Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvaka Jehovha, Muongorori Wemwoyo

Tsvaka Jehovha, Muongorori Wemwoyo

Tsvaka Jehovha, Muongorori Wemwoyo

“Nditsvakei, murarame.”—AMOSI 5:4.

1, 2. Magwaro paanoti Jehovha “unotarira zviri pamwoyo,” zvinorevei?

JEHOVHA MWARI akaudza muprofita Samueri kuti: “Munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:7) Jehovha “unotarira zviri pamwoyo” sei?

2 MuMagwaro, mwoyo unowanzoshandiswa kumirira zvakaita munhu nechomukati—zvaanoshuva, zvaanofunga, manzwiro aanoita uye zvaanofarira. Naizvozvo Bhaibheri parinotaura kuti Mwari anoona mwoyo, zvinoreva kuti haangotariri zvinooneka kunze chete asi anonyanya kutarira zvakaita munhu wacho chaizvo.

Mwari Anoongorora Israeri

3, 4. Maererano naAmosi 6:4-6, zvinhu zvaiva zvakamira sei muumambo hwendudzi gumi hwaIsraeri?

3 Muongorori wemwoyo paakatarira umambo hwendudzi gumi hwaIsraeri mumazuva aAmosi, Akaonei? Amosi 6:4-6 inotaura nezvevanhu ‘vaizvambarara zvavo pamibhedha yenyanga dzenzou, vachizamura pauvato hwavo.’ Vakanga va“chidya makwayana amapoka, nemhuru dziri mukati mechirugu.” Vanhu vakadaro vakanga vachi“imba nziyo dzisina maturo mbira dzichiridzwa” uye vachi“nwa waini nemidziyo yokubayira.”

4 Pakutanga, izvi zvingaita sezvinhu zvakanaka kwazvo. Vakanyatsodekara zvavo mumisha yavo youtefetefe, vapfumi vainakirwa nezvokudya uye zvokunwa zvakanakisisa uye vaivaraidzwa nezvairidzwa pachishandiswa zviridzwa zvakanakisisa. Vaivawo ne“mibhedha yenyanga dzenzou.” Vanochera matongo vakawana nyanga dzenzou dzakavezwa zvakanaka kwazvo muSamariya, guta guru roumambo hwaIsraeri. (1 Madzimambo 10:22) Zvingangodaro kuti zhinji dzacho dzakanga dziri pafanicha uye dzakaiswa kumadziro.

5. Nei Mwari asina kufara nevaIsraeri vomuzuva raAmosi?

5 Jehovha haana kufara here nokuti vaIsraeri vaigara muutefetefe, vachidya zvokudya zvinonaka, vachinwa waini yakanaka, uye vachiteerera nziyo dzinonakidza? Kwete! Kutaura zvazviri, anogovera zvinhu zvakadaro zvakawanda kuti munhu afare. (1 Timoti 6:17) Zvishuwo zvisina kururama zvaiva nevanhu, mwoyo yavo yakaipa, kuzvidza kwavaiita Mwari, uye kushaya rudo nevamwe vaIsraeri, ndizvo zvisina kufadza Jehovha.

6. Munguva yaAmosi mamiriro ezvinhu ezvokunamata akanga akadini?

6 Vaya ‘vaizvambarara pamibhedha yavo, vachidya makwayana amapoka, vachinwa waini, uye vachigadzira zvinoridzwa zvenziyo’ vaizoshamiswa. Vanhu ivavo vakabvunzwa kuti: “Munoti zuva rakaipa richiri kure” here? Vangadai vakatambudzika nezvemamiriro aiva akaita zvinhu muna Israeri, asi vakanga vasina “hanya nokukuvadzwa kwaJosefa.” (Amosi 6:3-6) Pasinei nokubudirira kwenyika yacho mune zvoupfumi, Mwari akaona kuti Josefa—kana kuti Israeri—akanga ari mumamiriro ezvinhu akaoma mune zvokunamata. Asi vanhu vaiita mabasa avo ezuva nezuva vasina basa nazvo. Vanhu vazhinji nhasi vane mafungiro akadaro. Vangabvuma kuti tiri kurarama munguva dzakaoma, asi kana ivo pachavo vasingavhiringidzwi nazvo, havana hanya nenhamo yevamwe uye havafariri nyaya dzokunamata.

