Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Achatonga Vakaipa

Jehovha Achatonga Vakaipa

Jehovha Achatonga Vakaipa

“Zvigadzirei kusongana naMwari wenyu.”—AMOSI 4:12.

1, 2. Nei tichigona kuva nechivimbo chokuti Mwari achagumisa uipi?

JEHOVHA achazombogumisa uipi nokutambura pasi pano here? Mukutanga kwezana remakore rechi21, mubvunzo iwoyo unomuka wava mukuru kupfuura kare kwose. Zvinoita sokuti kwose kwose kwatinotarira, tinoona uchapupu hwokuti vanhu vari kuitirana utsinye. Chokwadi tinoshuva nyika isina chisimba, ugandanga, uye uori!

2 Chinofadza ndechokuti tinogona kuva nechivimbo chakakwana chokuti Jehovha achagumisa uipi. Unhu hwaMwari hunoita kuti tive nechokwadi chokuti achaparadza vakaipa. Jehovha akarurama uye anoruramisira. Pana Pisarema 33:5, Shoko rake rinotiudza kuti: “Iye unoda kururama nokururamisa.” Rimwe pisarema rinoti: “Mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza.” (Pisarema 11:5) Chokwadi, Jehovha, Mwari ane masimba ose, anoda kururama nokururamisira, haazorambi Achingoshivirira zvaanovenga nokusingaperi.

3. Chii chichasimbiswa patichaenderera mberi tichikurukura uprofita hwaAmosi?

3 Chimbofunga nezvechimwe chikonzero nei tichigona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achabvisa uipi. Nhoroondo yezvaakamboita inosimbisa izvi. Mienzaniso inoshamisa yezvaiitirwa vakaipa naJehovha inowanikwa mubhuku reBhaibheri raAmosi. Kuenderera mberi nokuongorora uprofita hwaAmosi kuchasimbisa zvinhu zvitatu pamusoro pokutonga kwaMwari. Kutanga, nguva dzose kwakakodzera. Chechipiri, hakunzvengeki. Uye chechitatu, hakuparadzi vose vose, nokuti Jehovha anotonga vakaipa asi anonzwira ngoni vanhu vanopfidza uye vanoda upenyu.—VaRoma 9:17-26.

Kutonga kwaMwari Nguva Dzose Kwakakodzera

4. Jehovha akatuma Amosi kupi, uye nechinangwa chei?

4 Mumazuva aAmosi, vaIsraeri vakanga vatova umambo huviri. Humwe hwaiva umambo hwaJudha hwendudzi mbiri hwokumaodzanyemba. Humwe hwaiva umambo hwaIsraeri hwendudzi gumi hwokuchamhembe. Jehovha akagadza Amosi kuti ave muprofita, achimutuma kuti abve munyika yokumusha kwake muJudha aende kuIsraeri. Ari ikoko Amosi aizoshandiswa naMwari kuti azivise kutonga kwaMwari.

5. Amosi akatanga aprofita nezvemarudzi api, uye ndechipi chimwe chikonzero chaiita kuti marudzi acho akodzere kutongwa naMwari?

5 Amosi haana kutanga basa rake nokuzivisa umambo hwaIsraeri hwokuchamhembe hwakanga hwatsauka nezvokutonga kwaJehovha. Asi akatanga nokuzivisa kuti marudzi matanhatu akanga akapoteredza Israeri aizotongwa naMwari zvakaomarara. Marudzi aya aiva Siriya, Firistiya, Tire, Edhomu, Amoni, uye Moabhi. Asi chaizvo ainge akakodzera kutongwa naMwari zvakaomarara here? Hapana mubvunzo. Nokuti akanga akatsunga kuramba achivenga vanhu vaMwari.

6. Nei Mwari aizounzira Siriya, Firistiya, uye Tire njodzi?

6 Somuenzaniso, Jehovha akashora vaSiriya “nokuti vakapura Gireadhi.” (Amosi 1:3) VaSiriya vakatorera Giriyedhi nyika—nharaunda yeIsraeri yaiva kumabvazuva kwoRwizi rwaJodhani—ndokukuvadza zvakakomba vanhu vaMwari vaiva ikoko. Zvakadini neFiristiya neTire? VaFiristiya vaiva nemhosva yokutora vapoteri vechiIsraeri kana kuti nhapwa vachidzitengesa kuvaEdhomi, uye vamwe vaIsraeri vaitengeswa nevanhu vokuTire vaitengesa varanda. (Amosi 1:6, 9) Imbopafunga—kutengesa vanhu vaJehovha kuti vave varanda! Hazvishamisi kuti Jehovha aizounzira Siriya, Firistiya, uye Tire njodzi.

