Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takasarudza Zvakasimba Kutsigira Kutonga kwaMwari

Takasarudza Zvakasimba Kutsigira Kutonga kwaMwari

Nyaya Youpenyu

Takasarudza Zvakasimba Kutsigira Kutonga kwaMwari

YAKATAURWA NAMICHAL ŽOBRÁK

Pashure pokunge ndapedza mwedzi ndiri mujeri rangu ndoga, ndakazvuzvurudzirwa kumunhu aibvunzurudza. Pasati papera nguva yakareba, akatsamwa kwazvo ndokupopota achiti: “Muri vasori! Vasori vokuAmerica!” Chii chakamutsamwisa kudaro? Akanga achangobva kundibvunza kuti ndaiva wechitendero chipi, uye ndakanga ndapindura kuti: “Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.”

IZVI zvakaitika makore anopfuura 50 adarika. Panguva iyoyo, nyika yandaigara yaiva pasi poutongi hwechiKomonisiti. Zvisinei, izvozvo zvisati zvatomboitika, basa redu rokudzidzisa rechiKristu rakanga ratoshorwa zvakasimba.

Tinorwadziwa Nezvakakonzerwa Nehondo

Hondo Yenyika I payakatanga muna 1914, ndaiva nemakore masere. Panguva iyoyo, musha wandaigara Zálužice, waitongwa noUmambo hweAustria-Hungary. Hondo haina kungochinja nyika chete asiwo yakandimanikidza kuti nditange kutarisira mitoro yaiitwa nevanhu vakuru. Baba vangu, avo vakanga vari musoja, vakafa mugore rokutanga chairo rehondo yacho. Izvi zvakaita kuti ini, amai, nehanzvadzi dzangu duku mbiri, tisare tiri varombo zvikuru. Sezvo ndaiva ini mukuru uye mukomana chete mumba medu, nenguva isipi ndakanga ndava kutarisira mitoro yakawanda papurazi redu duku uye pamusha. Kubva ndichiri muduku zvikuru ndaifarira zvokunamata. Mushumiri weChechi yedu yeReformed (Calvinist) akatondikumbira kuti paainge asipo ndidzidzise vandaidzidza navo pachikoro pedu.

Muna 1918 Hondo Yenyika I yakapera, uye takafara zvikuru. Umambo hweAustria-Hungary hwakanga hwakurirwa uye takava vagari veRepublic of Czechoslovakia. Nenguva isipi, vakawanda vomunharaunda yokwedu avo vakanga vambotamira kuUnited States vakadzoka kumusha. Mumwe wavo aiva Michal Petrík, uyo akauya kumusha kwedu muna 1922. Paakashanyira imwe mhuri munharaunda yedu, ini naamai vangu takakokwawo.

Kutonga kwaMwari Kunova Chinhu Chaicho Kwatiri

Michal aiva Mudzidzi weBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha mazuva iwayo, uye akataura nezvenhau dzinokosha dzeBhaibheri dzakandinakidza. Pane zvose, chakanyanya kundinakidza kwaiva kuuya kwoUmambo hwaJehovha. (Dhanieri 2:44) Paakati kwaizova nomusangano wechiKristu mumusha weZáhor Svondo yaizotevera, ndakanzwa ndichida kuenda. Ndakamuka na4:00 dzemangwanani ndikafamba kwemakiromita masere ndichienda kwaigara mukoma wangu kuti ndinokwereta bhasikoro. Ndapedza kugadzira vhiri rakanga rakaponja, ndakafamba mamwe makiromita 24 kuenda kuZáhor. Ndakanga ndisingazivi kuti musangano wacho waiitirwa papi, saka ndakafamba zvishoma nezvishoma mune mumwe mugwagwa wacho. Ndakabva ndanzwa imwe yenziyo dzoUmambo ichiimbwa pane imwe imba. Ndakafara zvokuti. Ndakapinda mumba macho ndikatsanangura kuti ndaidei. Mhuri yacho yakandikumbira kuti ndidye nayo kudya kwemangwanani, uye yakabva yaenda neni kumisangano. Kunyange zvazvo ndaifanira kuchovha bhasikoro nokufamba kwemamwezve makiromita 32 kuti ndidzokere kumba, handina kana kumbonzwa kuneta.—Isaya 40:31.

