Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tende Rowakarurama Richafara”

“Tende Rowakarurama Richafara”

“Tende Rowakarurama Richafara”

HONDO yeHa-Magedhoni paichatanga, yogumisa mamiriro ezvinhu epanguva ino akaipa enyika yaSatani, “imba yowakaipa ichaparadzwa.” Ko “tende rowakarurama”? Kutaura zvazviri, munyika itsva inoitwa naMwari, “richafara zvakanaka.”—Zvirevo 14:11.

Zvisinei, kusvikira nguva ‘ichaparadzwa vakaipa panyika ino uye ichabviswa vanyengeri,’ vasina chavangapomerwa vanofanira kumbogarisana navo. (Zvirevo 2:21, 22) Vakarurama vangafara here mumamiriro ezvinhu akadai? Ndima 1 kusvika ku11 dzechitsauko 14 mubhuku reBhaibheri raZvirevo dzinoratidza kuti kana tikaita kuti uchenjeri hutungamirire zvatinotaura uye zvatinoita, tinogona kubudirira uye kugara zvakanaka kusvika pamwero wakati kunyange iye zvino.

Uchenjeri Pahunovaka Imba

Achitaura nezvinoitwa nomukadzi kuti mhuri igare zvakanaka, Mambo Soromoni weIsraeri yekare akati: “Mukadzi mumwe nomumwe wakachenjera unovaka imba yake; asi benzi rinoiputsa namaoko aro.” (Zvirevo 14:1) Mukadzi akachenjera anovaka imba yake sei? Mukadzi akachenjera anoremekedza urongwa hwaMwari hwomusoro. (1 VaKorinde 11:3) Haaiti gundamusaira nezvakazara munyika yaSatani zvokuda kuzvimirira. (VaEfeso 2:2) Anozviisa pasi pomurume wake uye anotaura zvakanaka nezvake, achiita kuti kuremekedzwa kwaanoita nevamwe kuwedzere. Mukadzi akachenjera anoshingairira zvinhu zvokunamata uye zvine chokuita nokudzidzisa vana vake. Anoshanda nesimba kuti zvifambire zvakanaka mhuri yake, achiita kuti pamba pave nzvimbo inofadza mhuri. Kutarisira kwaanoita zvinhu kunoratidza ungwaru uye kuchengetedza mari. Mukadzi akachenjera zvechokwadi anoita kuti imba yake ibudirire uye igare zvakanaka.

Mukadzi benzi haaremekedzi urongwa hwaMwari hwomusoro. Haambozezi kutaura zvakaipa nezvomurume wake. Sezvaasingachengetedzi mari, anoparadza mari yemhuri yakabudirwa ziya. Anopambadzawo nguva. Saka imba hainyatsochengetwi, uye vana vanotambura pamba uye mune zvokunamata. Chokwadi, benzi rinoputsa imba yaro.

Asi chii chinoratidza kuti munhu akachenjera kana kuti ibenzi? Zvirevo 14:2 inoti: “Unofamba nokururama kwake, unotya Jehovha; asi wakatsauka panzira dzake, unomuzvidza.” Wakarurama anotya Mwari wechokwadi, uye “kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri.” (Pisarema 111:10) Munhu akachenjera zvechokwadi anoziva kuti anotofanira ‘kutya Mwari wechokwadi, ochengeta mirayiro yake.’ (Muparidzi 12:13) Asi benzi rinofamba munzira isingapindirani nezvinodiwa naMwari zvakarurama. Nzira dzake hadzina kutwasuka. Munhu akadaro anozvidza Mwari, achiti mumwoyo make: “Mwari haako.”—Pisarema 14:1.

