Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Akakodzera Kuva Mutungamiriri Nhasi?

Ndiani Akakodzera Kuva Mutungamiriri Nhasi?

Ndiani Akakodzera Kuva Mutungamiriri Nhasi?

Muna 1940, muParamende yeBritain makava negakava pamusoro poutungamiriri. David Lloyd George ane makore 77, uyo akateerera gakava racho, akanga ambotungamirira Britain kuti ikunde muHondo Yenyika I, uye makore akawanda aakapedza achiita zvematongerwe enyika akamubatsira kunyatsoongorora basa remakurukota. Muhurukuro yaakapa kuDare Reparamende rokuBritain musi waMay 8, akati: “Vanhu vakagadzirira kuita zvavanokwanisa chero bedzi vaine mutungamiriri, chero bedzi Hurumende yacho ichiratidza pachena zvinangwa zvayo, uye chero bedzi vaine chokwadi chokuti vaya vari kuvatungamirira vari kuita nepavanogona napo.”

MASHOKO aLloyd George anobudisa pachena kuti vanhu vanotarisira kuti vatungamiriri vavo vaite zvinhu nomazvo uye vaedze kugadzirisa zvinhu nomwoyo wose. Mumwe mukadzi anobatsira kukwikwidza pasarudzo akati: “Vanhu pavanovhotera purezidhendi, vanenge vachivhotera munhu wavanoronzesa upenyu hwavo, ramangwana ravo, vana vavo.” Kuita kuti vanhu varambe vachikuvimba zvakadaro kwakaoma. Nei zvakadaro?

Nyika yedu yakazara nezvinetso zvinoita sokuti hazvigadzirisiki. Somuenzaniso, mutungamiriri upi ati amboratidza kuti ane uchenjeri nesimba zvokuti anogona kubvisa kuparwa kwemhosva uye hondo? Pavatungamiriri vanhasi, ndiani anokwanisa uye ane tsitsi zvokuti angagovera vanhu vose zvokudya, mvura yakachena, uye utano hwakanaka? Ndiani ane zivo uye anoda kuchengetedza nokuvandudza mhoteredzo? Ndiani anoita zvinhu nomazvo uye ane simba zvokuti anova nechokwadi chokuti vanhu vose vawana upenyu hurefu uye hunofadza?

Vanhu Havakwanisi Kuita Basa Racho

Ichokwadi kuti vamwe vatungamiriri vakamboti budirirei. Asi, vanongokwanisa kutungamirira kwemakumi mashomanana emakore—uye ndiani anozotevera? Mumwe wevatungamiriri vaiita zvinhu nomazvo ati amborarama, Mambo Soromoni weIsraeri yekare akafungawo nezvomubvunzo uyu. Akapedzisa achiti: “Zvino ndakavenga kubata kwangu kwose kwandakatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiyira munhu unonditevera. Zvino ndiani ungaziva kana iye achava wakachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro uchava nesimba pamusoro pokubata kwangu kwose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo.”—Muparidzi 2:18, 19.

Soromoni akanga asingazivi kuti munhu aizomutsiva aizopfuudzira basa rake rakanaka here kana kuti aizoriparadza rose. Kuna Soromoni, kutsiva vatungamiriri vekare pachiiswa vatsva, zvakanga zvisina “maturo.” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinotaura nezveizvi se“zvisina musoro,” kana kuti “zvisina basa.” Imwe shanduro inoti: “Hazvina zvazvinoreva.”

Dzimwe nguva, vatongi vanomanikidzwa kuti vabve pachigaro nechisimba. Vatungamiriri vanogona basa vakaurayiwa pavakanga vachitoita basa ravo. Abraham Lincoln, purezidhendi aiyemurwa zvikuru wokuUnited States, akamboudza vanhu kuti: “Ndakasarudzwa kuti ndiite basa rinokosha kwenguva pfupi, asi iye zvino, sokuona kwenyu, ndakapiwa simba randichangova naro kwenguva duku.” Zvechokwadi akangoshanda kwenguva pfupi. Pasinei nezvose zvaakaita nechishuwo chake chokuitira vanhu zvakawanda, Purezidhendi Lincoln akatungamirira nyika yake kwemakore mana chete. Pakutanga kwejana rake rechipiri achitonga, akapondwa nomurume akanga achida kuti mumwe ambotongawo.

Kunyange vatungamiriri vanoziva basa ravo zvikuru havagoni kuva nechokwadi nezveramangwana ravo. Kana zvakadaro, unofanira kuvimba navo here nezveramangwana rako? Bhaibheri rinoti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira. Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.” Bhaibheri Rinoera rinoshandura chikamu chendima 4, richiti: “Nezuva iro mazano avo ose anobva angopera.”—Pisarema 146:3, 4.