Ndakanakidzwa netsanangudzo dzakajeka dzeBhaibheri dzaidzidziswa neZvapupu zvaJehovha. Tarisiro yokurarama upenyu hwakazara uye hunogutsa pasi pokutonga kwaMwari yakandibaya mwoyo. (Pisarema 104:28) Ini naamai vangu takasarudza kunyora tsamba yokuoneka kuchechi kwedu. Izvi zvakamutsa nyonganyonga mumusha wedu. Kwenguva yakati, vamwe vanhu vakanga vasingatombotauri nesu, asi taiva neshamwari dzakanaka dzakawanda dzaiva Zvapupu dzaigara munharaunda yedu. (Mateu 5:11, 12) Hapana kupera nguva ndisati ndabhabhatidzwa muRwizi runonzi Uh.

Ushumiri Hunova Mararamiro Edu

Takashandisa mikana yose yataiwana kuti tiparidze nezvoUmambo hwaJehovha. (Mateu 24:14) Tainyanyoita basa rokuparidza zvakarongwa misi yeSvondo. Kakawanda, panguva iyoyo vanhu vaikurumidza kumuka, saka taigona kutanga kuparidza achiri mangwanani-ngwanani. Ava masikati, paizoitwa musangano wavose. Vadzidzisi veBhaibheri vainyanya kukurukura vasingaiti zvokuverenga. Vaicherechedza nhamba yevanhu vanofarira, zvitendero zvavo, uye nhau dzaivanetsa.

Chokwadi cheBhaibheri chataiparidza chakavhenekera vakawanda vaiva nemwoyo yakatendeseka. Ndichangobhabhatidzwa, ndakaparidza mumusha weTrhovište. Pane imwe imba, ndakataura nomumwe mukadzi akanga aine mutsa kwazvo uye aiva noushamwari, ainzi Mai Zuzana Moskal. Iye nevemhuri yake vaiva vechitendero chaCalvin, sezvandakanga ndakamboitawo. Pasinei nokujaira kwaaiva akaita Bhaibheri, akanga aine mibvunzo yeBhaibheri yakawanda yakanga isina kupindurwa. Takakurukura kweawa imwe chete, uye ndakamugovera bhuku rinonzi The Harp of God. *

Mhuri yokwaMoskal yakabva yangotanga kushandisa bhuku rinonzi Harp pakuverenga kwayaiita Bhaibheri nguva dzose. Mhuri dzakawanda dzomumusha iwoyo dzakafarira uye dzakatanga kupinda misangano yedu. Mushumiri wavo wechitendero chaCalvin akavanyevera zvakasimba nezvedu uye nezvemabhuku edu eBhaibheri. Vamwe vanhu vaifarira vakabva vataurira mushumiri uyu kuti auye kwataipindira musangano wedu kwaiva nevanhu vakawanda kuzoratidza kuti dzidziso dzedu dzaiva dzenhema.

Mushumiri wacho akauya, asi haana chaakagona kutaura kubva muBhaibheri kuti atsigire dzidziso dzake. Kuti azvidzivirire, akataura kuti: “Hatigoni kudavira zvinhu zvose zviri muBhaibheri. Rakanyorwa nevanhu, uye mibvunzo yezvechitendero inogona kutsanangurwa nenzira dzakasiyana-siyana.” Apa ndipo pakachinja vakawanda. Vamwe vakaudza mushumiri wacho kuti kana akanga asingadaviri zviri muBhaibheri, vaisazouyazve kuzoteerera mharidzo dzake. Saka, vakabva vasiya Chechi yaCalvin, uye vanhu vanenge 30 vomumusha iwoyo vakasarudza zvakasimba kutsigira chokwadi cheBhaibheri.

