Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoziva Mufaro Unowanika Mukupa Here?

Unoziva Mufaro Unowanika Mukupa Here?

Unoziva Mufaro Unowanika Mukupa Here?

AKANGA apedza makore anoda kusvika 50 achishingaira mubasa rechiKristu. Kunyange zvazvo kuchembera kwaiita kuti apere simba, akanga akatsunga kushanyira Imba yoUmambo yakanga ichangovakwa. Akabata ruoko rweimwe hama yechiKristu, akapinda muimba yacho ndokunanaira akananga kwaaida kuenda—bhokisi remipiro. Imomo akakanda mari shoma yaakanga ave achiunganidza nokuda kweImba yoUmambo iyi. Kunyange zvazvo aisagona kushanda pakuvaka imba yacho, aida kubatsira.

Mukadzi wechiKristu uyu angakuyeuchidza nezvomumwe mukadzi akatendeka—“chirikadzi yaiva murombo” iyo yakaonekwa naJesu ichidonhedzera mari mbiri duku mumudziyo womutemberi. Hatiudzwi nezvemamiriro ake ezvinhu, asi kusava nomurume kare ikako kwaigona kuita kuti mukadzi aomerwe mune zvemari. Zvechokwadi Jesu akanzwira tsitsi mukadzi iyeye, sezvo ainzwisisa zvikuru dambudziko rake. Achimushandisa somuenzaniso kuvadzidzi vake, akataura kuti chipo chake chiduku chaimiririra “yose yaaiva nayo, inomuraramisa.”—Mako 12:41-44.

Nei mukadzi uyu anoshayiwa, akaita sechirikadzi iyi yaiva murombo akapa chipo chakadaro? Zviri pachena kuti yaiva mhaka yokuti akanga akazvipira zvikuru kuna Jehovha Mwari, uyo ainamatwa patemberi yomuJerusarema. Kunyange zvazvo aisagona kuita zvakawanda, aida kutsigira basa dzvene. Uye anofanira kunge akafara chaizvo paakapa zvaaigona.

Kupa Kuti Titsigire Basa raJehovha

Kupa zvinhu kana mari kwagara kuri chinhu chinodiwa pakunamata kwakachena, uye kwagara kuchiunza mufaro mukuru. (1 Makoronike 29:9) MuIsraeri yekare mipiro yaisangoshandiswa pakunakisa temberi asiwo kuita kuti zvinhu zvose zvine chokuita nokunamata Jehovha zvaiva mutemberi zvishande zuva nezuva. Mutemo waitaura zvakananga kuti vanakomana vaIsraeri vaifanira kupa chegumi chezvavaiwana kuti vatsigire vaRevhi, avo vaiita mabasa epatemberi. Asi vaRevhi vaifanirawo kupa Jehovha chegumi chezvinhu zvavaiwana.—Numeri 18:21-29.

Kunyange zvazvo vaKristu vakasunungurwa pane zvaidiwa nesungano yoMutemo, murayiro wokuti vashumiri vaMwari vanofanira kupa zvinhu zvokunyama kuti vatsigire kunamata kwakachena hauna kuchinja. (VaGaratiya 5:1) Uyezve, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaifara kupa hama dzavo zvadzakanga dzisina. (Mabasa 2:45, 46) Muapostora Pauro akayeuchidza vaKristu kuti sezvo vakapiwa zvinhu zvakanaka naMwari, ivowo vaifanira kupa vamwe. Akanyora kuti: “Rayira vakapfuma mugadziriro ino yezvinhu iripo kuti varege kuzvikudza, uye kuti vaise tariro yavo, kwete papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotigovera zvinhu zvose kwazvo kuti tifare; kuti vashandire zvakanaka, kuti vapfume pamabasa akanaka kwazvo, kuti vave norupo, vanoda kugoverana, vachizvichengetera nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi, kuti vabatisise upenyu chaihwo.” (1 Timoti 6:17-19; 2 VaKorinde 9:11) Zvechokwadi, kubva pane zvakaitika kwaari, Pauro aigona kusimbisa mashoko aJesu okuti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Kupa kwechiKristu Nhasi

