Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vashumiri vaJehovha Vanofara

Vashumiri vaJehovha Vanofara

Vashumiri vaJehovha Vanofara

“Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”—MATEU 5:3.

1. Mufaro wechokwadi chii, uye unoratidzei?

VANHU vaJehovha vanokoshesa mufaro zvikuru. Munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Vane mufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.” (Pisarema 144:15) Mufaro kunzwa wakadekara. Mufaro wakadzama zvikuru—uri kutsi kwemwoyo yedu—unobva pakuziva kuti tinokomborerwa naJehovha. (Zvirevo 10:22) Mufaro wakadaro unoratidza kuti tine ukama hwepedyo naBaba vedu vokudenga uye kuti tinoziva kuti tiri kuita kuda kwavo. (Pisarema 112:1; 119:1, 2) Zvinofadza kuti Jesu akataura zvikonzero zvipfumbamwe zvinogona kuita kuti tinzi tinofara. Kuongorora zvikonzero izvi zvokufara munyaya ino neinotevera kuchatibatsira kuziva kuti tingafara zvakadini kana tikashumira “Mwari anofara,” Jehovha.—1 Timoti 1:11.

Kuziva Zvinodiwa Zvedu Zvomudzimu

2. Ndepapi Jesu paakataura nezvomufaro, uye mashoko ake okutanga aiti chii?

2 Muna 31 C.E., Jesu akapa imwe yehurukuro dzakakurumbira zvikuru munhau. Inonzi Mharidzo yepaGomo nokuti Jesu akaipa ari mujinga megomo pakatarisana negungwa reGarireya. Evhangeri yaMateu inoti: “[Jesu] paakaona mapoka evanhu akakwira mugomo; akati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari; uye akashamisa muromo wake akatanga kuvadzidzisa, achiti: ‘Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, sezvo umambo hwokumatenga huri hwavo.’” Kana akashandurwa sezvaari, mashoko aJesu okutanga anoti: “Vanofara varombo mumudzimu,” kana kuti “Vanofara avo vanopemha nokuda kwomudzimu.” (Mateu 5:1-3; Kingdom Interlinear; mashoko omuzasi) Bhaibheri Rinoera rinoti: “Vakakomborerwa zvavo vanoziva kuti ivo varombo mumweya.”

3. Kuzvininipisa kunobatsira sei kuti tive nomufaro?

3 MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akajekesa kuti munhu anowana mufaro wakanyanya kana achiziva kuti ane zvaanoda zvomudzimu. VaKristu vanozvininipisa, vanonyatsoziva kutadza kwavanoita, vanoteterera kukanganwirwa naJehovha pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaKristu. (1 Johani 1:9) Saka vanowana rugare rwomupfungwa uye mufaro wechokwadi. “Wakakomborerwa wakakanganwirwa kudarika kwake, wakafukidzirwa zvivi zvake.”—Pisarema 32:1; 119:165.

4. (a) Inzira dzipi dzatingaratidza nadzo kuti tinoziva zvatinoda uye zvinodiwa nevamwe zvomudzimu? (b) Chii chinowedzera mufaro wedu kana tichiziva zvatinoda zvomudzimu?

4 Kuziva zvatinoda zvomudzimu kunoita kuti tide kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, tibatsirwe nezvokudya zvomudzimu zvatinogoverwa “panguva yakafanira” no“muranda akatendeka, akangwara,” uye kuti tipinde misangano yechiKristu nguva dzose. (Mateu 24:45; Pisarema 1:1, 2; 119:111; VaHebheru 10:25) Kuda muvakidzani kunoita kuti tizive zvinodiwa nevamwe zvomudzimu uye kunoita kuti tishingaire mubasa rokuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka oUmambo. (Mako 13:10; VaRoma 1:14-16) Kuzivisa vamwe chokwadi cheBhaibheri kunoita kuti tifare. (Mabasa 20:20, 35) Mufaro wedu unowedzera kudzama patinofungisisa nezvetariro yakanaka zvikuru yoUmambo uye zvikomborero zvichaunzwa noUmambo ihwohwo. Ku“boka duku” revaKristu vakazodzwa, tariro yoUmambo inoreva kurarama vasingafi vari kudenga senhengo dzehurumende yoUmambo hwaKristu. (Ruka 12:32; 1 VaKorinde 15:50, 54) Kune “mamwe makwai,” inoreva upenyu husingaperi muparadhiso yepasi achitongwa nehurumende yoUmambo ihwohwo.—Johani 10:16; Pisarema 37:11; Mateu 25:34, 46.

Kufara Kungaita Vanochema

5. (a) Mashoko okuti “avo vanochema,” anorevei? (b) Vanochema ivavo vanonyaradzwa sei?