Kuparidza mashoko akanaka oUmambo kwakava mararamiro edu, saka ndakatsvaka mukadzi aibva mumhuri yakasimba mune zvokunamata. Ján Petruška, uyo akanga adzidza chokwadi kuUnited States, ndomumwe wevandaishanda navo muushumiri. Mwanasikana wake Mária akandifadza zvikuru nokugona kwake kupupurira munhu wose, sezvaingoita baba vake. Takaroorana muna 1936, uye Mária akava shamwari yangu yakanga yakavimbika kwemakore 50, kutozosvikira afa muna 1986. Muna 1938 mwanakomana wedu mumwe bedzi, Eduard, akaberekwa. Asi panguva iyoyo, zvaiita sokuti munguva pfupi imwe hondo yaizotanga muEurope. Yaizokanganisa sei basa redu rokuparidza?

Kusava Kwedu Nokwatakarerekera sevaKristu Kunoedzwa

Hondo Yenyika II payakatanga, Slovakia, iyo yakava nyika yakazvimirira, yakanga ichitongwa neNazi. Asi hurumende haina zvayakaita kuratidza kuti yakanga isingadi sangano reZvapupu zvaJehovha. Chokwadi, taifanira kushanda pachivande, uye mabhuku edu eBhaibheri akaongororwa. Zvisinei, takaramba tichiita mabasa edu takangwarira.—Mateu 10:16.

Sezvo hondo yakadzika midzi, ndakanzi ndaifanira kupinda muchiuto, kunyange zvazvo ndakanga ndapfuura makore 35. Nemhaka yokuti ndakanga ndisina kwandakarerekera somuKristu, ndakaramba kunorwa. (Isaya 2:2-4) Zvinofadza kuti vaiva nechiremera vasati vasarudza kuti voitei neni, vose vaiva vezera rangu vakanzi vachirega kuenda.

Takacherechedza kuti zvakanga zvakanyanya kuomera hama dzedu dzaiva mumaguta kuti dziwane zvokudya panesu taigara kumamisha. Taida kugoverana navo zvokudya zvataiva nazvo. (2 VaKorinde 8:14) Saka, taitora zvokudya zvakawanda sezvataigona kutakura tofamba makiromita anopfuura 500 kuenda kune rimwe divi renyika yacho rainzi Bratislava. Kubatana kwoushamwari hwechiKristu norudo zvatakaumba mumakore iwayo ehondo akaoma zvakatichengetedza mumakore aizotevera.

Kukurudzirwa Sezvataida

Hondo Yenyika II yapera, Slovakia yakavazve chikamu cheCzechoslovakia. Kubva muna 1946 kusvikira muna 1948, munyika yacho yose kokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha dzaiitirwa muBrno kana kuti muPrague. Isu vokumabvazuva kweSlovakia taifamba nezvitima zvaingotakura vanhu vaienda kukokorodzano bedzi. Zvitima zvacho unogona kuzviti zvitima zvinoimba, sezvo taiimba munzira yose.—Mabasa 16:25.

Ndinonyanya kuyeuka kokorodzano yomuna 1947 yokuBrno, kwakauya vatariri vatatu vechiKristu vakabva kudzimbahwe renyika yose, kusanganisira Hama Nathan H. Knorr. Kuti tizivise hurukuro yavose, vakawanda vedu takafamba muguta rose takapfeka zvikwangwani zvaiva seri neseri kwemiviri yedu tichizivisa musoro wehurukuro yavose. Mwanakomana wedu, Eduard, uyo akanga ava nemakore mapfumbamwe, haana kufara zvachose nokuti haana kupiwawo chikwangwani. Saka hama dzakagadzira zvikwangwani zviduku, kwete chomwana wedu bedzi asiwo zvevamwe vana vakawanda. Boka revechiduku iri rakaita basa rakanaka zvikuru rokuzivisa hurukuro yacho!

Muna February 1948, vaKomonisiti vakatanga kutonga. Taiziva kuti hurumende yaizopedzisira yatora matanho okumisa basa redu roushumiri. Muna September 1948, imwe kokorodzano yakaitwa muPrague, uye taitya sezvo taitarisira kuti taizorambidzwazve kuungana pachena, pashure pemakore matatu bedzi okuungana takasununguka. Tisati tabva pakokorodzano, takaita chisarudzo chaiva nechikamu chaiti: “Isu Zvapupu zvaJehovha, zvakaungana . . . , takatsunga kuwedzerazve iri basa rinofadza, uye nenyasha dzaShe, kutsungirira mumwaka wakafanira uye munguva dzemiedzo, uye kuzivisa evhangeri youmambo hwaMwari tichishingaira zvikuru.”