Israeri—Rudzi Rwakanga Ruchiparara

7. Chii chaizoitika kudai vanhu vaIsraeri vaisazoteerera nyevero yaMwari?

7 Bhuku raAmosi rinopa pfungwa yorudzi rwakanga ruchiparara, pasinei nokuoneka kwarwaiita nechokunze. Jehovha aizorega kuvadzivirira pavavengi vavo nokuti vakanga vakundikana kuteerera nyevero dzaMwari uye kugadzirisa maonero avaiita zvinhu. VaAsiriya vaizovabvuta pamibhedha yavo yakanaka kwazvo yenyanga dzenzou vovamanikidza kuti vanova nhapwa. Vakanga vasisiri mumutambarakede!

8. Israeri yakanga yasvika sei pakuva mumamiriro ezvinhu akaipa mune zvokunamata?

8 Rudzi rwaIsraeri rwakanga rwasvika sei pakuva mumamiriro ezvinhu akadaro? Izvi zvakanga zvatanga muna 997 B.C.E., Mambo Soromoni paakatsiviwa nomwanakomana wake Rehobhoamu uye ndudzi gumi dzaIsraeri padzakazviparadzanisa nendudzi dzaJudha naBhenjamini. Mambo wokutanga woumambo hwendudzi gumi dzaIsraeri aiva Jerobhoami I, “mwanakomana waNebhati.” (1 Madzimambo 11:26) Jerobhoami akaudza vanhu vaaitonga kuti kuJerusarema kwaiva kure zvakanyanya kuti vafambe vachienda ikoko kunonamata Jehovha. Zvisinei, akanga asina hanya nevanhu vacho zvechokwadi. Asi akanga achiitira kuti zvaaida iye zvibudirire. (1 Madzimambo 12:26) Jerobhoami akanga achityira kuti kudai vaIsraeri vaizoramba vachienda kutemberi yaiva muJerusarema kumitambo yegore negore yokukudza Jehovha, vaizopedzisira vachinja vava kuvimba noumambo hweJudha. Achiedza kuti izvi zvisaitika, Jerobhoami akamisa mhuru mbiri dzendarama, imwe paDhani uye imwe paBheteri. Nokudaro kunamata mhuru ndiko kwakava chitendero cheNyika muumambo hwaIsraeri.—2 Makoronike 11:13-15.

9, 10. (a) Mambo Jerobhoami I akaronga mhemberero dzipi dzechitendero? (b) Mwari aiona sei mitambo yaiitwa muna Israeri mumazuva aMambo Jerobhoami II?

9 Jerobhoami akaedza kuita kuti chitendero chitsva chacho chive nekaruremekedzo. Akaronga mhemberero dzechitendero dzakanga dzakada kufanana nemitambo yaiitwa kuJerusarema. Pana 1 Madzimambo 12:32, tinoverenga kuti: “Zvino Jerobhoami akarayira mutambo pamwedzi worusere, nezuva regumi namashanu romwedzi, wakanga wakafanana nomutambo waiva kuvaJudha; akabayira paatari; akaitawo saizvozvo paBheteri.”

10 Jehovha haana kumbotendera mitambo yechitendero chenhema yakadaro. Kwapera zana remakore akajekesa izvozvo achishandisa Amosi paitonga Jerobhoami II, uyo akava mambo woumambo hwaIsraeri hwendudzi gumi munenge muna 844 B.C.E. (Amosi 1:1) Maererano naAmosi 5:21-24, Mwari akati: “Ndinovenga nokuzvidza mitambo yenyu, handingatongofadzwi neungano dzenyu dzakatarwa. Zvirokwazvo, kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; handingavi nehanya nezvipiriso zvenyu zvokuonga zvezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa. Bvisai pamberi pangu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu. Asi kururamisa ngakuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira.”

Kufanana Kwazvakaita Nanhasi

11, 12. Ndezvipi zvakafanana pakati pemanamatiro aiitwa muIsraeri yekare neari kuitwa nechiKristudhomu?