5 Mashoko anotevera echikonzero chokufara akataurwa naJesu anoita seanopesana. Akati: “Vanofara avo vanochema, sezvo vachanyaradzwa.” (Mateu 5:4) Munhu angachema sei panguva imwe chete achifara? Kuti tinzwisise zvinorehwa nemashoko aJesu, tinofanira kunzwisisa kuti kuchema kworudzii kwaari kutaura nezvako. Mudzidzi Jakobho anotsanangura kuti kutadza kwatinoita kunofanira kuita kuti ticheme. Akanyora kuti: “Chenesai maoko enyu, imi vanhu vanoita zvivi, munatse mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri. Suwai mucheme musvimhe misodzi. Kuseka kwenyu ngakuchinje kuve kuchema, mufaro wenyu uve kusuruvara. Zvininipisei mumaziso aJehovha, uye achakukudzai.” (Jakobho 4:8-10) Avo vanosuwa zvechokwadi nokuda kwokutadza kwavo vanonyaradzwa pavanoziva kuti zvivi zvavo zvinogona kuregererwa kana vakatenda muchibayiro chorudzikinuro chaKristu ndokupfidza zvechokwadi nokuita kuda kwaJehovha. (Johani 3:16; 2 VaKorinde 7:9, 10) Saka vanogona kuva noukama hwakanaka naJehovha ndokuva netariro yokurarama nokusingaperi vachimushumira nokumurumbidza. Izvi zvinoita kuti vave nomufaro wakadzama mumwoyo.—VaRoma 4:7, 8.

6. Vamwe vanochema mupfungwa ipi, uye vanonyaradzwa sei?

6 Mashoko aJesu anosanganisirawo vaya vanochema nemhaka yemamiriro ezvinhu anonyangadza akatekeshera panyika. Jesu akaratidza kuti uprofita hwaIsaya 61:1, 2 hunoshanda sei kwaari, uhwo hunoti: “Mweya waShe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, . . . kuti ndinyaradze vose vanochema.” Basa iroro rinofanirawo kuitwa nevaKristu vakazodzwa vari pasi pano, avo vanoriita vachibatsirwa neshamwari dzavo, “mamwe makwai.” Vose vanoita basa rokuisa chiratidzo chokufananidzira pahuma dze“vanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoitwa mukati maro [Jerusarema rakaramba kutenda, rinofananidzira chiKristudhomu].” (Ezekieri 9:4) Vanochema ivavo vanonyaradzwa ne“mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Vanofara kuziva kuti gadziriro yakaipa yezvinhu yaSatani ichakurumidza kutsiviwa nenyika itsva yaJehovha yakarurama.

Vanofara Vanyoro

7. Chii chisingarehwi neshoko rokuti “vanyoro”?

7 Jesu akaenderera mberi neMharidzo yake yepaGomo achiti: “Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka yepasi.” (Mateu 5:5) Dzimwe nguva kuva munyoro kunoonekwa sokushayiwa ushingi. Zvisinei, hazvisizvo. Ichitsanangura pfungwa yeshoko rinoshandurwa kuti “vanyoro,” imwe nyanzvi yeBhaibheri yakanyora kuti: “Chinonyanya kuoneka pamunhu [munyoro] ndechokuti munhu anogona kuzvidzora zvikuru. Hakusi kuzvirereka kwoumbwende, kungovawo munhu munyoro, kungovawo munhu akanyarara. Isimba rinodzoreka.” Jesu akati nezvake: “Ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo.” (Mateu 11:29) Asi, Jesu akanga akashinga kutsigira chokwadi chakarurama.—Mateu 21:12, 13; 23:13-33.

8. Unyoro hwakada kufanana nohumwe unhu hupi, uye nei tichifanira kuva nounhu uhwu muukama hwedu nevamwe?

8 Saka unyoro hwakada kufanana nokuzvidzora. Zvechokwadi, unyoro uye kuzvidzora zvakanyorwa pamwe chete nomuapostora Pauro paakataura “zvibereko zvomudzimu.” (VaGaratiya 5:22, 23) Unyoro hunofanira kukudziridzwa tichibatsirwa nomudzimu mutsvene. Unhu hwechiKristu hunoita kuti tive norugare nevatisinganamati navo uye nevaya vari muungano. Pauro akanyora kuti: “Pfekai rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nomwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru.”—VaKorose 3:12, 13.

9. (a) Nei kuva munyoro kusingagumiri paukama hwedu nevamwe vanhu? (b) Vanyoro “vachagara nhaka yenyika” sei?