7. Edhomu, Amoni uye Moabhi vaizivana nevaIsraeri pakudini, asi vakabata sei vaIsraeri?

7 Marudzi eEdhomu, Amoni, uye Moabhi aizivana pachawo uye aizivana nevaIsraeri. Ose ari matatu aiva noukama nevaIsraeri. VaEdhomu vakabva kuna Abrahamu nokuna Isau, mupatya waJakobho. Naizvozvo, neimwe nzira vaiva hama dzevaIsraeri. VaAmoni nevaMoabhi vaiva vedzinza raRoti, mwana womunun’una waAbrahamu. Asi Edhomu, Amoni, uye Moabhi vakabata hama dzavo dzechiIsraeri sehama here? Kana! VaEdhomu vakashandisa munondo zvisina tsitsi vachirwa no“munun’una wavo,” uye vaAmoni vakaitira nhapwa dzechiIsraeri utsinye. (Amosi 1:11, 13) Kunyange zvazvo Amosi asingatauri zvakananga nezvokubatwa zvisina kufanira kwevanhu vaMwari kwaiitwa neMoabhi, vaMoabhi vakanga vane mukurumbira wenguva refu wokushora Israeri. Chirango chemarudzi matatu iwayo aiva noukama chaizova chakakomba. Jehovha aizovaparadza zvachose.

Kutonga kwaMwari Hakunzvengeki

8. Nei kutonga kwaMwari marudzi matanhatu aiva akapoteredza Israeri kwakanga kusinganzvengeki?

8 Hapana mubvunzo kuti marudzi matanhatu ambotaurwa pakutanga muuprofita hwaAmosi aikodzera kutongwa naMwari zvakaomarara. Uyezve, pakanga pasina nzira yaaigona kunzvenga nayo kutonga uku. Kubva pana Amosi chitsauko 1, ndima 3, kusvika kuchitsauko 2, ndima 1, katanhatu Jehovha anoti: “Handingadzori kurohwa kwavo.” Maererano nezvaakataura, haana kurega kutonga marudzi iwayo. Nhoroondo yakanyorwa inoratidza kuti pave paya rumwe norumwe rwawo rwakazosangana nenjodzi. Chokwadi, anenge mana awo—Firistiya, Moabhi, Amoni, uye Edhomu—akazotsakatika!

9. Vagari vomuJudha vakanga vakakodzerwa nechii, uye nei?

9 Uprofita hwaAmosi hunozotaurawo nezvorudzi rwechinomwe—nyika yokumusha kwake yeJudha. Vateereri vake vaiva muumambo hwokuchamhembe hwaIsraeri vangave vakashamisika kunzwa Amosi achizivisa nezvokutongwa kwoumambo hweJudha. Nei vagari venyika yeJudha vaiva vakakodzera kutongwa zvakaomarara? “Nokuti vakaramba murayiro waJehovha,” inodaro Amosi 2:4. Jehovha haana kurerutsa kuzvidza kwavaiita Mutemo wake nemaune. Maererano naAmosi 2:5, akafanotaura kuti: “Ndichatuma moto kuna Judha, uchapedza dzimba dzoushe dzeJerusarema.”

10. Nei Judha yakanga isingagoni kunzvenga nhamo?

10 Nyika yeJudha isina kutendeka yakanga isingagoni kunzvenga nhamo yaiuya. Kechinomwe, Jehovha akati: “Handingadzori kurohwa kwavo.” (Amosi 2:4) Nyika yeJudha yakapiwa chirango chakanga chafanotaurwa payakaparadzwa nevaBhabhironi muna 607 B.C.E. Zvakare tinoona kuti vakaipa havana nzira yokunzvenga nayo kutonga kwaMwari.

11-13. Amosi akanyanya kuprofita nezvorudzi rupi, uye kudzvinyirira kwakadini kwaiitika ikoko?