11 Zviri pachena kuti Jehovha akaongorora mwoyo yevaya vaiita mitambo yaIsraeri uye akaramba mhemberero dzacho nezvibayiro zvacho. Saizvozvowo nhasi, Mwari anoramba mhemberero dzechihedheni dzechiKristudhomu, dzakadai seKirisimasi neIsita. Kuvanamati vaJehovha, hapagoni kuva nokufambidzana pakati pokururama nokusateerera mutemo, hapana ushamwari pakati pechiedza nerima.—2 VaKorinde 6:14-16.

12 Zvimwe zvakafanana zvinogona kuonekwa pakati pokunamata kunoitwa nechiKristudhomu nokwaiitwa nevaIsraeri vainamata mhuru. Kunyange zvazvo vamwe vanozviti vaKristu vachigamuchira chokwadi cheShoko raMwari, kunamata kwechiKristudhomu hakubvi pakuda Mwari nomwoyo wose. Dai kwaiva kwakadaro, chiKristudhomu chaizoomerera pakunamata Jehovha “nomudzimu nechokwadi” nokuti ndiko kunamata kunomufadza. (Johani 4:24) Uyezve, chiKristudhomu hachibvumiri kuti ‘kururamisira kuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira.’ Pane kudaro, chinoramba chichingorerutsa mitemo yaMwari yetsika. Chinobvumira ufeve nezvimwe zvivi zvakakomba uye chinotosvika pakubvumira kuroorana kwengochani!

‘Idai Zvakanaka’

13. Nei tichifanira kuita zvinoenderana nemashoko aAmosi 5:15?

13 Kune vose vanoda kunamata Jehovha nenzira yaanofarira, anoti: “Vengai zvakaipa, mude zvakanaka.” (Amosi 5:15) Kuda nokuvenga kunzwa kwakasimba kunobva pamwoyo wokufananidzira. Sezvo mwoyo uchinyengera, tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tiuchengetedze. (Zvirevo 4:23; Jeremia 17:9) Kana tikabvumira mwoyo yedu kuti isimudzire zvishuwo zvakaipa, tingatanga kuda zvakaipa uye kuvenga zvakanaka. Uye kana tikagutsa zvishuwo izvozvo nokuva netsika yokuita chivi, chero tikashingaira zvakadini izvozvo hazvizoiti kuti tifarirwe naMwari. Naizvozvo ngatinyengetererei rubatsiro rwaMwari kuti ‘tivenge zvakaipa, tide zvakanaka.’

14, 15. (a) Muna Israeri, ndivanaani vamwe vaiita zvakanaka, asi vamwe vavo vaibatwa sei? (b) Tingakurudzira sei vaya vari mubasa renguva yakazara nhasi?

14 Havasi vaIsraeri vose vaiita zvakanga zvakaipa mumeso aJehovha. Somuenzaniso, Hosea naAmosi ‘vaida zvakanaka’ uye vakashumira Mwari vakatendeka sevaprofita. Vamwe vaiita mhiko dzokuva vaNaziri. Panguva yavairarama sevaNaziri, vakanga vasinganwi zvibereko zvomuzambiringa, kunyanya waini. (Numeri 6:1-4) Vamwe vaIsraeri vaiona sei mararamire okuzvipira evaiita zvakanaka vakadaro? Mhinduro inoshamisa yomubvunzo iwoyo inoratidza kuti rudzi rwacho rwakanga rwaora mune zvokunamata kusvika papi. Amosi 2:12 inoti: “Makapa vaNaziri waini vanwe, nokurayira vaprofita, muchiti: Regai kuprofita.”

15 Pavaiona muenzaniso wokutendeka wevaNaziri nevaprofita, vaIsraeri ivavo vangadai vakanyara uye zvingadai zvakaita kuti vachinje nzira dzavo. Pane kudaro, vasina kana rudo zvavo, vakaedza kuodza mwoyo vakavimbika kuti vasapa mbiri kuna Mwari. Ngatisambokurudzira vaKristu vatinonamata navo vari kupayona, mamishinari, vatariri vanofambira, kana kuti nhengo dzemhuri yeBheteri kuti varege basa ravo renguva yakazara kuti vararamewo upenyu hunonzi hwevanhu vose. Pane kudaro, ngativakurudzirei kuti varambe vachiita basa ravo rakanaka!