“Vavengi Vehurumende”

Mwedzi miviri bedzi pashure pekokorodzano yakaitirwa muPrague, matikitivha akatora nechisimba musha weBheteri waiva pedyo nePrague. Akapamba zvinhu, akatora nechisimba chero mabhuku aaigona kuwana, uye akasunga vanhu vose vepaBheteri nedzimwe hama. Asi pane zvakawanda zvaizotevera.

Pakati pousiku hwaFebruary 3-4, 1952, mauto anodzivirira akapararira munyika yacho ndokusunga Zvapupu zvinopfuura 100. Ini ndaiva mumwe wazvo. Kuma3 kwava kunoedza, mapurisa akamutsa mhuri yedu yose. Asina kana kumbotsanangura, akati ndiende nawo. Ndakaiswa simbi ndokusungwa maziso uye pamwe chete nevamwe vanoverengeka takakandirwa kumashure kweimwe rori. Ndakapedzisira ndaiswa muchitokisi changu ndoga.

Mwedzi wose wakapera pasina kana akambotaura neni. Munhu wandaingoona murindiri uyo aitsokonyedza zvokudya zvishoma nepaburi romusuo. Ndakabva ndadaidzwa nomunhu aibvunzurudza ambotaurwa kwokutanga kwenyaya ino. Pashure pokundishevedza kuti musori, akaenderera mberi achiti: “Chitendero kusaziva. Hakuna Mwari! Hatingakubvumiri kuti unyengedze vanhu vedu vanoenda kumabasa. Uchatofanira kusungirirwa kana kuti uchaorera muno mujeri. Uye kudai Mwari wako aizouya pano, taizomuurayawo!”

Sezvo zviremera zvaiziva kuti hapana mutemo chaiwo wairambidza mabasa edu echiKristu, zvaida kurondedzera mabasa edu kuti awirirane nemitemo yaivapo nguva iyoyo nokuita kuti tinzi “Vavengi Vehurumende” uye vasori vokune dzimwe nyika. Kuti vaite izvozvo, vaifanira kunetesa kutsunga kwedu kwava kuita kuti ti“reurure” mhosva dzataipomerwa. Pashure pokubvunzurudzwa usiku ihwohwo, handina kubvumidzwa kurara. Mumaawa mashomanana, ndakabvunzurudzwa zvekare. Nguva ino, aindibvunzurudza wacho aida kuti ndisaine mashoko aiti: “Ini somuvengi wePeople’s Democratic Czechoslovakia handina [kushanda mupurazi rehurumende] nokuti ndakanga ndakamirira vanhu vokuAmerica.” Pandakaramba kusaina nhema idzodzo, ndakaendeswa kuchitokisi chokururamiswa.

Ndakarambidzwa kurara, kutsenhama, kana kuti kunyange kugara pasi. Ndaingobvumidzwa kumira kana kuti kufamba-famba. Pandakanga ndaneta, ndakazvambarara pauriri hwekongiri. Varindiri vakabva vanditora ndokundidzosera kuhofisi yeaibvunzurudza. “Wava kuda kusaina here?” akabvunza kudaro aibvunzurudza wacho. Pandakaramba zvakare, akandirova kumeso. Ndakatanga kubuda ropa. Akabva azhambatata kuvarindiri achiti: “Anoda kuzviuraya. Rambai makamurinda asazviuraya!” Ndakadzoserwa kuchitokisi changu ndoga. Kwemwedzi mitanhatu kubvunzurudzwa uku kwakadzokororwa kwadzokororwazve. Pfungwa dzokunyengetedza kana kuedza kuti ndibvume kuti ndaiva muvengi weHurumende hazvina kugona kuderedza kutenda kwangu kuna Jehovha.

Kwasara mwedzi kuti ndiende kunotongwa, mumwe muchuchisi akauya kubva kuPrague akabvunzurudza mumwe nomumwe aiva muboka redu rehama 12. Akandibvunza kuti: “Uchaitei kana marudzi okuMadokero akadenha nyika yedu?” “Ndichangoita sezvandakaita apo nyika ino pamwe chete naHitler vakadenha USSR. Panguva iyoyo handina kurwa, uye handizorwi iye zvino nokuti ndiri muKristu uye handina kwandakarerekera.” Akabva andiudza kuti: “Hatichagoni kushivirira Zvapupu zvaJehovha. Tinoda masoja kana zvikaitika kuti marudzi okuMadokero atirwisa, uye tinoda masoja kuti asunungure vanhu vedu vanoshanda kuMadokero.”

