Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Madhimoni achange ari kupi panenge Pachitonga Kristu kweMakore Ane Chiuru?

Bhaibheri haripinduri mubvunzo uyu zvakananga. Asi tinogona kusvika pamhinduro ine zvikonzero zvinonzwisisika nezvokunenge kuine madhimoni panenge Pachitonga Kristu kweMakore Ane Chiuru.

Achitaura zvichaitika pakutanga nepakupera kweMakore Ane Chiuru aya, muapostora Johani anoti: “Ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga iine kiyi yegomba rakadzika-dzika uye ngetani huru iri muruoko rwayo. Uye yakabata dhiragoni, nyoka yepakutanga, ari Dhiyabhorosi naSatani, ikamusunga kwemakore ane chiuru. Uye yakamukandira mugomba rakadzika-dzika ikaripfiga, ikariisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kutsausa marudzi kusvikira makore ane chiuru apera. Pashure pezvinhu izvi anofanira kusunungurwa kwenguva duku.” (Zvakazarurwa 20:1-3) Ndima idzi dzinongotaura nezvokuiswa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani uye kuzosunungurwa kwake kwenguva duku. Kunyange zvazvo madhimoni asingataurwi, zvine musoro kutaura kuti ngirozi ine kiyi yegomba rakadzika-dzika—Jesu Kristu akapiwa mbiri—paanobata Dhiyabhorosi omuisa mugomba rakadzika-dzika, achaitawo izvozvo kumadhimoni.—Zvakazarurwa 9:11.

Jesu paakava Mambo kudenga muna 1914, Jesu Kristu akaita chimwe chinhu chakavhiringidza Satani uyewo madhimoni. Zvakazarurwa 12:7-9 inoti: “Hondo yakavapo mudenga: Mikayeri nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, uye dhiragoni nengirozi dzayo [madhimoni] vakarwa asi haina kukurira, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanika kudenga. Nokudaro dhiragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa; akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe naye.” Kubvira ipapo, Satani nemadhimoni ake havachambotsiki kudenga, vava kungogara pasi pano. Zvinonzwisisika kana tikagumisa kuti Jesu Kristu paachadzivisa Satani kuti asaite mabasa ake achiitira kuti asunungure pasi pakufurira kwake, Achaitawo izvozvo kumadhimoni.

Chimbofunga nezvouprofita hwokutangisisa hweBhaibheri. Hunoti: “[Ini Mwari] ndichaisa ruvengo pakati pako [Satani] nomukadzi [sangano raJehovha rokudenga], napakati porudzi rwako [Satani] norudzi rwake [Jesu Kristu]; irwo ruchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” (Genesi 3:15) Kupwanya nyoka mumusoro kunosanganisira kukandira Satani mugomba rakadzika-dzika panenge Pachitonga Kristu kweMakore Ane Chiuru. Uprofita hwacho hunotizve pane ruvengo pakati porudzi rwaSatani noUya anopwanya. Rudzi urwu, kana kuti sangano, rinosanganisira chimwe chikamu chisingaoneki chengirozi dzakaipa, kana kuti madhimoni. Saka zvine musoro kugumisa kuti Jesu paanokandira Satani mugomba rakadzika-dzika, anosungawo madhimoni oakandira imomo. Kuratidza kutya gomba rakadzika-dzika kwakaitwa nemidzimu yakaipa kunoratidza kuti anoziva nezvokusungwa uku kuri kuuya.—Ruka 8:31.

Zvisinei, kungava here kuti Zvakazarurwa 20:1-3 haitauri nezvemadhimoni nokuti anoparadzwa paHa-Magedhoni pamwe chete nechikamu chinooneka chorudzi rwaSatani? Bhaibheri hariratidzi kuti izvi zvingangova zvakadaro. Nezvomugumo waSatani, rinoti: “Dhiyabhorosi akanga achivatsausa akakandirwa mugungwa remoto nesarufa, umo chikara nomuprofita wenhema vakanga vachitova; uye vacharwadziswa masikati nousiku nokusingaperi-peri.” (Zvakazarurwa 20:10) Chikara nomuprofita wenhema masangano ezvematongerwo enyika uye chikamu chesangano rinooneka raSatani. (Zvakazarurwa 13:1, 2, 11-14; 16:13, 14) Izvi zvinoparadzwa paHa-Magedhoni, Umambo hwaMwari pahunoputsa hwoparadza umambo hwose hwenyika. (Dhanieri 2:44) Bhaibheri rinotaura nezve“moto usingaperi wakagadzirirwa Dhiyabhorosi nengirozi dzake.” (Mateu 25:41) Satani nemadhimoni ake vachakandirwa “mugungwa remoto nesarufa” iroro sezvinoitwa chikara nomuprofita wenhema pakuti ivowo vachaparadzwa nokusingaperi. Kudai kuri kuti chikamu chine simba guru chisingaoneki chorudzi rwaSatani chichaparadzwa paHa-Magedhoni, zvechokwadi madhimoni aizotaurwa seanotova mugungwa rokufananidzira pamwe chete nechikara nomuprofita wenhema. Kusawanikwa kwavo pana Zvakazarurwa 20:10 kunoratidza kuti madhimoni haaparadzwi paHa-Magedhoni.

Sezvo madhimoni asingataurwi zvakajeka kuti anokandirwa mugomba rakadzika-dzika, saka haataurwiwo zvakajeka kuti anosunungurwa imomo. Zvisinei, mugumo wawo wakangofanana nowaDhiyabhorosi. Pashure pokunge asunungurwa pamwe chete naDhiyabhorosi uye achishandira pamwe chete naye mukuedza kwokupedzisira pakuguma kwemakore ane chiuru, madhimoni achakandirwawo mugungwa remoto saka achaparadzwawo nokusingaperi.—Zvakazarurwa 20:7-9.

Saka, kunyange zvazvo Zvakazarurwa 20:1-3 ichitaura bedzi nezvaSatani kuti ndiye anobatwa okandirwa mugomba rakadzika-dzika maanenge asingaiti basa, zvine musoro kugumisa kuti ngirozi dzakewo dzichasungwa dzokandwa pamwe chete naye mugomba rakadzika-dzika. Satani kana mapoka ake emadhimoni havazobvumirwi kuvhiringidza kuzadzika kwezvinangwa zvaMwari zvokuchinja nyika ino kuti ive paradhiso ndokuita kuti vanhu vave vakakwana panenge Pachitonga Kristu kweMakore Ane Chiuru.