16. Nei vaIsraeri vaiva nani mune zvokunamata muzuva raMosesi kupfuura zvavaiva munguva yaAmosi?

16 Kunyange zvazvo vaIsraeri vakawanda vaiva noupenyu hunogutsa muzuva raAmosi, vakanga va“sina kupfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:13-21) Madzitateguru avo akanga angodya mana chete ari murenje kwemakore 40. Akanga asina kudya nzombe dzakakodzwa kana kuti kuzvambarara pamibhedha yenyanga dzenzou. Zvisinei, Mosesi akanga avaudza zvakakodzera kuti: “Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; . . . Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushayiwa chinhu.” (Dheuteronomio 2:7) Hungu, vaIsraeri vaiva murenje nguva dzose vaiwana zvinhu zvavaida zvechokwadi. Chikuru pane zvose, Mwari aivada, aivadzivirira, uye aivakomborera!

17. Nei Jehovha akatungamirira vaIsraeri vekare kupinda muNyika Yakapikirwa?

17 Jehovha akayeuchidza vanhu vairarama munguva yaAmosi kuti Iye ndiye akanga apinza madzitateguru avo muNyika Yakapikirwa uye akanga avabatsira kuti vaparadze vavengi vavo. (Amosi 2:9, 10) Asi nei Mwari akanga abudisa vaIsraeri muIjipiti achivapinza munyika yakapikirwa? Akanga aitira kuti vazorarama upenyu hwoumbozha vagosiya Musiki wavo here? Aiwa! Panzvimbo paizvozvo, akanga aiitira kuti vakwanise kumunamata vari vanhu vakasununguka uye vakachena mune zvokunamata. Asi vagari voumambo hwaIsraeri hwendudzi gumi havana kuvenga zvakaipa ndokuda zvakanaka. Pane kudaro, vakanga vava kupa mbiri kuzvifananidzo zvakavezwa, kwete kuna Jehovha Mwari. Zvinonyadzisa sei!

Jehovha Anoita Kuti Vazvidavirire

18. Nei Jehovha akatisunungura mune zvokunamata?

18 Mwari akanga asiri kuzongoita seasingaoni mufambiro unonyadzisa wevaIsraeri. Akataura maonero aaiita zvakajeka paakati: “Ndichakurovai pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose.” (Amosi 3:2) Mashoko iwayo anofanira kuita kuti tifunge nezvokununurwa kwedu kubva muuranda hweIjipiti yemazuva ano, mamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino. Jehovha haana kutisunungura mune zvokunamata achiitira kuti tiite vavariro dzoudyire. Asi akaitira kuti timurumbidze zvinobva pamwoyo sevanhu vakasununguka vanonamata nenzira yakachena. Tose zvedu tichazvidavirira pamusoro penzira yatiri kushandisa nayo rusununguko rwedu rwatakapiwa naMwari.—VaRoma 14:12.

19. Maererano naAmosi 4:4, 5, ruzhinji rwevaIsraeri rwakanga rwava kuda chii?

19 Zvinosiririsa kuti ruzhinji rwevagari veIsraeri haruna kuteerera shoko rine simba rakataurwa naAmosi. Muprofita wacho akafumura mwoyo yavo yaiva nehosha mune zvokunamata nemashoko aya akanyorwa pana Amosi 4:4, 5, achiti: “Uyai Bheti-eri, mudarike; uyai Girigari, muwedzere kudarika; . . . nokuti ndizvo zvinokufadzai, imi vana vaIsraeri.” VaIsraeri vakanga vasina kusimudzira zvishuvo zvakarurama. Vakanga vasina kurinda mwoyo yavo. Somugumisiro, vazhinji vavo vakanga vava kuda zvakaipa vachivenga zvakanaka. Vanamati vemhuru vakaoma musoro ivavo havana kuchinja. Jehovha aizoita kuti vazvidavirire, uye vaizofira muzvivi zvavo!