Nhasi vashumiri vaJehovha vanoramba vachishandisa zvinhu zvavo zvokunyama kuti vabatsirane uye vatsigire basa raMwari. Kunyange vaya vanowana zvishoma vanopa zvavanokwanisa. “Muranda akatendeka, akangwara” anonzwa kuti ane mutoro kuna Jehovha wokushandisa mari yose iyi yemipiro zvakanakisisa. (Mateu 24:45) Mari yacho inoshandiswa kutarisira hofisi dzemapazi, kushandura uye kubudisa maBhaibheri uye mabhuku eBhaibheri, kuronga kuungana kukuru kwechiKristu, kurovedza nokutumira vatariri vanofambira nemamishinari, kupa zvokuyamura panguva yenjodzi, uyewo nokuda kwezvimwe zvinangwa zvakasiyana-siyana zvinokosha. Ngatimbofungai chimwe chezvinangwa zvakadaro—kubatsira kuwana nzvimbo dzokunamatira.

Zvapupu zvaJehovha zvinoungana kanoverengeka pavhiki muDzimba dzazvo dzoUmambo kuti zvibatsirwe nokudzidziswa mune zvokunamata uye kushamwaridzana kwakanaka. Zvisinei, munyika dzakawanda, mamiriro ezvoupfumi haabvumiri Zvapupu zvemo kuti zvipe mari yokuvakwa kweDzimba dzoUmambo zvisina kutanga zvabatsirwa. Saka muna 1999, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga urongwa hwokushandisa mari inobva kunyika dzakapfuma kuti zvibatsire kuvaka Dzimba dzoUmambo munyika dzakanyanya kuderera mune zvoupfumi. Uyewo, zviuru zvevanozvipira zvakapa nguva nemano azvo, kazhinji zvichishanda mumaruwa enyika idzi. Panenge pachivakwa, Zvapupu zvomunzvimbo idzodzo zvinodzidza kuvaka uye unyanzvi hwokugadziridza zvinhu, uye Homwe yeDzimba dzoUmambo inoita kuti zvibvire kutenga zvokushandisa uye zvinhu zvinodiwa. Zvapupu zvava kushandisa dzimba itsva idzi zvinoonga nomwoyo wose kuti vanonamata nazvo vakapa nguva yavo nemari yavo. Mwedzi nomwedzi Zvapupu zvomunzvimbo idzodzo zvinopawo mari kuitira kuti zvitarisire Imba yoUmambo Itsva uye kuti zvibatsire kubhadhara mari yakashandiswa pakuvaka, zvichibatsirawo kuvakwa kweDzimba dzoUmambo dzakawanda.

Dzimba dzoUmambo dzinovakwa pachishandiswa nzira nezvinhu zvinowanikwa munyika iyoyo. Kunyange zvazvo dzimba idzi dzisingashamisiri, dzinokwezva, dzakakodzera, uye dzakanaka. Pakatanga chirongwa chokuvaka muna 1999, nyika dzinenge 40 dzakanga dzisina kupfuma dzakabatanidzwa. Kubvira ipapo, chirongwa chokuvaka chakaramba chichiwedzera kuti chibatanidze nyika 116 dzakadaro, kusanganisira inopfuura hafu yeungano dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose. Mumakore mashanu apfuura, Dzimba dzoUmambo dzinopfuura 9 000 dzakavakwa pachishandiswa chirongwa ichi, avhareji yedzimba itsva dzinopfuura shanu dzaivakwa zuva roga roga! Munyika 116 idzodzi, muchiri kudiwa Dzimba dzoUmambo itsva 14 500. Zvichikomborerwa naJehovha pamwe nechido uye rupo rweZvapupu zviri munyika yose, zvinotarisirwa kuti pachava nemari inokwana kuvaka dzimba idzi.—Pisarema 127:1.