Musi waJuly 24, 1953, takaendeswa kudare. Mumwe pashure pomumwe, tose tiri 12 takamiswa pamberi pevatongi vakawanda. Takashandisa mukana wacho kupupura nezvokutenda kwedu. Tapedza kupindura nhema dzataipomerwa, rimwe gweta rakasimuka ndokuti: “Ndinogara ndichipinda mudare rino. Kazhinji vakawanda vanoreurura, vanopfidza, uye vanotosvimha misodzi. Asi varume ava vachatobuda muno vasimba kupfuura zvavanga vari pavauya.” Pashure paizvozvo, tose tiri 12 takanzi taiva nemhosva yokupandukira Hurumende. Ndakatongerwa makore matatu mujeri uye pfuma yangu yose yakatorwa neHurumende.

Kukwegura Hakuna Kunditadzisa

Pandakadzoka kumusha, ndakanga ndichiri kuongororwa nematikitivha. Pasinei neizvozvo, ndakatangazve mabasa angu okunamata uye ndakanzi nditarisire ungano yedu mune zvokunamata. Kunyange zvazvo takabvumidzwa kugara muimba yedu yakanga yatorwa, takazoipiwa zviri pamutemo kwatopera makore 40, pashure pokunge chiKomonisiti chakurirwa.

Mumhuri yedu pane vamwewo vakazoenda kujeri. Ndakanga ndangova nemakore matatu bedzi ndiri pamba apo Eduard akanzi aifanira kuenda kuhondo. Nemhaka yehana yake yakarovedzwa neBhaibheri, akaramba uye akasungwa. Kwapera makore akawanda, zvimwe chete izvozvo zvakaitikawo kumuzukuru wangu Peter, pasinei zvapo noutano hwake hwakanga husina kutsarukana.

Muna 1989 utongi hwechiKomonisiti muCzechoslovakia hwakakurirwa. Ndakafara zvikuru kuti pashure pemakore makumi mana okurambidzwa kuita basa, ndakanga ndava kukwanisa kuparidza pamba nemba! (Mabasa 20:20) Ndainakidzwa nebasa rakadai, chero bedzi utano hwangu hwaibvumira. Iye zvino zvandava nemakore 98, utano hwangu hwasiyana nezvahwaiva, asi ndinofara kuti ndichiri kugona kuparidzira vanhu nezvezvipikirwa zvaJehovha zvine mbiri zvomunguva yemberi.

Ndinogona kuverenga vatungamiriri 12 venyika shanu dzakasiyana-siyana vakatonga mutaundi rokumusha kwedu. Vaisanganisira vadzvinyiriri, mapurezidhendi, namambo. Hapana kana mumwe wavo akagadzirisa kutambura kwevanhu vavaitonga. (Pisarema 146:3, 4) Ndinoonga Jehovha kuti akandibvumira kuti ndimuzive ndichiri muduku zvikuru. Saka, ndakagona kunzwisisa kugadzirisa zvinhu kwaachaita achishandisa Umambo hwaMesiya ndokudzivisa kusava nematuro kwoupenyu kana pasina Mwari. Ndave ndichishingaira kuparidza mashoko akanaka kwemakore anopfuura 75, uye zvakaita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa, kugutsikana, uye tariro yakajeka youpenyu husingaperi pasi pano. Chiizve chimwe chandingada? *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino harisisiri kudhindwa.

^ ndima 38 Zvinosuruvarisa kuti pakupedzisira Hama Michal Žobrák vakashaya. Pakanga pachigadzirwa nyaya ino kuti inyorwe, vakafa vakatendeka, vaine chivimbo chetariro yorumuko.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Tichangobva kuchata

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiina Eduard mukutanga kwema1940

[Mufananidzo uri papeji 27]

Kuzivisa kokorodzano muBrno, muna 1947