echiKristu echiGiriki anotii nezvenyaya iyi? Munhu ane makaro anorondedzerwa “somunhu anogara achidyisa nokunwisa zvinoratidza nhafu nemadyo.” Saka chokwadi ndeichi, kuva nemakaro kuva nenhafu, uye Shoko raMwari rinotiudza kuti “vanhu vanokara” ndevaya vasingazogari nhaka yoUmambo hwaMwari. (1 VaKorinde 6:9, 10; VaFiripi 3:18, 19; 1 Petro 4:3) Uyezve, muapostora Pauro paakanyevera vaKristu kuti vasaita “mabasa enyama” akataura nezve“nguva dzokunwira kudhakwa, mitambo yokuzvifadza, nezvinhu zvakaita seizvi.” (VaGaratiya 5:19-21) Kudyisa kunowanzofambirana nokunwira kudhakwa uye mitambo yokuzvifadza. Uyezve, kuva nemakaro kunobatanidzwawo mumashoko aPauro okuti “nezvinhu zvakaita seizvi.” Kufanana nemamwe “mabasa enyama,” muKristu anozivikanwa zvikuru kuti ane makaro uye anoomesa musoro achiramba kuchinja muitiro wake wokuva nenhafu anofanira kubviswa muungano.—1 VaKorinde 5:11, 13. *

Kunyange zvazvo Shoko raMwari richiona chidhakwa nomunhu ane makaro zvakafanana, chidhakwa chiri nyore kuziva zvikuru pane munhu ane makaro. Zviratidzo zvoudhakwa zvinowanzova pachena. Zvisinei, kuziva kuti munhu ava nemakaro kwakaoma zvikuru nokuti hazvigoni kungozivikanwa nyore nechitarisiko chokunze. Naizvozvo, kuti vakuru vatarisire zvinhu zvinomuka panyaya iyi yokuva nehanya nayo, zvinoda kuti vakuru vari muungano vangwaririre zvikuru uye vanzwisise.

Somuenzaniso, kufutisa kungava chiratidzo chemakaro, asi hazvirevi hazvo kuti nguva dzose kufutisa kunokonzerwa nemakaro. Mumwe angafuta pamusana pokurwara. Kufutisa kungakonzerwawo nokutodza vabereki. Tinofanirawo kuyeuka kuti kufutisa chirwere, nepo kuva nemakaro mafungiro omunhu. Kufutisa kunorondedzerwa se“chirwere chemafuta akawandisa mumuviri,” nepo kuva nemakaro kuri “kuva nenhafu kana kuti kunyanya kudyisa.” Saka, kuva nemakaro hakuonekwi nomumhu womunhu asi nemadiro aanoita zvokudya. Munhu angava nomumhu wakanaka kana kuti angatova mutete asi aine makaro. Uyezve, zvinoonekwa somuviri wakanaka kana kuti chimiro chakanaka zvinosiyana-siyana zvichienderana nenzvimbo yacho.

Ndezvipi zviratidzo zvokuva nemakaro? Munhu ane makaro kakawanda haazvidzori, angatoramba achidya kusvikira azvimbirwa kana kuti ava kurwara. Kusazvidzora kwake kunoratidza kuti haana hanya chaizvo noruzvidzo rwaanounza pana Jehovha uye mukurumbira wakanaka wevanhu vaMwari. (1 VaKorinde 10:31) Asiwo, munhu anodyisa apo neapo haangabvi angonzi “munhu anokara.” (VaEfeso 5:5) Kunyange zvakadaro, mupfungwa inotaurwa pana VaGaratiya 6:1, muKristu akadaro angada kubatsirwa. Pauro anoti: “Hama, kunyange mumwe munhu akadarika asati azviziva, imi mune zvinhu zvinodiwa zvomudzimu edzai kururamisa munhu akadaro nounyoro.”

Nei zano reBhaibheri rokusadyisa richinyanya kukosha nhasi? Nokuti kunyanya nezvezuva redu, Jesu akanyevera kuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu isambova inoremerwa nokudyisa nokunwisa nokufunganya zvoupenyu, uye kamwe kamwe zuva iroro rikusvikirei pakarepo seriva.” (Ruka 21:34, 35) Imwe nzira inokosha yokudzivisa mararamiro anokuvadza mune zvokunamata ndeyokusadyisa.

Kuva nomwero unhu hwechiKristu. (1 Timoti 3:2, 11) Naizvozvo, chokwadi Jehovha achabatsira vose vaya vanotsvaka nomwoyo wose kushandisa zano reBhaibheri rokuva netsika dzokudya uye kunwa zvine mwero.—VaHebheru 4:16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yeChirungu yaMay 1, 1986.