Dzimba dzoUmambo Dzinoita Kuti Vanhu Vawedzere

Basa iri rakakura rakaguma nei paZvapupu zviri munzvimbo idzodzo uye pabasa rokuparidza Umambo? Munzvimbo dzakawanda, pashure pokuvakwa kweImba yoUmambo itsva vanhu vanopinda misangano vanowedzera zvinoshamisa. Muenzaniso weizvi unowanika mumushumo uyu wokuBurundi unoti: “Imba yoUmambo painongopera kuvakwa, inobva yazara nevanhu. Somuenzaniso, imwe ungano ine avhareji yevanhu 100 vanopinda misangano yakavakirwa Imba yoUmambo. MuImba yavo yoUmambo itsva munokwana zvakanaka vanhu 150. Panguva yayakazopedzwa, vanhu 250 vakanga vava kupinda misangano.”

Nei vanhu vari kuwedzera zvakadaro? Chimwe chikonzero ndechokuti, mapoka evaparidzi voUmambo ayo asina nzvimbo chaiyo yaanopindira asi anofanira kuungana pasi pomuti kana kuti musango dzimwe nguva anofungirwa zvisizvo. Mune imwe nyika, mapoka maduku akadaro ezvitendero ave achinzi anokonzera mhirizhonga dzemadzinza, uye mutemo unoda kuti misangano yose yechitendero iitirwe muimba yokunamatira.

Kuva nedzimba dzavo pachavo kunobatsira Zvapupu zvaJehovha kuratidza vanhu vomunzanga kuti havasi vadzidzi vomumwe mufundisiwo zvake. Hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha romuZimbabwe inonyora kuti: “Munguva yakapfuura, hama dzokuno dzaiitira misangano mudzimba dzehama, uye vanhu vomunharaunda vaidana ungano yacho nezita romuridzi wemba kwavaiungana. Vaitaura nezvehama sedzechechi yaVaNhingi. Zvose izvi zvava kuchinja sezvo vanhu vava kuona zviratidzo zvinozivisa zvakajeka imba imwe neimwe se‘Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha.’”

Vanhu Vanopa Vachifara

“Mwari anoda mupi anofara,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (2 VaKorinde 9:7) Zvechokwadi, mipiro yakakura inobatsira chaizvo. Asi mari yomupiro yakawanda inopiwa kubasa reZvapupu zvaJehovha inobva mumabhokisi anowanikwa muDzimba dzoUmambo. Mipiro yakakura, kana kuti miduku, yose inokosha uye haitarisirwi pasi. Yeuka kuti Jesu akanga akamira paaigona kuona chirikadzi yaiva murombo ichipa mari dzayo mbiri duku. Ngirozi naJehovha vakaionawo. Hatitombozivi zita rechirikadzi yacho, asi Jehovha akava nechokwadi chokuti kuzvipira kwayakaita kwakanyorwa muBhaibheri kusvikira narini.

Kuwedzera pakuvaka Dzimba dzoUmambo, mipiro yedu inotsigira zvimwe zvinhu zvose zvine chokuita nebasa roUmambo rinokosha. Kushandira pamwe seizvi kunotipa chikonzero chokufara uye choku“pfumiswa nokuonga Mwari kukuru.” (2 VaKorinde 9:12) Hama dzedu dzokuBenin dzinoti: “Zuva nezuva minyengetero yakawanda yokuonga inoenda kuna Jehovha ichitenda rubatsiro rwemari runobva kuhama dzemarudzi akawanda.” Panguva imwe chete, isu tose tinotsigirawo nemari basa roUmambo tinowana mufaro unobva mukupa kwechiKristu!

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22, 23]

Nzira Idzo Vamwe Vanosarudza Kupa Nadzo

MIPIRO YEBASA ROMUNYIKA YOSE

Vakawanda vanotsaura, kana kuti kuronga, mari yavanoisa mumabhokisi omupiro akanyorwa kuti “Mipiro Yebasa Romunyika Yose—Mateu 24:14.”