Miromo Painotungamirirwa Nouchenjeri

Chii chingataurwa nezvezvinotaurwa nomunhu anotya Jehovha uye uya anoMuzvidza? “Mumuromo webenzi mune shamhu yamanyawi” anodaro mambo, “asi miromo yavakachenjera inovachengeta.” (Zvirevo 14:3) Benzi zvarisina uchenjeri hunobva kumusoro, hariiti zvinounza rugare uyewo harinzwisisi. Uchenjeri hunoritungamirira ndohwepasi pano, hwoumhuka, hwemadhimoni. Rinotaura mashoko okukakavara uye okuzvikudza. Kuzvikudza kuri mumuromo maro kunomutsira iro nevamwe matambudziko.—Jakobho 3:13-18.

Miromo yowakachenjera inomurinda, kana kuti inomudzivirira, zvichiita kuti agutsikane. Sei? Magwaro anoti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.” (Zvirevo 12:18) Mashoko omunhu akachenjera haasi okusafunga kana kuti okurwadzisa. Mwoyo wake unombofunga kuti apindure. (Zvirevo 15:28) Mashoko ake akanyatsofungwa anoporesa—anokurudzira vanhu vakaora mwoyo ozorodza vakadzvinyirirwa. Pane kugumbura vamwe, mashoko ake anosimudzira rugare norunyararo.

Vanhu Pavanotungamirirwa Nouchenjeri Pane Zvavanoita

Soromoni anozotaura chirevo chinonakidza chinoita sechinotaura nezvokudiwa kwokuyera zvakanakira uye zvakaipira kuita chimwe chinhu. Anoti: “Kana pasina nzombe, chidyiro hachina chiro; asi zvibereko zvizhinji zvinouya nesimba renzombe.”Zvirevo 14:4.

Rimwe bhuku richitaura nezvezvinorehwa nechirevo ichi rinoti: “Danga [chidyiro] risina chinhu rinoratidza kuti hapana madhonza [mombe] okupa zvokudya, saka munhu haana nhamo yokuswerochenesa uye kutarisira mombe dzacho, uyewo mari yaanoshandisa ishoma. Asi ‘zvakanakira’ izvi zvinoshayiswa basa nezviri [mundima] 4b: kana pasina madhonza anoshandiswa, zvinoreva kuti goho racho iduku.” Murimi anofanira kusarudza nokuchenjera.

Zvinorehwa nechirevo ichi hazvingashandiwo here patinofunga nezvokuchinja basa, kusarudza imba yokugara, kutenga motokari, kuwana chipfuwo, nezvimwewo zvakadaro? Munhu akachenjera achafunga zvazvakanakira uye zvazvakaipira oona kana zvaari kusarudza zvacho zvichikodzera basa nemari inozoshandiswa.

Chapupu Pachinenge Chakachenjera

“Chapupu, chakatendeka, hachirevi nhema,” Soromoni anoenderera mberi achidaro, “asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko enhema.” (Zvirevo 14:5) Zvechokwadi kunyepa kwechapupu chenhema kunogona kukuvadza chaizvo. Nabhoti muJezreeri akatemwa nematombo kusvikira afa nokuti varume vaviri, vanhu pasina, vakamupomera zvenhema. (1 Madzimambo 21:7-13) Ko zvapupu zvenhema hazvina here kupomera Jesu zvemanyepo, izvo zvakazoita kuti aurayiwe? (Mateu 26:59-61) Vapomeri venhema vakapomerawo Stefani—mudzidzi waJesu wokutanga kuurayirwa kutenda kwake.—Mabasa 6:10, 11.

Munhu wenhema angasakurumidza kubatwa, asi funga nezveramangwana rake. Jehovha anovenga “rurimi runoreva nhema,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 6:16-19) Mugove womunhu akadaro uchava mudziva rinopfuta moto nesarufa—rufu rwechipiri—pamwe chete nevanhu vanoita zvakaipa vakadai semhondi, zvifeve, uye vanonamata zvidhori.—Zvakazarurwa 21:8.