11 Muprofita Amosi akanga achangobva kuzivisa nezvokutongwa kwaizoitwa marudzi manomwe naJehovha. Zvisinei, kana paine munhu aifunga kuti Amosi akanga apedza kuprofita, akanga akarasika. Amosi akanga asati atombopedza zvake! Akanga arayirwa kuti anyanye kuzivisa nezveshoko rokutongwa kwakaomarara kwoumambo hwendudzi gumi dzaIsraeri hwokuchamhembe. Uye Israeri yaifanira kutongwa naMwari zvakaomarara nokuti tsika nemanamatiro zvenyika yacho zvakanga zvaora zvaisiririsa.

12 Kuprofita kwaiita Amosi kwakafumura kudzvinyirira kwakanga kwava chinhu chakajairika muumambo hwaIsraeri. Pamusoro peizvi, Amosi 2:6, 7 inoti: “Zvanzi naJehovha: Nemhaka yokuti Israeri vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatengesa vakarurama nesirivha, uye unoshayiwa, vachipiwa shangu mbiri; ndivo vanoshuva kuona guruva rapasi pamusoro womurombo, vachitsausa nzira yomunhu munyoro.”

13 Vakarurama vakanga vari kutengeswa nokuda kwe“sirivha” zvayo, zvingangoreva kuti vatongi vaigamuchira sirivha sechiokomuhomwe, vaipa mhosva kune vasina mhaka. Vaipa zvikwereti vakanga vari kutengesa varombo kuti vave varanda nomutengo we“shangu mbiri,” zvimwe nokuda kwechikwereti chiduku. Varume vane utsinye ‘vaishuva,’ kana kuti vaida kwazvo kuti varombo ava ‘vaishayiwa’ vasvike pakuzora huruva mumisoro yavo sechiratidzo chenhamo, kuchema, kana kuti kunyadziswa. Uori hwakanga hwakapararira kwazvo zvokuti “vanyoro” vaisagona kutarisira kuti vamboruramisirwa.

14. Ndivanaani vakanga vari kubatwa zvisina kunaka muumambo hwendudzi gumi hwaIsraeri?

14 Cherechedza kuti ndevapi vakanga vari kubatwa zvisina kunaka. Vaiva vakarurama, varombo, vanoshayiwa uye vanyoro vaigara munyika yacho. Sungano yoMutemo yaJehovha yaakanga aita nevaIsraeri yairayira kuti vasina anodzivirira uye vanoshayiwa vaitirwe tsitsi. Zvisinei, kuvanhu vakadaro vaigara muumambo hwendudzi gumi hwaIsraeri, mamiriro ezvinhu akanga aipa zvikuru.

“Zvigadzirei Kusongana naMwari Wenyu”

15, 16. (a) Nei vaIsraeri vakanyeverwa kuti: “Zvigadzirei kusongana naMwari wenyu”? (b) Amosi 9:1, 2 inoratidza sei kuti vakaipa havagoni kunzvenga kutonga kwaMwari? (c) Chii chakaitika kuumambo hwendudzi gumi hwaIsraeri muna 740 B.C.E.?

15 Sezvo unzenza nezvimwe zvivi zvakanga zvapararira muna Israeri, pakanga paine chikonzero chakanaka chokuti muprofita Amosi anyevere rudzi rwaipandukira kuti: “Zvigadzirei kusongana naMwari wenyu.” (Amosi 4:12) Israeri asina kutendeka aisagona kunzvenga kutonga kwaMwari kwaiuya nokuti kechisere, Jehovha akazivisa kuti: “Handingadzori kurohwa kwavo.” (Amosi 2:6) Nezvevakaipa vangaedza kuvanda, Mwari akati: “Hakuna nomumwe wavo uchatiza, hakuna nomumwe wavo uchapukunyuka. Kunyange vakachera kusvikira paSheori, ruoko rwangu ruchandovatorapo; kunyange vakakwira kusvikira kudenga, ndichavaburusapo.”—Amosi 9:1, 2.