Zano rokurega kuvimba nevatungamiriri vevanhu ringava rakaoma kugamuchira. Zvisinei, Bhaibheri haritauri kuti vanhu havazombofi vakava nevatungamiriri vakanaka uye vasingachinji-chinji. Isaya 32:1, inoti: “Tarirai, mambo uchabata ushe nokururama.” Jehovha Mwari, Musiki wevanhu, akagadzirira “mambo,” Mutungamiriri, achakurumidza kutarisira zvizere zvinhu zvepasi. Ndiani iyeye? Uprofita hweBhaibheri hunotaura kuti ndiani.

Munhu Akanyatsokodzera Kutungamirira

Zviuru zviviri zvemakore zvapfuura, imwe ngirozi yakaudza mukadzi muduku wechiJudha ainzi Mariya, kuti: “Uchanamba mudumbu mako wobereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Jesu. Iyeyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chaDhavhidhi baba vake, uye achatonga samambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:31-33) Chokwadi, Jesu weNazareta ndiye Mambo anotaurwa nouprofita hweBhaibheri.

Mifananidzo yechitendero inowanzoratidza Jesu somucheche, sendondawo zvayo, kana kuti munhu anozviomesera anongoti chero zvazvaita. Mifananidzo iyi haimuratidzi soMutongi ane chivimbo. Zvisinei, Jesu Kristu chaiyeiye anotaurwa muBhaibheri akakura kuva murume akagwinya ane simba, aishingaira kwazvo uye aiva nemano. Uye aiva nohumwe unhu hwaiita kuti akwanise kutungamiririra. (Ruka 2:52) Zvinotevera ndezvimwe zvinhu zvinoratidza unhu hwake hunoshamisa.

Jesu akaramba akavimbika zvakakwana. Mufambiro wake wokutendeka, wakarurama wakaita kuti atsiure pachena vavengi vake achivaita kuti vape chikonzero chakanaka chokumupomera kwavaiita. Vakachishayiwa. (Johani 8:46) Kudzidzisa kwake kusina unyengeri kwakanyengetedza vanhu vakawanda vaiita zvinhu nomwoyo wose kuti vave vateveri vake.—Johani 7:46; 8:28-30; 12:19.

Jesu akanga akazvipira zvakakwana kuna Mwari. Akanga akatsunga kwazvo kupedza basa rake raakanga apiwa naMwari zvokuti hapana muvengi aigona kumuvhiringidza—angava munhu kana kuti dhimoni. Kurwisa kwechisimba hakuna kumutyisidzira. (Ruka 4:28-30) Kuneta uye nzara hazvina kumuodza mwoyo. (Johani 4:5-16, 31-34) Kunyange zvazvo shamwari dzake dzakamusiya, haana kumbotsauka pachinangwa chake.—Mateu 26:55, 56; Johani 18:3-9.

Jesu aiva nehanya zvikuru nevanhu. Akapa vaiva nenzara zvokudya. (Johani 6:10, 11) Akanyaradza vaiva vakaora mwoyo. (Ruka 7:11-15) Akaita kuti mapofu aone, matsi dzinzwe, uye akaita kuti vaya vaida kurapwa vave noutano hwakanaka. (Mateu 12:22; Ruka 8:43-48; Johani 9:1-6) Akakurudzira vaapostora vake vaishanda nesimba. (zvitsauko 13-17 zvaJohani) Akava “mufudzi akanaka kwazvo” aitarisira makwai ake.—Johani 10:11-14.

Jesu aida kushanda. Akageza tsoka dzevaapostora kuti avadzidzise chidzidzo chinokosha. (Johani 13:4-15) Tsoka dzake dzaisviba paaiparidzira mashoko akanaka mumigwagwa ine huruva yokuIsraeri. (Ruka 8:1) Kunyange paakanga achida kunozorora “kunzvimbo isina vanhu,” mapoka evanhu paakamutsvaka kuti apiwe mimwe mirayiridzo, iye haana kuramba. (Mako 6:30-34) Saka akasiyira vaKristu vose muenzaniso wakanaka wokushanda nesimba.—1 Johani 2:6.

Jesu akapedza basa rake uye akabva pasi pano. Jehovha Mwari akamupa umambo kudenga uye akaita kuti asafa, somubayiro wokutendeka kwake. NezvaJesu akamutswa, Bhaibheri rinoti: “Kristu, zvino zvaakamutswa kubva kuvakafa, haachafi; rufu haruchisiri tenzi paari.” (VaRoma 6:9) Unogona kuva nechokwadi chokuti ndiye Mutungamiriri wevanhu akanaka anotarisirwa. Kristu Jesu paanenge ava kutonga pasi pose, panenge pasisina chikonzero chokugadza mumwe mambo, uye panenge pasisina chikonzero chokuchinja mutungamiriri. Haazombobviswi pachigaro panguva yaachange achitonga, uye basa rake harizovhiringidzwi kana kuparadzwa nomutsivi asina kukodzera. Asi chii chaizvoizvo chaachaita kuti abatsire vanhu?