Chapupu chakatendeka hachinyepi kana chapika. Uchapupu hwacho hauna kusangana nenhema. Zvisinei, izvi hazvirevi kuti chinosungirwa kupa mashoko ose kuna vaya vangada kukuvadza vanhu vaJehovha neimwe nzira. Tateguru Abrahama naIsaka havana kutaura mashoko ose aidiwa kuna vaya vakanga vasingashumiri Jehovha. (Genesi 12:10-19; 20:1-18; 26:1-10) Rakabhi wokuJeriko akatsausa varume vamambo. (Joshua 2:1-7) Jesu Kristu pachake akaramba kutaura mashoko ose pazvingadai zvakakonzera kuti vamwe vatambure pasina chikonzero. (Johani 7:1-10) Akati “Musapa zvinhu zvitsvene kumbwa.” Nei zvakaipa? ‘Kuti dzirege kutendeuka dzokubvamburai.’—Mateu 7:6.

Apo ‘Zivo Inenge Isingatani Kuwanikwa’

Vanhu vose here vane zivo? Zvirevo 14:6 inoti: “Mudadi, unotsvaka uchenjeri, asi hahupo; asi zivo haitani kuwanikwa nevane njere.” Mudadi kana kuti museki, angatsvaka uchenjeri, asi uchenjeri hwechokwadi hunomunzvenga. Sezvo mudadi achiseka uye achizvidza zvinhu zvaMwari nenzira yokuzvikudza, haawani zvinodiwa pakutanga kuti awane uchenjeri—zivo yakarurama yaMwari wechokwadi. Kudada nokuzvikudza kwake zvinomutadzisa kudzidza nezvaMwari ndokuwana uchenjeri. (Zvirevo 11:2) Saka angazvinetserei nokutsvaka uchenjeri? Chirevo chacho hachitauri, asi zvimwe anozviitira kuti vamwe vafunge kuti akachenjera.

“Zivo haitani kuwanikwa” nomunhu akachenjera. Kunzwisisa kunorondedzerwa so“kubata zvinhu nepfungwa: kuziva,” “njere dzokuona kubatana kwakaita zvinhu panyaya.” Injere dzokubatanidza zvinhu zvakasiyana-siyana zvenyaya woona nyaya yacho yose, kwete zvinhu zvisina kunyatsojeka. Chirevo ichi chiri kutaura kuti munhu anokwanisa kuita izvi anowana zivo nyore nyore.

Panyaya iyi chimbofunga nezvokuwana kwawakaita zivo yechokwadi chomuMagwaro. Pawakatanga kudzidza Bhaibheri, chimwe chechokwadi chawakatanga kudzidza chaibatanidza kudzidza nezvaMwari, zvipikirwa zvake uye Mwanakomana wake. Pakutanga, waingonzwisisa dzidziso idzi sezvinhu zvisina kubatana. Asi sezvawakaramba uchidzidza, zvakatanga kubatana uye waigona kuona zvakajeka kuti ruzivo rumwe rwakanga rwakabatana sei nechinangwa chikuru chaJehovha nokuda kwevanhu uye chepasi rino. Chokwadi chomuBhaibheri chakatanga kunzwisisika uye kuva chakabatana. Kudzidza uye kuyeuka zvinhu zvitsva kwakatanga kuva nyore nokuti waigona kuona kubatana kwazvakaita nezvose zvawakanga wava kuziva.

Mambo akachenjera anonyevera nezvokusingawanikwi zivo. “Ibva pamberi pebenzi,” anodaro, “nokuti haungawani miromo yezivo kwaari.” (Zvirevo 14:7) Benzi harina zivo yechokwadi. Harina miromo inotaura zivo. Zano iri nderokubva pamunhu akadaro, uye kuchenjera kusatomboswedera kwaari. “Shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Zvirevo 13:20.