16 Vakaipa vaisagona kunzvenga kutongwa kwavo naJehovha noku“chera kusvikira paSheori,” izvo zvaifananidzira kuedza kuvanda pasi pasi penyika. Uyewo vaisagona kunzvenga kutonga kwaMwari noku“kwira kusvikira kudenga,” kureva kuti, kutsvaka pokuvanda mumakomo akakwirira. Nyevero yaJehovha yakanga yakajeka: Hapana nzvimbo yokuvanda yaasingagoni kusvika. Ruramisiro yaMwari yaida kuti umambo hwaIsraeri huzvidavirire nokuda kwezviito zvahwo zvakaipa. Uye nguva iyoyo yakasvika. Muna 740 B.C.E.—anenge makore 60 pashure pokunge Amosi anyora uprofita hwake—umambo hwaIsraeri hwakakundwa nevaAsiriya.

Mwari Haangotongi Vose Vose

17, 18. Amosi chitsauko 9 inozivisei nezvengoni dzaMwari?

17 Uprofita hwaAmosi hwatibatsira kuona kuti kutonga kwaMwari nguva dzose kunenge kwakakodzera uye hakunzvengeki. Asi bhuku raAmosi rinoratidzawo kuti Jehovha haangotongi vose vose. Jehovha anogona kuwana vakaipa chero pavanenge vakavanda ovatonga. Anogonawo kuwana vaya vanopfidza uye vakarurama—vaanosarudza kunzwira ngoni. Izvi zvinosimbiswa zvakanaka kwazvo muchitsauko chokupedzisira chebhuku raAmosi.

18 Maererano naAmosi chitsauko 9, ndima 8, Jehovha akati: “Handingaparadzi chose imba yaJakobho.” Sezvakanyorwa Amo 9 mundima 13 kusvika ku15, Jehovha anopikira kuti aizo“dzosa kutapwa” kwevanhu vake. Vaizoratidzwa ngoni uye vaizogara vakachengeteka uye vachibudirira. “Murimi uchabata mucheki,” Jehovha akapikira kudaro. Pafunge—goho rakakura kwazvo zvokuti raizenge risati raunganidzwa paizosvika nguva inotevera yokurima nokudyara mbeu!

19. Chii chakaitika kune vakasara vaibva muna Israeri naJudha?

19 Zvinogona kunzi Jehovha paaitonga vakaipa muJudha nomunaIsraeri, akanga asingatongi munhu wose wose mukuti vanhu vaipfidza uye vaida zvakarurama vakanzwirwa ngoni. Mukuzadzika kwechipikirwa chokudzorerwa chakanyorwa pana Amosi chitsauko 9, vakasara vaIsraeri naJudha vakapfidza vakazodzoka kubva kwavaiva vatapwa kuBhabhironi muna 537 B.C.E. Vadzoka kunyika yokumusha kwavo yavaida zvikuru, vakatangazve kunamata kwakachena. Uyewo vakavakazve dzimba dzavo ndokudyara minda yemizambiringa nemapindu vakachengeteka.

Kutonga kwaJehovha Kwakaomarara Kuchauya!

20. Kudzidza kwataita nezvemashoko okutonga akaziviswa naAmosi kunofanira kuita kuti tive nechokwadi nezvechii?

20 Kudzidza kwataita pamusoro pemashoko okutonga akaziviswa naAmosi kunofanira kuita kuti tive nechokwadi chokuti Jehovha achagumisa uipi muzuva redu. Nei tichigona kudavira izvi? Kutanga, mienzaniso iyi yomunguva yakapfuura yokubata kwaiita Jehovha nevakaipa inoratidza zvaachaita muzuva redu. Chechipiri, kutongwa kwakaitwa naMwari umambo hwaIsraeri hwakaramba kutenda kunosimbisa kuti Mwari achaparadza chiKristudhomu, chikamu che“Bhabhironi Guru” chine mhosva yakakura, umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema.—Zvakazarurwa 18:2.

21. Nei chiKristudhomu chakakodzerwa nokutonga kwaMwari kwakaomarara?

21 Hapana mubvunzo kuti chiKristudhomu chakakodzerwa nokutonga kwaMwari kwakaomarara. Mamiriro acho ezvinhu anonzwisa urombo echitendero netsika dzacho zvinotaura zvoga. Kutonga kuchaita Jehovha chiKristudhomu—uye imwe nyika yaSatani yose—kwakakodzera. Uyewo hakunzvengeki, nokuti kana yava nguva yokutonga, mashoko aAmosi chitsauko 9, ndima 1, achashanda, ayo anoti: “Hakuna nomumwe wavo uchatiza, hakuna nomumwe wavo uchapukunyuka.” Hungu, pasinei nokuti vakaipa vangavanda kupi, Jehovha achavawana.