Zvichaitwa Nomutungamiriri Uyu Mutsva

Pisarema rechi72 rinotipa mashoko akazara ouprofita nezvematongero achaita Mambo uyu akakwana, asingafi. Pis 72 Mundima 7 ne8, tinoverenga kuti: “Nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma. Uchabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.” Mukutonga kwake kunobatsira, vagari vepasi vacharamba vakachengeteka nokusingaperi. Achaparadza zvombo zvose zviripo uye achatobvisa pfungwa yokuda kurwa mumwoyo yevanhu. Vanhu ivavo vanorwisa vamwe seshumba dzinorura kana kuti vanoita semabheya ane hasha kuvavakidzani vavo, vachave vachinja unhu hwavo zvachose. (Isaya 11:1-9) Kuchava norugare rukuru.

Mundima 12 kusvika ku14, Pisarema 72 rinotizve: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.” Vakaderera, varombo, uye vanotambura vachava mhuri imwe chete inofara, vachitungamirirwa naMambo Jesu Kristu vakabatana. Mufaro, kwete kurwadziwa nokuora mwoyo, uchava chinhu chikuru muupenyu hwavo.—Isaya 35:10.

Pis 72 Ndima 16 inovimbisa kuti: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” Nzara iri kuramba ichitambudza mamiriyoni evanhu pasi pano nhasi. Zvematongerwe enyika nemakaro zvinowanzotadzisa kuti zvokudya zvakakwana zvigoverwe pasina kusarura, zvokuti vanhu vazhinji, zvikurukuru vana, vanofa nenzara. Asi kana Jesu Kristu ava kutonga, chinetso ichi chichange chisisipo. Pasi pachakomborerwa negoho rezvokudya zvinonaka. Vanhu vose vachagutswa.

Ungada kuzonakidzwa nezvikomborero izvozvo zvoutungamiriri hwakanaka here? Kana zvakadaro, tinokukurudzira kudzidza nezvoMutungamiriri uyo achakurumidza kutonga pasi pose. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuita izvozvo. Hauzoodzwi hako mwoyo, nokuti Jehovha Mwari pachake anoti nezvoMwanakomana wake: “Kunyange zvakadaro ini ndakagadza mambo wangu paZioni, iro gomo rangu dzvene.”—Pisarema 2:6.

[Bhokisi riri papeji 5]

KUNGOEREKANA VABVISWA PACHIGARO

Kazhinji mutongi anogona kuvimba kuti vaya vaanotonga vachamuremekedza nokumutsigira kana akaita kuti vave norugare rwakati uye kuti vagare zvakachengeteka. Zvisinei, kana vanhu vasingachavimbi naye nokuda kwechimwe chikonzero, nokukurumidza mumwe munhu anogona kuzotora nzvimbo yake. Zvinotevera ndemimwe yemienzaniso yezvikonzero zvakaita kuti vamwe vatongi vaiva nesimba zvikuru vangoerekana vabviswa pazvigaro.

Magariro asingagutsi. Pakazosvika kupera kwezana remakore rechi18, vagari vakawanda vokuFrance vakamanikidzwa kurarama vachibhadhara mitero yakakura asi zvokudya zviri zvishoma. Magariro aya akakonzera Chimurenga cheFrance, chakazourayisa Mambo Louis XVI muna 1793.

Hondo. Hondo Yenyika I yakagumisa kutonga kwemamwe madzimambo akanga aine simba zvikuru munhau. Somuenzaniso, muna 1917, hondo yakakonzera kushomeka kwezvokudya muSt. Petersburg, kuRussia, yakazopedzisira yava Chimurenga chaFebruary. Kurwisana uku kwakaita kuti Czar Nicholas II abviswe pachigaro uye kwakaita kuti vaKomonisiti vatonge. Muna November 1918, Germany yakanga ichida rugare, asi Nyika Dzayakanga Yakabatana nadzo hadzina kurega kurwa kusvikira pava nomumwe mutungamiriri. Mambo weGermany Wilhelm II akazoguma atiza akanopotera kuNetherlands.

Kuda kuva nehurumende yakasiyana. Muna 1989 udzvinyiriri hwakapera. Hurumende dzaiita sedzakaoma sedombo dzakaparara sezvo vadzaitonga vakaramba chiKomonizimu ndokutanga utongi hwakasiyana-siyana.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Jesu akadyisa vaiva nenzara, akaporesa vairwara, uye akasiyira vaKristu vose muenzaniso wakanaka chaizvo

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

Lloyd George: Mufananidzo naKurt Hutton/Picture Post/Getty Images