9 Zvisinei, unyoro hahugumiri paukama hwedu nevamwe vanhu. Kana tikazviisa pasi pouchangamire hwaJehovha nokuzvidira, tinoratidza kuti tiri vanyoro. Muenzaniso mukuru weizvi ndiJesu Kristu, uyo akaratidza unyoro uye kuzviisa pasi pokuda kwaBaba vake zvakakwana paakanga ari pasi pano. (Johani 5:19, 30) Chokutanga, Jesu anogara nhaka yenyika, nokuti ndiye Mutongi wayo akagadzwa. (Pisarema 2:6-8; Dhanieri 7:13, 14) Anogoverana nhaka yake ne“vagari venhaka pamwe” naye vane 144 000, vakasarudzwa “pakati pevanhu” kuti ‘vatonge semadzimambo pamusoro penyika.’ (VaRoma 8:17; Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3, 4; Dhanieri 7:27) Kristu nevaachatonga navo vachadzora mamiriyoni evarume nevakadzi vakaita semakwai vakafanoprofitwa nezvavo mupisarema avo vachaona mashoko aro anofadza achizadzika kwavari, anoti: “Vanyoro ndivo vachagara yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11; Mateu 25:33, 34, 46.

Vanofara Vane Nzara Yokururama

10. Ndeipi imwe nzira iyo “vane nzara nenyota yekururama” vangagutiswa nayo?

10 Mashoko anotevera echikonzero chokufara akataurwa naJesu paakanga achitaura ari pagomo iroro reGarireya aiti: “Vanofara avo vane nzara nenyota yekururama, sezvo vachagutiswa.” (Mateu 5:6) Jehovha anoratidza vaKristu zvinodiwa kuti vanzi vakarurama. Nokudaro vaya vane nzara nenyota yokururama, kutaura zvazviri vane nzara nenyota yokutungamirirwa naMwari. Vakadaro vanonyatsoziva kuti vane zvivi uye kuti havana kukwana uye vanoshuva kuva noukama hwakanaka naJehovha. Vanofara sei pavanodzidza muShoko raMwari kuti kana vakapfidza votsvaka kuregererwa pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaKristu, vachakwanisa kuwana ukama hwakanaka naMwari!—Mabasa 2:38; 10:43; 13:38, 39; VaRoma 5:19.

11, 12. (a) VaKristu vakazodzwa vanosvika sei pakunzi vakarurama? (b) Nyota yokururama yeshamwari dzevakazodzwa inopedzwa sei?

11 Jesu akati vanhu vakadaro vaizofara, sezvo vaizo“gutiswa.” (Mateu 5:6, Kingdom Interlinear) VaKristu vakazodzwa vakadanwa kuti ‘vatonge semadzimambo’ pamwe naKristu kudenga vanonzi “vakarurama nokuda kwoupenyu.” (VaRoma 5:1, 9, 16-18) Jehovha anovaona sevanakomana vake vomudzimu. Vanova vagari venhaka pamwe naKristu, vakadanwa kuti vave madzimambo nevapristi muUmambo hwehurumende yake yokudenga.—Johani 3:3; 1 Petro 2:9.

12 Shamwari dzevakazodzwa hadzisati dzanzi dzakarurama zvokubva dzatopiwa upenyu. Zvisinei, dzine mwero wakati wokururama wadzakapiwa naJehovha nemhaka yokutenda kwadzo muropa rakadeurwa raKristu. (Jakobho 2:22-25; Zvakazarurwa 7:9, 10) Vanonzi vakarurama seshamwari dzaJehovha vachimirira kununurwa panguva yo“kutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:14) Nyota yavo yokururama ichapedzwa zvakare pavanova nhengo dzenyika itsva iyo ‘kururama kuchagara mairi’ vachitongwa ne“matenga matsva.”—2 Petro 3:13; Pisarema 37:29.

Vanofara Vane Ngoni

13, 14. Tingaratidza kuti tine ngoni munzira dzipi dzinoshanda, uye izvi zvinotibatsirei?

13 Achipfuurira neMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Vanofara vane ngoni, sezvo vachanzwirwa ngoni.” (Mateu 5:7) Mupfungwa yomutemo, ngoni dzinozivikanwa sedzinoreva kunzwira tsitsi kwomutongi anorega kuranga zvakakwana muiti wezvakaipa sezvinobvumirwa nomutemo. Zvisinei, sokushandiswa kwaanoitwa muBhaibheri, mashoko epakuvamba anoshandurwa kuti “ngoni” anonyanya kureva kuva nehanya kwomutsa kana kuti kusiririswa kunozorodza vaya vanotambudzika. Saka, vaya vane ngoni vanoratidza chaizvo kuti vanonzwira tsitsi. Mufananidzo waJesu womuvakidzani akanaka aiva muSamariya, muenzaniso wakanaka womunhu ‘akaitira ngoni’ munhu anoshayiwa.—Ruka 10:29-37.