22. Ipfungwa dzipi pamusoro pokutonga kwaMwari dzinojekeswa pana 2 VaTesaronika 1:6-8?

22 Kutonga kwaMwari nguva dzose kwakakodzera, hakunzvengeki, uye haangotongi vose vose. Izvi zvinogona kuonekwa mumashoko omuapostora Pauro, anoti: “Zvakarurama kuna Mwari kuti atambudze vanokutambudzai, asi, kunemi munotambudzika, muchazorora pamwe nesu pakuratidzwa kwaShe Jesu achibva kudenga nengirozi dzake dzine simba mumirazvo yemoto, sezvaanotsiva vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.” (2 VaTesaronika 1:6-8) “Zvakarurama kuna Mwari” kuti atsive vaya vakakodzerwa nokutongwa zvakaomarara nokuda kwokutambudza vakazodzwa vake. Kutonga ikoko hakuzonzvengeki, nokuti vakaipa havazopukunyuki ‘kuratidzwa kwaJesu nengirozi dzake dzine simba mumirazvo yemoto.’ Mwari haazotongi vose vose mukuti Jesu achatsiva “vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka.” Kutonga kwaMwari kuchanyaradza vanhu vanotya Mwari vari kutambura.

Tariro Yevakarurama

23. Itariro yei nenyaradzo zvinogona kuwanikwa mubhuku raAmosi?

23 Uprofita hwaAmosi hune mashoko akanaka etariro uye anonyaradza vanhu vanoda zvakarurama. Sezvakafanotaurwa mubhuku raAmosi, Jehovha haana kutsakatisa vanhu vake vomunguva dzekare vose. Akapedzisira aunganidza nhapwa dzaIsraeri naJudha, achidzidzorera kumusha kwadzo ndokudzikomborera nokuchengeteka uye kubudirira. Izvi zvinorevei kwatiri nhasi? Zvinoita kuti tive nechokwadi chokuti pakutonga kuchaitwa naMwari, Jehovha achawana vakaipa chero pavangavanda uye achawana vanhu vaanoona vakakodzera kunzwirwa ngoni naye, pasinei nokwavangava vachigara pasi pano.

24. Vashumiri vaJehovha vomuzuva ranhasi vakakomborerwa munzira dzipi?

24 Patinenge takamirira nguva yokuti Jehovha atonge vakaipa, zvii zvatinotarisana nazvo sevashumiri vake vakatendeka? Chokwadi, Jehovha ari kutikomborera nokubudirira mune zvokunamata! Tinonamata zvechokwadi pasina kuvhiringidzwa kunoguma kwavapo nemhaka yedzidziso dzenhema dzechiKristudhomu. Jehovha akatikomborerawo nezvokudya zvomudzimu zvakawanda. Zvisinei, yeuka kuti pakuwana zvikomborero zvikuru izvi zvinobva kuna Jehovha panewo basa guru. Mwari anotarisira kuti tinyevere vamwe nezvokutonga kuri kuuya. Tinoda kuita zvose zvatinogona kuti titsvake vaya vano“da upenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48) Hungu, tinoda kubatsira vakawanda sezvinobvira kuti vabatsirwewo mune zvokunamata sezvatiri iye zvino. Uye tinoda kuti vapone pakutonga kwaMwari vakaipa kuri kuuya. Chokwadi, kuti tiwane zvikomborero izvi, tinofanira kuva nomwoyo wakarurama. Sezvatichaona munyaya inotevera, izviwo zvinosimbiswa muuprofita hwaAmosi.

Ungapindura Sei?

• Uprofita hwaAmosi hunoratidza sei kuti kutonga kwaJehovha kwakaomarara kwakakodzera nguva dzose?

• Amosi anopa uchapupu hwei kuratidza kuti kutonga kwaMwari hakunzvengeki?

• Bhuku raAmosi rinoratidza sei kuti Mwari haangotongi vose vose?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Umambo hwaIsraeri hahuna kunzvenga kutonga kwaMwari

[Mufananidzo uri papeji 18]

Muna 537 B.C.E., vakasara vaIsraeri naJudha vakadzoka vachibva kuBhabhironi kwavakanga vatapwa