Mwedzi woga woga, ungano dzinoendesa mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yadzo. Mipiro yemari yokuzvidira ingatumirwawo zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, c/o Office of the Secretary and Treasurer, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazi inotarisira nyika yenyu. Cheki dzinofanira kunyorwa kuti “Watch Tower.” Zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapiwawo. Mipiro iyi inofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti ichi chipo.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA

Mari ingachengeteswa Watch Tower kuti ishandiswe. Zvisinei, kana anenge aichengetesa akaikumbira, anogona kuidzorerwa. Nokuda kwemamwe mashoko, tapota nyorera kuOffice of the Secretary and Treasurer pakero yakanyorwa pamusoro apa.

KURONGA KUBATSIRA

Kuwedzera kuzvipo zvemari, pane dzimwe nzira dzokupa dzinobatsira basa roUmambo romunyika yose. Idzi dzinosanganisira:

Inishuwarenzi: Watch Tower ingapiwa kodzero yokuzowana inishuwarenzi youpenyu kana mudyandigere kana kuti penjeni.

Maakaundi Okubhengi: Maakaundi okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti maakaundi okurega basa, anganzi atarisirwe kana kuitwa kuti azopiwa Watch Tower kana wafa, maererano nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.

Mari yeBhizimisi neMagwaro Anoratidza Mari iri Kumamwe Mabhizimisi: Mari yebhizimisi nemagwaro anoratidza mari iri kumamwe mabhizimisi zvingapiwa Watch Tower sechipo.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo zvinotengeseka zvingapiwa sechipo kana kuti, kana iri imba, nokuchengetera anenge apa wacho chivako kana nzvimbo, uyo anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa hofisi yebazi romunyika yako usati wanyora gwaro repamutemo rokupa chivako kana nzvimbo ipi neipi.

Chipo Chinobviswa Pagore Negore: Chipo chinobviswa pagore negore urongwa hwokuti munhu anotamisa mari kana kuti zvinhu achizviendesa kusangano reWatchtower. Munhu wacho anenge apa kana kuti mumwe waanenge asarudza anozopiwa mari yakatarwa gore negore kwoupenyu hwose. Anenge apa wacho anobvisirwa mari yomutero gore rinotanga kubviswa chipo chacho chepagore negore.

Zvido Zvenhaka Nokuchengetesa: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower pachishandiswa chido chenhaka chepamutemo, kana kuti Watch Tower inganzi ndiyo ine kodzero yokuwana zvakachengeteswa. Kuchengetesa kunobatsira sangano rechitendero kungaita kuti urerutsirwe pamutero.

Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira,” mipiro yorudzi urwu inonyatsoda kuti anoda kupa wacho aronge. Kuti vanoda kubatsira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha norumwe rudzi rwokupa vayamurwe, pakagadzirwa bhurocha riri mumutauro weChirungu neSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide (Kuronga Kubatsira Basa roUmambo Romunyika Yose). Bhurocha racho rakanyorerwa kupa mashoko enzira dzakasiyana-siyana dzokupa nadzo zvipo iye zvino kana kuti zvinosiyiwa pakufa. Pashure pokunge vaverenga bhurocha iri uye vabvunza mazano kuvanachipangamazano vomutemo kana kuti vemitero, vakawanda vave vachikwanisa kubatsira kutsigira basa reZvapupu zvaJehovha munyika yose, uye vachiwedzera kubatsirwa kwavanoitwa nokubvisirwa mutero pavanenge vachiita izvozvo. Bhurocha iri ringawanika nokurikumbira kuHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe.

Kana uchida mamwe mashoko, ungataura neveHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe, zvimwe netsamba kana kuti norunhare, pakero iri pasi apa kana kuti kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yenyu.

Charitable Planning Office

Jehovah’s Witnesses

P. Bag WG-5001, Westgate

Runhare: 332137/8

[Mifananidzo iri papeji 20, 21]

Nzvimbo dzokunamatira dzekare neitsva dzeZvapupu zvaJehovha

Zambia

Central African Republic