Tichazombofa Takachengeteka Chaizvoizvo Here?
Tichazombofa Takachengeteka Chaizvoizvo Here?
VANA vari kutamba nevabereki vavo vanovada vachifara—ndiani asinganakidzwi nokuona zvakadaro? Vana vacho vanonzwa vakanyatsochengeteka kana vabereki vavo vane hanya varipo. Asi, kuvana vakawanda, nguva dzakadaro dzomufaro hadziwanzowaniki. Panzvimbo pezvo, vamwe vana vanofanira kunetseka zuva nezuva nezvekwavachawana pokurara usiku hwoga hwoga. Pane tariro nokuda kwevana vakadaro vasina misha uye vamwe vanorarama vasina kuchengeteka here?
Kunyange zvazvo remangwana richiita serisina kujeka, Shoko raMwari rinopa tariro. Muprofita Isaya akafanotaura kuti zuva richauya apo vanhu vose vachararama vakanyatsochengeteka. Akanyora kuti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya.”—Isaya 65:21, 22.
Asi tine chikonzero chakasimba here chokuva netariro iyi? Pamusoro pazvo, shoko rokuti “tariro” nguva dzose hariratidzi kuti zvinhu zvacho zvichaitika chaizvoizvo. Somuenzaniso, muBrazil, unogona kugara uchinzwa mashoko okuti: “A esperança é a última que morre.” Mashoko aya anoreva kuti, “Tariro ndicho chinhu chokupedzisira chinofa.” Izvi zvinopa pfungwa yokuti vakawanda vanoramba vaine tariro kunyange zvazvo pasina chikonzero chaichoicho. Zvisinei, tariro yatinopiwa naMwari mupenyu yakasiyana. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Hapana anoisa kutenda kwake paari achaodzwa mwoyo.” (VaRoma 10:11) Uprofita hweBhaibheri hwakatozadzika hunoita kuti tive nechivimbo chokuti zvimwe zvose zvatakavimbiswa naJehovha Mwari zvichaitikawo. Zvakavimbiswa izvozvo pazvichaitika, zvinhu zvinomanikidza vana kugara mumigwagwa zvichange zvisisipo.
Kunyange nhasi zano rinoshanda rinowanika muBhaibheri rinogona kubatsira vaya vasina tariro kuti vagadzirise upenyu hwavo ndokuchengeteka zvechokwadi. Izvozvo zvinoitika sei? Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara zvichafara kukubatsira kuwana mhinduro yomubvunzo uyu.