“Uchenjeri hwomunhu wakangwara ndiko kunzwisisa nzira yake,” anoenderera mberi achidaro Soromoni, “asi upenzi hwamapenzi hunonyengedzera.” (Zvirevo 14:8) Munhu akachenjera anofunga zvaanoita. Anoongorora zvinhu zvose pane zvaanogona kusarudza ofungisisa mugumisiro wechimwe nechimwe. Anosarudza nzira yake nokuchenjera. Ko benzi? Rinosarudza nzira youpenzi, richifunga kuti rinoziva zvariri kuita uye kuti riri kusarudza zvakanakisisa. Ufuza hwaro hunorinyengera.

Uchenjeri Pahunoita Kuti Ugarisane Nevamwe

Munhu anotungamirirwa nouchenjeri ane rugare nevamwe. “Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira,” anodaro mambo waIsraeri, “asi pakati pavakarurama pane kufarirana.” (Zvirevo 14:9) Manzwiro anoita munhu anenge aine mhosva, kana kuti kuti ari kuzvidemba, zvinosekesa benzi. Anovhiringidza kugarisana kwake nevamwe kumba nokune dzimwewo nzvimbo nokuti “anozvikudza chaizvo kuti akumbire ruregerero” otsvaka rugare. (The New English Bible) Munhu akarurama anonzwa achida kushivirira kutadza kwevamwe. Akagadzirira kukumbira ruregerero ogadzirisa kana ari iye atadza. Nokuti anotsvaka rugare, anogarisana zvakanaka nevamwe.—VaHebheru 12:14.

Soromoni anozotaura chinhu chinoperevedza pakugarisana kwevanhu. Anoti: “Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo; mweni haangagoverani nomufaro wawo.” (Zvirevo 14:10) Nguva dzose tinogona kuudza vamwe manzwiro atiri kuita mukati-kati chaimo here—kusuruvara kana kuti mufaro—tovaudza chaizvoizvo zvatiri kunzwa? Uye pane munhu anogona kunzwisisa nguva dzose manzwiro ari kuita mumwe here? Mhinduro yemibvunzo yose iyi ndikwete.

Somuenzaniso, chimbofunga nezvepfungwa dzokuda kuzviuraya. Anadzo haawanzodzitauri zvakajeka kunhengo yemhuri kana kuti kushamwari. Uye vamwe havangagoni kuziva zviratidzo zvokuti shamwari dzavo dziri kunzwa saizvozvo. Hatifaniri kunzwa tichizvipa mhosva patinotadza kuona zviratidzo izvi tokundikana kubatsira. Chirevo ichi chinodzidzisawo kuti kunyange zvazvo zvichizorodza kuudza shamwari inonzwira urombo kuti ikukurudzire, zvinogona kuitwa nevanhu pakunyaradza zvine pazvinogumira. Tingatofanira kuvimba naJehovha oga patinenge tichitsungirira zvimwe zvinhu zvakaoma.

“Pfuma Nezvakawanda Zviri Mumba Make”

“Imba yowakaipa ichaparadzwa,” anodaro mambo waIsraeri, “asi tende rowakarurama richafara zvakanaka.” (Zvirevo 14:11) Munhu akaipa angabudirira mumamiriro ezvinhu aripo iye zvino uye angagara muimba yakanaka chaizvo, asi zvichamubatsirei kana iye asisipo? (Pisarema 37:10) Ukuwo, munhu akarurama angagara zvake muimbawo zvayo. Asi “pfuma nezvakawanda zviri mumba make,” rinodaro Pisarema 112:3. Zvii izvozvi?

Kana zvatinotaura nezvatinoita zvichitungamirirwa nouchenjeri, tine “pfuma nokukudzwa,” zvinogara pamwe chete nouchenjeri. (Zvirevo 8:18) Izvi zvinosanganisira kuva norugare naMwari uyewo nevanhu, kunzwa tichigutsikana, uye kunzwa takati gadzikanei. Chokwadi, “tende rowakarurama” rinogona kufara kunyange iye zvino.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Mukadzi akachenjera anovaka imba yake

[Mufananidzo uri papeji 28]

“Rurimi rwowakachenjera runoporesa”