14 Kuti tive nomufaro unobva mukuratidza ngoni, tinofanira kuita mabasa akanaka omutsa kune vaya vanoshayiwa. (VaGaratiya 6:10) Jesu akanzwira tsitsi vanhu vaakaona. “Akasiririswa navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi. Zvino akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.” (Mako 6:34) Jesu akaziva kuti zvinodiwa zvomudzimu zvevanhu zvaikosha zvikuru kupfuura zvimwe zvinhu zvose zvavaida. Isuwo tingaratidza kuti tine tsitsi nengoni kana tikapa vamwe zvavanonyanya kuda—“mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Tinogonawo kupa rubatsiro runoshanda kuvaKristu vakwegura vatinonamata navo, chirikadzi, uye nherera uye ‘kutaura nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza.’ (1 VaTesaronika 5:14; Zvirevo 12:25; Jakobho 1:27) Izvi hazvizongotipi mufaro bedzi asiwo zvichaita kuti tinzwirwe ngoni naJehovha.—Mabasa 20:35; Jakobho 2:13.

Vakachena Mwoyo uye Vanoita Rugare

15. Tinogona sei kuva vakachena mwoyo uye vanoita rugare?

15 Jesu akataura zvikonzero zvokufara, chechitanhatu uye chechinomwe sezvinotevera: “Vanofara vakachena mumwoyo, sezvo vachaona Mwari. Vanofara vanoita rugare, sezvo vachanzi ‘vanakomana vaMwari.’” (Mateu 5:8, 9) Mwoyo wakachena hauna kungochena mutsika bedzi asiwo wakachena mumudzimu uye wakabatana mukuzvipira kwawo kuna Jehovha. (1 Makoronike 28:9; Pisarema 86:11) Vanoita rugare vanogara nehama dzavo dzechiKristu murugare uye, kana vachikwanisa, nevavakidzani vavo. (VaRoma 12:17-21) ‘Vanotsvaka rugare vorutevera.’—1 Petro 3:11.

16, 17. (a) Nei vakazodzwa vachinzi “vanakomana vaMwari,” uye “vachaona Mwari” sei? (b) “Mamwe makwai” “achaona Mwari” sei? (c) Mupfungwa yakakwana, “mamwe makwai” achava “vanakomana vaMwari” sei uye rini?

16 Vanhu vanoita rugare, vakachena mwoyo, vanovimbiswa kuti “vachanzi ‘vanakomana vaMwari’” uye “vachaona Mwari.” VaKristu vakazodzwa vanoberekwa nomudzimu uye vanogamuchirwa naJehovha se“vanakomana” pavanenge vachiri pasi pano. (VaRoma 8:14-17) Pavanomutswa kuti vave naKristu kudenga, vanoshumira pamberi paJehovha uye vanoMuona chaizvoizvo.—1 Johani 3:1, 2; Zvakazarurwa 4:9-11.

17 “Mamwe makwai” anoita rugare anoshumira Jehovha achitungamirirwa noMufudzi Akanaka kwazvo, Kristu Jesu, uyo anova “Baba vokusingaperi.” (Johani 10:14, 16; Isaya 9:6) Vaya vanobudirira kukunda muedzo wokupedzisira pashure poKutonga kwaKristu kweMakore Ane Chiuru vachagamuchirwa sevanakomana vepasi vaJehovha “ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.” (VaRoma 8:21; Zvakazarurwa 20:7, 9) Vachitarisira izvi, vanoti Jehovha ndiBaba vavo, sezvavanotsaurira upenyu hwavo kwaari, vachimuona soMupi Woupenyu hwavo. (Isaya 64:8) SaJobho naMosesi vekare, vanogona ‘kuona Mwari’ nemaziso okutenda. (Jobho 42:5; VaHebheru 11:27) ‘Nemaziso emwoyo yavo’ uye vachishandisa zivo yakarurama yaMwari, vanonzwisisa unhu hunoshamisa hwaJehovha uye vanovavarira kumutevedzera nokuita zvaanoda.—VaEfeso 1:18; VaRoma 1:19, 20; 3 Johani 11.

18. Maererano nezvikonzero zvinomwe zvokufara zvakataurwa naJesu, ndivanaani vanowana mufaro wechokwadi nhasi?

18 Taona kuti vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, vanochema, vanyoro, vane nzara nenyota yokururama, vane ngoni, vakachena mumwoyo, uye vanoita rugare vanowana mufaro wechokwadi mukushumira Jehovha. Asi, vanhu vakadaro vanogara vachishorwa, kunyange kutambudzwa. Izvi zvinokanganisa mufaro wavo here? Mubvunzo iwoyo uchakurukurwa munyaya inotevera.

Kudzokorora

• Vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu vanowana mufaro wei?

• Vaya vanochema vanonyaradzwa munzira dzipi?

• Tinoratidza sei unyoro?

• Nei tichifanira kuva vane ngoni, vakachena mumwoyo, uye vanoita rugare?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

“Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu”

[Mifananidzo iri papeji 10]

“Vanofara avo vane nzara nenyota yekururama”

[Mufananidzo uri papeji 10]

“Vanofara vane ngoni”