20. Munhu angatevedzera sei nzira inoenderana nezviri pana Amosi 5:4?

20 Zvinofanira kunge zvaisava nyore kuti munhu upi noupi aigara muna Israeri mazuva iwayo arambe akatendeka kuna Jehovha. Hazvisi nyore kuita zvakasiyana nevamwe, sokuziva kunoita vaKristu nhasi, vangava vechiduku kana kuti vakura. Asi kuda Mwari uye chido chokumufadza zvakakurudzira vamwe vaIsraeri kuti vanamate nenzira yechokwadi. Jehovha akavakoka noushamwari sezvakanyorwa pana Amosi 5:4, achiti: “Nditsvakei, murarame.” Nhasi, Mwari anonzwirawo ngoni vaya vanopfidza vomutsvaka nokupinza zivo yakarurama yeShoko rake vobva vaita zvaanoda. Hazvisi nyore kutevera nzira iyi, asi kuita izvozvo kunoita kuti tizowana upenyu husingaperi.—Johani 17:3.

Kubudirira Pasinei Nenzara Mune Zvokunamata

21. Inzara yei ichawira vaya vasinganamati nenzira yechokwadi?

21 Chii chakanga chakamirira vaya vasina kutsigira kunamata kwechokwadi? Nzara yakaipisisa—nzara mune zvokunamata! “Mazuva anouya” akadaro Changamire Ishe Jehovha, “andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amosi 8:11) ChiKristudhomu chiri kutandadza nenzara yakadaro mune zvokunamata. Asi nhengo dzacho dzine mwoyo yakatendeseka dzinogona kuona kubudirira kuri kuita vanhu vaMwari mune zvokunamata uye dziri kudirana kusangano raJehovha. Musiyano wezviri kuitika muchiKristudhomu nezviri kuitika kuvaKristu vechokwadi unoratidzwa zvakajeka mumashoko aJehovha anoti: “Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa.”—Isaya 65:13.

22. Nei tichifanira kufara?

22 Sevashumiri vaJehovha, tinoonga here somunhu oga zvatinazvo mune zvokunamata uye zvikomborero zvatinowana? Patinodzidza Bhaibheri nemabhuku echiKristu uye patinopinda misangano yedu, magungano, uye kokorodzano, zvechokwadi tinonzwa tichida kushevedzera nomufaro nokuti mwoyo yedu inenge ichifara. Tinofara kuti tinonzwisisa zvakajeka Shoko raMwari, kusanganisira uprofita hwakafuridzirwa naMwari hwaAmosi.

23. Vaya vanopa Mwari mbiri vanowanei?

23 Kuvanhu vose vanoda Mwari uye vanoda kumupa mbiri, uprofita hwaAmosi hune mashoko anopa tariro. Pasinei nokuti mamiriro edu ezvinhu ezvoupfumi akaita sei kana kuti pasinei nemiedzo yatinofanira kusangana nayo munyika ino yakaipa, isu vanoda Mwari tiri kuwana zvikomborero zvaMwari nezvokudya zvakanakisisa mune zvokunamata. (Zvirevo 10:22; Mateu 24:45-47) Saka mbiri yose inoenda kuna Mwari, uyo anogovera zvinhu zvose kwazvo kuti tifare. Naizvozvo, tose zvedu ngatitsunge kumurumbidza nemwoyo wose nokusingaperi. Iyoyo ichava ropafadzo yedu inofadza kana tikatsvaka Jehovha, Muongorori wemwoyo.

Ungapindura Sei?

• Mumazuva aAmosi zvinhu zvaiva zvakamira sei muIsraeri?

• Mamiriro aiva akaita zvinhu muumambo hwaIsraeri hwendudzi gumi akafanana sei nemamiriro akaita zvinhu nhasi?

• Inzara ipi yakafanotaurwa yavapo zvino, asi ndivanaani vasina nzara iyoyo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 21]

VaIsraeri vakawanda vairarama muumbozha asi havana kubudirira mune zvokunamata

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kurudzira vashumiri venguva yakazara kuti varambe vachiita basa ravo rakanaka

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Vanhu vaJehovha vanofara havana nzara mune zvokunamata